Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Madhemoni Anotaura Zvenhema Kuti Vakafa Vapenyu

Madhemoni Anotaura Zvenhema Kuti Vakafa Vapenyu

Bhaibheri rinotaura kuti Satani ari “kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9) Satani namadhemoni ake havasati vachida kuti isu tidavire Shoko raMwari, Bhaibheri. Vanoedza kuita kuti vanhu vadavire kuti vakafa vapenyu kune imwe nzvimbo iri munzvimbo yemidzimu. Ngationei kuti anoita sei ikoko.

Rudzidziso Rwenhema

Vanhu, mhuka, hove, uye shiri—zvose mweya

Marudzidziso mazhinji anodzidzisa kuti munhu ari wose ane mweya unopfuurira kurarama munzvimbo yemidzimu pashure porufu rwomuviri wenyama. Anotaura kuti muviri unofa asi mweya haufi. Kupfuurirazve, anotaura kuti mweya haugoni kufa, kuti iwo haufi.

Asi Shoko raMwari haridzidzisi kudaro. Bhaibheri rinoratidza kuti mweya ndiye munhu, kwete chimwe chinhu chiri mukati momunhu. Somuenzaniso, mukurondedzera kusikwa kwaAdhama, Bhaibheri rinoti: “Uye Jehovha Mwari akapfuurira kuumba munhu neguruva rinobva muvhu ndokufuridzira mumhino dzake chifemo choupenyu, uye munhu akava mweya mupenyu.” (Genesi 2:7) Naizvozvo Adhama haana kupiwa mweya; iye akanga ari mweya.

Mhuka dzinonziwo mweya.​—Genesi 1:20, 21, 24, 30.

Sezvo shoko reBhaibheri rokuti “mweya” richireva munhu amene, hakusati kuchifanira kutikatyamadza kuziva kuti mweya inogona kufa uye inofa. Magwaro anoti:

  • “Mweya unotadza​—iwo umene uchafa.”​Ezekieri 18:4.

  • “Uye Samsoni akapfuurira kuti: ‘Mweya wangu ngaufe navaFiristia.’”​—Vatongi 16:30.

  • “Ndokwapamutemo here pasabata kuita basa rakanaka kana kuti kuita basa rakashata, kuponesa kana kuti kuuraya mweya?”​Marko 3:4.

Bhaibheri rinoratidza kuti mweya hausati uri usingafi

Mamwe magwaro anoratidza kuti mweya inogona kuparadzwa (Genesi 17:14), kuurawa nomunondo (Joshua 10:37), kudzipwa (Jobho 7:15), uye kunyudzwa (Jona 2:5). Nokudaro, mweya unofa.

Kana ukarava Bhaibheri kubvira kubutiro kusvikira kubutiro, hausati uchizotongowana chikamu chamashoko chokuti “mweya usingafi.” Mweya womunhu hausati uri mudzimu. Dzidziso yomweya usingafi haisati iri dzidziso yeBhaibheri. Idzidziso yaSatani namadhemoni ake. Jehovha anovenga nhema dzose dzorudzidziso.​—Zvirevo 6:16-19; 1 Timotio 4:1, 2.

Masvikiro

Madhemoni anoedzesera chaizvoizvo kuva midzimu yavakafa

Imwe nzira iyo Satani anotsausa nayo vanhu iri kupfurikidza namasvikiro. Svikiro munhu anokwanisa kugamuchira mashoko nomutoo wakananga kubva kunyika yemidzimu. Vanhu vazhinji kwazvo, kubatanidza masvikiro amene, vanodavira kuti aya mashoko anobva kumidzimu yavakafa. Asi sezvataona muBhaibheri, ikoku hakubviri.​—Muparidzi 9:5, 6, 10.

Ko zvino, aya mashoko anobva kuna vanaani? Madhemoni amene! Madhemoni anokwanisa kucherekedza munhu apo anenge ari mupenyu; anoziva mataurire aiita munhu wacho, zvaairatidzika kuva, zvaaiita, uye zvaaiziva. Naizvozvo kuri nyore kwaari kutevedzera vanhu vakafa.​—1 Samueri 28:3-19.

Nhau Dzenhema

Imwe nzira iyo Satani anosimudzira nayo nhema pamusoro pavakafa iri kupfurikidza nenhau dzenhema. Nhau dzakadaro dzinowanzotsausa vanhu pazvokwadi yeBhaibheri.​—2 Timotio 4:4.

Vamwe vanofunga kuti vaona vanhu vadzoka kubva muvakafa

MuAfrica mune nhau zhinji dzinotaurwa pamusoro pavanhu vakaonwa vari vapenyu pashure pokunge vafa. Chaizvoizvo, kuonwa kwakadaro kunoitwa kure nouko munhu wacho aigara. Asi zvibvunze umene, kuti: ‘Kunoratidzika kuva kune mufungo kuti kudai munhu akanga ane simba rokudzoka kubva muvakafa, aizodzokera kunzvimbo iri kure nemhuri yake neshamwari here?’

Uyewo, hakungavi here kuti munhu wacho akaonwa akangotodzana zvake nomunhu akanga afa? Somuenzaniso, vashumiri vaviri vechiKristu vakanga vachiparidzira munharaunda yokumaruwa vakaona mumwe mukweguru uyo akavatevera kwamaawa akati. Apo ivo vakamubvunza, vakaziva kuti murume wacho akafunga kuti mumwe wavashumiri vacho akanga ari munun’una wake akanga afa makore akapfuura. Chokwadika, akanga asina kururama, asi iye akaramba kudavira kuti akanga asina kururama. Fungidzira nhau iyo mukweguru wacho gare gare akaudza shamwari dzake navavakidzani!

Zviono, Zviroto, Uye Manzwi

Madhemoni anotsausa kupfurikidza nezviroto, zviono, uye manzwi

Pasina panikiro iwe unoziva pamusoro pezvinhu zvechienzi izvo vanhu vakaona, kunzwa, kana kuti kurota. Zvinoitika zvakadaro zvinopfuura simba rohunhu zvinowanzotyisidzira avo vanozviona. Marein, uyo aigara kuMadokero eAfrica, aigaronzwa inzwi rambuya vake mushakabvu richimudana usiku. Atyisidzirwa, Marein aizhamba, achimutsa mhuri yavo yose. Pakupedzisira, iye akapenga.

Zvino, kudai vakafa vaiva vapenyu chaizvoizvo, kune mufungo here kuti ivo vaizotyisidzira vadikanwi vavo? Chokwadika nyangwe. Manyuko amashoko anokuvadza akadaro ndiwo madhemoni.

Asi zvakadiniko namashoko anoratidzika kuva anobetsera naanonyaradza? Somuenzaniso, Gbassay, wokuSierra Leone, akanga achirwara. Akava nechiroto umo baba vake mushakabvu vakaoneka kwaari. Vakamuraidza kuenda kune mumwe muti, kutora shizha, kurivhenganisa nemvura, ndokurinwa. Iye akanga asingafaniri kutaura nomunhu upi noupi asati aita saizvozvo. Akaita izvozvi ndokunaya.

Mumwe mukadzi akataura kuti murume wake akaoneka kwaari humwe usiku pashure pokunge iye afa. Iye akataura kuti iye airatidzika kuva akanaka zvikuru uye akanga akapfeka zvipfeko zvakaisvonaka.

Mashoko akadaro nezviono zvinoratidzika kuva zvakanaka nezvinobetsera. Zvinobva kuna Mwari here? Aiwa, hazvisati zvichidaro. Jehovha ndi“Mwari wezvokwadi.” (Pisarema 31:5) Haasati aizotongobvumira kutinyengedza kana kuti kutinyengera. Madhemoni bedzi ndiwo anoita kudaro.

Asika kune madhemoni akanaka here? Aiwa. Kunyange zvazvo angaratidzika kuva anobetsera pane dzimwe nguva, ose zvawo akashata. Apo Dhiabhorosi akataura naEvha, akaratidzika kuva ane ushamwari. (Genesi 3:1) Asi chii chakava muuyo kwaari pashure pokunge amuteerera ndokuita izvo iye akataura? Akafa.

Satani akataura kuti Evha haasati aizofa. Evha akamudavira, asi pakupedzisira iye akafa

Iwe unoziva kuti hakusi kwechienzi kuti munhu akaipa ave noushamwari kuna avo vaanoda kunyengedza nokunyengera. “Zino irema, rinosekerera nowarisingadi,” chinodaro chimwe chirevo cheAfrica. Uye Shoko raMwari rinoti: “Satani amene anoramba achizvishandura amene kuva ngirozi yechiedza.”​—2 VaKorinte 11:14.

Mwari haasati achataurazve navanhu pasi pano kupfurikidza nezviroto, zviono, kana kuti manzwi anobva munyika yemidzimu. Iye anovatungamirira uye anovarairidza kupfurikidza neBhaibheri, iro rinogona kuita kuti munhu ave “akashongedzerwa zvakakwana nokuda kwebasa riri rose rakanaka.”​—2 Timotio 3:17.

Nokudaro, apo Jehovha anotinyevera pamusoro penyengedzo dzaDhiabhorosi, anoita kudaro nokuti iye anotida. Iye anoziva kuti madhemoni vavengi vane ngozi.