Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 6

Mwari Anofadzwa Nemachechi Ose Here?

Mwari Anofadzwa Nemachechi Ose Here?

1. Maererano neShoko raMwari, ndezvipi zvitendero zviviri chete zviripo?

“PINDAI nepasuo rakatetepa,” Jesu akadaro, “nokuti mugwagwa unoenda mukuparadzwa wakafara uye wakapamhama, vakawanda ndivo vanopinda nawo; asi suo rakatetepa uye mugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.” (Mateu 7:13, 14) Maererano neShoko raMwari, kunongova nezvitendero zviviri chete: chimwe chechokwadi, chimwe chenhema; chimwe chakarurama, chimwe chisina kururama; chimwe chinoenda kuupenyu, chimwe chinoenda mukuparadzwa.

2. Magwaro anoratidza sei kuti hazvisi zvitendero zvose zvinofadza Mwari?

2 Vamwe vanhu vanofunga kuti zvitendero zvose zvinofadza Mwari. Ndima dzeBhaibheri dzinotevera dzinoratidza kuti ichi hachisi chokwadi:

  • “Vana vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira vanaBhaari navanaAshtaroti navamwari vevaSiria, navamwari veSidhoni, navamwari vaMoabhi, navamwari vevana vaAmoni, navamwari vavaFiristia; vakarasha Jehovha, vakasamushumira. Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsraeri.” (Vatongi 10:6, 7) Kana tichinamata zvidhori kana mumwe mwari asiri Mwari wechokwadi, Jehovha haazofadzwi nesu.

  • “Vanhu ava vanondikudza [ini Mwari] nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Vanoramba vachindinamata pasina, nokuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.” (Mako 7:6, 7) Kana vanhu vanoti vanonatama Mwari vachidzidzisa pfungwa dzavo panzvimbo pezvinodzidziswa neBhaibheri, kunamata kwavo hakubatsiri. Mwari haafadzwi nako.

  • “Mwari Mudzimu, uye vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:24) Kunamata kwedu kunofanira kuenderana nechokwadi cheShoko raMwari.

Zvibereko Zvemachechi Enhema

3. Ndeipi imwe nzira yokusiyanisa nayo chitendero chechokwadi nechenhema?

3 Tingaziva sei kana chechi ichifadza Mwari kana kuti kwete? Jesu akati: “Muti wose wakanaka unobereka chibereko chakanaka kwazvo, asi muti wose wakaora unobereka chibereko chisingabatsiri . . . Saka muchaziva vanhu ivavo nezvibereko zvavo.” Nemamwe mashoko, kana chechi iri yaMwari, ichabereka zvibereko zvakanaka; asi kana chechi iri yaSatani, ichabereka zvibereko zvakashata.—Mateu 7:15-20.

4. Chii chinoratidzwa nevanamati vaJehovha?

4 Chechi yechokwadi inobereka vanhu vanodanana uye vanoda vamwe. Izvi zvinodaro nokuti Jehovha pachake ndiMwari ane rudo. Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.” Machechi anoita sei pachiyereso ichi chokunamata kwechokwadi?—Johani 13:35; Ruka 10:27; 1 Johani 4:8.

5. Imwe enisaikoropidhiya yakarondedzera sei kutengeswa kwevaranda muAfrica?

5 Funga nezvokutengeswa kwaiitwa varanda muAfrica. The New Encyclopædia Britannica inoti: “Vanhu vomuAfrica vanenge 18 000 000 vakatengeswa sevaranda nevaMuslim vachipfuudzwa nomugwenga reSahara vamwe vachiyambutswa Indian Ocean pakati pa1650 na1905. Muhafu yechipiri yezana remakore rechi15 vanhu vokuEurope vakatanga zvokutengesa nechokumuganhu wokumadokero kweAfrica, uye pakasvika 1867 vanhu vomuAfrica vari pakati pe7 000 000 ne10 000 000 vakanga vatumirwa sevaranda kuNew World.”

6. Machechi aibatanidzwa sei mukutengeswa kwevaranda?

6 Machechi akaitei munguva iyi yenyonganyonga muAfrica apo varume, vakadzi, nevana vaibviswa mumisha yavo nomumhuri dzavo, vaisungwa necheni, vachipiswa nesimbi, uye kutengwa nokutengeswa semombe? Bethwell Ogot anonyora muDaily Nation rokuNairobi, Kenya kuti: “VaKristu nevaIslam vose vanodzidzisa chitendero chokubatana kwevanhu, asi vose vakaita kuti pave nenzanga dzinochengeta varanda dzakazadzwa noruvengo rwemamwe marudzi. . . . Tinofanira kubvuma mhosva ine vaMuslim nevaKristu, pakati peMadokero neMiddle East, uye kusaziva tsika kwakatungamirira kudambudziko risingayereki revanhu vomuAfrica kwemazana emakore.”

Machechi Nehondo

7. Chii chakaitwawo nevatungamiriri vemachechi muhondo?

7 Machechi enhema akaratidza zvibereko zvawo zvakaora nedzimwezve nzira. Somuenzaniso, kunyange Bhaibheri richitaura nezvo“kuda muvakidzani wako,” vatungamiriri vemachechi pasi pose vakashingaira kutsigira nokukurudzira hondo.—Mateu 22:39.

Machechi enhema akabatanidzwa muhondo nomukutengeswa kwevaranda

8. (a) Vatungamiriri vemachechi vakakurudzira sei kuuraya mukurwisana kwomuAfrica? (b) Mumwe mufundisi akati chii nezvevatungamiriri vemachechi muhondo yevagari vomuNigeria?

8 Zvinonyatsozivikanwa kuti muna 1994, mamwe masisita nevapristi vakabatanidzwawo mukuuraya vanhu muRwanda. Machechi akabatanidzwa zvikuru mune kumwezve kurwisana muAfrica. Somuenzaniso, mukurwisana kwevagari vomunyika kwakadeura ropa rakawanda muNigeria, machechi kumativi ose akakurudzira vanhu kurwa. Sezvo hondo iyoyo yakaenderera mberi, mumwe mufundisi akataura kuti vatungamiriri vemachechi vakanga “vasendeka basa ravakapiwa naMwari.” Akati zvakare: “Isu tinozviti vashumiri vaMwari tava vashumiri vaSatani.”

9. Bhaibheri rinotii nezvevashumiri vaSatani?

9 Ndizvo zvinotaurawo Bhaibheri, kuti: “Satani anoramba achizvishandura kuva ngirozi yechiedza. Naizvozvo hachisi chinhu chikuru kana vashumiri vake vachiramba vachizvishandurawo kuva vashumiri vokururama.” (2 VaKorinde 11:14, 15) Sezvo vanhu vakawanda vakaipa vachiedzesera kuva vanhu vakanaka, Satani anonyengedza vanhu nevafundisi vanoita sevakarurama asi mabasa avo akaipa uye vane zvibereko zvakaora.

10. Vatungamiriri vemachechi vakaramba Mwari munzira ipi?

10 Pasi pose, vatungamiriri vemachechi vakaparidza rudo, rugare, nokunaka, asi ivo vakavenga, vakarwa, uye vakapesana naMwari. Bhaibheri rinovarondedzera zvakanaka. Rinoti: “Vanozivisa pachena kuti vanoziva Mwari, asi vanomuramba nemabasa avo.”—Tito 1:16.

Budai mu“Bhabhironi Guru”

11. Bhaibheri rinorondedzera sei chitendero chenhema?

11 Tikaverenga bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa tinogona kuona zvinofungwa naJehovha maererano nechitendero chenhema. Imomo, chitendero chenhema chinorondedzerwa somukadzi wokufananidzira, “Bhabhironi Guru.” (Zvakazarurwa 17:5) Ona kuti Mwari anomurondedzera sei:

  • “Hure guru . . . iro madzimambo apasi akaita ufeve naro.” (Zvakazarurwa 17:1, 2) Pane kutendeka kuna Mwari, machechi enhema akapindira mune zvematongerwe enyika, achiwanzoudza hurumende zvokuita.

  • “Mariri makawanikwa ropa revaprofita nerevatsvene nerevose vakaurawa pasi pano.” (Zvakazarurwa 18:24) Machechi enhema akatambudza nokuuraya vashumiri vakatendeka vaMwari uye ane mhosva yokufa kwemamiriyoni evanhu muhondo.

  • “Rakazvipa mbiri . . . rikararama muumbozha hwokusanyara.” (Zvakazarurwa 18:7) Machechi enhema ane pfuma yakawanda, inoshandiswa nevatungamiriri vacho kurarama muumbozha.

  • “Marudzi ose akatsauswa netsika [yaro] yokuita zvemidzimu.” (Zvakazarurwa 18:23) Nokudzidzisa kwacho nhema dzokuti mweya haufi, chitendero chenhema chakavhura musuo wokuita zvemidzimu zvorudzi rwose nouroyi uye chakaita kuti vanhu vatye vakafa uye vanamate madzitateguru.

12. Inyeveroi inopiwa neBhaibheri maererano nechitendero chenhema?

12 Richinyevera zvakasimba vanhu kuti vasiyane nechitendero chenhema, Bhaibheri rinoti: “Budai mariri, vanhu vangu, kana musingadi kugoverana naro muzvivi zvaro, uye kana musingadi kuwana mamwe ematambudziko aro.”—Zvakazarurwa 18:4, 5.

13. Chii chichaitika kuchitendero chenhema nevaya vanonamata machiri?

13 Munguva pfupi iri kutevera, Bhabhironi Guru, sangano renyika yose rezvitendero zvenhema, richaparadzwa zvachose. Bhaibheri rinoti: “Matambudziko aro achauya nezuva rimwe, rufu nokuchema nenzara, uye richaroromeswa nemoto, nokuti Jehovha Mwari, akaritonga, akasimba.” (Zvakazarurwa 18:8) Kuti tisawane mamwe ematambudziko aro, tinofanira kurega zvachose kubatana nechitendero chenhema, tosiyana nemiitiro, mhemberero, nezvitendero zvisingafadzi Mwari. Ndezvokukurumidzira. Upenyu hwedu hwava mungozi!—2 VaKorinde 6:14-18.