Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Midzimu Haina Kurarama Ndokufira Pasi Pano

Midzimu Haina Kurarama Ndokufira Pasi Pano

Midzimu iriko! Munzvimbo yemidzimu isingaoneki, mune yose iri miviri midzimu yakanaka neyakashata. Iyo vanhu vakararama ndokufira pasi pano here?

Aiwa, haisi. Apo munhu anofa, iye haapfuuriri kurarama munyika yemidzimu, sokufunga kunoita vanhu vazhinji. Tinoziva sei ikoku? Nokuti Bhaibheri rinodaro. Bhaibheri ibhuku rezvokwadi inobva kuna Mwari wechokwadi bedzi, ane zita rinonzi Jehovha. Jehovha akasika vanhu; iye anosanoziva chinoitika kwavari apo ivo vanofa.​—Pisarema 83:18; 2 Timotio 3:16.

Adhama akabva muguruva, akadzokera kuguruva

Bhaibheri rinotaura kuti Mwari akaumba Adhama, munhu wokutanga, “neguruva revhu.” (Genesi 2:7) Mwari akamuisa muParadhiso, bindu reEdheni. Kudai Adhama akanga ateerera mutemo waJehovha, angadai asina kufa; aizodai achiri kurarama pasi pano nhasi. Asi apo Adhama akaputsa mutemo waMwari noune, Mwari akati kwaari: “Iwe [ucha]dzokera kuvhu, nokuti iwe wakatorwa kwariri. Nokuti iwe uri guruva uye uchadzokera kuguruva.”​—Genesi 3:19.

Ikoku kunorevei? Eya, Adhama akanga ari kupi Jehovha asati amusika neguruva? Hapana kwaaiva. Iye akanga asati ari mudzimu usati waberekwa mudenga. Akanga asiko. Naizvozvo apo Jehovha akataura kuti Adhama aizo“dzokera kuvhu,” akareva kuti Adhama aizofa. Iye haana kuyambukira kunzvimbo yemidzimu. Parufu, Adhama akavazve asina upenyu, asipo. Rufu ndiko kusavapo kwoupenyu.

Asika zvakadiniko navamwe vakafa? Havasikowo here? Bhaibheri rinopindura, kuti:

  • “Zvose [zvose zviri zviviri vanhu nemhuka] zviri kuenda kunzvimbo imwe. Zvose zvakavapo zvichibva muguruva, uye izvo zvose zviri kudzokera kuguruva.”​—Muparidzi 3:20.

  • “Vakafa . . . havatongozivi chinhu.”​—Muparidzi 9:5.

  • “Rudo rwavo nokuvenga kwavo uye godo ravo zvatoparara.”​—Muparidzi 9:6.

  • “Hamuna basa kana kuti kurangarira kana kuti zivo kana kuti uchenjeri muSheori [guva], nzvimbo yauri kuenda kwairi.”​—Muparidzi 9:10.

  • “[Munhu] anodzokera kuivhu rake; muzuva irero mifungo yake inoparara.”​—Pisarema 146: 4.

Vapenyu bedzi vanogona kuita izvi zvinhu

Unowana aya magwaro akaoma kugamuchira here? Kana zvakadaro, funga pamusoro peizvi: Mumhuri zhinji, murume anotambira mari yokuriritira mhuri yake. Apo murume anofa, mhuri yake inowanzotambura chinetso. Padzimwe nguva mudzimai wake navana havana kunyange mari yakakwana yokutenga zvokudya. Zvimwe vavengi vomurume wacho vachavabata zvisina kufanira. Zvino zvibvunze umene, kuti: ‘Kudai murume iyeyo ari mupenyu munzvimbo yemidzimu, neiko iye asingapfuuriri kugovera mhuri yake? Neiko asingadziviriri mhuri yake pavanhu vakashata?’ Imhaka yokuti magwaro akarurama. Murume iyeyo haana upenyu, haakwanisi kuita chinhu chipi nechipi.​—Pisarema 115:17.

Vakafa havagoni kubetsera vane nzara kana kuti kudzivirira vanyajambwa vokubatwa zvisina kufanira

Ikoku kunoreva kuti vakafa havachazotongovizve vapenyu here? Aiwa, hakusati kuchidaro. Tichataura hedu pamusoro porumuko gare gare. Asi kunoreva kuti vanhu vakafa havazivi zvauri kuita. Havagoni kukuona, kukunzwa, kana kuti kutaura newe. Haudikanirwi kuvatya. Havagoni kukubetsera, uye havagoni kukukuvadza.​—Muparidzi 9:4; Isaya 26:14.