Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Paradhiso Yapasi

Paradhiso Yapasi

Jehovha achabvisa chose chose ushati hwose uhwo Satani akaita. Jehovha akaita Jesu Mambo pamusoro papasi rose. Muubati ushe hwake, pasi richaitwa paradhiso.​—Dhanieri 7:13, 14; Ruka 23:43.

Jehovha anopikira zvinhu izvi:

  • ZVOKUDYA ZVAKAWANDA: “Pasi iro rimene zvamazvirokwazvo richabereka zvibereko zvaro; Mwari, Mwari wedu, achatikomborera.” “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pano; pamusoro pamakomo pachava nokufashukira.”—Pisarema 67:6; 72:16.

  • HAKUCHINAZVE HONDO: “Uyai, imi vanhu, onai mibato yaJehovha, marongere aakaita zvinhu zvinoshamisa pasi pano. Iye ari kugumisa hondo kusvikira kumugume-gume wapasi.”​—Pisarema 46:8, 9.

  • HAKUNA VANHU VAKASHATA: “Nokuti vanoita zvakaipa vamene vachagurwa . . . Uye kwasara chinguva chiduku, uye wakaipa haachazovipozve; uye zvamazvirokwazvo ucharereudzira ngwariro kunzvimbo yake, uye iye haasati achizovapo.”​—Pisarema 37:9, 10.

  • HAKUCHINA CHIRWERE, RUSURUVARO, KANA KUTI RUFU: “Panguva iyeyo meso amapofu achasvinudzwa, uye nzeve dzimene dzematsi dzichadziurwa. Panguva iyeyo unokamhina uchakwakuka sezvinoita nondo, uye rurimi rwembeveve ruchadanidzira mumufaro.”​—Isaya 35:5, 6.

    “Uye Mwari amene achava navo. Uye iye achapukuta musodzi uri wose pameso avo, uye rufu haruchazovipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazovipozve. Zvinhu zvekare zvapfuura.”​—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Mukusafanana naSatani namadhemoni ake, Jehovha haatongorevi nhema. Chinhu chiri chose chaanopikira chinofanira kuitika. (Ruka 1:36, 37) Jehovha anokuda uye anoda kuti iwe urarame muParadhiso yaachaita. Naizvozvo onana neZvapupu zvaJehovha kuti udzidze zvakawanda pamusoro pezvokwadi dzinoshamisa dzinowanwa muShoko raMwari. Kana ukashandisa zvokwadi muupenyu hwako, uchasunungurwa muusungwa hwenhema, kudavira mashura, uye kusaziva. Pashure penguva yakati, uchatosunungurwa muusungwa hwechivi norufu. Sokutaura kwakaita Jesu: “Imi muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”​—Johane 8:32.