Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 7

Unokoshesa Upenyu Sezvinoita Mwari Here?

Unokoshesa Upenyu Sezvinoita Mwari Here?

“Kwamuri ndiko kunobva upenyu.”—PISAREMA 36:9.

1, 2. Jehovha akatipa chipo chipi chinokosha?

JEHOVHA akapa munhu wese chipo chinoshamisa. Chipo ichocho upenyu. (Genesisi 1:27) Anoda kuti tive neupenyu hwakanakisisa. Saka anotidzidzisa maonero ake kuti tikwanise kuita zvisarudzo zvakanaka. Tinofanira kushandisa zvaanotidzidzisa izvi kuti tikwanise “kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaHebheru 5:14) Patinoita izvozvo, tinenge tichibvumira Jehovha kuti atidzidzise kufunga zvakajeka. Patinotevedzera zvatinodzidziswa naMwari, toona kuti zvinoita kuti upenyu hwedu huvandudzike, tinosvika pakunzwisisa kuti zvinokosha zvakadini.

2 Zvinoitika muupenyu zvinogona kuoma kunzwisisa. Panowanzomuka dzimwe nyaya dzisina mutemo wakanyatsonyorwa uri muBhaibheri. Dzimwe nyaya dzakadaro dzinosanganisira kurapwa pachishandiswa ropa. Tingasarudza sei zvinoita kuti Jehovha afare? Bhaibheri rinotidzidzisa kuti Jehovha anoona sei upenyu neropa. Kana tikanzwisisa zvarinodzidzisa, tichakwanisa kuita zvisarudzo zvekuchenjera toramba tiine hana yakanaka. (Zvirevo 2:6-11) Iye zvino ngationgororei zvimwe zvarinodzidzisa.

MWARI ANOONA SEI UPENYU NEROPA?

3, 4. (a) Mwari akabudisa sei pachena maonero aanoita ropa? (b) Ropa rinomiririra chii?

3 Bhaibheri rinodzidzisa kuti ropa idzvene nekuti rinomiririra upenyu. Uye upenyu hunokosha kuna Jehovha. Kaini paakaponda munin’ina wake, Jehovha akamuudza kuti: “Ropa remunin’ina wako riri kushevedzera kwandiri riri panyika.” (Genesisi 4:10) Ropa raAbheri raimiririra upenyu hwake; Jehovha paakataura nezveropa raAbheri, aireva upenyu hwaAbheri.

4 Pashure peMafashamo epanguva yaNoa, Mwari akaudza vanhu kuti vaigona kudya nyama. Asi akataura zvakajeka kuti: “Asi nyama ine upenyu hwayo, iro ropa rayo, musaidya.” (Genesisi 9:4) Murayiro uyu waishanda kuvanhu vese vakabva kuna Noa, kusanganisira isu. Zviri pachena kuti kuna Jehovha ropa rinomiririra upenyu. Uye tinofanirawo kuona ropa saizvozvo.—Pisarema 36:9.

5, 6. Mutemo waMozisi unoratidza sei maonero anoita Jehovha upenyu neropa?

5 Jehovha akataura muMutemo waakapa Mozisi kuti: “Munhu wese . . . anodya ropa ripi zvaro, ndichatarisa munhu anodya ropa ndakatsamwa, uye ndichamubvisa pakati pevanhu vake. Nekuti upenyu hwenyama huri muropa.”—Revhitiko 17:10, 11.

6 Mutemo waMozisi waiti kana munhu akauraya mhuka kuti adye nyama yayo, aifanira kudurura ropa rayo pasi. Izvi zvairatidza kuti upenyu hwemhuka yacho hwainge hwadzorerwa kuMusiki, Jehovha. (Dheuteronomi 12:16; Ezekieri 18:4) Asi Jehovha aisatarisira kuti vaIsraeri vabve vabvisa kadonhwe kese keropa kari mumhuka yavacheka. Vaigona kudya nyama yacho vaine hana yakachena, chero bedzi vaicheka, ropa rikabuda zvakakwana. Kuremekedza kwavaiita ropa remhuka kwairatidza kuremekedza kwavaiita Jehovha, Mupi weupenyu. Mutemo wairayirawo vaIsraeri kuti vabayire mhuka kuti varegererwe zvivi zvavo.—Ona Mamwe Mashoko 19 ne20.

7. Dhavhidhi akaratidza sei kuti aikoshesa ropa?

7 Tinogona kuona kukosha kweropa pane zvakaitwa naDhavhidhi paairwisa vaFiristiya. Varume vaiva naDhavhidhi vakaona kuti akanga ava nenyota saka vakapinda pakati pevavengi vavo, pavaigona kuurayiwa, ndokunomucherera mvura. Asi pavakauya nayo kuna Dhavhidhi, akaramba kuinwa “akaidururira pasi pamberi paJehovha.” Dhavhidhi akati: “Handingambofungi kuita zvakadaro, haiwa Jehovha! Ndinganwa ropa revarume vaenda kunochera mvura vachiisa upenyu hwavo pangozi here?” Kuna Dhavhidhi, mvura yacho yaimiririra upenyu hwevarume ava. Dhavhidhi ainzwisisa kuti upenyu neropa zvinokosha zvakadini kuna Mwari.—2 Samueri 23:15-17.

8, 9. Nhasi uno vaKristu vanofanira kuona sei ropa?

8 Pashure perufu rwaJesu, vanhu vaMwari vakanga vasisafaniri kupa zvibayiro zvemhuka. Asi maonero avaiita ropa aisafanira kuchinja. ‘Kurega ropa’ ndicho chimwe chezvinhu zvishomanana zvaiva muMutemo waMozisi zvaidiwa naJehovha kuti vaKristu vachengete. Kuita izvi kwaikosha sekungokosha kwazvaiita kuti varege upombwe nekunamata zvidhori.—Mabasa 15:28, 29.

Ndingatsanangura sei zvandakasarudza panyaya yekushandiswa kwezvikamu zvidiki zveropa?

9 Ndizvo zvazvakaitawo mazuva ano. SevaKristu, tinoziva kuti upenyu hwese hunobva kuna Jehovha uye ndehwake. Tinozivawo kuti ropa idzvene uye rinomiririra upenyu. Saka tinoda kunyatsoongorora kuti Bhaibheri rinoti chii patinoita zvisarudzo panzira dzekurapwa dzine chekuita neropa.

KUSHANDISWA KWEROPA PAKURAPWA

10, 11. (a) Zvapupu zvaJehovha zvinoona sei nyaya yekuwedzerwa ropa kana zvikamu zvaro zvina? (b) MuKristu anofanira kuzvisarudzira ega panyaya dzipi?

10 Zvapupu zvaJehovha zvinonzwisisa kuti ‘kurega ropa’ hakungogumiri pakurega kurinwa kana kuridya chete. Kunoreva kusabvuma kuriwedzerwa, kusapa ropa redu kuti rizopiwa vanhu, uye kusachengetesa redu kuti tizoriwedzerwa. Kunorevawo kusabvuma kuwedzerwa chimwe chezvikamu zvaro zvikuru zvinoti masero matsvuku, masero machena, maplatelets, neplasma.

11 Zvikamu izvi zvina zveropa zvinogonawo kukamurwa-kamurwa kuita tumwe tuzvikamu tudiki. Panyaya yekubvuma zvikamu zvidiki izvi muKristu mumwe nemumwe anofanira kuzvisarudzira. MuKristu anofanirawo kuzvisarudzira panyaya yekurapwa pachishandiswa ropa rake pachake. Mumwe nemumwe anofanira kusarudza kuti ropa rake rinofanira kuitwa sei naro paanenge achivhiyiwa, parinenge richiongororwa kana riine chirwere, uye paanenge achirapwa zvisingabatanidzi kumbochengetwa kweropa rake.—Ona Mamwe Mashoko 21.

12. (a) Nei zvatinosarudza panyaya dzehana zvichikosha kuna Jehovha? (b) Tingasarudza sei nekuchenjera nzira yatingada kurapwa nayo?

12 Jehovha ane basa here nezvatinosarudza panyaya yehana yedu? Hongu, ane basa nazvo. Jehovha anofarira kuziva zvatinofunga uye zviri mumwoyo medu. (Verenga Zvirevo 17:3; 24:12.) Saka patinenge tichisarudza marapirwo atichaitwa, tinofanira kunyengetera kuti Jehovha atitungamirire, totsvakurudza nezvemarapirwo acho. Kana tadaro, tozoshandisa hana yedu yakadzidziswa neBhaibheri pakuita chisarudzo. Hatifaniri kubvunza vamwe kuti dai vari ivo vaiita sei, uye vamwe havafaniri kuedza kutiita kuti tisarudze zvavanoda ivo. MuKristu mumwe nemumwe “achatakura mutoro wake.”—VaGaratiya 6:5; VaRoma 14:12.

MITEMO YAJEHOVHA INORATIDZA KUTIDA KWAANOITA

13. Mitemo yaJehovha pamusoro peropa inotidzidzisei nezvake?

13 Zvese zvatinokumbirwa naJehovha kuti tiite zvakatinakira uye zvinoratidza kuti anotida. (Pisarema 19:7-11) Asi kubatsirwa kwatinoitwa nemitemo yake handicho chikonzero chikuru chinoita kuti timuteerere. Tinomuteerera nekuti tinomuda. Kuda kwatinoita Jehovha ndiko kunoita kuti tirambe kuwedzerwa ropa. (Mabasa 15:20) Izvi zvinochengetedzawo utano hwedu. Vakawanda mazuva ano vanoziva kuti kuwedzerwa ropa kwakaipirei, uye vanachiremba vakawanda vanobvuma kuti kuvhiya vasingashandisi ropa kwakanakira varwere vavo. Zviri pachena kuti nzira dzaJehovha dzinoratidza kuti akangwara uye ane rudo.—Verenga Isaya 55:9; Johani 14:21, 23.

14, 15. (a) Jehovha akapa vanhu vake mitemo ipi kuti ivadzivirire? (b) Ungashandisa sei zviri mumitemo iyi?

14 Mitemo yaMwari yagara yakanakira vanhu vake. Jehovha akapa vaIsraeri mitemo kuti ivadzivirire panjodzi. Semuenzaniso, mumwe mutemo waiti munhu anenge avaka imba ine denga rakati sandara, aifanira kuvaka kamudhuri kumucheto kwedenga racho kuitira kuti vanhu vasadonha. (Dheuteronomi 22:8) Mumwe mutemo waiva nechekuita nezvipfuwo. Kana munhu aine mombe inotunga, aifanira kuichengetedza kuitira kuti isakuvadza kana kuuraya mumwe munhu. (Eksodho 21:28, 29) MuIsraeri paairega kuteerera mitemo iyi, aipiwa mhosva kana mumwe munhu akafa.

15 Kubva pamitemo iyi, tinoona kuti upenyu hunokosha kuna Jehovha. Ko isu tinofanira kumutevedzera sei? Tinofanira kuratidza kuti tinoremekedza upenyu nezvinogara zvakaita misha yedu nemota dzedu, matyairiro atinoita mota, uye zvatinosarudza pakuzvivaraidza. Vamwe vanhu, kunyanya vechidiki, vanofunga kuti hapana chinovawana, saka vanoita zvinhu zvinoisa upenyu hwavo pangozi uye havatombofungi nezvenjodzi dzinogona kuitika. Asi Jehovha haadi kuti tidaro. Anoda kuti tikoshese upenyu, hungava hwedu kana hwevamwe.—Muparidzi 11:9, 10.

16. Jehovha anoona sei kubvisa pamuviri?

16 Upenyu hwemunhu wese hunokosha kuna Jehovha. Kunyange mwana asati azvarwa anokosha kwaari. MuMutemo waMozisi, kana munhu akakuvadza netsaona mukadzi ane pamuviri, uye mukadzi wacho kana kuti mwana wacho ofa, Jehovha aiti munhu iyeye ainge auraya. Izvi zvaireva kuti kunyange zvazvo yaiva tsaona, painge patofa munhu, uye upenyu hwake hwaifanira kuripwa. (Verenga Eksodho 21:22, 23.) Kuna Mwari, mwana asati azvarwa munhu mupenyu. Saka, unofunga kuti anoona sei kubvisa pamuviri? Unofunga kuti anonzwa sei paanoona zviuru nezviuru zvevana vasati vazvarwa zvichiurayiwa gore negore?

17. Chii chinganyaradza mukadzi akambobvisa pamuviri asati ava kuziva Jehovha?

17 Ko kana mumwe mukadzi akambobvisa pamuviri asati aziva kuti Jehovha anozviona sei? Ngaave nechokwadi chekuti Jehovha anogona kumuregerera pachishandiswa chibayiro chaJesu. (Ruka 5:32; VaEfeso 1:7) Mukadzi akamboita izvi haafaniri kuramba achizvipa mhosva kana achibvuma zvepachokwadi kuti akakanganisa. “Jehovha ane ngoni netsitsi, . . . Sekuva kure kwakaita kumabvazuva kubva kumavirira, saizvozvowo akaisa zvitadzo zvedu kure nesu.”—Pisarema 103:8-14.

SIYANA NEPFUNGWA DZEKUVENGA VAMWE VANHU

18. Nei tichifanira kuedza zvese zvatinogona kubvisa pfungwa dzekuvenga vamwe?

18 Kuremekedza chipo chaMwari cheupenyu kunotangira mumwoyo chaimo. Kunosanganisira maonero atinoita vamwe. “Munhu wese anovenga hama yake muurayi,” akanyora kudaro Johani. (1 Johani 3:15) Kusafarira mumwe munhu kunogona kukura kusvika pakumuvenga, tisingatombozvioni. Ruvengo runogona kuita kuti munhu asaremekedza vamwe, avapomere zvenhema, kana kutofunga kuti dai vafa. Jehovha anoziva kuti tinoona sei vamwe vanhu. (Revhitiko 19:16; Dheuteronomi 19:18-21; Mateu 5:22) Kana tichiziva kuti pane mumwe munhu watakavenga, tinofanira kushanda nesimba kuti tirase pfungwa dzakadaro.—Jakobho 1:14, 15; 4:1-3.

19. Tingaratidze sei kuti tinovenga mhirizhonga sezvinoita Jehovha?

19 Pane imwe nzira yatinogona kuratidza nayo kuti tinokoshesa upenyu. Pana Pisarema 11:5, tinodzidza kuti Jehovha “anovenga munhu wese anoda zvemhirizhonga.” Kana tichisarudza kuvaraidzwa nezvinhu zvemhirizhonga tingave tichiratidza kuti tinoda zvemhirizhonga. Ungaisirei mupfungwa dzako mifananidzo yevanhu vari kuita zvemhirizhonga nemashoko avanoshandisa kana zvavanofunga? Tinoda kuzadza pfungwa dzedu nezvinhu zvakachena uye zverugare.—Verenga VaFiripi 4:8, 9.

REGA KUBATANA NEMASANGANO ASINGAKOSHESI UPENYU

20-22. (a) Jehovha anoona sei nyika yaSatani? (b) Vanhu vaMwari vangaratidza sei kuti “havasi venyika”?

20 Nyika yaSatani haikoshesi upenyu, uye kuna Jehovha ine mhaka yekudeura ropa. Hurumende dzine simba dzepanyika dzava nemazana emakore dzichiurayisa zviuru nezviuru zvevanhu, kusanganisira vashumiri vaJehovha vakawanda. MuBhaibheri, hurumende idzi, dzinotsanangurwa sezvikara zvinotyisa uye zvinorura. (Dhanieri 8:3, 4, 20-22; Zvakazarurwa 13:1, 2, 7, 8) Mazuva ano kutengeswa kwezvombo rava bhizinesi rakakura. Vanhu vanowana mazakwatira emari nekutengesa zvombo zvakadaro zvinouraya vanhu vakawanda. Zviri pachena kuti “nyika yese iri musimba reakaipa.”—1 Johani 5:19.

21 Asi vaKristu vechokwadi “havasi venyika.” Vanhu vaJehovha havapindiri mune zvematongerwo enyika kana muhondo. Sezvo vasingaurayi, havatsigiri sangano ripi zvaro rinouraya vanhu. (Johani 15:19; 17:16) VaKristu pavanotambudzwa havadzoreri. Jesu akadzidzisa kuti tinofanira kuda kunyange vavengi vedu.—Mateu 5:44; VaRoma 12:17-21.

22 Zvitendero zvakaurayisawo zviuru nezviuru zvevanhu. Bhaibheri rinotaura nezveBhabhironi Guru, mubatanidzwa wezvitendero zvese zvenhema, richiti: “Mariri makawanikwa ropa revaprofita nerevatsvene nerevaya vese vakaurayiwa panyika.” Wava kunzwisisa here kuti nei Jehovha achitiudza kuti: “Budai mariri vanhu vangu”? Vaya vanonamata Jehovha havabatani nechitendero chenhema.—Zvakazarurwa 17:6; 18:2, 4, 24.

23. ‘Kubuda’ muBhabhironi Guru kunosanganisirei?

23 ‘Kubuda’ muBhabhironi Guru kunosanganisira kunyatsoratidza pachena kuti hatisisiri muchitendero chenhema chero chipi zvacho. Tingada kuva nechokwadi chekuti zita redu rakabviswa pakati pemazita enhengo dzechechi yenhema. Asi hatifaniri kugumira ipapo. Tinodawo kuvenga uye kusiyana nezvinhu zvakaipa zvinoitwa nezvitendero zvenhema. Zvitendero zvenhema zvinobvumira uye zvinotsigira unzenza, zvematongerwo enyika, uye makaro. (Verenga Pisarema 97:10; Zvakazarurwa 18:7, 9, 11-17) Zvinhu izvi zvaurayisa zviuru nezviuru zvevanhu.

24, 25. Kuziva kwatakaita Jehovha kwava kutibatsira sei kuva nerugare nehana yakanaka?

24 Tisati taziva Jehovha, mumwe nemumwe wedu aiva nenzira yaaitsigira nayo zvinhu zvakaipa zvinoitwa nenyika yaSatani. Asi iye zvino takachinja. Takagamuchira rudzikinuro uye takazvitsaurira kuna Mwari. Tiri ‘munguva yekuzorodzwa inobva kuna Jehovha pachake.’ Izvi zvinoreva kuti tine rugare nehana yakanaka, zvinobva pakuziva kuti tiri kufadza Mwari.—Mabasa 3:19; Isaya 1:18.

25 Kunyange kana taimbova mune rimwe sangano risingaremekedzi upenyu, Jehovha anogona kutiregerera achishandisa rudzikinuro. Tinonyatsokoshesa chipo chaJehovha cheupenyu. Tinoratidza kuti tinochikoshesa nekuita zvese zvatinogona kuti tibatsire vamwe kuti vadzidze nezvaJehovha, vasiye nyika yaSatani uye vave neushamwari hwepedyo naMwari.—2 VaKorinde 6:1, 2.

UDZA VAMWE NEZVEUMAMBO

26-28. (a) Jehovha akapa Ezekieri basa ripi rinokosha? (b) Jehovha akatipa basa rei mazuva ano?

26 Jehovha akaudza muprofita Ezekieri kuti ayambire vaIsraeri kuti Jerusarema rainge rava pedyo nekuparadzwa uye kuti avadzidzise zvavaifanira kuita kuti vapone. Kudai Ezekieri akarega kuvayambira, Jehovha aizomupa mhosva yekuurayisa vanhu ivavo. (Ezekieri 33:7-9) Ezekieri akaratidza kuti aikoshesa upenyu nekuita zvese zvaaigona kuti avaudze mashoko iwayo anokosha aibva kuna Jehovha.

27 Jehovha akatipa basa rekuyambira vanhu kuti nyika yaSatani yava pedyo kuparadzwa uye kuvabatsira kuti vazive Jehovha vopona vachipinda munyika itsva. (Isaya 61:2; Mateu 24:14) Tinoda kuita zvese zvatinogona kuti tiudze vamwe mashoko aya. Tinoda kusvika pakutaura sezvakaitwa naPauro kuti: “Ndakachena paropa revanhu vese . . . nekuti handina kumborega kukuudzai zvinhu zvese nezvechinangwa chaMwari.”—Mabasa 20:26, 27.

28 Pane zvimwe zvatinofanirawo kuita kuti tive vakachena muupenyu hwedu. Ngationgororei zvimwe zvacho muchitsauko chinotevera.