Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 7

Ndivanaani Vari Muchechi Yechokwadi?

Ndivanaani Vari Muchechi Yechokwadi?

1. Tinofanira kuitei kuti tifadze Mwari?

KUTI tive noukama hwoushamwari uye hune rudo naMwari, hatimbofaniri kunamata muchechi yenhema. Tinofanira kunamata muchechi yechokwadi. Nhasi mamiriyoni evanhu pasi pose ari kuita izvozvo.

2. Zvapupu zvaJehovha zvingawanikwepi, uye basa razvo nderei?

2 Sezvakafanotaurwa neBhaibheri, vanamati vechokwadi vanoumba “boka guru revanhu” rakabva “kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” (Zvakazarurwa 7:9) Munyika 235, mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha ari kushingaira kubatsira vamwe kudzidza nezvenzira dzorudo dzaJehovha nezvaanoda.

Kuziva Vanamati Vechokwadi

3. Zvapupu zvaJehovha zvinonamata ani, uye kunamata kworudzii kwazvisingaiti?

3 Zvapupu zvinobvuma kuti Jehovha oga ndiye akakodzera kunamatwa. Zvinoramba kukotamira zvidhori kana mifananidzo yechechi. (1 Johani 5:21) Hazvikudzi vakafa nokupupudza kana kuita mimwe mitambo inotsigira zvinodavirwa mumachechi enhema uye “dzidziso dzemadhimoni.” (1 Timoti 4:1) Zvisinei, zvinonyaradza vaya vakafirwa nokutsanangura chipikirwa chaMwari chokuti vakafa vachamuka muparadhiso yepasi.—Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15.

4. Vanhu vaMwari vanoona sei mashiripiti?

4 Zvapupu hazviiti zvemashiripiti, kana uroyi, zvichiziva kuti miitiro iyi ndeyaDhiyabhorosi. Hazvivimbi kuti zvinogona kudzivirirwa nemashiripiti—zvinovimba naJehovha.—Zvirevo 18:10.

5. Zvapupu zvaJehovha ‘hazvisi rutivi rwenyika’ munzira ipi?

5 Jesu akati vadzidzi vake havaizova “rutivi rwenyika.” (Johani 17:16) Jesu pachake akaramba kupinda mune zvematongerwe enyika zvomuzuva rake. (Johani 6:15) Saizvozvowo, Zvapupu hazviiti zvematongerwe enyika, zvokusarura mamwe marudzi, uye zvokurwira zvinzvimbo kunoitwa munyika ino. Zvisinei, zvinobhadhara mitero uye zvinoteerera mitemo yomunyika mazvinogara.—Johani 15:19; VaRoma 13:1, 7.

6. Vashumiri vaMwari vanotevera nhungamiro dzipi dzine chokuita nokuroora nokurambana?

6 Nokuti zvinoteerera kutungamirira kwehurumende, Zvapupu zvinova nechokwadi chokuti michato yazvo inonyoreswa. (Tito 3:1) Zvinoteerera zvinorayirwa naMwari, saka hazviiti barika. (1 Timoti 3:2) Uyezve, sezvo vachishandisa nheyo dzemitemo yeBhaibheri muupenyu hwavo, kashoma kuti vashumiri vaMwari vaone michato yavo ichiguma nokurambana.

7. Zvapupu zvinoratidzirana sei rudo?

7 Zvapupu zvinodanana. Rudo urwu, pamwe chete nokuda kwazvinoita Mwari, runozvibatanidza muukama hwechokwadi, kunyange zviri zvemadzinza nemarudzi akawanda. Panoitika njodzi kana kuti pakava nevanoshayiwa, Zvapupu zvinokurumidza kuyamurana. Zvapupu zvinoratidza rudo mumararamiro azvo.—Johani 13:35.

Zvapupu zvaJehovha zvakabatana muukama hwenyika yose

8. Vanhu vaMwari vanodzivisa miitiro ipi yakaipa?

8 Vanhu vaJehovha vanoshanda nesimba kuti vararame upenyu hwokutendeseka, hwakarurama. Havabi, havanyepi, havaiti unzenza, havadhakwi, uye havaiti mabhizimisi okusatendeseka. Varume havarovi madzimai avo. Vasati vava Zvapupu, vamwe vaiita zvinhu izvi, asi vachibatsirwa naJehovha, vakarega. ‘Vakagezwa vakachena’ mukuona kwaMwari.—1 VaKorinde 6:9-11.

Vanoita Kuda kwaMwari

9. Rimwe bhuku rakati chii nezvemachechi omweya omuAfrica?

9 Ichokwadi kuti machechi akawanda anoti ane chokwadi. Angataura nezvemabasa anoshamisira kuti atsigire zvaanotaura. Somuenzaniso, nezveanonzi machechi omweya muAfrica, rimwe bhuku rinoti: “Zvaiitwa nomunhu wemashiripiti ndizvo zvava kuitwa ne[mapoka matsva echiKristu]. . . . Anoti anoprofita nokuita zvishamiso. Vaprofita vari pakati pavo vanoita zviratidzo nokududzira zviroto. Vanoshandisa yavanoti mvura tsvene, mafuta anoera, madota, makenduru nezvinonhuwira uye kusungira tambo kuti varape nokudzivirira zvirwere.”

10, 11. Nei zvinonzi zvishamiso mazuva ano zvisingaratidzi kuti chechi ndeyaMwari?

10 Vanhu vomumachechi aya vanoti zvishamiso zvinoratidza kuti chechi yavo inopiwa simba naMwari. Asi zvavanoti zvishamiso hazvisizvo zvinoratidza kuti chechi inofarirwa naJehovha. Satani anopa simba kune vamwe vanamati venhema kuti vaite ‘mabasa esimba.’ (2 VaTesaronika 2:9) Uyezve, Bhaibheri rakafanotaura kuti zvipo zvinoshamisa zvinobva kuna Mwari, zvakadai sokuprofita, kutaura nendimi, uye zivo isiri yenguva dzose, zvaizo“gumiswa.”—1 VaKorinde 13:8.

11 Jesu akati “Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi iye anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga. Vakawanda vachati kwandiri nezuva iroro, ‘Ishe, Ishe, hatina kuprofita muzita renyu, nokudzinga madhimoni muzita renyu, nokuita mabasa akawanda esimba muzita renyu here?’ Asi ipapo ndichavataurira pachena kuti: Handina kumbokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.”—Mateu 7:21-23.

12. Ndivanaani vachapinda muUmambo hwokudenga?

12 Saka, ndivanaani vachapinda muUmambo hwokudenga? Ndeavo vanoita kuda kwaJehovha.

Vaparidzi voUmambo hwaMwari

13. Ibasa ripi iro Mwari anoti vanhu vake vaite nhasi, uye ndivanaani vari kuriita?

13 Mwari anodei kuvanhu vake nhasi? Jesu akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.” (Mateu 24:14) Iri ndiro basa riri kuitwa neZvapupu zvaJehovha zvichishingaira.

14. Umambo hwaMwari chii, uye ndivanaani vachatonga muUmambo hwacho?

14 “Mupasi rose rinogarwa,” Zvapupu zvaJehovha zvinozivisa Umambo hwaMwari sehurumende yokudenga ichatonga pasi rose mukururama. Zvinodzidzisa kuti Jehovha akagadza Jesu kuti ave Mambo woUmambo ihwohwo, pamwe chete nevamwe 144 000 vaanotonga navo vakasarudzwa muvanhu.—Dhanieri 7:14, 18; Zvakazarurwa 14:1, 4.

15. Umambo huchaparadzei?

15 Zvichishandisa Bhaibheri, Zvapupu zvinoratidza vanhu kuti Umambo hwaMwari huchaparadza nyika yose yaSatani. Chitendero chenhema nedzidziso dzacho dzinozvidzisa Mwari dzichipa Dhiyabhorosi mbiri zvichava zvisisipo! (Zvakazarurwa 18:8) Chichava chisisipowo ihurumende dzevanhu dzinopikisana naMwari!—Dhanieri 2:44.

16. Ndivanaani vachatongwa naKristu Jesu, uye vachagara kupi?

16 Uyezve, Zvapupu zvaJehovha zvinozivisa kuti Kristu Jesu achaunza zvikomborero zvakaisvonaka kune vose vanoita zvinodiwa naMwari. Ndivo vaachatonga pasi pano. Bhaibheri rinopikira kuti: “Ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi.”—Pisarema 72:12, 13.

17. Ndivanaani chete vari kuzivisa Umambo hwaMwari?

17 Hapana rimwezve boka revanhu rinoita kuda kwaMwari nokuparidza mashoko akanaka oUmambo. Zvapupu zvaJehovha chete ndizvo zviri kuzivisa Umambo hwaMwari pasi pose.