Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUBVUNZO 6

Ndingaita Sei Kuti Ndisafurirwa?

Ndingaita Sei Kuti Ndisafurirwa?

NEI UCHIFANIRA KUZVIZIVA?

Kana ukaratidza zvauri, zvichaita kuti ukwanise kuzvisarudzira zvekuita pane kusarudzirwa nevamwe.

WAIZOITA SEI?

Chimbofungidzira izvi: Mudumbu maBrian munotanga kusunga paanoona vakomana vaviri vaanodzidza navo vachiuya kwaari. Vakatomboedza kumufurira kusvuta fodya kaviri kese vhiki rino. Aka kanenge kava kechitatu.

Mukomana wekutanga anoti:

“Sei uri wega? Imbonzwaka iyi kuti iri sei.”

Anoita kakuchonyera paanenge achiti, “imbonzwaka iyi,” obva abudisa chimwe chinhu muhomwe yake achitambidza Brian.

Brian anoona uri mudzanga wefodya uye anobva awedzera kutya.

“Aiwa shamwari,” Brian anodaro. “Inga wani ndakakuudza kuti handi. . . ”

Mukomana wechipiri anobva ati: “Asi uri kutya?”

Brian anobva azvishingisa oti “Aiwa!”

Mukomana uyu anobva abata Brian papfudzi, otaura zvinyoro-nyoro achiti, “Tora kani.”

Mukomana wekutanga anobva aswededza mudzanga wacho kumeso kwaBrian ozevezera achiti: “Hapana watinomboudza. Hapana anofa akazviziva.”

Dai uriwe Brian waizoita sei?

CHIMBOMIRA UFUNGE!

Shamwari dzaBrian dziri kunyatsoziva here zvadziri kuita, kana kuti kungotevedzerawo vamwe? Dzinenge dziri kungotevedzerawo vamwe. Chii chiri kuita kuti dzidaro? Imhaka yekuti dzinoda kufarirwa.

Kana izvi zvikaitikawo kwauri, ungaitei kuti usafurirwa?

  1. FUNGIDZIRA ZVINOGONA KUITIKA

    Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda, asi vasina zivo vanongopfuura havo vorangwa.”Zvirevo 22:3.

    Kakawanda kacho unogona kuona dambudziko risati raitika. Ngatitii paunenge uchifamba unoona kumberi kwako kuine chikwata chevaunodzidza navo chichisvuta. Kugara wafungidzira zvinogona kuitika kunokubatsira kuti uzive zvekuita.

  2. FUNGA KUTI WOSARUDZA ZVIPI

    Bhaibheri rinoti: ‘Iva nehana yakanaka.’1 Petro 3:16.

    Unogona kufarirwa nevamwe kana ukatevedzera zvavanoita. Asi zvibvunze kuti, ‘Kana ndikavatevedzera ndichazonzwa sei nekufamba kwenguva?’ Ungada here kuvanza zvauri kuti ungofadza vaunodzidza navo?—Eksodho 23:2.

  3. CHIITA ZVAWASARUDZA

    Bhaibheri rinoti: ‘Munhu akachenjera anoita zvinhu akangwarira.’Zvirevo 14:16.

    Muupenyu tinototi tisarudze zvekuita uye tinokohwa zvatinenge tadyara. Bhaibheri rinotaura nezvevarume vakasarudza kuita zvakanaka vakadai saJosefa, Jobho, naJesu. Rinotiudzawo nezvaKaini, Isau naJudhasi avo vakasarudza kuita zvakaipa. Ko iwe uchaitawo sei?

Bhaibheri rinoti: “Munhu akatendeka pazvinhu zvidukuduku akatendekawo pazvinhu zvikuru.” (Ruka 16:10) Kana wava kuziva zvinogona kuguma zvaitika, uye wasarudza zvaunoda kuita, zvichakuitira nyore kuudza vamwe uye uchaona kuti zvinobatsira.

Usanetseka, haufaniri hako kuzotaura zvakawanda. Kungovaudza zvakasimba kuti HANDISI KUDA zvakatokwana. Kana kuti unogona kuratidza kuti hausi kuzochinja zvawasarudza nekutaura zvinotevera:

  • “Itai henyu mega!”

  • “Handiite zvinhu zvakadaro!”

  • “Inga mozviziva wani kuti handiite zvakadaro!”

Kuti ukunde unofanira kukurumidza kupindura uchiratidza kuti hausi kutya. Kana ukadaro, uchatoona kuti vachabva vatosiyana newe!

ZVAUNGAITA KANA UCHISEKWA

Kana ukabvuma kufurirwa, vachakuita chidhori chavo

Uchaita sei kana vamwe vako vakakuseka vachiti, “Uri kutyei, asi uri gwara?” Kana ukaona vachidai ziva kuti ndozvinowanzoitika kana vanhu vachida kukufurira. Pane zvinhu zviviri zvaunogona kuita.

  • Unogona kubvumirana navo. (“Ehe, ndiri kutya!” Ibva wataura chikonzero chako.)

  • Unogona kutovaomesera. Vaudze kuti uri kurambirei, wobva wataura zvinhu zvinoita kuti vashandise pfungwa. (“Nezvamuri izvi handina kumbofunga kuti mungasvuta!”)

Kana vakaramba vachikunetsa, ibva pavari! Yeuka kuti kana ukaramba uripo, vachawedzera kukunetsa. Kubva pavari kucharatidza kuti haudi kuvatevedzera.

Uchida usingadi uchatosangana nevanhu vanofurira vamwe. Asi unogona kutanga nekusarudza zvauchada kuita, wovaudza zvawasarudza, worega kuchinja. Ndiwe unofanira kuzvisarudzira!Joshua 24:15.