Nguva Yemberi Inoshamisa
Satani namadhemoni ake havasati vachizonyengedza rudzi rwomunhu kwenguva refu zvikuru. Jehovha akatovabudisira kunze kwedenga. (Zvakazarurwa 12:9) Munguva yemberi iri pedyo, Mwari achaitazve chiito mukurwisana naSatani namadhemoni ake. Muchiono chakabva kuna Mwari, muapostora Johane akati: “Uye ini ndakaona ngirozi ichiburuka kudenga ine chikiinuriso chegomba rakadzika-dzika nengetani muruoko rwayo. Uye yakabata dragoni, nyoka yapakuvamba, iyo iri Dhiabhorosi naSatani, ndokumusunga kwamakore ane chiuru. Uye iyo yakamukandira mugomba rakadzika-dzika ndokuripfiga nokurinamira pamusoro pake, kuti agorega kutsausazve marudzi kusvikira makore ane chiuru aguma.” (Zvakazarurwa 20:1-3) Gare gare, Dhiabhorosi namadhemoni ake vachaparadzwa nokusingaperi.—Zvakazarurwa 20:10.
Vanhu vakashata vari pasi pano vachaparadzwawo.—Pisarema 37:9, 10; Ruka 13:5.
Vakafa Vachararamazve!
Pashure pokunge Satani namadhemoni ake vabviswa, Jehovha achaunza zvikomborero zvizhinji kurudzi rwomunhu. Uchayeuka kuti vakafa havana upenyu, havasati varipo. Jesu akaenzanisira rufu nehope—hope huru dzisina zviroto. (Johane 11:11-14) Iye akaita izvozvo nokuti iye aiziva kuti nguva yaizouya apo avo vavete murufu vaizomutsirwa kuupenyu. Iye akati: “Nguva inouya umo avo vose vari muhwiro hweyeuko . . . vachabuda.”—Johane 5:28, 29; enzanisa naMabasa 24:15.
Ivo vachamutsirwa kuupenyu pano pasi pano. Panzvimbo pezviziviso zvokuti vanhu vafa, mishumo inofadza ichataura nezvaavo vadzorerwa kuupenyu! Haiwa uchava mufaro wakadini kugamuchira vadikanwi vanodzoka kubva kumakuva!