Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 12

Taura ‘Zvakanaka, Zvinovaka’

Taura ‘Zvakanaka, Zvinovaka’

“Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi shoko rakanaka rinovaka panguva yakakodzera, kuti vanonzwa vabatsirwe.”—VAEFESO 4:29.

1-3. (a) Ndechipi chimwe chezvipo zvakanaka zvatakapiwa naJehovha? Tinogona kuchishandisa sei zvisiri izvo? (b) Tinofanira kushandisa sei chipo chekutaura?

BABA vanopa mwana wavo mukomana bhasikoro. Vanofara chaizvo kuti vapa mwana wavo chipo ichocho chinokosha. Asi vanonzwa sei vakaona mwana wacho achichovha bhasikoro racho asingangwariri, odhumha mumwe munhu omukuvadza?

2 Jehovha ndiye Mupi “[wezvipo] zvese zvakanaka nezvipo zvese zvakakwana.” (Jakobho 1:17) Chimwe chezvipo zvakanaka zvaakatipa kukwanisa kwatinoita kutaura. Chipo chekutaura chinotibatsira kubudisa zviri mupfungwa nemwoyo. Tinokwanisa kutaura zvinhu zvinobatsira vanhu uye zvinoita kuti vafare. Asi zvatinotaura zvinogonawo kukuvadza vamwe uye kuvarwadzisa.

3 Zvatinotaura zvine simba chaizvo, saka Jehovha anotidzidzisa kushandisa zvakanaka chipo chekutaura. Anotiudza kuti: “Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi shoko rakanaka rinovaka panguva yakakodzera, kuti vanonzwa vabatsirwe.” (VaEfeso 4:29) Ngationgororei kuti tingashandisa sei chipo ichi chakabva kuna Mwari nenzira ichaita kuti afare uye ichakurudzira vamwe.

NGWARIRA ZVAUNOTAURA

4, 5. Zvirevo zviri muBhaibheri zvinotidzidzisei nezvemashoko atinotaura?

4 Mashoko ane simba, saka tinofanira kungwarira zvatinotaura uye matauriro atinozviita. Zvirevo 15:4 inoti: “Rurimi rwakadzikama muti weupenyu, asi kutaura kusina kururama kunoodza mwoyo.” Sekungozorodza kwazvinoita kugara pamumvuri wemuti kuchipisa, kunzwa mashoko akanaka kunozorodza. Asiwo mashoko anorwadzisa vamwe anoita kuti vasanzwa zvakanaka.—Zvirevo 18:21.

Mashoko anotaurwa zvakadzikama anozorodza

5 Zvirevo 12:18 inoti: “Mashoko anotaurwa asina kufungwa anobaya sebakatwa.” Mashoko akaipa anogona kushungurudza uye anoparadzanisa vanhu vanowirirana. Zvimwe unoyeuka mumwe munhu paakambotaura newe asina kufunga, zvikakurwadza chaizvo. Asi chirevo ichocho chinoenderera mberi chichiti: “Rurimi rweakachenjera runoporesa.” Mashoko akanyatsofungwa anogona kuporesa mwoyo uri kurwadziwa uye kugadzirisa ushamwari hunenge hwavhiringidzwa nekusanzwisisana. (Verenga Zvirevo 16:24.) Kana tikayeuka kuti mashoko edu ane simba rekuporesa kana kukuvadza, tichangwarira zvatinotaura.

6. Nei zvisiri nyore kudzora rurimi rwedu?

6 Chimwe chikonzero chatiinacho chekungwarira zvatinotaura ndechekuti tese tinozvarwa tiine chivi. “Zviri mumwoyo memunhu zvakaipa kubvira achiri mudiki,” uye kazhinji zvatinotaura zvinoratidza zviri mumwoyo medu. (Genesisi 8:21; Ruka 6:45) Zvinogona kuoma chaizvo kuti tidzore rurimi rwedu. (Verenga Jakobho 3:2-4.) Asi tinofanira kuramba tichiedza kuvandudza matauriro atinoita nevamwe.

7, 8. Mashoko edu anogona sei kukanganisa ushamwari hwedu naJehovha?

7 Tinofanirawo kungwarira zvatinotaura nekuti tinozvidavirira kuna Jehovha nezvatinotaura uye matauriro atinozviita. Jakobho 1:26 inoti: “Kana munhu achifunga kuti ari kunamata Mwari asi asingadzori rurimi rwake zvakasimba, ari kunyengera mwoyo wake, uye kunamata kwake hakuna zvakunobatsira.” Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “hakuna zvakunobatsira” rinogonawo kureva kuti “hakushandi.” (1 VaKorinde 15:17) Saka kana tiine tsika yekungopotsera mashoko, tinogona kukanganisa kana kutoparadza ushamwari hwedu naJehovha.—Jakobho 3:8-10.

8 Zviri pachena kuti tine zvikonzero zvakanaka zvekuti tingwarire zvatinotaura uye matauriro atinozviita. Kuti tikwanise kushandisa chipo chekutaura sezvinodiwa naJehovha, tinofanira kuziva kuti matauriro api atinofanira kusiyana nawo.

MASHOKO ASINGAVAKI

9, 10. (a) Matauriro api azara munyika mazuva ano? (b) Nei tichifanira kusiyana nekutaura zvinonyadzisira?

9 Kutaura zvinonyadzisira, kana kuti zvisina kuchena kwakazara mazuva ano. Vakawanda vanofunga kuti vanofanira kutaura mashoko anonyadzisira kuti vamwe vakwanise kunzwisisa zvavanenge vachitaura. Vaya vanoita zvemitambo yekusetsa vanhu vanowanzotaura majee anonyadzisira uye mashoko asina kuchena kuti vasetse vanhu. Zvisinei, muapostora Pauro akati: “Munofanira kubvisa pamuri zvese zvinoti: hasha, kutsamwa, uipi, kutuka, uye kutaura nemiromo yenyu mashoko anonyadzisira.” (VaKorose 3:8) Akataurawo kuti “kusetsa vamwe nezvinhu zvinonyadzisira,” chimwe chezvinhu zvisingafaniri “kana kutombotaurwa nezvazvo pakati” pevaKristu.—VaEfeso 5:3, 4.

10 Kutaura zvinonyadzisira hakufadzi Jehovha nevaya vanomuda. Hakuna kuchena. “Kusachena” kunobatanidzwawo ‘pamabasa enyama’ anotaurwa muBhaibheri. (VaGaratiya 5:19-21) “Kusachena” kunogona kusanganisira zvivi zvakasiyana-siyana, uye kana munhu aine imwe tsika isina kuchena yaanoita, zviri nyore kuti aite imwezve tsika isina kuchena. Kana munhu aine tsika yekungogara achishandisa mashoko anonyadzisira, uye asingadi kuzvirega, izvi zvinogona kuratidza kuti haafaniri kuramba ari muungano.—2 VaKorinde 12:21; VaEfeso 4:19; ona Mamwe Mashoko 23.

11, 12. (a) Nyaya dzatinotaura dzinogona sei kupedzisira dzava makuhwa? (b) Nei tisingafaniri kutaura zvenhema nezvevamwe?

11 Tinofanirawo kusiyana nemakuhwa. Zvingori matiri kuti tide kuziva zviri kuitika kune vamwe uye titaure zviri kuitika muupenyu hwehama neshamwari. Kunyange vaKristu vepakutanga vaida kuziva kuti hama nehanzvadzi dzavo dzakadii uye kuti zvii zvavaigona kuita kuti vadzibatsire. (VaEfeso 6:21, 22; VaKorose 4:8, 9) Asi zviri nyore kuti patinenge tichitaura nezvemumwe munhu, tipedzisire tava kumureva. Kana tikafambisa makuhwa atanzwa, tinogona kutaura zvekunyepa kana kutaura zvinhu zvatisingafaniri kutaura. Kana tikasangwarira matauriro iwayo, tinogona kupedzisira tava kupomera vamwe zvenhema kana kutaura zvinhu zvinosvibisa mazita avo. VaFarisi vaiedza kusvibisa zita raJesu pavaimupomera zvinhu zvaasina kumboita. (Mateu 9:32-34; 12:22-24) Kutaura zvenhema nezvemumwe munhu kunosvibisa zita rake, kunokonzera bopoto, kunoita kuti arwadziwe uye kunoparadza ushamwari.—Zvirevo 26:20.

12 Jehovha anoda kuti tishandise mashoko edu kukurudzira vamwe, kwete kuparadzanisa shamwari. Jehovha anovenga munhu “anoita kuti hama dzipesane.” (Zvirevo 6:16-19) Satani Dhiyabhorosi ndiye murevi wenhema wekutanga, uye akazviita achisvibisa zita raMwari. (Zvakazarurwa 12:9, 10) Mazuva ano, zvakajairika kuti vanhu vataure zvekunyepa nezvevamwe. Asi izvi hazvifaniri kuitika muungano yechiKristu. (VaGaratiya 5:19-21) Saka tinofanira kungwarira zvatinotaura uye kutanga tafunga tisati tataura. Usati wataura zvawanzwa nezvemumwe munhu, tanga wazvibvunza kuti: ‘Zvandiri kuda kutaura ndezvechokwadi here? Zvakanaka here kuti ndizvitaure? Zvine zvazvinobatsira here? Ndingada here kuti munhu wacho anzwe zvandiri kutaura nezvake? Ko dai mashoko acho ari kutaurwa nezvangu, ndainzwa sei?’—Verenga 1 VaTesaronika 4:11.

13, 14. (a) Kutuka kunokanganisa sei vanhu? (b) Nei vaKristu vasingafaniri kutuka vamwe?

13 Dzimwe nguva, tese tinombotaura zvinhu zvatinozodemba. Asi hatidi kuva nekatsika kekutsoropodza vamwe kana kutaura zvinhu zvinovarwadzisa. Hatitombofaniri kutuka vamwe. Pauro akati: “Bvisai kuvengana kwese, kutsamwa, hasha, kupopota, nekutuka.” (VaEfeso 4:31) Mamwe maBhaibheri anoshandura shoko rekuti “kutuka” achiti “mashoko akashata,” “kutaura zvinorwadza,” uye “kurasa muromo.” Kutuka kunobvisa vamwe chimiro uye kunovaita kuti vanzwe sekuti havakoshi. Vana ndivo vanonyanya kukanganisika nyore nyore, saka tinoda kunyatsongwarira kuti tisavarwadzisa nemashoko edu.—VaKorose 3:21.

14 Bhaibheri rinotiyambira nezvekugara tichituka vamwe tichida kuvarwadzisa. Zvinosuwisa chaizvo kana mumwe munhu akava netsika yekugara achituka murume kana mudzimai wake uye vana vake. Kana munhu akaramba aine tsika yekutuka vamwe, haakwanisi kuramba ari muungano. (1 VaKorinde 5:11-13; 6:9, 10) Sezvatadzidza, kana tikataura zvinhu zvinonyadzisira, zvenhema, kana kuti zvekurwadzisa vamwe tinokanganisa ushamwari hwedu naJehovha uye nevamwe vanhu.

MASHOKO ANOVAKA

15. Ushamwari hunosimbiswa nemashoko akaita sei?

15 Tingashandisa sei chipo chekutaura sezvinodiwa naJehovha? Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatiudzi mashoko ese atinofanira kutaura neatisingafaniri kutaura, rinotiudza kuti titaure “shoko rakanaka rinovaka” chete. (VaEfeso 4:29) Mashoko anovaka akachena, akanaka, uye ndeechokwadi. Jehovha anoda kuti tishandise mashoko edu kukurudzira uye kubatsira vamwe. Izvi zvinogona kusava nyore. Zvakaoma kutaura zvinhu zvakanaka pane kungopotsera mashoko uye kutaura zvinorwadzisa vamwe. (Tito 2:8) Ngatikurukurei dzimwe nzira dzatingavaka nadzo vamwe nezvatinotaura.

16, 17. (a) Nei tichifanira kurumbidza vamwe? (b) Ndivanaani vatinogona kurumbidza?

16 Jehovha naJesu vanogara vachirumbidza vamwe. Tinoda kuvatevedzera. (Mateu 3:17; 25:19-23; Johani 1:47) Kurumbidza vamwe nenzira inonyatsovakurudzira kunosanganisira kutanga tanyatsofunga nezvavo uye kuratidza kuti tine hanya navo. Zvirevo 15:23 inoti: “Shoko rinotaurwa panguva yakakodzera rakazonaka!” Tinokurudzirwa kana mumwe munhu akatirumbidza nekushanda kwatinoita nesimba kana kuti akatitenda patinenge taita chimwe chinhu chakanaka.—Verenga Mateu 7:12; ona Mamwe Mashoko 27.

17 Kana uchigara uchitarisa zvakanaka zvinoitwa nevamwe, zvichava nyore kuti uvarumbidze. Pamwe unocherechedza kuti mumwe munhu ari muungano anonyatsogadzirira hurukuro dzake zvakanaka kana kuti anoedza kupindurawo pamisangano. Wechidiki anogona kunge achinyatsotsigira chokwadi kuchikoro, kana kuti mumwe munhu akura anogona kunge achigara achiita basa rekuparidza. Kana ukataura mashoko ekutenda zvavanoita, unogona kuvakurudzira. Zvinokoshawo chaizvo kuti murume audze mudzimai wake kuti anomuda uye kuti anofara kuva naye. (Zvirevo 31:10, 28) Sezvinongoita miti, iyo inoda zuva nemvura kuti ikure zvakanaka, vanhu vanoda kunyatsoona kuti vanokosheswa, kunyanya vana. Tsvaga mikana yekurumbidza vana nezvavanoita uye unhu hwavo hwakanaka. Kurumbidza vana kunogona kuvasimbisa uye kuvapa chivimbo uye kunogona kuvaita kuti varambe vachiedza kuita zvakanaka.

Tinogona kukurudzira nekunyaradza vamwe nezvatinotaura uye matauriro atinozviita

18, 19. Nei tichifanira kuita zvese zvatinogona kuti tikurudzire uye tinyaradze vamwe? Tingazviita sei?

18 Patinokurudzira uye kunyaradza vamwe, tinenge tichitevedzera Jehovha. Ane hanya chaizvo nevanhu “vanozvininipisa” kana kuti vakaderera uye “vakadzvinyirirwa.” (Isaya 57:15) Jehovha anoda kuti ‘tirambe tichikurudzirana’ uye ‘tinyaradze vaya vakaora mwoyo.’ (1 VaTesaronika 5:11, 14) Patinoedza kuita izvi, anozviona uye anokoshesa zvatinoita.

19 Unogona kuona kuti mumwe munhu ari muungano ari kunetseka kana kuti akaora mwoyo. Chii chaungataura chingamubatsira? Ungasakwanisa hako kugadzirisa dambudziko racho, asi unogona kuita kuti munhu wacho azive kuti une hanya naye. Unogona kuronga kumbotandara naye. Unogona kumuverengera vhesi inokurudzira kana kutonyengetera naye. (Pisarema 34:18; Mateu 10:29-31) Ita kuti vanhu vakadaro vave nechokwadi chekuti hama nehanzvadzi dzavo dziri muungano dzinovada. (1 VaKorinde 12:12-26; Jakobho 5:14, 15) Uye taura nenzira inonyatsoratidza kuti mashoko ako ari kubva pamwoyo uye kuti uri kurevesa.—Verenga Zvirevo 12:25.

20, 21. Chii chinoita kuti zvive nyore kuti vanhu vagamuchire zano?

20 Tinovakawo vamwe patinovapa mazano akanaka. Sezvo tese tiri vanhu vanokanganisa, tinoda kupota tichipiwa mazano. Zvirevo 19:20 inoti: “Teerera zano uye bvuma kurayirwa, kuti uve akachenjera mune ramangwana.” Vakuru havasi ivo vega vanopa vamwe mazano. Vabereki vanofanira kurayira vana vavo. (VaEfeso 6:4) Uye hanzvadzi dzinogona kupanana mazano akanaka. (Tito 2:3-5) Sezvo tichida hama nehanzvadzi dzedu, tinoda kuva nechokwadi chekuti mapiro atinovaita mazano haavanyadzisi. Chii chinogona kutibatsira kupa vamwe mazano zvakanaka?

21 Pamwe unoyeuka pawakambopiwa zano rakanaka nemumwe munhu nenzira yaiva nyore kurigamuchira. Chii chakaita kuti ugamuchire zano racho? Pamwe wakanyatsoona kuti munhu wacho aiva nehanya newe zvepachokwadi. Kana kuti munhu wacho akataura newe zvakanaka uye achiratidza kuti anokuda. (VaKorose 4:6) Zvichida, zano racho raibva muBhaibheri. (2 Timoti 3:16) Mazano atinopa vamwe anofanira kunge achienderana nezvinodzidziswa muMagwaro, pasinei nekuti taita zvekuverenga muBhaibheri here kana kuti kwete. Hapana munhu anofanira kumanikidza vamwe kuti vaite sezvaanofunga iye kana kushandisa magwaro zvisiri izvo kuti atsigire pfungwa dzake. Kuyeuka mapirwo awakamboitwa zano kunogona kukubatsira paunopawo vamwe mazano.

22. Unoda kushandisa sei chipo chako chekutaura?

22 Kukwanisa kutaura chipo chinobva kuna Mwari. Kuda kwatinomuita kunofanira kuita kuti tichishandise zvakanaka. Yeuka kuti mashoko ane simba rekuparadza kana kuvaka. Saka ngatiitei zvese zvatinogona kuti mashoko edu asimbise uye akurudzire vamwe.