Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 17

Chiramba Uri Murudo rwaMwari

Chiramba Uri Murudo rwaMwari

“Zvivakei pakutenda kwenyu kutsvenetsvene . . . Murambe muri murudo rwaMwari.”—JUDHA 20, 21.

1, 2. Tingaita sei kuti tirambe tiri murudo rwaMwari?

TESE tinoda kugara takasimba uye tiine utano. Saka tinoedza kudya zvekudya zvakanaka, kusimbisa miviri yedu, uye kuchengeta miviri yedu ichiratidzika zvakanaka. Kunyange zvazvo izvi zvisiri nyore, tinoramba tichizviita nekuti tinofara patinova neutano hwakanaka. Asi panewo chinhu chatinofanira kusimbisa kunze kwemiviri yedu chete.

2 Kunyange zvazvo takatanga zvakanaka kudzidza nezvaJehovha, tinoda kuramba tichisimbisa ushamwari hwedu naye. Judha paakakurudzira vaKristu kuti ‘rambai muri murudo rwaMwari,’ akatsanangura kuti vaigona kuzviita sei. Akavaudza kuti: “Zvivakei pakutenda kwenyu kutsvenetsvene.” (Judha 20, 21) Saka tingavaka sei kutenda kwakasimba?

RAMBA UCHIVAKA KUTENDA KWAKO

3-5. (a) Satani anoda kuti uone sei mitemo yaJehovha? (b) Unoona sei mitemo yaJehovha?

3 Zvakakosha kuti iwe pachako uve nechokwadi chekuti zvinotaurwa naJehovha zvakakunakira. Satani anoda kuti ufunge kuti mitemo yaMwari yakaoma zvekuti haukwanisi kuiteerera uye kuti unova nemufaro kana ukazvisarudzira wega kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi. Mumunda weEdheni, Satani akaedza kuita kuti vanhu vafunge saizvozvo. (Genesisi 3:1-6) Uye nanhasi ari kuedza zvakasimba kuita izvozvo.

4 Ichokwadi here chakataurwa naSatani? Mitemo yaJehovha inodzvinyirira here? Aiwa. Ngatitii uri kufamba mune imwe nzvimbo inoyevedza. Unoona kuti pane fenzi yakareba iri kukutadzisa kusvika kune rimwe divi renzvimbo yacho riri kukuyevedza. Pamwe unogona kufunga kuti, ‘Fenzi iyi yakaisirweiko?’ Asi unobva wanzwa shumba ichidzvova iri kudivi riya refenzi yacho. Iye zvino wava kuona sei fenzi iya? Unofara kuti iri kukudzivirira kuti usaitwa kanyama-kanyama neshumba yacho. Mitemo yaJehovha yakaita sefenzi yakadaro, uye Dhiyabhorosi akaita seshumba iyoyo. Shoko raMwari rinotiyambira kuti: “Ngwarirai uye chenjererai. Mhandu yenyu Dhiyabhorosi, inofamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaga wekudya.”—1 Petro 5:8.

5 Jehovha anoda kuti tive neupenyu hwakanaka. Haadi kuti tinyengedzwe naSatani. Ndokusaka akatipa mitemo inotidzivirira uye inoita kuti tifare. (VaEfeso 6:11) Jakobho akanyora kuti: “Munhu anonyatsotarisa mumutemo wakakwana werusununguko, asingausiyi, achafara pane zvaanoita.”—Jakobho 1:25.

6. Chii chingatibatsira kuti tive nechivimbo chekuti nzira dzaMwari dzakatinakira?

6 Patinoteerera Jehovha, tinovandudza upenyu hwedu uye ushamwari hwedu naye hunosimba. Semuenzaniso, zvinhu zvinotifambira zvakanaka patinonyengetera kwaari nguva dzese sezvaanotiudza. (Mateu 6:5-8; 1 VaTesaronika 5:17) Tinofara patinoteerera murayiro wake wekuti tiungane pamwe chete tichimunamata nekukurudzirana uye patinoita zvese zvatinogona pabasa rekuparidza nekudzidzisa. (Mateu 28:19, 20; VaGaratiya 6:2; VaHebheru 10:24, 25) Patinofunga nezvekuti zvinhu izvi zvakatibatsira sei kusimbisa kutenda kwedu, tinowedzera kuva nechivimbo chekuti nzira dzaJehovha dzakatinakira.

7, 8. Chii chichatibatsira kuti tisatya miedzo ingazouya muupenyu?

7 Tinogona kutya kuti tichasangana nemiedzo ichatikurira. Kana uchimbofunga saizvozvo, yeuka mashoko aJehovha ekuti: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, iye anokudzidzisa zvinokubatsira, iye anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo. Kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita serwizi uye kururama kwako semafungu egungwa.”—Isaya 48:17, 18.

8 Patinoteerera Jehovha, rugare rwedu ruchaita serwizi rusingaomi, uye kururama kwedu kuchaita semafungu egungwa kana kuti masaisai egungwa asingamiri kurovera kumahombekombe. Pasinei nezvingaitika muupenyu hwedu, tinogona kuramba takatendeka. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti adonhe.”—Pisarema 55:22.

‘SHANDA NESIMBA KUTI UKURE’

9, 10. Kukura pakunamata kunorevei?

9 Paunenge uchisimbisa ushamwari hwako naJehovha, unenge ‘uchishanda nesimba kuti ukure.’ (VaHebheru 6:1) Kukura kuri kutaurwa pano kunorevei?

10 Kuva nemakore akawanda handiko kunoita kuti munhu anzi akura pakunamata. Kuti tikure pakunamata, tinofanira kuita kuti Jehovha ave shamwari yedu yepedyo toedza kuona zvinhu semaonero aanozviita. (Johani 4:23) Pauro akanyora kuti: “Vaya vanorarama maererano nenyama vanoisa pfungwa dzavo pazvinhu zvenyama, asi vaya vanorarama maererano nemweya, pazvinhu zvemweya.” (VaRoma 8:5) Munhu akakura pakunamata haangoraramiri kutsvaga mafaro kana kutsvaga pfuma. Asi anoisa pfungwa dzake pakushumira Jehovha uye anoita zvisarudzo zvakanaka muupenyu. (Zvirevo 27:11; verenga Jakobho 1:2, 3.) Haabvumi kufurirwa kuita zvakaipa. Munhu akakura pakunamata anoziva kuti zvakarurama ndezvipi uye anoita zvese zvaanogona kuti azviite.

11, 12. (a) Pauro akatii ‘nezvesimba rekunzwisisa’ remuKristu? (b) Kuva muKristu akakura pakunamata kwakafanana papi nekuva munhu anoita zvemitambo?

11 Tine zvatinofanira kuita kuti tikure pakunamata. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvekudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru, vaya vanoita kuti simba ravo rekunzwisisa ridzidziswe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa pavanenge vachirishandisa.” (VaHebheru 5:14) Shoko rakashandurwa kuti ‘kudzidziswa’ rinogona kuita kuti tifunge nezvekudzidzira kunoita munhu kuti ave nyanzvi yemitambo.

12 Patinoona munhu anoita zvemitambo achiratidza unyanzvi hwake, tinoziva kuti zvakatora nguva uye aitofanira kudzidzira kuti asvike ipapo. Haana kuberekwa achizvigona. Mwana paanoberekwa, anenge asinganyatsogoni kushandisa maoko ake nemakumbo. Asi nekufamba kwenguva, anodzidza kubata zvinhu uye kufamba. Kana akadzidzira, anogona kupedzisira ava kugona mumwe mutambo. Kuti tive vaKristu vakakura pakunamata, zvinodawo nguva uye kudzidzira.

13. Chii chichatibatsira kuti tidzidze kuva nemafungiro akafanana neaJehovha?

13 Mubhuku rino, taongorora zvatingaita kuti tive nemafungiro uye maonero akafanana neaJehovha. Tadzidza kukoshesa uye kuda mitemo yaJehovha. Patinenge tichiita zvisarudzo tinozvibvunza kuti: ‘Ndezvipi zvinotaurwa muBhaibheri zvinoshanda panyaya iyi? Ndingazvishandisa sei? Jehovha anoda kuti ndiite sei?’—Verenga Zvirevo 3:5, 6; Jakobho 1:5.

14. Chii chatinofanira kuita kana tichida kuvaka kutenda kwedu?

14 Tinoramba tichivaka kutenda kwedu muna Jehovha. Kudzidza nezvaJehovha kunovaka kutenda kwedu sezvinongoitawo kudya zvekudya zvine utano izvo zvinovaka miviri yedu. Patakatanga kudzidza Bhaibheri, takadzidza chokwadi nezvaJehovha nenzira dzake. Asi nekufamba kunenge kuchiita nguva, tinofanira kunzwisisa zvinhu zvakadzama. Ndizvo zvairehwa naPauro paakati: “Zvekudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru.” Patinoshandisa zvinhu zvatinodzidza, tinova neuchenjeri. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Uchenjeri ndihwo hunokosha.”—Zvirevo 4:5-7; 1 Petro 2:2.

15. Kuda Jehovha nehama nehanzvadzi dzedu kunokosha zvakadini?

15 Munhu anogona kunge akasimba uye aine utano hwakanaka, asi kuti arambe akadaro, anoziva kuti anofanira kuramba achizvichengetedza. Ndizvo zvinoitawo munhu akasimba pakunamata. Anoziva kuti anofanira kushanda nesimba kuti ushamwari hwake naJehovha hurambe hwakasimba. Pauro anotiyeuchidza kuti: “Rambai muchizviedza kuti muone kana muri pakutenda; rambai muchizviedza kuti makamira sei.” (2 VaKorinde 13:5) Asi kutenda handiko kwega kunodiwa. Kuda kwatinoita Jehovha nehama nehanzvadzi dzedu kunofanira kuramba kuchikura. Pauro akati: ‘Kana ndiine ruzivo, uye kana ndiine kutenda kwakakura zvekuti ndinofambisa makomo, asi ndisina rudo, hapana zvandiri.’—1 VaKorinde 13:1-3.

ISA PFUNGWA PATARIRO YAKO

16. Satani anoda kuti tifungei?

16 Satani anoda kuti tifunge kuti hatimbofi takakwanisa kufadza Jehovha. Anoda kuti tiore mwoyo uye tifunge kuti hapana nzira yekubuda nayo mumatambudziko edu. Haadi kuti tivimbe nehama dzedu dzechiKristu, uye haadi kuti tifare. (VaEfeso 2:2) Satani anoziva kuti mafungiro akadaro anogona kutikuvadza uye anokanganisa ushamwari hwedu naMwari. Asi Jehovha ane chaakatipa kuti atibatsire kurwisa mafungiro akadaro. Akatipa tariro.

17. Tariro inokosha zvakadini?

17 Pana 1 VaTesaronika 5:8, Bhaibheri rinoenzanisa tariro yedu nengowani inodzivirira musoro wemusoja paanenge achirwa, uye rinoti ngowani iyoyo ‘itariro yeruponeso.’ Kuva netariro yekuti zvinovimbiswa naJehovha zvichaitika kunodzivirira pfungwa dzedu uye kunotibatsira kuti tirwise mafungiro anotipedza simba.

18, 19. Tariro yaiva naJesu yakamusimbisa sei?

18 Tariro yaiva naJesu yakamusimbisa. Usiku hwekupedzisira asati afa, akasangana nezvinhu zvakaoma zvakawanda. Imwe shamwari yake yepedyo yakamutengesa. Imwe yakatoti yakanga isingamuzivi. Dzimwe shamwari dzake dzakamutiza. Vanhu verudzi rwake vakamupandukira, vakatoti aurayiwe. Chii chakamubatsira kutsungirira zvinhu izvozvo zvinorwadza? “Akatsungirira padanda rekutambudzirwa nekuda kwemufaro wakaiswa pamberi pake, asina basa nekunyadziswa, uye akagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheumambo chaMwari.”—VaHebheru 12:2.

19 Jesu aiziva kuti kana akaramba akatendeka, aizoita kuti Baba vake vakudzwe oratidza kuti Satani murevi wenhema. Tariro iyoyo yakaita kuti afare. Aizivawo kuti pakanga pasara nguva pfupi kuti avezve pamwe naBaba vake kudenga. Tariro iyoyo yakamubatsira kutsungirira. Tinofanira kuramba tichifunga nezvetariro yedu sezvakaitwa naJesu. Tariro iyoyo ichatibatsira kutsungirira pasinei nezvatichasangana nazvo muupenyu.

20. Chii chingakubatsira kuti ukurire kugara uchingofunga zvinhu zvinokupedza simba?

20 Jehovha anoona kutenda uye kutsungirira kwako. (Isaya 30:18; verenga Maraki 3:10.) Anovimbisa kuti “achakupa zvinodiwa nemwoyo wako.” (Pisarema 37:4) Saka ramba uchifunga nezvetariro yako. Satani anoda kuti urase tariro, uye ufunge kuti zvakavimbiswa naJehovha hazvimbofi zvakaitika. Asi usabvuma mafungiro akadaro. Kana ukaona kuti tariro yako haisisina kujeka, kumbira Jehovha kuti akubatsire. Yeuka mashoko atinowana pana VaFiripi 4:6, 7: “Musazvidya mwoyo nezvechinhu chero chipi zvacho, asi panyaya dzese zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari muchinyengetera uye muchiteterera pamwe chete nekuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese ruchachengetedza mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu kuburikidza naKristu Jesu.”

21, 22. (a) Chinangwa chaJehovha ndechekuti panyika pave neupenyu hwakaita sei? (b) Wazvipira kuita sei?

21 Gara uchiva nenguva yaunofunga zvinhu zvinofadza zvichaitika mune ramangwana. Munguva pfupi iri kuuya, vanhu vese vanenge vari panyika vachange vachinamata Jehovha. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Chimbofunga kuti upenyu munyika itsva huchange hwakaita sei. Huchange huchinakidza kupfuura zvatingafungidzira. Satani, madhimoni ake, uye zvinhu zvese zvakaipa zvichange zvisisipo. Hauzomborwari uye hauzofi. Asi uchamuka zuva rimwe nerimwe uine simba uye uchifara kuti uri mupenyu. Vanhu vese vachashanda pamwe chete kuti nyika ive paradhiso. Vese vachange vaine zvekudya zvakanaka uye pekugara pakanaka. Vanhu vachange vasina pfungwa dzekurwisana kana kuitirana utsinye asi vachabata vamwe zvakanaka. Vanhu vese panyika vachafara pavachava “nerusununguko runobwinya rwevana vaMwari.”—VaRoma 8:21.

22 Jehovha anoda kuti uve Shamwari yake yepedyo. Saka ita zvese zvaunogona kuti uteerere Jehovha uye urambe uchiswedera pedyo naye zuva nezuva. Dai tese tikaramba tiri murudo rwaMwari nekusingaperi!—Judha 21.