Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 2

Kuva Nehana Yakanaka Pamberi paMwari

Kuva Nehana Yakanaka Pamberi paMwari

“Rambai muine hana yakanaka.”—1 PETRO 3:16.

1, 2. Chii chinogona kuitika kana ukafamba munzvimbo yausingazivi usingatungamirirwi? Jehovha akatipa chii kuti chititungamirire?

FUNGIDZIRA uchifamba nemugwenga rakakura. Paunenge uchifamba kudaro, unozoona kuti kufamba munzvimbo yakadaro usina mumwe munhu anonyatsoziva nzvimbo yacho kana kuti chimwe chinhu chinokutungamirira kunogona kuita kuti urasike. Uchaitei kuti ukwanise kusvika kwauri kuenda. Uchatofanira kukumbira mumwe munhu anoziva nzira yacho kana kutarisa mafambiro anenge achiita zuva. Kuva nemumwe munhu kana kuti chimwe chinhu chinokutungamirira kunokosha nekuti kana usiri kuziva kwauri kuenda unogona kutorasikirwa neupenyu.

2 Tese tinosangana nematambudziko akawanda muupenyu uye zviri nyore kuti dzimwe nguva tinzwe setarasika. Asi kuti tiwane chinotitungamirira, Jehovha akapa mumwe nemumwe wedu hana. (Jakobho 1:17) Ngationei kuti chii chinonzi hana uye kuti inoshanda sei. Tichazodzidzawo kuti tingadzidzisa sei hana yedu, nei tichifanira kufungawo nezvehana dzevamwe, uye kuti kuva nehana yakachena kuchavandudza sei upenyu hwedu.

CHII CHINONZI HANA UYE INOSHANDA SEI?

3. Chii chinonzi hana?

3 Hana chipo chinoshamisa chinobva kuna Jehovha. Ipfungwa iri matiri yekusiyanisa chakarurama nechisina kururama. Shoko rechiGiriki rakashandiswa muBhaibheri kureva “hana” rinoreva kuti “kuziva zvauri.” Kana hana yedu ichishanda zvakanaka, inotibatsira kuzviongorora. Inogona kutibatsira kuti tisazvinyengedza asi kuti tibvume kana mafungiro edu uye zviri mumwoyo medu zvisina kunaka. Inogona kutitungamirira kuti tiite zvakanaka uye tisiye zvakaipa. Uye inogona kuita kuti tifare patinosarudza kuita zvakanaka kana kutipa mhosva patinosarudza kuita zvakaipa.—Ona Mamwe Mashoko 5.

4, 5. (a) Chii chakaitika kuna Adhamu naEvha pavakasarudza kusateerera hana dzavo? (b) Ndeipi mimwe mienzaniso yemuBhaibheri inoratidza kushanda kunoita hana?

4 Mumwe nemumwe wedu anogona kusarudza kuteerera hana yake kana kurega. Adhamu naEvha vakasarudza kusateerera hana dzavo, zvikaita kuti vaite chivi. Vakazotanga kuzvipa mhosva vatotadza asi zvakanga zvisisabatsiri. Vakanga vatotadzira Mwari. (Genesisi 3:7, 8) Kunyange zvazvo vaiva nehana dzakanga dzisina kukanganiswa nechivi, uye vaiziva kuti kusateerera Mwari kwakaipa, vakasarudza kusateerera hana dzavo.

5 Asi pane vamwe vanhu vakawanda vane chivi vakateerera hana dzavo. Mumwe wavo ndiJobho. Aiita zvakanaka ndokusaka akazotaura kuti: “Mwoyo wangu hauzondipi mhosva chero ndichiri mupenyu.” (Jobho 27:6) Jobho paakataura ‘nezvemwoyo’ wake, aireva hana yake, kana kuti kukwanisa kwaaiita kusiyanisa zvakarurama nezvisina kururama. Asi Dhavhidhi aimbosarudza kusateerera hana yake, otadzira Jehovha. Izvi zvaiita kuti azvipe mhosva zvekuti hana yake ‘yaimutongesa.’ (1 Samueri 24:5) Hana yaDhavhidhi yaimuudza kuti zvaainge aita zvakaipa. Kuteerera hana yake kwaigona kumudzidzisa kuti asadzokorora kuita zvakaipa.

6. Nei tichigona kuti hana yedu chipo chinobva kuna Mwari?

6 Kunyange vanhu vasingazivi Jehovha vanowanzoziva kuti pane zvinhu zvakarurama nezvisina kururama. Bhaibheri rinoti: “Zvavanofunga zvinoita kuti vapiwe mhosva kana kuti vanzi havana mhosva.” (VaRoma 2:14, 15) Semuenzaniso, vanhu vakawanda vanobvuma kuti kuuraya munhu kana kuti kuba kwakaipa. Kunyange vangasazviziva, vanenge vachitoteerera hana dzavo, pfungwa yakaiswa naJehovha mavari yekukwanisa kusiyanisa zvakarurama nezvisina. Vanenge vachitevedzerawo mitemo yaMwari, kana kuti chokwadi chatakapiwa naJehovha kuti chitibatsire kusarudza zvakanaka muupenyu.

7. Chii chingaita kuti dzimwe nguva hana yedu itiudze zvisiri izvo?

7 Asi dzimwe nguva, hana yedu inogona kutiudza zvisiri izvo. Inogona kukuvadzwa nepfungwa dzedu nemwoyo, izvo zvinokanganiswa nechivi chiri matiri, yotadza kutitungamirira zvakarurama. Hana yakanaka haingouyi yega. (Genesisi 39:1, 2, 7-12) Inotoda kudzidziswa. Jehovha anotipa mweya mutsvene uye mazano ari muBhaibheri kuti atibatsire kuidzidzisa. (VaRoma 9:1) Ngationgororei kuti tingadzidzisa sei hana yedu.

TINGADZIDZISA SEI HANA YEDU?

8. (a) Mwoyo wedu ungakanganisa sei hana yedu? (b) Tinofanira kuzvibvunza kutii tisati taita chisarudzo?

8 Vamwe vanhu vanofunga kuti kuteerera hana yavo kunongoreva kuita zvinodiwa nemwoyo yavo. Vanofunga kuti vanogona kuita zvavada chero bedzi vasingazosari vachinetseka nezvavanenge vaita. Asi mwoyo yedu yakakanganiswa nechivi, uye inogona kutitsausa. Mwoyo yedu inogona kuva nesimba zvekuti inokanganisa hana yedu. Bhaibheri rinoti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvese uye wakaipa kwazvo. Ndiani angauziva?” (Jeremiya 17:9) Saka tinogona kutanga kufunga kuti chimwe chinhu chakarurama icho chakatoipa. Semuenzaniso, Pauro paainge asati ava muKristu, aitambudza vanhu vaMwari zvinotyisa uye aifunga kuti zvaaiita zvainge zvakarurama. Mukuona kwake, hana yake yakanga yakachena. Asi akazotaura kuti: “Anondiongorora ndiJehovha.” (1 VaKorinde 4:4; Mabasa 23:1; 2 Timoti 1:3) Pauro paakanzwisisa kuti Jehovha ainzwa sei nezvaaiita, akaona kuti aifanira kuchinja. Zviri pachena kuti tisati taita chimwe chinhu, tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Jehovha anoda kuti ndiite sei?’

9. Kutya Mwari kunorevei?

9 Kana uchida mumwe munhu, haudi kumugumbura. Hatidi kuita chero chii zvacho chinogumbura Jehovha nekuti tinomuda. Kutya kwatinoita kurwadzisa Jehovha kunofanira kunge kwakasimba chaizvo. Tinoona izvi pane zvakaitwa naNehemiya. Haana kuda kushandisa chinzvimbo chake sagavhuna kuti azvipfumise. Nei asina kudaro? Akataura kuti akazviita ‘nekuti aitya Mwari.’ (Nehemiya 5:15) Nehemiya haana kuda kuita chero chii zvacho chaizogumbura Jehovha. Isuwo tinotya kuita zvakaipa kuti tisagumbura Jehovha. Tinogona kudzidza kuti zvinofadza Jehovha ndezvipi nekuverenga Bhaibheri.—Ona Mamwe Mashoko 6.

10, 11. Mazano api ari muBhaibheri achatibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka panyaya yedoro?

10 Ngatitii muKristu ari kuda kusarudza kuti onwa doro here kana kuti orega. Mazano api ari muBhaibheri angamubatsira kuti asarudze zvakanaka? Mamwe acho ndeaya: Bhaibheri harirambidzi kunwa doro. Rinototaura kuti waini chipo chinobva kuna Mwari. (Pisarema 104:14, 15) Asi Jesu akaudza vateveri vake kuti ‘vasazonwisa’ doro. (Ruka 21:34) Uye Pauro akaudza vaKristu kuti varege “mitambo yekufara zvakapfurikidza uye udhakwa.” (VaRoma 13:13) Akataura kuti zvidhakwa ‘hazvizogari nhaka yeUmambo hwaMwari.’—1 VaKorinde 6:9, 10.

11 MuKristu anogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndinokoshesa doro zvakadii? Handinzwi ndakadekara here kana ndisina kurinwa? Ndinorinwa kuti nditande nyadzi here? Ndinorinwa kakawanda zvakadini uye ndinoziva pekugumira pandinorinwa here? * Ndinonakidzwa here kana ndakatandara nevamwe kunyange pasiri kunwiwa doro?’ Tinogona kukumbira Jehovha kuti atibatsire kusarudza zvakanaka. (Verenga Pisarema 139:23, 24.) Patinenge tichidaro, tinenge tichitodzidzisa hana yedu kuti ienderane nemafungiro aMwari ari muBhaibheri. Asi hazvigumiri ipapo, sezvatichaona.

NEI TICHIFUNGAWO NEZVEHANA DZEVAMWE?

12, 13. Nei hana yedu ichigona kusiyana nedzevamwe? Tingaita sei nekusiyana uku?

12 Hana dzedu hadzifanani. Hana yako inogona kukubvumira kuita chimwe chinhu asi hana yemumwe isingamubvumiri. Semuenzaniso, unogona kusarudza kunwa doro, asi mumwe munhu anogona kuona zvisina kukodzera. Nei maonero evanhu achigona kusiyana panyaya iyi?

Hana yakadzidziswa inogona kutibatsira kuziva kuti tonwa doro here kana kuti torega

13 Maonero anoita munhu chimwe chinhu anowanzokonzerwa nekwaakakurira, maonerwo aiitwa chinhu chacho nemhuri yake, zvaakasangana nazvo muupenyu hwake, nezvimwewo. Panyaya yedoro, mumwe munhu aisaziva pekugumira pakunwa anogona kusarudza kusatomboribata zvachose. (1 Madzimambo 8:38, 39) Saka kana ukapa mumwe munhu doro obva ariramba, unoita sei? Ungagumbuka here? Ungaramba uchimumanikidza here? Ungatoda kuti akutsanangurire kuti nei aramba here? Haudaro, nekuti unoremekedza hana yake.

14, 15. Inyaya ipi yakamuka mumazuva aPauro? Pauro akapa zano ripi rakanaka?

14 Mumazuva emuapostora Pauro, pane nyaya yakamuka yairatidza kusiyana kunogona kuita hana. Imwe nyama yaitengeswa pamisika yainge yamboshandiswa pakunamata kwenhema uye yapirwa kuzvidhori. (1 VaKorinde 10:25) Pauro aiona pasina chakaipa nekutenga uye kudya nyama iyi. Aiziva kuti zvekudya zvese zvaibva kuna Jehovha. Asi dzimwe hama dzaimbonamata zvidhori dzaiva nemaonero akasiyana naiwayo. Dzaiti kudya nyama yakadaro kwainge kwakaipa. Pauro haana kufunga kuti: ‘Hana yangu hainetseki nazvo. Ndine kodzero yekudya zvandinoda.’

15 Pauro haana kufunga saizvozvo nekuti aikoshesa maonero aiita hama dzake. Ainge akagadzirira kurega zvimwe zvinhu zvaaiva nekodzero yekuita. Pauro akati hatifaniri ‘kuzvifadza.’ Akazotaura chikonzero chacho achiti: “Nekuti kunyange Kristu haana kuzvifadza.” (VaRoma 15:1, 3) Kufanana naJesu, Pauro ainyanya kufunga nezvevamwe kupfuura zvaaizviita.—Verenga 1 VaKorinde 8:13; 10:23, 24, 31-33.

16. Nei tisingafaniri kutonga mumwe muKristu nekuda kwechimwe chinhu chaanobvumirwa kuita nehana yake?

16 Ko kana hana yemumwe munhu ichimubvumira kuita chimwe chinhu chatinoona sechakaipa? Tinofanira kungwarira kuti tisamutsoropodza tichifunga kuti maonero edu chete ndiwo akarurama. (Verenga VaRoma 14:10.) Jehovha akatipa hana yedu kuti ititonge isu pachedu kwete kuti itonge vamwe. (Mateu 7:1) Hatitombodi kuti maonero edu aite kuti muungano muve nemapoka. Pane kudaro, tinotsvaga nzira dzekuti ungano ive nerudo nekubatana.—VaRoma 14:19.

TINOGONA KUBATSIRWA NEKUVA NEHANA YAKANAKA

17. Chii chakaitika kuhana dzevamwe?

17 Muapostora Petro akanyora kuti: “Rambai muine hana yakanaka.” (1 Petro 3:16) Zvinosuwisa kuti vanhu pavanoramba kuteerera zvinotaurwa naJehovha, hana dzavo dzinopedzisira dzisisarovi. Pauro akati hana dzakadaro dzakaita “sedzakapiswa nesimbi inoisa mucherechedzo.” (1 Timoti 4:2) Wakambotsva zvakaipisisa here? Kana ukatsva zvakadaro, vanga rinozosara ipapo rinenge richiita serine chiveve zvekuti ukabatwa hauzvinzwi. Kana munhu akaramba achiita zvakaipa, hana yake inogona ‘kutsva’ uye inopedzisira isisashande.

Hana yakanaka inogona kutitungamirira muupenyu yoita kuti tive nemufaro uye rugare mumwoyo

18, 19. (a) Kuzvipa mhosva kana kunyara kunotibatsira sei? (b) Tingaitei kana tichizvipa mhosva nezvezvivi zvatakatopfidza kare?

18 Patinenge tichizvipa mhosva, hana yedu inogona kunge ichitiudza kuti pane chinhu chakaipa chataita. Izvi zvinogona kutibatsira kuti tione patakanganisa, tobva tadzidza, torega kuzozvidzokorora. Semuenzaniso, kunyange zvazvo Mambo Dhavhidhi akaita chivi, hana yake yakamuita kuti apfidze chivi chacho. Akavenga zvaakanga aita uye kubvira ipapo akanga ava kuda kuita zvese zvaaigona kuti ateerere Jehovha. Zvakaitika kuna Dhavhidhi zvakaita kuti ataure nechivimbo kuti Jehovha ‘akanaka uye akagadzirira kukanganwira.’—Pisarema 51:1-19; 86:5; ona Mamwe Mashoko 7.

19 Asi munhu anenge aita chivi anogona kuramba achizvipa mhosva ipo patova nenguva apfidza chivi chacho. Kuzvipa mhosva kunogona kuita kuti munhu arwadziwe uye azvione seasingakoshi. Kana ariwo manzwiro aunomboita, yeuka kuti haukwanisi kuchinja zvinhu zvakaitika kare. Ungava wainyatsonzwisisa kuti zvawaiita zvakaipa kana kuti kwete, Jehovha akatokuregerera zvachose uye zvivi zvako zvakadzimwa. Wakachena pamberi paJehovha uye ziva kuti iye zvino zvauri kuita zvakarurama. Mwoyo wako unogona kuramba uchikupa mhosva, asi Bhaibheri rinoti: “Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu.” (Verenga 1 Johani 3:19, 20.) Izvi zvinoreva kuti rudo rwake uye kuregerera kwaanoita kwakasimba kupfuura kuzvipa mhosva kana kunyara kwatingava tichiita. Unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha akakuregerera. Munhu paanobvuma kuti Jehovha akamuregerera, hana yake inova nerugare oshumira Mwari achifara.—1 VaKorinde 6:11; VaHebheru 10:22.

20, 21. (a) Bhuku rino richakubatsira sei? (b) Jehovha akatipa rusununguko rwakadini? Tinofanira kurushandisa sei?

20 Manyorerwo akaitwa bhuku rino ndeekuti rikubatsire kudzidzisa hana yako kuitira kuti ikuyambire nekukuchengetedza mazuva ano ekupedzisira akaoma. Richakubatsirawo kuti ushandise mazano emuBhaibheri panyaya dzakasiyana-siyana muupenyu. Asi bhuku rino harisi kuzotipa tumitemo twakanyorwa tunodonongodza zvese zvinoitika muupenyu. Tinorarama tichitevedzera “mutemo waKristu,” uyo unobva pamaonero anoitwa zvinhu naMwari. (VaGaratiya 6:2) Kana pasina mutemo wakanyorwa unorambidza chimwe chinhu, hationi izvozvo sechikonzero chekuita zvakaipa. (2 VaKorinde 4:1, 2; VaHebheru 4:13; 1 Petro 2:16) Pane kudaro, tinoshandisa rusununguko rwedu kuti tiratidze kuda kwatinoita Jehovha.

21 Patinofungisisa nezvemaonero anoitwa zvinhu naMwari, ayo anoratidzwa muBhaibheri, toatevedzera, tinodzidza kushandisa “simba [redu] rekunzwisisa” uye kufunga semafungiro anoita Jehovha. (VaHebheru 5:14) Izvi zvinoita kuti tive nehana yakadzidziswa ichatitungamirira muupenyu uye ichatibatsira kuramba tiri murudo rwaMwari.

^ ndima 11 Vanachiremba vakawanda vanotaura kuti zvakaoma kuti chidhakwa chizive pekugumira pachinonwa. Vanachiremba vanokurudzira kuti zvidhakwa zvibve zvatorirega zvachose.