Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mamwe Mashoko

Mamwe Mashoko

 1 CHOKWADI CHINOTIDZIDZISA MAONERO AJEHOVHA

Mitemo inopiwa naMwari inobva pamaonero aanoita zvinhu. Tinodzidza maonero aanoita zvinhu muBhaibheri. Kana tava kuanzwisisa, tinogona kuziva mafungiro aMwari uye kuti anonzwa sei pamusoro pedzimwe nyaya. Kunzwisisa mafungiro aMwari kunotibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka muupenyu uye kuti tiite zvakarurama. Kana tava kunzwisisa mafungiro aMwari zvinotibatsira kuziva zvekuita panyaya dzinenge dzisina mutemo wakanyatsonyorwa muBhaibheri.

Chitsauko 1, ndima 8

 2 KUTEERERA

Kuteerera Jehovha kunoreva kuita nemwoyo wese zvese zvaanotiudza kuti tiite. Jehovha anoda kuti timuteerere zvichibva pakumuda kwatinoita. (1 Johani 5:3) Kana tichida uye tichivimba naMwari, tichateerera mazano ake pazvinhu zvese. Tichamuteerera kunyange pazvinenge zvakatiomera. Tinobatsirwa kana tikateerera Jehovha nekuti anotidzidzisa kurarama upenyu hwakanaka iye zvino uye anotivimbisa kuti tichava nemakomborero akawanda mune ramangwana.—Isaya 48:17.

Chitsauko 1, ndima 10

 3 RUSUNUNGUKO RWEKUSARUDZA

Jehovha akasika mumwe nemumwe wedu aine rusununguko rwekusarudza, kana kuti achikwanisa kusarudza zvaanoda nezvaasingadi. Haana kutisika takaita semichina. (Dheuteronomi 30:19; Joshua 24:15) Tinogona kushandisa rusununguko rwedu kuita zvisarudzo zvakanaka. Asi kana tikasangwarira, tinogona kutadza kusarudza nekuchenjera. Kuva nerusununguko rwekusarudza kunoreva kuti tinofanira kuzvisarudzira kuti tinoda kuvimbika kuna Jehovha here, uye kuratidza kuti tinonyatsomuda.

Chitsauko 1, ndima 12

 4 MITEMO INE CHEKUITA NEKUZVIBATA

Jehovha anotipa mitemo inotiudza kuti tinofanira kuita sei uye kuzvibata sei. MuBhaibheri, tinodzidza nezvemitemo iyi uye kuti inogona sei kutibatsira kurarama upenyu hwakanaka. (Zvirevo 6:16-19; 1 VaKorinde 6:9-11) Mitemo iyi inotibatsira kuziva zvinonzi naMwari zvakanaka uye zvakaipa. Inotibatsirawo kuziva kuti zvii zvatingaita kuti tiratidze vamwe rudo, tiite zvisarudzo zvakanaka, uye tibate vamwe zvakanaka. Kunyange zvazvo tsika dzevanhu vari munyika dziri kuparara, mitemo yaJehovha haichinji. (Dheuteronomi 32:4-6; Maraki 3:6) Kuteerera mitemo yake kunotidzivirira toramba tiine utano hwakanaka uye rugare rwepfungwa.

Chitsauko 1, ndima 17

 5 HANA

Hana yedu ipfungwa iri matiri inotibatsira kusiyanisa chakarurama nechisina. Jehovha akapa mumwe nemumwe wedu hana. (VaRoma 2:14, 15) Kuti hana yedu ishande zvakanaka, tinofanira kuidzidzisa kuti ienderane nemitemo yaJehovha. Kana tikadaro, hana yedu inogona kutibatsira kuita zvisarudzo zvinofadza Mwari. (1 Petro 3:16) Hana yedu inogona kutiyambira patinenge tava kuda kuita chisarudzo cheupenzi, kana kuti inogona kuita kuti tirwadziwe chaizvo kana tikaita chimwe chinhu chakaipa. Hana yedu inogona kupedzisira isisina kusimba, asi tichibatsirwa naJehovha, tinogona kuita kuti isimbe zvakare. Hana yakanaka inotipa rugare rwepfungwa uye chiremerera.

Chitsauko 2, ndima 3

 6 KUTYA MWARI

Kutya Mwari kunoreva kuti tinomuda uye tinomuremekedza zvikuru zvekuti hatidi kuita chero chii zvacho chichamugumbura. Kutya Mwari kunotibatsira kuti tiite zvakanaka uye tisiyane nezvakaipa. (Pisarema 111:10) Kunoita kuti tinyatsoteerera zvese zvatinoudzwa naJehovha. Kunotibatsirawo kuti tiite zvatakamuvimbisa nekuti tinomuremekedza zvikuru. Kutya Mwari kunoita kuti tifunge zvinhu zvinofadza Mwari, tibate vamwe zvakanaka uye tiite zvisarudzo zvakanaka zuva nezuva.

Chitsauko 2, ndima 9

 7 KUPFIDZA ZVIVI

Kupfidza kunosanganisira kuzvidemba kunoita munhu kana aita chimwe chinhu chakaipa. Vaya vanoda Mwari vanorwadziwa chaizvo pavanoziva kuti vaita chimwe chinhu chinopesana nemitemo yake. Kana tikaita chimwe chinhu chakaipa, tinofanira kukumbira Jehovha kuti atiregerere achishandisa chibayiro cherudzikinuro chaJesu. (Mateu 26:28; 1 Johani 2:1, 2) Kana tikanyatsopfidza zvepachokwadi, torega kuita zvakaipa, tinogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha achatiregerera. Tinenge tisisafaniri kuramba tichizvidemba nezvatakaita kare. (Pisarema 103:10-14; 1 Johani 1:9; 3:19-22) Tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tidzidze pane zvatakakanganisa, tichinje mafungiro akaipa atingava nawo, uye tirarame zvinoenderana nemitemo yaJehovha.

Chitsauko 2, ndima 18

 8 KUDZINGWA MUUNGANO

Kana munhu anenge aita chivi chakakura akasapfidza, oramba kuteerera mitemo yaJehovha, haakwanisi kuramba ari muungano. Anofanira kudzingwa. Kana munhu akadzingwa, hatifambidzani naye uye hatitauri naye. (1 VaKorinde 5:11; 2 Johani 9-11) Urongwa hwekudzinga hunodzivirira zita raJehovha uye ungano. (1 VaKorinde 5:6) Uyewo kudzinga chirango chinogona kubatsira munhu kuti apfidze odzoka kuna Jehovha.—Ruka 15:17.

Chitsauko 3, ndima 19

 9 KUTUNGAMIRIRWA, KUUDZWA ZVEKUITA, UYE KUPIWA MAZANO

Jehovha anotida uye anoda kutibatsira. Ndokusaka achititungamirira, achitiudza zvekuita uye achitipa mazano achishandisa Bhaibheri uye vanhu vanoda Mwari. Sevanhu vanokanganisa, tinoda chaizvo kubatsirwa saizvozvo. (Jeremiya 17:9) Patinoteerera vaya vanoshandiswa naJehovha kutitungamirira, tichivaremekedza, tinoratidza kuti tinoremekedza Jehovha uye kuti tinoda kumuteerera.—VaHebheru 13:7.

Chitsauko 4, ndima 2

 10 KUZVIKUDZA UYE KUZVININIPISA

Sezvo takaberekwa tiine chivi, zviri nyore kuti tingofunga zvakatinakira uye tizvikudze. Asi Jehovha anotarisira kuti tizvininipise. Kazhinji, tinodzidza kuzvininipisa patinozvienzanisa naJehovha toona kuti iye mukuru sei kwatiri. (Jobho 38:1-4) Chimwe chinokosha pakuzvininipisa kudzidza kufungawo vamwe uye zvakavanakira pane kungozvifunga isu pachedu. Kuzvikudza kunowanzoita kuti munhu afunge kuti ari nani pane vamwe. Munhu anozvininipisa haazvinyengedzi uye anonyatsoona paakasimba nepaasina kusimba. Haatyi kubvuma kuti akanganisa, kukumbira ruregerero, kana kupiwa mazano nevamwe. Munhu anozvininipisa anovimba naJehovha uye anotevedzera zvaanomuudza.—1 Petro 5:5.

Chitsauko 4, ndima 4

 11 UTUNGAMIRIRI

Utungamiriri kuva nekodzero yekuudza vamwe zvekuita uye kuita zvisarudzo. Jehovha ndiye ane simba rinopfuura chero ani zvake pasi nekudenga. Sezvo ari iye akasika zvinhu zvese, hapana ane simba rakaenzana nerake. Anogara achishandisa simba rake kuti abatsire vamwe. Jehovha akapa vamwe vanhu basa rekutitungamirira. Semuenzaniso, vabereki, hurumende, uye vakuru veungano vane simba ravainaro uye Jehovha anoda kuti tivateerere. (VaRoma 13:1-5; 1 Timoti 5:17) Asi mitemo yevanhu painopesana nemitemo yaMwari, tinoteerera Mwari panzvimbo pevanhu. (Mabasa 5:29) Patinozviisa pasi pevaya vari kushandiswa naJehovha, tinenge tichitoratidza Jehovha kuti tinoremekedza zvaanosarudza.

Chitsauko 4, ndima 7

 12 VAKURU

Jehovha anoshandisa vakuru, hama dzava neruzivo, kuti dzitungamirire ungano. (Dheuteronomi 1:13; Mabasa 20:28) Varume ava vanotibatsira kuti tirambe tiine ushamwari hwakasimba naJehovha uye kuti timunamate nenzira yakarongeka uye murugare. (1 VaKorinde 14:33, 40) Kuti vakuru vanzi vakagadzwa nemweya mutsvene, vanofanira kunge vachiita zvinotaurwa neBhaibheri kuti ndizvo zvinodiwa kuti munhu akodzere kuva mukuru. (1 Timoti 3:1-7; Tito 1:5-9; 1 Petro 5:2, 3) Tinovimba nesangano raMwari uye tinoritsigira, saka tinoteerera vakuru tichifara.—Pisarema 138:6; VaHebheru 13:17.

Chitsauko 4, ndima 8

 13 MUSORO WEMBA

Jehovha akapa vabereki basa rekuchengeta vana vavo. Asi, Bhaibheri rinotsanangura kuti murume ndiye musoro wemba. Kana mumhuri yacho musina baba, amai ndivo musoro wemba. Mabasa anofanira kuitwa nemusoro wemba anosanganisira kuwanisa mhuri zvekudya, zvekupfeka uye pekugara. Zvinokosha chaizvo kuti baba vemba vatungamirire mhuri pakunamata Jehovha. Semuenzaniso, vanova nechokwadi chekuti semhuri vanopinda misangano yeungano nguva dzese, vanoparidza, uye vanodzidza Bhaibheri pamwe chete. Baba vemba vanotungamirirawo pakuita zvisarudzo. Vanogara vachiedza kutevedzera Jesu nekubata mhuri yavo zvakanaka, vachiratidza kunzwisisa uye vasingaiti utsinye. Izvi zvinoita kuti mumhuri muve nerudo, izvo zvinobatsira kuti vese vanzwe vakachengeteka uye vasimbise ushamwari hwavo naJehovha.

Chitsauko 4, ndima 12

 14 DARE RINOTUNGAMIRIRA

Dare Rinotungamirira iboka revarume vane tariro yekuenda kudenga vanoshandiswa naMwari kutungamirira basa riri kuitwa nevanhu vake. Munguva yevaapostora, Jehovha akashandisa dare rinotungamirira kutungamirira ungano yevaKristu vepakutanga pakunamata kwavo uye pabasa rekuparidza. (Mabasa 15:2) Mazuva ano, kune boka rakadaro riri kutungamirira uye kudzivirira vanhu vaMwari rinonzi Dare Rinotungamirira. Hama idzi padzinoita zvisarudzo, dzinotungamirirwa neShoko raMwari uye mweya mutsvene. Jesu akadana boka iri revarume vakazodzwa kuti “muranda akatendeka, akangwara.”—Mateu 24:45-47.

Chitsauko 4, ndima 15

 15 CHEKUFUKIDZISA MUSORO

Dzimwe nguva, imwe hanzvadzi inogona kukumbirwa kuti iite chimwe chinhu chinowanzoitwa nehama muungano. Hanzvadzi painenge ichiita basa iroro, inoratidza kuremekedza urongwa hwaJehovha nekupfeka heti kana kusunga dhuku. Asi hapasi pese painofanira kufukidza musoro. Semuenzaniso, muparidzi wechikadzi anopfeka heti kana kusunga dhuku kana achiitisa chidzidzo cheBhaibheri murume wake aripo kana kuti paine imwe hama yakabhabhatidzwa.—1 VaKorinde 11:11-15.

Chitsauko 4, ndima 17

 16 KUSATSIGIRA ZVEMATONGERWO ENYIKA

Hatisi venyika, saka hatina divi rezvematongerwo enyika ratinotsigira. (Johani 17:16) Vanhu vaJehovha vanotsigira Umambo hwake. Tinotevedzera Jesu pakusava nedivi rezvematongerwo enyika ratinotsigira.

Jehovha anotipa murayiro wekuti ‘titeerere hurumende nevanhu vane masimba.’ (Tito 3:1, 2; VaRoma 13:1-7) Asi mutemo waMwari unotiwo tisauraya. Saka hana yemuKristu haimubvumiri kuti aende kuhondo. Kana muKristu achikwanisa kuita mamwe mabasa ehurumende pane kupinda muchiuto, anofanira kufunga kuti hana yake inomubvumira here kuita izvozvo.

Tinonamata Jehovha chete nekuti ndiye Musiki wedu. Kunyange zvazvo tichiremekedza zviratidzo zvenyika, hatisaruti mureza kana kuimba rwiyo rwenyika. (Isaya 43:11; Dhanieri 3:1-30; 1 VaKorinde 10:14) Uyewo, mumwe nemumwe wevanhu vaJehovha anozvisarudzira ega kusavhotera chero ani zvake kana bato ripi zvaro rezvematongerwo enyika. Tinodaro nekuti takatosarudza kutsigira hurumende yaMwari.—Mateu 22:21; Johani 15:19; 18:36.

Chitsauko 5, ndima 2

 17 MWEYA WENYIKA

Nyika inoita kuti vanhu vave nemafungiro aSatani. Mafungiro aya akazara muvanhu vasingadi Jehovha uye vasingadi kumutevedzera kana kuteerera mitemo yake. (1 Johani 5:19) Bhaibheri rinodana mafungiro akadaro uye zviito zvaanokonzera kuti mweya wenyika. (VaEfeso 2:2) Vanhu vaJehovha vanova nechokwadi kuti havakurirwi nemweya iwoyo. (VaEfeso 6:10-18) Tinoda nzira dzaJehovha uye tinoshanda nesimba kuti tirambe tichifunga sezvaanoita.

Chitsauko 5, ndima 7

 18 KUTSAUKA PAKUTENDA

Kutsauka pakutenda kutanga kupikisa chokwadi chiri muBhaibheri. Vanhu vakatsauka pakutenda vanopandukira Jehovha uye Jesu, Mambo akagadzwa weUmambo hwaMwari, uye vanoedza kufurira vamwe kuti vabatane navo. (VaRoma 1:25) Vanoda kuti vanhu vanonamata Jehovha vasava nechokwadi nezvavanotenda. Vamwe vaKristu vepakutanga vakatsauka pakutenda uye vamwe vakatsaukawo mazuva ano. (2 VaTesaronika 2:3) Vaya vakavimbika kuna Jehovha vanosiyana zvachose nevanhu vakatsauka pakutenda. Vamwe vanhu vanogona kutifurira kuti tiverenge kana kuteerera zvinotaurwa nevakapandukira sangano kana kuti isusuwo tinogona kungoda kuziva nezvavo. Hatitombofaniri kurega zvinhu zvakadaro zvichiitika. Takavimbika kuna Jehovha uye ndiye ega watinonamata.

Chitsauko 5, ndima 9

 19 KUYANANISIRA

MuMutemo waMozisi, vaIsraeri vaikumbira Jehovha kuti avaregerere zvivi zvavo. Vaiuya nemipiro yezviyo, mafuta uye zvibayiro zvemhuka kutemberi. Izvi zvaiyeuchidza vaIsraeri kuti Jehovha aiva nechido chekuregerera zvivi zvavo serudzi rwese uye semunhu mumwe nemumwe. Nekufamba kwenguva, Jesu akazopa upenyu hwake kuti abvise zvivi zvedu, saka zvibayiro izvi zvekuyananisira zvakanga zvisisashande. Jesu akapa chibayiro chakakwana “kamwe chete zvikabva zvakwana.”—VaHebheru 10:1, 4, 10.

Chitsauko 7, ndima 6

 20 KUREMEKEDZA UPENYU HWEMHUKA

MuMutemo waMozisi, vanhu vaibvumirwa kudya mhuka. Vakapiwawo murayiro wekupa zvibayiro zvemhuka. (Revhitiko 1:5, 6) Asi Jehovha haana kumbobvumira vanhu vake kubata mhuka zveutsinye. (Zvirevo 12:10) Mutemo waitodzivirira mhuka kuti dzisabatwa zveutsinye. VaIsraeri vakapiwa murayiro wekuti vachengete zvipfuwo zvavo zvakanaka.—Dheuteronomi 22:6, 7.

Chitsauko 7, ndima 6

 21 ZVIKAMU ZVIDIKI ZVEROPA UYE NZIRA DZEKURAPWA NADZO

Zvikamu zvidiki zveropa. Ropa rinoumbwa nezvikamu zvikuru zvina zvinoti masero matsvuku, masero machena, maplatelets, neplasma. Zvikamu izvi zvina zvinogona kukamurwa zvakare kuva zvikamu zvidiki zveropa. *

VaKristu havabvumi kuwedzerwa ropa kana chimwe chezvikamu zvaro zvikuru zvina. Asi vanogona kubvuma zvikamu zvidiki zveropa here? Bhaibheri haritiudzi zvekuita panyaya iyi. Saka muKristu mumwe nemumwe anofanira kuzvisarudzira ega achishandisa hana yake yakadzidziswa neBhaibheri.

Vamwe vaKristu vanosarudza kusawedzerwa zvikamu zvidiki zveropa zvese. Vanogona kusarudza izvozvo vachifunga nezveMutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari waiti ropa rese remhuka raifanira ‘kudururwa pasi.’—Dheuteronomi 12:22-24.

Vamwe vanobvuma kuwedzerwa zvikamu zvidiki zveropa nekuti hana dzavo dzinovabvumira. Vanogona kufunga kuti zvikamu zvidiki zveropa zvinenge zvisisiri kumiririra upenyu hwechisikwa chinenge chatorwa ropa racho.

Paunenge uchisarudza kuti wobvuma zvikamu zvidiki zveropa here kana kuti worega, funga zvinotevera:

  • Ndinoziva here kuti kuramba zvikamu zvidiki zveropa zvese kunoreva kuti handizobvumi mimwe mishonga inorwisa zvimwe zvirwere kana kuti inobatsira kuti munhu asaramba achibuda ropa kana akuvara?

  • Ndingatsanangurira sei chiremba kuti nei ndichibvuma kana kuti ndisingabvumi kuwedzerwa chimwe chezvikamu zvidiki zveropa?

Nzira dzekurapwa nadzo. SevaKristu, hatipi ropa redu kuti rizowedzerwa vamwe, kana kuchengetesa redu kuti tizoriwedzerwa kana tava kuvhiyiwa. Asi pane dzimwe nzira dzekurapwa nadzo dzinosanganisira kushandiswa kweropa remunhu anenge achirapwa. MuKristu mumwe nemumwe anofanira kuzvisarudzira ega kuti ropa rake richaitwa sei naro paanenge achivhiyiwa, parinenge richiongororwa kana riine chirwere, uye paanenge achirapwa zvisingabatanidzi kumbochengetwa kweropa rake. Munhu paanenge achirapwa pachishandiswa nzira idzi, ropa rake rinogona kutombobviswa mumuviri make kwekanguva.—Kuti uwane mamwe mashoko, ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 2000, mapeji 30-31.

Semuenzaniso, pane imwe nzira yekurapwa nayo inonzi hemodilution. Munhu paanenge ava kuda kutovhiyiwa, rimwe ropa rake rinobviswa, rinenge rasara rowedzerwa dzimwe mvura dzinoita kuti riwande. Riya rinenge rambobviswa rinozodzorerwa mumuviri munhu paanenge achivhiyiwa kana kuti achangopedza kuvhiyiwa.

Imwe nzira yekurapwa nayo inonzi cell salvage. Ropa rinorasika munhu achivhiyiwa rinotorwa, rocheneswa uye rodzorerwa mutsinga munhu paanenge achiri pakati pekuvhiyiwa kana kuti paanenge achangopedza kuvhiyiwa.

Chiremba mumwe nemumwe anogona kushandisa nzira idzi zvakati siyanei nezvinoitwa nevamwe. Saka muKristu anofanira kutanga anyatsoziva kuti ropa rake richaitwa sei naro asati abvuma kuvhiyiwa, kurapwa neimwe nzira, kana kuongororwa kana aine chirwere.

Paunenge uchiita zvisarudzo nezvenzira dzekurapwa nadzo dzinoshandiswa ropa rako, funga nezvemibvunzo inotevera:

  • Kana rimwe ropa rangu rikambotsausirwa kunze kwemuviri wangu uye rikatombomira kudzorerwa kwekanguva, hana yangu ichandibvumira kuriona serichiri rangu here, kana kuti ndinenge ndava kuriona serakakodzera ‘kudururirwa pasi’?—Dheuteronomi 12:23, 24.

  • Hana yangu yakadzidziswa neBhaibheri inganetseka here kana rimwe ropa rangu rikabviswa pandinenge ndichirapwa, rosanganiswa nemushonga, rozodzorerwa mumuviri kana kuti kuiswa paronda repanenge pavhiyiwa?

  • Ndinoziva here kuti kuramba nzira dzese dzekurapwa nadzo dzinoshandiswa ropa rangu kunoreva kuti handibvumi kuti ropa rangu riongororwe kana riine chirwere, kurapwa nemuchina unoshanda seitsvo, kana kuti nemuchina unoshandiswa semapapu kana semwoyo pakuvhiya?

Tisati tasarudza kuti tingabvuma zvikamu zvipi zvidiki zveropa kana kuti nzira dzekurapwa nadzo dzinoshandiswa ropa redu, tinofanira kunyengetera kuna Jehovha kuti atitungamirire totsvakurudza. (Jakobho 1:5, 6) Kana tadaro, tinofanira kushandisa hana yedu yakadzidziswa neBhaibheri kuti tiite chisarudzo. Hatifaniri kubvunza vamwe kuti dai vari ivo vaiita sei, uye vamwe havafaniri kuedza kutiita kuti tisarudze zvavanoda ivo.—VaRoma 14:12; VaGaratiya 6:5.

Chitsauko 7, ndima 11

 22 KUZVIBATA

Kana tichizvibata, unhu hwedu uye maitiro edu anofanira kunge akachena mukuona kwaMwari. Kuzvibata kwedu kunosanganisira zvatinofunga, zvatinotaura, uye zvatinoita. Jehovha akatipa murayiro wekuti tisiyane nezvinhu zvese zvisina kuchena zvinoitwa pabonde kana kuti upombwe hwemarudzi ese. (Zvirevo 1:10; 3:1) Tinofanira kugara tasarudza kuti tichateerera mirayiro yaMwari yakachena tisati tatombosangana nemamiriro ezvinhu angatiisa pamuedzo wekuita chimwe chinhu chisina kunaka. Tinofanira kugara tichinyengetera kuti Mwari atibatsire kuita kuti pfungwa dzedu dzirambe dzakachena, uye tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tisatombopinda mumuedzo wekuita upombwe.—1 VaKorinde 6:9, 10, 18; VaEfeso 5:5.

Chitsauko 8, ndima 11

 23 TSIKA DZAKAFUMUKA UYE KUSACHENA

Munhu ane tsika dzakafumuka anotaura kana kuita zvinhu nenzira isingaenderani nezvinodiwa naMwari asingatombonyari. Munhu anoita izvi anoratidza kuti haaremekedzi mitemo yaMwari. Kana munhu aine mhosva yekuita zvinhu zvakafumuka, panoumbwa dare kuti ritonge nyaya yacho. Kusachena kunosiyana-siyana. Dzimwe nyaya dzekusachena dzingatoda kuti paumbwe dare kuti ritonge nyaya dzacho asi izvi zvinoenderana nekuti nyaya dzacho dzakakura sei.—VaGaratiya 5:19-21; VaEfeso 4:19; kuti uwane mamwe mashoko, ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaJuly 15, 2006.

Chitsauko 9, ndima 7; Chitsauko 12, ndima 10

 24 BONHORA

Jehovha akaita kuti bonde rive nzira yakachena yekuratidzana rudo kwemurume nemudzimai wake. Asi kana munhu ava kuita bonhora, kana kushandisa nhengo dzekubereka nadzo nenzira isina kukodzera kuti angozvifadza, anenge ava kuita zvisina kuchena. Tsika iyi inokanganisa ushamwari hwake naJehovha. Inogona kuitawo kuti munhu ave nezvishuwo zvekuita bonde nenzira dzisina kukodzera, uye aone bonde zvisiri izvo. (VaKorose 3:5) Kana munhu aine katsika aka uye achiomerwa kuti akasiye, anofanira kuramba achirwisa. (Pisarema 86:5; 1 Johani 3:20) Kana zvirizvo zvauri kuita, nyengetera nemwoyo wese kuna Jehovha uchimukumbira kuti akubatsire. Rega kuona zvinhu zvinonyadzisira, sezvo zvichiita kuti uve nepfungwa dzisina kuchena. Taura nemumwe wevabereki vako anonamata Jehovha, kana kuti neshamwari yakakura pakunamata inoremekedza mitemo yaJehovha. (Zvirevo 1:8, 9; 1 VaTesaronika 5:14; Tito 2:3-5) Ziva kuti Jehovha anoona uye anokoshesa zvese zvaunoedza kuita kuti urambe wakachena.—Pisarema 51:17; Isaya 1:18.

Chitsauko 9, ndima 9

 BARIKA

Tsika yekuva nemadzimai maviri kana kupfuura inonzi barika. Urongwa hwewanano hwakaitwa naJehovha ndehwekuti murume ave nemudzimai mumwe chete. Munguva yevaIsraeri, Mwari aibvumira kuti murume aite barika, asi handizvo zvaaida pakutanga. Mazuva ano, Jehovha haachabvumiri vanhu vake kuita barika. Murume anofanira kuva nemudzimai mumwe chete, uye mudzimai anofanira kuva nemurume mumwe chete.—Mateu 19:9; 1 Timoti 3:2.

Chitsauko 10, ndima 12

 26 KUDAMBURA MUCHATO UYE KUPARADZANA

Jehovha aida kuti murume nemudzimai vagare vese kweupenyu hwese. (Genesisi 2:24; Maraki 2:15, 16; Mateu 19:3-6; 1 VaKorinde 7:39) Anongobvumira kuti vanhu varambane kana mumwe wavo achinge aita upombwe. Pakadaro, Jehovha anopa anenge asina mhosva kodzero yekusarudza kuti anoda kuti vadambure muchato here kana kuti kwete.—Mateu 19:9.

Vamwe vaKristu vakasarudza kuparadzana nemumwe wavo kunyange asina kuita upombwe. (1 VaKorinde 7:11) MuKristu anogona kufunga kuparadzana nemumwe wake kana zvinhu zvakamira seizvi:

  • Kana murume achiramba kuriritira mhuri: Murume anoramba kuriritira mhuri yake oisiya isina mari kana chekudya.—1 Timoti 5:8.

  • Kana achirohwa zvakaipisisa: Kurohwa zvekuti munhu anoona kuti utano kana kuti upenyu hwake huri pangozi.—VaGaratiya 5:19-21.

  • Kana achitadziswa zvachose kunamata Jehovha: Murume kana mudzimai anotadzisa mumwe wake kushumira Jehovha.—Mabasa 5:29.

Chitsauko 11, ndima 19

 27 KURUMBIDZA UYE KUKURUDZIRA VAMWE

Tese tinoda kurumbidzwa uye kukurudzirwa. (Zvirevo 12:25; 16:24) Tinogona kusimbisana uye kunyaradzana nekutaura mashoko emutsa uye anoratidza rudo. Mashoko akadaro anogona kubatsira hama nehanzvadzi dzedu kutsungirira uye kuramba dzichishumira Jehovha pasinei nematambudziko akakura. (Zvirevo 12:18; VaFiripi 2:1-4) Kana mumwe munhu akaora mwoyo, tinofanira kumuteerera tichimuremekedza, toedza kumunzwisisa. Tikadaro tichakwanisa kuziva zvekutaura uye zvekuita kuti timubatsire. (Jakobho 1:19) Iva nechinangwa chekunyatsoziva hama nehanzvadzi dzako kuti unyatsonzwisisa zvadzinoda. Izvi zvichaita kuti ukwanise kuvabatsira kuti vatarise kuna Mwari wekunyaradza kwese, uyo anogona kuvazorodza zvechokwadi.—2 VaKorinde 1:3, 4; 1 VaTesaronika 5:11.

Chitsauko 12, ndima 16

 28 MICHATO

Bhaibheri haritipi mitemo yekutevedzera panyaya dzemichato. Tsika uye mitemo zvinosiyana zvichienderana nenzvimbo. (Genesisi 24:67; Mateu 1:24; 25:10; Ruka 14:8) Chikamu chinonyanya kukosha pamuchato ndechemhiko dzinoitwa nemurume nemudzimai pamberi paJehovha. Vachati vakawanda vanowanzoda kuti hama neshamwari dzavo dzivepo pavanenge vachiita mhiko idzi uye kuti mumwe mukuru ape hurukuro yeBhaibheri. Zviri kune vachati kuti vasarudze kuti vachaita mabiko akaita sei kana vapedza kuita mhiko dzavo, ndokunge vachiada. (Ruka 14:28; Johani 2:1-11) Pasinei nekuti vachati vacharonga sei muchato wavo, vanofanira kuva nechokwadi chekuti uchaita kuti Jehovha akudzwe. (Genesisi 2:18-24; Mateu 19:5, 6) Mazano eBhaibheri anogona kuvabatsira kuita zvisarudzo zvakanaka. (1 Johani 2:16, 17) Kana vakasarudza kuti pamabiko avo pave nedoro, vanofanira kuva nechokwadi chekuti pane munhu ari kutungamira zviri kuitwa ipapo. (Zvirevo 20:1; VaEfeso 5:18) Kana vakasarudza kuridza mimhanzi kana zvimwe zvinhu zvekuvaraidza vanhu nazvo vanofanira kuva nechokwadi kuti zvichakudza Jehovha. Vachati vechiKristu vanofanira kufunga nezveushamwari hwavo naJehovha uye kudanana kwavo pachavo pane kungofunga nezvezuva remuchato chete.—Zvirevo 18:22; kuti uwane mamwe mashoko, ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 2006, mapeji 18-31.

Chitsauko 13, ndima 18

 29 KUITA ZVISARUDZO ZVEKUCHENJERA

Tinoda kuita zvisarudzo zvinoenderana nezvinotaurwa muShoko raMwari. Semuenzaniso, muKristu anogona kunzi newaakaroorana naye asiri Chapupu chaJehovha vaende kumabiko kunenge kuine hama dzavo pane rimwe zororo renyika. Kana izvi zvikaitika kwauri, uchaita sei? Kana hana yako ichikubvumira kuenda, unogona kutsanangurira murume kana mudzimai wako kuti kana pamabiko pacho pachiitwa tsika dzechihedheni, hausi kuzobatanidzwa pakuita tsika idzodzo. Unofanira kufungawo kuti vamwe vachanzwa sei kana ukaenda kumabiko akadaro.—1 VaKorinde 8:9; 10:23, 24.

Kana kuti waunoshandira anogona kukupa mari yebhonasi panguva yemazororo. Unofanira kuramba bhonasi yacho here? Unogona kuramba, asi unogonawo kubvuma. Zvaunosarudza zvichaenderana nekuti waunoshandira anoona mari yacho sei. Anoona bhonasi yacho senzira yekupembera zororo racho here? Kana kuti ari kungokutendawo nebasa raunoita? Uchifunga zvinhu izvi nezvimwewo, unofanira kusarudza kuti wobvuma here bhonasi yacho kana kuti woramba.

Zvinogona kuitikawo kuti mumwe munhu anogona kukupa chipo panguva yemazororo obva ati: “Ndinoziva kuti haupembereri mazororo, asi ndinoda hangu kungokupa chipo ichi.” Pamwe munhu wacho ari kungodawo kukuitira chinhu chakanaka. Asi unofanira kufungawo kuti munhu wacho haasi kuda kungoedza kutenda kwako here kana kukuita kuti upemberere mazororo? Kana wafunga nezvezvinhu izvi, zviri kwauri kuti usarudze kuti wotambira chipo chacho here kana kuti kwete. Pazvisarudzo zvese zvatinoita, tinoda kuva nehana yakanaka uye kuva vakatendeka kuna Jehovha.—Mabasa 23:1.

Chitsauko 13, ndima 22

 30 NYAYA DZEMABHIZINESI UYE DZEMITEMO

Kazhinji kana kusawirirana kukakurumidza kugadziriswa zvine rugare, hakuzokuri kuita nyaya hombe. (Mateu 5:23-26) KuvaKristu, chinhu chinokosha kupfuura zvimwe zvese ndechekuti Jehovha akudzwe uye ungano irambe yakabatana.—Johani 13:34, 35; 1 VaKorinde 13:4, 5.

Kana vaKristu vakatadza kuwirirana panyaya dzebhizinesi, vanofanira kuedza kugadzirisa nyaya yacho vasingaiti zvekuendesana kumatare. Pana 1 VaKorinde 6:1-8 tinowana zano rakapiwa nemuapostora Pauro panyaya yekuendesana kumatare kwaiitwa nevaKristu. Kuendesa hama yako kumatare kunogona kushoresa Jehovha uye kushoresa ungano. Pana Mateu 18:15-17, panotaura matanho matatu anogona kutorwa nevaKristu kuti vagadzirise nyaya dzakadai sekusvibiswa zita kana kuti kubiridzirwa. (1) Vanofanira kutanga vaedza kugadzirisa nyaya yacho vari vega. (2) Kana izvozvo zvikasashanda, vanogona kukumbira munhu mumwe chete kana vaviri vemuungano vakasimba pakunamata kuti vavabatsire. (3) Kana nyaya yacho isina kupera, vanogona kuisa nyaya yacho kuvakuru veungano. Kana zvinhu zvikasvika pakadaro, vakuru vanogona kushandisa mazano eBhaibheri kuti vaedze kubatsira vaya vanenge vasiri kuwirirana kuti vagadzirise nyaya yacho murugare. Kana vanhu vacho vasingadi kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri, vakuru veungano vanogona kuumba dare kuti nyaya yacho itongwe.

Pane dzimwe nyaya dzakakodzera kuendesa kumatare dzakadai sekudambura muchato, kodzero yekuchengeta vana, mari inobhadharwa mumwe kana vanhu varambana, nyaya dzeinishuwarenzi, kana dzemawiri. Kana muKristu akashandisa matare enyika kuti agadzirise nyaya dzakadai zvine rugare, anenge asingapesani nezano raPauro.

Kana paitika nyaya hombe dzakadai sechibharo, kushungurudzwa kwevana, kubirwa chimwe chinhu chihombe kana kuti kupondwa kwemunhu, muKristu anenge asiri kupesana nezvakataurwa naPauro kana akamhan’ara kumapurisa.

Chitsauko 14, ndima 14

 31 ZVINOSHANDISWA NASATANI KUNYENGEDZA VANHU

Kubvira mumunda weEdheni, Satani anoedza kunyengedza vanhu. (Genesisi 3:1-6; Zvakazarurwa 12:9) Anoziva kuti kana akangovhiringidza mafungiro edu anogona kutinyengedza kuti tiite zvakaipa. (2 VaKorinde 4:4; Jakobho 1:14, 15) Anoshandisa zvematongerwo enyika, zvechitendero, zvekutengeserana, zvekuzvivaraidza nazvo, dzidzo nezvimwewo zvakawanda kuti asimudzire mafungiro ake uye kuti tiaone seakanaka.—Johani 14:30; 1 Johani 5:19.

Satani anoziva kuti nguva yake achinyengedza vanhu yava kumuperera. Saka ari kuita zvese zvaanogona kuti anyengedze vanhu vakawanda vaangakwanisa. Anonyanya kuda kunyengedza vaya vanoshumira Jehovha. (Zvakazarurwa 12:12) Kana tikasangwarira, Dhiyabhorosi anogona kukanganisa mafungiro edu zvishoma nezvishoma. (1 VaKorinde 10:12) Semuenzaniso, Jehovha anoda kuti wanano ive yeupenyu hwese. (Mateu 19:5, 6, 9) Asi vanhu vakawanda mazuva ano vanoona wanano sechirangano chisingakoshi chavanogona kungoputsa nyore nyore. Mafirimu akawanda nemapurogiramu epaTV anosimudzirawo mafungiro akadaro. Hatitombofaniri kurega maonero anoita nyika nyaya yewanano achitikanganisa.

Imwe nzira inoshandiswa naSatani kuti atinyengedze ndeyekusimudzira pfungwa dzekuzvimiririra. (2 Timoti 3:4) Kana tikasangwarira, tinogona kupedzisira tisisaremekedzi vaya vakapiwa masimba naJehovha. Imwe hama inogona kutanga kuita zvinopesana nezvinenge zvataurwa nevakuru. (VaHebheru 12:5) Kana kuti imwe hanzvadzi inogona kutanga kuona sekuti urongwa hwekuti pave nemusoro wemba hauna kukodzera.—1 VaKorinde 11:3.

Hatitombofaniri kurega Dhiyabhorosi achikanganisa mafungiro edu. Asi, tinoda kutevedzera mafungiro aJehovha, toramba takaisa ‘pfungwa dzedu pazvinhu zviri kumusoro.’—VaKorose 3:2; 2 VaKorinde 2:11.

Chitsauko 16, ndima 9

 32 NZIRA DZEKURAPWA NADZO

Tese tinoda kuva neutano uye kurapwa zvakanaka patinenge tichirwara. (Isaya 38:21; Mako 5:25, 26; Ruka 10:34) Mazuva ano vanachiremba nevamwewo vane nzira dzakawanda dzavanorapa vanhu nadzo. Patinenge tichisarudza kuti torapwa sei, zvakakosha kuti tiite zvinoenderana nezvinotaurwa muBhaibheri. Tinoyeuka kuti Umambo hwaMwari chete ndihwo huchapedza urwere hwese. Hatidi kunyanya kuisa pfungwa pautano hwedu zvekuti tinobva tarega kukoshesa kunamata kwatinoita Jehovha.—Isaya 33:24; 1 Timoti 4:16.

Tinofanira kungwarira kuti tisiyane nemarapirwo chero api zvawo anoita seanoshandisa simba remadhimoni. (Dheuteronomi 18:10-12; Isaya 1:13) Saka tisati tabvuma mumwe mushonga kana kurapwa neimwe nzira, tinofanira kutsvaga mashoko kuti tizive kuti unoshanda sei uye kuti unosimudzira mafungiro akaita sei. (Zvirevo 14:15) Hatifaniri kukanganwa kuti Satani anoda kutinyengedza kuti tiite zvechidhimoni. Kunyange tikangofungidzira kuti mamwe marapirwo ane chekuita nemadhimoni, zvinenge zvakanaka kusiyana nawo.—1 Petro 5:8.

Chitsauko 16, ndima 18

^ ndima 98 Mashoko ekuti zvikamu zvidiki zveropa anoshandiswa nevamwe vanachiremba vachireva zvikamu zvikuru zvina zveropa. Saka ungatofanira kujekesa kuti haubvumi kuisirwa ropa kana zvikamu zvaro zvikuru zvina zvinoti masero matsvuku, masero machena, maplatelets uye plasma.