Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Madhimoni Anokurudzira Kupandukira Mwari

Madhimoni Anokurudzira Kupandukira Mwari

Dzimwe tsika dzakavakirwa panhema dzokuti vakafa vanokwanisa kutiona

Asi neiko Satani namadhemoni ake vachishanda nesimba zvikuru kunyengedza vanhu? Nemhaka yokuti vanoda kuti tikumbanire murupandukiro rwavo. Vanoda kuti tivanamate. Vanoda kuti tidavire nhema dzavo uye kuti tiite zvinhu izvo Jehovha asati achida. Mizhinji yeiyi miitiro inobatanidza tsika dzine chokuita navakafa.

Rufu rwomudikanwi ndichinoitika chinorwadza mumwoyo, uye ndekwomuzvarirwo uye kwakakodzera kuratidzira rusuruvaro. Pashure porufu rweshamwari yake Razaro, Jesu “akasvimha misodzi.”—Johane 11:35.

Kune tsika zhinji dzinobatanidzwa norufu, uye idzodzi dzinosiana zvikuru munyika yose. Zhinji hadzirwisani nenheyo dzeBhaibheri. Zvisinei, mimwe miitiro yakavakirwa papfungwa yokuti vakafa vapenyu uye vanokwanisa kuona vapenyu. Kurinda chitunha usiku hwose, kuchema kusingadzorwi, uye zvinoitika zvamariro amaoresa zvose zvakavakirwa parutyo rwokusafadza midzimu yavakafa. Asi sezvo vakafa “vasingazivi chinhu,” avo vanoita zvinhu zvakadaro vari kusimudzira nhema dzaSatani.​—Muparidzi 9:5.

Dzimwe tsika dzakavakirwa panhema dzokuti vakafa vanoda betsero yedu

Dzimwe tsika kana kuti zvinoitika zvinomuka muchitendero chokuti vakafa vanoda betsero inobva kuvapenyu uye vachakuvadza vapenyu kana ivo vasingafadzwi. Mune dzimwe nyika kutsanya uye zvibairo zvinoitwa angava mazuva 40 kana kuti gore rimwe pashure porufu rwomunhu wacho. Ikoku kunofungidzirwa kuva kunobetsera nyakufa kuti a‘yambukire’ kunzvimbo yemidzimu. Mumwe muitiro wakarovedzeka ndowokupa zvokudya nezvokunwa kuvakafa.

Zvinhu izvozvi hazvina kururama nokuti zvinosimudzira nhema dzaSatani pamusoro pavakafa. Jehovha aizotendera kuva kwedu nechinhu chipi nechipi chine chokuita netsika dzakavakirwa padzidziso dzamadhemoni here? Nyangwe!​—2 VaKorinte 6:14-18.

Vabatiri vaMwari wechokwadi havana goverano ipi neipi mumiitiro inotsigira nhema dzaSatani. Panzvimbo pezvo, ivo vanobatikana norudo pakubetsera vapenyu nokuvanyaradza. Vanoziva kuti kana munhu angofa, Jehovha bedzi anogona kubetsera munhu iyeyo.​—Jobho 14:14, 15.

Kutaura Nemidzimu Kunoshurikidzwa naMwari

Vamwe vanhu vanotaura namadhemoni nomutoo wakananga kana kuti kupfurikidza nesvikiro. Ikoku kunonzi kutaura nemidzimu. Mapipi, uroyi, mashiripiti, kuzivisa mhanza, uye kubvunza vakafa zvose zvimiro zvokutaura nemidzimu.

Mwari anoshora izvi zvinhu zvakashata. Anoda kuzvipira kwapoga kwaari amene.​—Eksodho 20:5

Bhaibheri rinoshurikidza zvinhu izvozvi, richiti: “Mauri hamusati muchifanira kuwanika munhu upi noupi . . . anoshandisa kuuka, mushandisi wamashiripiti kana kuti munhu upi noupi anonzvera mashura kana kuti muroyi, kana kuti anosunga vamwe nechitsinga kana kuti munhu upi noupi anobvunza svikiro kana kuti muuki wezvinoitika kana kuti munhu upi noupi anobvunza vakafa. Nokuti munhu ari wose anoita zvinhu izvozvi ndichimwe chinhu chinonyangadza kuna Jehovha.”​—Dheuteronomio 18:10-12.

Neiko Jehovha achitinyevera nomutoo wakasimba zvikuru pamusoro peiyi miitiro?

Nokuda kwegarikano yedu timene, Jehovha anotinyevera pamusoro pezvimiro zvose zvokutaura nemidzimu. Anoda uye anotarisira vanhu, uye iye anoziva kuti avo vanobatanidzwa namadhemoni vanotofanira kutambura.

Mumwe munhu akadaro akanga ari Nilda, uyo akanga ari svikiro muBrazil. Madhemoni akaparira upenyu hwake kuva hworusuruvaro. Iye anorondedzera, kuti: “Midzimu . . . yaindisvikira, ichindiraira kuita chiri chose. Ndakachinja migariro pakati pokuziva nokusaziva, uye ndakanetswa nezvinetso zvendangariro nomuviri. Madhemoni akanditambudza zvikuru kwazvo zvokuti kunzwa kwangu kwakatapurwa. Ndakashandisa mirimo inopodza uye ndakavamba kunwa nokusvuta nguva dzose. Ikoku kwakapfuurira kwamakore.”

Avo vanotaura nemidzimu vanowanzorarama nomutoo wakashata. Ivo vanogona kurasikirwa nomusha wavo, rusununguko rwavo, kunyange upenyu hwavo

Pashure penguva yakati, kupfurikidza nebetsero yaJehovha neZvapupu zvake zviri pasi pano, Nilda akasununguka papesvedzero yamadhemoni uye zvino anorarama upenyu hwakaisvonaka, hunovaka. Iye anoti: “Ndinokurudzira vose, kwete nokuda kwechinoitika chimwe, kusatongova vanobatanidzwa nemidzimu [yakaipa].”