Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chitsauko 15

Farira Basa Rako

Farira Basa Rako

“Munhu wese . . . [ngaafadzwe] nezvinhu zvakanaka pakushanda kwake nesimba.”—MUPARIDZI 3:13.

1-3. (a) Vanhu vakawanda vanoona sei mabasa avo? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi muchitsauko chino?

PASI rese vanhu vanoshanda nesimba kuti vawane chouviri uye variritire mhuri dzavo. Vakawanda havafariri mabasa avo, uye vamwe vanongoenda kubasa zvekuti hapana zvekuzviita. Kana uchinzwa saizvozvo, ungaite sei kuti ufarire basa rako? Ungaite sei kuti unakidzwe nebasa rako?

2 Jehovha anotiudza kuti: ‘Munhu wese anofanira kudya nekunwa uye ngaafadzwe nezvinhu zvakanaka pakushanda kwake nesimba. Ichi chipo chaMwari.’ (Muparidzi 3:13) Jehovha akatisika tichifanira kushanda uye akatipa chido chekuita basa. Anoda kuti tinakidzwe nebasa redu.—Verenga Muparidzi 2:24; 5:18.

3 Saka chii chingatibatsira kuti tifarire basa redu? VaKristu vanofanira kusiyana nemabasa akaita sei? Tingaitei kuti basa redu risakanganisa kushumira kwatinoita Jehovha? Uye nderipi basa rinokosha kupfuura mamwe mabasa ese atingaita?

JEHOVHA NAJESU VASHANDI VAKURU

4, 5. Jehovha anoona sei basa?

4 Jehovha pachake anoda kushanda. Genesisi 1:1 inoti: “Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.” Mwari paakapedza kusika nyika nezvinhu zvese zviri pairi, akati zvinhu zvese zvakanga “zvakanaka chaizvo.” (Genesisi 1:31) Musiki wedu akagutsikana nezvaakanga aita.—1 Timoti 1:11.

5 Jehovha haamiri kushanda. Jesu akati: “Baba vangu vachiri kushanda nanhasi.” (Johani 5:17) Kunyange zvazvo tisingazivi zvese zvinoshamisa zvanga zvichiitwa naJehovha nguva yese iyi, pane zvimwe zvatinoziva. Anga achisarudza vaya vachatonga neMwanakomana wake, Jesu Kristu, muUmambo. (2 VaKorinde 5:17) Jehovha ari kutungamirirawo vanhu uye ari kuvabatsira. Basa rekuparidza riri kuitwa pasi rese riri kuita kuti zviuru nezviuru zvevanhu zvisvike pakuziva Jehovha uye kuva netariro yekuzorarama pasi pano muparadhiso nekusingaperi.—Johani 6:44; VaRoma 6:23.

6, 7. Jesu mushandi akaita sei?

6 Jesu anodawo kushanda sezvinoita Baba vake. Asati auya panyika, Jesu aiva “mhizha,” achishanda naBaba vake pakusika zvinhu zvese kudenga nepanyika. (Zvirevo 8:22-31; VaKorose 1:15-17) Paakanga ava pasi pano, Jesu akaramba achishanda nesimba. Paaiva mukomana, akadzidza kuva muvezi ane unyanzvi, pamwe achiisa matenga edzimba nekugadzira midziyo yemumba. Jesu akanga ava kugona basa rake zvekuti aitonzi “muvezi.”—Mako 6:3.

7 Asi basa raikosheswa naJesu kupfuura mamwe ese pasi pano nderekuparidza mashoko akanaka uye kudzidzisa vanhu nezvaJehovha. Aifanira kupedza ushumiri hwake mumakore matatu nehafu, saka aishanda nesimba kubva mangwanani-ngwanani kusvikira usiku. (Ruka 21:37, 38; Johani 3:2) Jesu akafamba mazana emakiromita mumigwagwa ine guruva, achiparidza mashoko akanaka kuvanhu vakawanda.—Ruka 8:1.

8, 9. Jesu aiona sei basa rake?

8 Jesu aiona kuita basa raMwari sezvekudya. Basa iri raimupa simba. Paiva nemazuva aaishanda zvikuru zvekuti aishaya kana nguva yekudya. (Johani 4:31-38) Aishandisa mukana wese waaiwana kuti abatsire vamwe kudzidza nezvaBaba vake. Ndokusaka akazonyengetera kuna Jehovha achiti: “Ndakakukudzai panyika, sezvo ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite.”—Johani 17:4.

9 Zviri pachena kuti Jehovha naJesu vanoshanda nesimba uye vanofarira basa ravo uye rinovagutsa. Tinoda kuva “vatevedzeri vaMwari,” uye tinoda ‘kutevera makatsika naJesu.’ (VaEfeso 5:1; 1 Petro 2:21) Ndokusaka tichiedza kushanda nesimba uye kuita zvese zvatinogona pabasa chero ripi zvaro ratingaita.

TINOFANIRA KUONA SEI BASA REDU?

10, 11. Chii chingatibatsira kunakidzwa nebasa redu?

10 Sevanhu vaJehovha, tinoshanda nesimba kuti tiriritire mhuri dzedu uye tiwane chouviri. Tinoda kushanda tichifara, asi hazvisi nyore. Saka tingaita sei kana tisinganakidzwe nebasa redu?

Kuziva kuti nei uchifanira kushanda kuchaita kuti unakidzwe nebasa chero ripi zvaro

11 Nzwisisa kuti nei uchifanira kushanda. Tingasakwanisa kuchinja basa redu kana kuderedza uwandu hwebasa ratinoita, asi tinogona kuchinja maonero atinoriita. Kunzwisisa kuti Jehovha anotarisira kuti tiitei kunogona kutibatsira. Semuenzaniso, Jehovha anotarisira kuti anenge ari musoro wemhuri aite zvese zvaanogona pakuriritira mhuri yake. Bhaibheri rinototaura kuti munhu asingachengeti mhuri yake “akaipa kupfuura munhu asingatendi.” (1 Timoti 5:8) Kana uri musoro wemba, unofanira kushanda nesimba kuti uriritire mhuri yako. Pasinei nekuti basa rauri kuita ringave riri iro raunofarira kana kuti kwete, unoziva kuti paunoriritira mhuri yako, unenge uchifadza Jehovha.

12. Kushanda nesimba uye kuva vakatendeseka kunotibatsira sei?

12 Shanda nesimba uye iva akatendeseka. Izvi zvinogona kuita kuti zvikuitire nyore kunakidzwa nebasa rako. (Zvirevo 12:24; 22:29) Chimwe chazvakanakira ndechekuti waunoshandira achavimba newe. Vanhu vanoda kushandirwa nemunhu akatendeseka nekuti haazobi nguva, mari, kana zvimwewo zvinhu. (VaEfeso 4:28) Zvinonyanya kukosha ndezvekuti Jehovha anozvicherechedza kana uchishanda nesimba uye wakatendeseka. Uchava ‘nehana yakatendeseka’ nekuti unoziva kuti uri kufadza Mwari waunoda.—VaHebheru 13:18; VaKorose 3:22-24.

13. Ndezvipi zvimwe zvakanaka zvinogona kubva pakushanda kwedu takatendeseka?

13 Ziva kuti mashandiro aunoita anogona kuita kuti Jehovha arumbidzwe. Ichi ndicho chimwe chikonzero chinoita kuti tinakidzwe nebasa redu. (Tito 2:9, 10) Zvinogona kutoitika kuti mumwe munhu waunoshanda naye ade kudzidza Bhaibheri nekuona zvakanaka zvaunoita.—Verenga Zvirevo 27:11; 1 Petro 2:12.

NDINGASARUDZA BASA RAKAITA SEI?

14-16. Tinofanira kufunga nezvei patinosarudza basa?

14 Bhaibheri haritiudzi mabasa ese anogona kushandwa nemuKristu neaasingafaniri kushanda. Asi rinotiudza zvatinofanira kufunga nezvazvo pakusarudza basa. (Zvirevo 2:6) Tichishandisa zvarinotaura tinogona kuzvibvunza mibvunzo inotevera.

Tsvaga basa risingazoite kuti utyore mitemo yaJehovha

15 Basa iri richada kuti ndiite chimwe chinhu chinonzi naJehovha chakaipa here? Takadzidza nezvezvinhu zvinovengwa naJehovha, zvakadai sekuba uye kunyepa. (Eksodho 20:4; Mabasa 15:29; VaEfeso 4:28; Zvakazarurwa 21:8) Saka tinongwarira kuti tisaita basa rinopesana nemitemo yaJehovha.—Verenga 1 Johani 5:3.

16 Basa iri rinotsigira mamwe maitiro asingadiwi naJehovha here? Semuenzaniso, ungaite sei kana ukawana basa rekuva mabharani pakambani yefodya? Hapana chakaipa nekuva mabharani. Asi unoziva kuti Jehovha anoona sei nyaya yekuputa fodya. Saka kunyange zvazvo iwe pachako usingaputi, haufungi here kuti unenge uchitotsigira vanhu vanenge ‘vachisvibisa nyama’ yavo?—2 VaKorinde 7:1.

17. Chii chingatibatsira kuita zvisarudzo zvinofadza Mwari?

17 Kana tikashandisa zvinotaurwa neBhaibheri, tinogona kuva sevanhu vanotsanangurwa pana VaHebheru 5:14, “vaya vanoita kuti simba ravo rekunzwisisa ridzidziswe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa pavanenge vachirishandisa.” Zvibvunze kuti: ‘Ndikapinda basa iri handizogumburi vamwe here? Basa iri richaita kuti ndishandire kunze kwenyika kana kure nemhuri yangu here? Kana ndikadaro, zvichakanganisa sei mhuri yangu?’

IVA “NECHOKWADI CHEKUTI NDEZVIPI ZVINOKOSHA KUPFUURA ZVIMWE”

18. Nei zvichigona kuoma kugara takaisa pfungwa dzedu panyaya dzekunamata?

18 Hazvisi nyore kuisa nyaya dzekunamata Jehovha panzvimbo yekutanga munguva dzino “dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri.” (2 Timoti 3:1) Kuwana basa uye kurichengetedza kwakaoma. Tinofanira kuriritira mhuri dzedu, asi tinoziva kuti kunamata kunofanira kuva pekutanga. Hatidi kunyanya kukoshesa kutsvaga pfuma muupenyu hwedu. (1 Timoti 6:9, 10) Saka tingaita sei kuti tive “nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe,” uku tichiriritira mhuri dzedu?—VaFiripi 1:10.

19. Kuvimba naJehovha kuchatibatsira sei kuti tisanyanya kunetseka nezvebasa redu?

19 Vimba naJehovha zvakazara. (Verenga Zvirevo 3:5, 6.) Tinoziva kuti Jehovha anonyatsoziva zvatinoda kuti tirarame uye kuti ane hanya nesu. (Pisarema 37:25; 1 Petro 5:7) Shoko rake rinotiudza kuti: “Mararamiro enyu ngaarege kuva ekuda mari, uye gutsikanai nezvinenge zviripo. Nekuti [Mwari] akati: ‘Handizokusiyi, uye handizokurasi.’” (VaHebheru 13:5) Jehovha haadi kuti tigare tichizvidya mwoyo nezvekuriritira mhuri dzedu. Agara achiratidza kuti anotsigira vanhu vake pane zvekurarama nazvo. (Mateu 6:25-32) Pasinei nekuti tinoita basa rei, tinoda kugara tichidzidza Shoko raMwari, kuparidza mashoko akanaka, uye kupinda misangano yechiKristu.—Mateu 24:14; VaHebheru 10:24, 25.

20. Tingaita sei kuti tisazvinetsa nezvakawanda muupenyu?

20 Ziso rako ngarirambe riri pachinhu chimwe chete. (Verenga Mateu 6:22, 23.) Izvi zvinoreva kurarama usingazvinetsi nezvakawanda kuitira kuti uise pfungwa dzako pakushumira Jehovha. Tinoziva kuti hunenge huri upenzi chaihwo kana tikakoshesa zvinhu zvakadai semari, upenyu hwakanaka, uye kutenga zvinhu zvichangoburwa, kupfuura ushamwari hwedu naMwari. Saka chii chingatibatsira kuti tizive zvekuisa pekutanga? Tinofanira kuedza nepatinogona napo kusapinda muchikwereti. Kana uchitova nechikwereti, ronga kuti uchideredze kana kubva wachipedza. Kana tikasangwarira, kutsvaga pfuma kunogona kutitorera nguva yakawanda nesimba, totosara tisina nguva yekunyengetera, kudzidza, kana kuparidza. Panzvimbo pekurega pfuma ichitiwanzira zvekuita muupenyu, tinoda kugutsikana nezvinhu zvinokosha zvakadai ‘sezvekudya nezvekupfeka.’ (1 Timoti 6:8) Uye pasinei nekuti tiri kushanda basa rakaita sei, tinoda kugara tichiongorora kuti pane zvatingaita here kuti tiwedzere kushumira Jehovha.

21. Nei tichifanira kuziva kuti ndechipi chiri panzvimbo yekutanga muupenyu hwedu?

21 Ziva kuti zvinokosha ndezvipi. Tinofanira kushandisa nguva yedu, simba redu, uye zvinhu zvedu nekuchenjera. Kana tikasangwarira, zvinhu zvisinganyanyi kukosha zvakadai sedzidzo kana mari zvichatitorera nguva yedu. Jesu akati: “Rambai muchitanga kutsvaga Umambo.” (Mateu 6:33) Zvinhu zvatinosarudza, tsika dzedu, zvatinoita zuva nezuva, uye zvinangwa zvedu, zvinoratidza kuti ndechipi chine nzvimbo yekutanga mumwoyo medu.

BASA RINOKOSHA KUPFUURA ESE ATINGAITA

22, 23. (a) VaKristu vanokoshesa basa ripi kupfuura mamwe ese? (b) Chii chichatibatsira kuti tifadzwe nebasa redu?

22 Basa rinokosha kupfuura ese atingaita nderekushumira Jehovha tichiparidzira vamwe mashoko akanaka. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Tinoda kuita zvese zvatinogona mubasa iri sezvaiitwa naJesu. Vamwe vakatamira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Vamwe vari kudzidza mumwe mutauro kuti vakwanise kuparidzira vanhu vanotaura mutauro wacho. Taura nevaya vakaita zvinhu izvi unzwe kuti vari kunzwa sei. Vachakuudza kuti vari kufara uye upenyu hwavo hwava nechinangwa.—Verenga Zvirevo 10:22.

Kushumira Jehovha ndiro basa rinokosha kupfuura chero ripi zvaro ratingaita

23 Nhasi uno vakawanda vedu tiri kuswera tichifondoka, pamwe pacho tichitoshanda mabasa akawanda kuti tiwanise mhuri yedu chouviri. Jehovha anozviziva, uye ari kuona zvese zvatiri kuita kuti tiriritire mhuri dzedu. Saka ngatirambei tichitevedzera Jehovha naJesu pakushanda nesimba, pasinei nekuti tinoita basa rei. Uye ngatiyeukei kuti basa redu rinokosha kupfuura mamwe ese nderekushumira Jehovha tichiparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Izvi zvichatiunzira mufaro wechokwadi.