Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 13

Mhemberero Dzese Dzinofadza Mwari Here?

Mhemberero Dzese Dzinofadza Mwari Here?

“Rambai muchiva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe.”—VAEFESO 5:10.

1. Chii chatinofanira kuita kuti tive nechokwadi chekuti kunamata kwedu kunofadza Jehovha, uye nei tichifanira kudaro?

JESU akati: “Vanamati vechokwadi [vachanamata] Baba mumweya nemuchokwadi, nekuti zvechokwadi, Baba vari kutsvaga vanhu vakadaro kuti vavanamate.” (Johani 4:23; 6:44) Mumwe nemumwe wedu anofanira kuva “nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe.” (VaEfeso 5:10) Asi hapasi pese pazviri nyore. Satani anoedza kutinyengedza kuti tiite zvinhu zvinogumbura Jehovha.—Zvakazarurwa 12:9.

2. Tsanangura zvakaitika pedyo neGomo reSinai.

2 Satani anoedza sei kutinyengedza? Imwe nzira yaanoshandisa ndeyekutivhiringidza kuti titadze kusiyanisa zvakarurama nezvisina. Cherechedza zvakaitika vaIsraeri pavakanga vakadzika musasa pedyo neGomo reSinai. Mozisi akanga akwira mugomo, uye vanhu vainge vakamumirira kuti adzoke kumusasa. Vakazopedzisira vaneta nekumumirira, vakakumbira Aroni kuti avagadzirire mwari. Akabva agadzira mhuru yegoridhe kuti vainamate. Vanhu vakabva vaita mutambo. Vakatamba vachitenderera mhuru yacho vachiipfugamira. Vaifunga kuti pavaipfugamira mhuru yacho, vaitonamata Jehovha. Asi kutaura kwavakaita kuti uyu “mutambo uchaitirwa Jehovha,” hakurevi kuti Jehovha aiuona sewakanaka. Kuna Jehovha, zvavaiita kwaiva kunamata zvidhori, uye zvakaurayisa vakawanda vavo. (Eksodho 32:1-6, 10, 28) Izvi zvinotidzidzisei? Usanyengedzwa. “Usabata chinhu chisina kuchena,” uye bvuma kuti Jehovha akudzidzise kusiyanisa zvakanaka nezvisina.—Isaya 52:11; Ezekieri 44:23; VaGaratiya 5:9.

3, 4. Nei zvakanaka kuongorora matangiro akaita mhemberero dzakawanda dzakakurumbira?

3 Jesu paaive pasi pano, akadzidzisa vaapostora vake kunamata kwakachena kwaizofanira kutevedzerwa nevamwe. Pashure perufu rwake, vaapostora vake vakaramba vachidzidzisa vadzidzi vatsva nezvemitemo yaJehovha. Asi pashure pekufa kwevaapostora, vadzidzisi venhema vakatanga kupinza muungano dzidziso dzenhema uye tsika nemhemberero zvechihedheni. Vakatotumidza dzimwe mhemberero idzodzo dzechihedheni mamwe mazita kuti dziite sedzechiKristu. (2 VaTesaronika 2:7, 10; 2 Johani 6, 7) Dzakawanda dzemhemberero idzi dzichakakurumbira nanhasi, uye dzinosimudzira dzidziso dzenhema, kunyange chidhimoni. *Zvakazarurwa 18:2-4, 23.

4 Pasi rese mazuva ano, vanhu vanokoshesa chaizvo mhemberero nemazororo. Asi paunoramba uchidzidza kuti Jehovha anoona sei zvinhu, unogona kuona kuti unofanira kuchinja maonero aunoita dzimwe mhemberero. Izvi zvingasava nyore, asi unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achakubatsira. Ngationgororei matangiro akaita dzimwe mhemberero dzakakurumbira kuti tinzwisise kuti Jehovha anodziona sei.

KRISIMASI YAKATANGA SEI?

5. Uchapupu hupi huripo hunoratidza kuti Jesu haana kuzvarwa musi wa25 December?

5 Munyika dzakawanda, Krisimasi inopembererwa musi wa25 December, zuva rinofungwa nevakawanda kuti ndiro rakazvarwa Jesu. Bhaibheri haritiudzi kuti Jesu akazvarwa zuva ripi kana mwedzi upi. Asi rine zvarinotiudza nezvemwaka waakazvarwa. Ruka akanyora kuti pakazvarwa Jesu muBhetrehema, “vafudzi vaigara kunze kwemisha,” vachichengeta zvipfuwo zvavo. (Ruka 2:8-11) Muna December, muBhetrehema munenge muchitonhora, uye muchinaya mvura nechando saka zvaisazoita kuti vafudzi vagare kunze kwemisha nezvipfuwo zvavo usiku. Izvi zvinotidzidzisei? Tinodzidza kuti Jesu akazvarwa kunze kuchidziya, kwete muna December. Uchapupu hwemuBhaibheri nehwemamwe mabhuku anotaura zvakaitika kare hunoratidza kuti anogona kunge akazvarwa mumwedzi yatava kuziva saSeptember naOctober.

6, 7. (a) Tsika dzakawanda dzakakurumbira dzinoitwa paKrisimasi dzakatanga sei? (b) Ndechipi chikonzero chinofanira kuita kuti tide kupa vamwe zvipo?

6 Saka Krisimasi yakatanga sei? Yakabva pamitambo yechihedheni, yakadai semutambo wevaRoma wainzi Saturnalia. Mutambo uyu waiva wekupemberera mwari wekurima ainzi Saturn. Bhuku rinonzi The Encyclopedia Americana rinoti: “Tsika dzakawanda dzinoitwa pakupemberera Krisimasi mazuva ano dzakabva pamutambo waiitwa munyika yeRoma wainzi Saturnalia, uyo waipembererwa nechepakati pemwedzi waDecember. Semuenzaniso pamutambo uyu ndipo pakatanga nyaya yekuita mabiko emaoresa, kupanana zvipo uye kupisa makenduru.” Uyewo musi wa25 December waipembererwa zuva rekuzvarwa kwaMithra, mwari wezuva wevaPezhiya.

7 Zvisinei, vanhu vakawanda vanopemberera Krisimasi mazuva ano vanenge vasingafungi nezvekuti yakabva kuchihedheni. Vanongoona Krisimasi senguva yekuva pamwe chete nevemumhuri, vachidya zvinonaka nekupanana zvipo. Tese tinoda hama neshamwari dzedu, uye Jehovha anoda kuti vashumiri vake vapewo vamwe zvinhu zvavainazvo. Sezvinotaurwa pana 2 VaKorinde 9:7, “Mwari anoda munhu anopa achifara.” Asi Jehovha haadi kuti tingomirira kupa vamwe zvipo pamazuva atinoona seanokosha chete. Vanhu vaJehovha vanofarira kupa vamwe zvipo nekuungana nehama neshamwari dzavo chero panguva ipi zvayo yegore, vasingatarisiri kupihwawo chimwe chinhu. Vanopa nekuti vane rudo nevamwe.—Ruka 14:12-14.

Kuziva matangiro akaita mhemberero kunogona kutibatsira kuziva mhemberero dzatinofanira kusiyana nadzo

8. Vazivi venyeredzi vakapa Jesu zvipo paaiva kacheche here? Tsanangura.

8 Vakawanda vanoti pavanopa zvipo paKrisimasi vanenge vachitevedzera vachenjeri vatatu vakauya nezvipo kuna Jesu paaiva muchidyiro achangozvarwa. Ichokwadi kuti pane varume vakashanyira Jesu vakauya nezvipo. Kare ikako zvakanga zvakajairika kuti vanhu vashanyire munhu anoremekedzwa vaine zvipo. (1 Madzimambo 10:1, 2, 10, 13) Asi waiziva here kuti Bhaibheri rinoti varume ivavo vaiva vazivi venyeredzi, vanhu vaiita zvemashiripiti uye vakanga vasinganamati Jehovha? Uyewo havana kushanyira Jesu achiri mucheche muchidyiro. Vakamushanyira pava paya, ava kugara mumba. Uyewo zvinofanira kunge zvakatora mwedzi yakati wandei kuti vazivi venyeredzi vafambe kubva kuMabvazuva. Pavakazosvika kwaiva naJesu, vakamuwana asisiri mucheche.—Mateu 2:1, 2, 11.

BHAIBHERI RINOTII NEZVEKUPEMBERERA MAZUVA EKUBEREKWA?

9. Ndivanaani vakapemberera mazuva avo ekuzvarwa vanotaurwa muBhaibheri?

9 Zuva rinozvarwa munhu rinofadza zvikuru. (Pisarema 127:3) Asi izvi hazvirevi kuti tinofanira kupemberera mazuva atakaberekwa. Chatinofanira kuziva ndechekuti muBhaibheri munongova nevanhu vaviri chete vakapemberera mazuva avo ekuzvarwa. Mumwe wacho ndiFarao wekuIjipiti, uye mumwe wacho ndiMambo Herodhi Andipasi. (Verenga Genesisi 40:20-22; Mako 6:21-29.) Hapana mumwe wevatongi ava ainamata Jehovha. Chokwadi ndechekuti muBhaibheri hapana patinoverenga panotaura kuti pane munamati waJehovha akambopemberera zuva rekuberekwa.

10. VaKristu vekutanga vaiona sei kupemberera mazuva ekuberekwa?

10 The World Book Encyclopedia rinoti “vaKristu vekutanga, vaiona kupemberera kuberekwa kwemunhu chero upi zvake setsika yechihedheni.” Tsika dzakadaro dzaibva padzidziso dzenhema. Semuenzaniso, makarekare vaGiriki vaitenda kuti munhu ane mudzimu unomudzivirira unenge uripo paanoberekwa. Uye vaifunga kuti mudzimu wacho waiva neukama namwari ainzi akaberekwa pazuva rinenge rakaberekwawo munhu wacho. Uyewo kuwedzera padzidziso dzakadaro dzechihedheni, kupemberera mazuva ekuberekwa kwakabatanawo netsika yechidhimoni yekutarisa nyeredzi pakuedza kududzira ramangwana.

11. Jehovha anoda kuti tiite sei panyaya yekupa vamwe?

11 Vanhu vakawanda vanoona musi wavakaberekwa sezuva ravanofanira kuratidzwa kuti vanokosheswa uye vanodiwa. Asi tinogona kuratidza hama neshamwari dzedu kuti tinodzida chero panguva ipi zvayo yegore, pane kungozviita pazuva rimwe chete. Jehovha anoda kuti tigare tichipa vamwe nguva dzese, tichivaitira zvakanaka. (Verenga Mabasa 20:35.) Tinomutenda mazuva ese nechipo chaakatipa cheupenyu, kwete kungomirira kuzviita musi watakaberekwa.—Pisarema 8:3, 4; 36:9.

VaKristu vechokwadi vanopa vamwe nekuti vanovada

12. Zuva redu rekufa ringava sei nani pane zuva rekuberekwa?

12 Muparidzi 7:1 inoti: “Zita rakanaka riri nani pane mafuta akanaka, uye zuva rekufa riri nani pane zuva rekuberekwa.” Zuva redu rekufa ringava sei nani pane zuva rekuberekwa? Patinozvarwa, tinenge tisina kana chatinenge taita muupenyu, chingava chakanaka kana chakaipa. Asi patinoshumira Jehovha tichiitira vamwe zvakanaka muupenyu hwedu, tinova ‘nezita rakanaka,’ kana kuti mukurumbira wakanaka, uye Jehovha achatiyeuka kunyange tikafa. (Jobho 14:14, 15) Vanhu vaJehovha havapembereri mazuva avo ekuzvarwa kana raJesu. Chokwadi ndechekuti zuva rimwe chete ravakarayirwa naJesu kuti vayeuke izuva rekufa kwake.—Ruka 22:17-20; VaHebheru 1:3, 4.

ISITA YAKATANGA SEI?

13, 14. Kupembererwa kweIsita kunobatana sei nechihedheni?

13 Vanhu vakawanda vanofunga kuti pavanenge vachipemberera Isita, vanenge vachipemberera kumuka kwaJesu. Asi chokwadi ndechekuti kupemberera Isita kwakabatana nekunamatwa kwaEostre, mwarikadzi wevaAnglo-Saxon wechiedza nechirimo. Duramanzwi rinonzi The Dictionary of Mythology rinotsanangura kuti uyu aivawo mwarikadzi wekubereka. Zvimwe zvinoitwa paIsita zvinobatana nekunamatwa kwamwarikadzi uyu. Semuenzaniso, bhuku rinonzi Encyclopædia Britannica rinoti mazai “akakurumbira sezviratidzo zveupenyu hutsva uye kumuka kwevakafa.” Uyewo tsuro dzava nenguva refu dzichishandiswa nevahedheni sezviratidzo zvekubereka. Zviri pachena kuti Isita hainei nekumuka kwaJesu.

14 Jehovha paanoona vanhu vachibatanidza tsika dzinoitwa muchitendero chenhema nekumuka kweMwanakomana wake, anofara here? Kwete. (2 VaKorinde 6:17, 18) Chokwadi ndechekuti Jehovha haana kumbobvira atiudza kuti tipemberere kumuka kwaJesu.

KUPEMBERERA GOREDZVA

15. Kupemberera goredzva kwakatanga sei?

15 Musi unopembererwa goredzva uye tsika dzinoitwa pazuva iri zvinosiyana-siyana zvichienderana nenyika. Mhemberero dzegoredzva hadzina kutanga nhasi. Zvinyorwa zvekare zvinoratidza kuti mumakore ekuma2 000 B.C.E. vanhu vemuBhabhironi vaipemberera goredzva. The World Book Encyclopedia rinoti: “MuRoma, zuva rekutanga regore raiva zuva rekuremekedza Janus, mwari wemagedhi nemadhoo uye wemavambo nemagumo. . . . Goredzva rakazoitwa zuva dzvene neChechi yechiKristu muna 487 A.D.” Munzvimbo dzakawanda, pamhemberero iyi vanhu vanenge vachifara zvakanyanyisa uye vachidhakwa. Zvisinei, VaRoma 13:13 inotipa zano rekuti: “Ngatifambei zvine unhu sezvinoita vanhu kana ari masikati, kwete kuita mitambo yekufara zvakapfurikidza uye udhakwa, upombwe uye tsika dzakafumuka.”

MICHATO INOFADZA MWARI

16, 17. Zvii zvatinofanira kufunga nezvazvo patinenge tichironga muchato?

16 Zuva remuchato izuva rinofadza. Pasi rese vanhu vanopemberera michato nenzira dzakasiyana-siyana. Kazhinji, vanhu havafungi nezvekuti tsika dzinoitwa pamuchato dzinobva kupi, saka vangasaziva kuti dzimwe tsika ndedzechihedheni. Asi pavanenge vachironga muchato, vaKristu vanofanira kuva nechokwadi kuti muchato wavo uchafadza Jehovha. Kana vakadzidza kuti tsika dzinoitwa pamichato dzakabvepi, vachakwanisa kuita zvisarudzo zvakanaka.—Mako 10:6-9.

17 Dzimwe tsika dzinoitwa pamichato dzinonzi dzinoita kuti vachati vave nemhanza yakanaka. (Isaya 65:11) Semuenzaniso, mune dzimwe nzvimbo, vanhu vanomwaya pavanhu vari kuchata zvinhu zvakadai semupunga. Vanofunga kuti izvi zvichaita kuti vaviri vacho vave nevana, vafare, vararame kwenguva refu uye vadzivirirwe pane zvakaipa. Asi vaKristu vanongwarira kuti vasiyane netsika dzese dzine chekuita nekunamata kwenhema.—Verenga 2 VaKorinde 6:14-18.

18. Ndezvipi zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri zvinoshanda panyaya yemichato?

18 VaKristu vanenge vachichata vanoda kuti muchato wavo ufadze, uve nemutsigo uye unakidze munhu wese anenge aripo. Vaya vanenge vapiwa mukana wekutaura pamuchato wevaKristu havafaniri kutaura zvinhu zvisina kunaka, zvibhende zvenyaya dzepabonde, kana kuti zvinoratidza kusaremekedza vachati kana vamwe vanhu vanenge varipo. (Zvirevo 26:18, 19; Ruka 6:31; 10:27) Muchato wevaKristu hausi wekuti munhu ‘ashamisire nezvinhu zvaainazvo.’ (1 Johani 2:16) Kana uri kuronga muchato, iva nechokwadi kuti pauchazocheuka shure uchifunga nezvawo, uchava nezvinhu zvinofadza zvekuyeuka.—Ona Mamwe Mashoko 28.

KUROVANISA MAGIRAZI PAKUNWA KWAKATANGA SEI?

19, 20. Kurovanisa magirazi pakunwa kwakatanga sei?

19 Imwe tsika yakakurumbira inoitwa pamichato nepane dzimwe mhemberero ndeyekurovanisa magirazi pakunwa. Panoitwa izvi, mumwe munhu anotaura mashoko ekushuvira kuti chimwe chinhu chakanaka chiitike vamwe vanenge varipo vakasimudza magirazi avo avari kunwira. VaKristu vanofanira kuona sei tsika iyi?

20 Bhuku rinonzi International Handbook on Alcohol and Culture rinoti kurovanisa magirazi pakunwa itsika inofanira kunge yakabva pane zvaiitwa kare nevanhu “vachipira kuna vanamwari chinwiwa chavaiyeresa.” Vaiita izvi “vachida kuitirwa zvavaikumbira mumunyengetero wavaiita muchidimbu nemashoko ekuti ‘rarama upenyu hurefu!’ kana kuti ‘iva neutano hwakanaka!’” Kare, vanhu vaisimudza makapu avo kuti vakumbire kukomborerwa navanamwari vavo. Asi Jehovha haapi vanhu makomborero nenzira iyi.—Johani 14:6; 16:23.

“IMI VANODA JEHOVHA, VENGAI ZVAKAIPA”

21. Ndedzipi dzimwe mhemberero dzisingafaniri kupembererwa nevaKristu?

21 Paunenge uchisarudza kubatanidzwa mumhemberero chero ipi zvayo, funga nezvekuti inoita kuti vanhu vafunge sei uye vazvibate sei. Dzimwe mhemberero dzinoita kuti vanhu vatambe zvinonyadzisira, vanwise doro kana kutoita zveunzenza. Mhemberero dzakadaro dzinogonawo kusimudzira ungochani kana kuita kuti vanhu vaone sekuti nyika dzavo dzinokosha kupfuura dzevamwe. Kana tikabatanidzwa mumhemberero dzakadaro, tinenge tichivenga zvinovengwa naJehovha here?—Pisarema 1:1, 2; 97:10; 119:37.

22. Chii chinogona kubatsira muKristu kusarudza kuti obatanidzwa mune imwe mhemberero here kana kuti orega?

22 VaKristu vanofanira kungwarira zvikuru kuti vasabatanidzwa mumhemberero dzinoshoresa Mwari. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mungava muri kudya kana kunwa kana kuita chero chimwe chinhu, itai zvinhu zvese kuti Mwari akudzwe.” (1 VaKorinde 10:31; ona Mamwe Mashoko 29.) Hazvirevi hazvo kuti mhemberero dzese dzinotsigira zvinhu zvakadai seunzenza, kunamata kwenhema, kana kuita kuti vanhu vanyanye kuda nyika dzavo. Kana mhemberero isingapesani nezvinotaurwa neBhaibheri, tinofanira kusarudza tega kuti tobatanidzwa here kana kuti torega. Tinodawo kufunga kuti zvatichasarudza zvichaita kuti vamwe vanzwe sei.

KUDZA JEHOVHA NEZVAUNOTAURA UYE ZVAUNOITA

23, 24. Tingatsanangurira sei vemumhuri zvatakasarudza panyaya yedzimwe mhemberero?

23 Zvimwe wakatorega kubatanidzwa mumhemberero dzinoshoresa Jehovha. Asi vamwe vemumhuri yako vasiri Zvapupu zvaJehovha vanogona kufunga kuti zvawava kuita zvinoratidza kuti hauvadi kana kuti hauchadi kumbotandarawo navo. Vanogona kufunga kuti nguva inoitwa mazororo ndiyo yega yekuti mhuri iungane pamwe chete. Saka ungaita sei? Pane nzira dzakawanda dzaunogona kuvaratidza nadzo kuti unovada uye kuti unovakoshesa. (Zvirevo 11:25; Muparidzi 3:12, 13) Unogona kuvakoka kuti mumbotandarawo pane dzimwe nguva.

24 Kana hama dzako dzichida kuziva kuti nei usingachabatanidzwi mune mamwe mazororo, unogona kutsvaga mashoko mumabhuku edu uye pajw.org achakubatsira kutsanangura zvikonzero zvako. Usaita kuti vakuone seuri kuda kuratidza kuti iwe ndiwe wakarurama kana kuti vaone seuri kuda kuvamanikidza kufunga sezvaunoita. Batsira vemumhuri mako kuti vaone kuti pane zvakawanda zvawakafunga nezvazvo uchibva wazoita chisarudzo. Ramba wakadzikama, uye “mashoko [ako] ngaaratidze mutsa, akarungwa nemunyu.”—VaKorose 4:6.

25, 26. Vabereki vangaita sei kuti vabatsire vana vavo kuti vade mitemo yaJehovha?

25 Zvakakosha kuti tese zvedu tinyatsonzwisisa kuti nei tisingabatanidzwi mune dzimwe mhemberero. (VaHebheru 5:14) Chinangwa chedu ndechekufadza Jehovha. Uye kana tiri vabereki, tinofanira kubatsira vana vedu kuti vanzwisise uye vade zvinodzidziswa neBhaibheri. Pavanosvika pakunyatsoziva Jehovha, naivowo vachada kumufadza.—Isaya 48:17, 18; 1 Petro 3:15.

26 Jehovha anofara paanoona tichiita zvese zvatinogona kuti timunamate nenzira yakachena uye takatendeseka. (Johani 4:23) Asi vakawanda vanofunga kuti hazviiti kuti munhu ave akatendeseka munyika ino yakazara vanhu vasina kutendeseka. Ichocho ichokwadi here? Ngatikurukurei izvi muchitsauko chinotevera.

^ ndima 3 Unogona kuwana mashoko nezvemhemberero dzakasiyana-siyana muWatch Tower Publications Index, uye muBhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza, nepajw.org.