Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 4

Nei Tichifanira Kuremekedza Vane Masimba?

Nei Tichifanira Kuremekedza Vane Masimba?

“Kudzai vanhu vese, idai sangano rese rehama, ityai Mwari, kudzai mambo.”—1 PETRO 2:17.

1, 2. (a) Ndivanaani vatinofanira kuteerera? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura muchitsauko chino?

PAWAIVA mudiki, dzimwe nguva vabereki vako vaikuudza kuti uite chimwe chinhu chawaisada kuita. Waida vabereki vako uye waiziva kuti unofanira kuvateerera. Asi unogona kunge waisada kuvateerera pane dzimwe nguva.

2 Tinoziva kuti Baba vedu Jehovha, vanotida. Vanotichengeta uye vanoita kuti tive nezvese zvatinoda kuti tinakidzwe neupenyu. Vanotiudza zvatinofanira kuita kuti tibudirire. Dzimwe nguva vanoshandisa vamwe vanhu kuti vatitungamirire. Tinofanira kuremekedza Jehovha nevaya vaakapa masimba. (Zvirevo 24:21) Asi nei dzimwe nguva zvichitiomera kubvuma kuudzwa zvekuita? Nei Jehovha achida kuti titeerere zvatinoudzwa? Uye tinoratidza sei kuti tinoremekedza urongwa hwake?—Ona Mamwe Mashoko 9.

NEI ZVAKAOMA?

3, 4. Zvakafamba sei kuti vanhu vave nechivi? Zvii zvinogona kuita kuti tiomerwe nekubvuma kutungamirirwa nevamwe?

3 Sevanhu venyama, kapfungwa kekuda kupanduka kari matiri. Izvi zvakatanga murume nemudzimai vekutanga, Adhamu naEvha pavakaita chivi. Kunyange zvazvo vakasikwa vasina chivi, vakapandukira Mwari. Kubvira ipapo, vanhu vese vanoberekwa vaine chivi. Chivi ichocho ndicho chimwe chinoita kuti zvitiomere kubvuma kutungamirirwa naJehovha nevamwe vanhu. Chimwezve ndechekuti vaya vanoshandiswa naJehovha kutitungamirira vanhuwo vane chivi.—Genesisi 2:15-17; 3:1-7; Pisarema 51:5; VaRoma 5:12.

4 Sezvo tiine chivi, tine kapfungwa kekuda kuzvikudza. Kuzvikudza kunoita kuti zvitiomere kubvuma kutungamirirwa nemumwe munhu. Jehovha akashandisa Mozisi kuti atungamirire vanhu vake, vaIsraeri. Asi mumwe murume ainzi Kora, uyo ainge ava nemakore akawanda achishumira Jehovha, akatanga kuzvikudza uye aisatomboremekedza Mozisi. Kunyange zvazvo Mozisi aitungamirira vanhu vaMwari, aisazvikudza. Akatorondedzerwa semurume aizvininipisa kupfuura vamwe vese vairarama panguva yake. Asi Kora aisada kutungamirirwa naMozisi. Akatoita kuti mhomho yevanhu ibatane naye pakupandukira Mozisi. Chii chakaitika kuna Kora nevaya vakabatana naye pakupanduka? Vakaurayiwa. (Numeri 12:3; 16:1-3, 31-35) MuBhaibheri mune mienzaniso yakawanda inotidzidzisa kuti kuzvikudza kune ngozi.—2 Makoronike 26:16-21; ona Mamwe Mashoko 10.

5. Vamwe vanhu vakashandisa sei simba ravo zvisiri izvo?

5 Pamwe wakambonzwa mashoko ekuti, “Kuva nesimba kunowanzokanganisa munhu.” Tikatarisa zvakaitwa nevanhu kubvira kare, tinoona kuti vakawanda vakashandisa simba ravo zvisiri izvo. (Verenga Muparidzi 8:9.) Semuenzaniso, Sauro aiva murume ainge akanaka uye aizvininipisa paakasarudzwa naJehovha kuti ave mambo wevaIsraeri. Asi akasiya kuzvikudza negodo zvichikura mumwoyo make zvikamuita kuti atange kutambudza Dhavhidhi, murume akanga asina mhosva. (1 Samueri 9:20, 21; 10:20-22; 18:7-11) Dhavhidhi akazova mambo uye aiva mumwe wemadzimambo akanaka chaizvo akatonga vaIsraeri. Asi nekufamba kwenguva, kunyange naiyewo akashandisa simba rake zvisiri izvo. Akaita upombwe naBhati-shebha, mudzimai waUriya, uye akaedza kuvanza chivi chake nekuita kuti Uriya aurayiwe kuhondo.—2 Samueri 11:1-17.

NEI TICHIREMEKEDZA UTUNGAMIRIRI HWAJEHOVHA?

6, 7. (a) Kuda kwatinoita Jehovha kunoita kuti tiitei? (b) Chii chichatibatsira kuteerera kunyange pazvinenge zvisiri nyore?

6 Tinoremekedza utungamiriri hwaJehovha nekuti tinomuda. Sezvo tichida Jehovha kupfuura ani zvake kana chii zvacho, tinoda kumufadza. (Verenga Zvirevo 27:11; Mako 12:29, 30.) Kubvira pakatanga Adhamu naEvha kugara mumunda weEdheni, Satani aida kuti vanhu vasava nechokwadi neutungamiriri hwaJehovha. Dhiyabhorosi anoda kuti tifunge kuti Jehovha haana kodzero yekutiudza zvekuita. Asi tinoziva kuti idzodzo inhema. Tinobvumirana nemashoko aya ekuti: “Jehovha, Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nekuremekedzwa nesimba, nekuti makasika zvinhu zvese.”—Zvakazarurwa 4:11.

7 Pawaiva mwana mudiki, pamwe wakadzidziswa kuteerera vabereki vako kunyange pawaisada. Sevashumiri vaJehovha, panogona kuvawo nenguva yazvinenge zvisiri nyore kuti titeerere. Asi tinoda Jehovha uye tinomuremekedza, saka tinoita zvese zvatinogona kuti timuteerere. Jesu akatiratidza chinonzi kuteerera. Akateerera Jehovha kunyange pazvaisava nyore. Ndokusaka aikwanisa kuudza Baba vake kuti: “Ngakurege kuva kuda kwangu, asi kwenyu.”—Ruka 22:42; ona Mamwe Mashoko 11.

8. Ndedzipi dzimwe nzira dzinoshandiswa naJehovha kutitungamirira? (Ona bhokisi rakanzi “ Teerera Zano.”)

8 Mazuva ano, Jehovha anotitungamirira nenzira dzakasiyana-siyana. Akatipa Bhaibheri. Akatipawo vakuru veungano. Patinoremekedza vaya vanoshandiswa naJehovha kutitungamirira, tinenge tichitoratidza kuti tinoremekedza utungamiriri hwake. Kana tikaramba kubatsirwa navo, tinenge tichitoramba Jehovha. VaIsraeri pavakaramba kutungamirirwa naMozisi, Jehovha haana kuitora senyaya diki. Akaona sekuti vaitoramba iye pachake.—Numeri 14:26, 27; ona Mamwe Mashoko 12.

9. Rudo ruchatibatsira sei kuti titeerere zvatinoudzwa?

9 Patinoremekedza vanotitungamirira, tinoratidza kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu. Chimbofungidzira paitika dambudziko rakadai semafashamo. Kazhinji panowanzoita boka revanhu rinoshanda pamwe chete kuti rinunure vanhu vakawanda varingakwanisa. Kuti boka iri ribudirire, panofanira kuva neanenge achitungamirira uye vese vanofanira kutevedzera zvavanenge vachiudzwa. Asi chii chingaitika kana mumwe wavo akasateerera, oita zvaanoda? Kunyange zvazvo munhu iyeye aine chinangwa chekubatsira vanhu, kusateerera kwake kunogona kuvhiringidza vamwe vake, uye kungatoita kuti vakuvare zvakaipisisa. Saizvozvowo, kana tikasateerera zvatinoudzwa naJehovha nevaya vaakapa masimba, tinogona kurwadzisa vamwe. Asi patinoteerera Jehovha, tinoratidza kuti tinoda hama dzedu uye tinoremekedza urongwa hwaJehovha.—1 VaKorinde 12:14, 25, 26.

10, 11. Tava kuda kukurukura nezvei?

10 Zvese zvatinonzi naJehovha tiite zvakatinakira. Kuremekedza vane masimba muhurumende, mumhuri, uye muungano kunobatsira vanhu vese.—Dheuteronomi 5:16; VaRoma 13:4; VaEfeso 6:2, 3; VaHebheru 13:17.

11 Kunzwisisa kuti nei Jehovha achida kuti tiremekedze vamwe kunogona kutibatsira kuti tiite izvozvo. Iye zvino ngatikurukurei kuti tinganyatsoratidza sei kuti tinoremekedza vemumhuri, vemuungano uye vehurumende.

KUREMEKEDZANA MUMHURI

12. Murume angaratidza sei kuti anoremekedza utungamiriri hwaJehovha?

12 Jehovha ndiye akatanga mhuri uye akapa mumwe nemumwe nzvimbo yake. Kana munhu wese ari mumhuri akanzwisisa zvaanotarisirwa naJehovha kuti aite, zvinhu zvinofamba zvakanaka uye mhuri yese inobatsirika. (1 VaKorinde 14:33) Jehovha akaita kuti murume ave musoro wemba. Izvi zvinoreva kuti Jehovha anotarisira kuti murume ariritire uye atungamirire mudzimai wake nevana murudo. Saka murume achazvidavirira kuna Jehovha pamabatiro aanoita mhuri yake. Murume wechiKristu ane mutsa nerudo uye anobata mhuri yake semabatirwo anoitwa ungano naJesu. Kana murume achiita izvi, anenge achiratidza kuti anoremekedza Jehovha.—VaEfeso 5:23; ona Mamwe Mashoko 13.

Kana vachidzidzisa mhuri yavo, baba vechiKristu vanenge vachitevedzera Kristu

13. Mudzimai angaratidza sei kuti anoremekedza utungamiriri hwaJehovha?

13 Mudzimai wechiKristu ane nzvimbo yakewo inokosha inofanira kuremekedzwa. Anotsigira murume wake uyo anenge achishanda zvakaoma kuti atungamirire mhuri zvakanaka. Iye nemurume wake vane basa rekudzidzisa vana vavo. Imwe nzira yaanodzidzisa nayo vana vake kuva neruremekedzo, ndeyekuva neruremekedzo iye pachake. (Zvirevo 1:8) Anoremekedza murume wake uye anotsigira zvaanenge asarudza. Kunyange paanenge asingabvumirani nemurume wake pane imwe nyaya, anotaura maonero ake zvakanaka uye zvine ruremekedzo. Kana mudzimai wechiKristu aine murume asiri Chapupu, ane matambudziko aanosangana nawo akasiyana neevamwe. Asi kana akaramba achiratidza murume wake rudo neruremekedzo, murume wacho anogona kuzopedzisira ava kuda kuziva Jehovha nekumunamata.—Verenga 1 Petro 3:1.

14. Vana vangaratidza sei kuti vanoremekedza utungamiriri hwaJehovha?

14 Vana vanokosha kuna Jehovha uye zvakakosha kuti vadzivirirwe uye vatungamirirwe. Vana pavanoteerera vabereki vavo, vanoita kuti vabereki vafare. Chinotonyanya kukosha ndechekuti pavanoteerera vabereki, vanenge vachitoremekedza Jehovha uye vanomufadza. (Zvirevo 10:1) Mumhuri dzakawanda, vana vari kurerwa nemubereki mumwe chete. Izvi hazvisi nyore kumubereki wacho uye kuvana vacho. Asi kana vana vachiteerera uye vachitsigira baba kana amai vavo, zvinhu hazvizonyanyi kuoma mumhuri yacho. Pasinei nekuti mhuri yakamira sei, hapana mhuri isina matambudziko. Asi mhuri dzese dzinogona kuwedzera kufara kana nhengo imwe neimwe yemhuri ichizviisa pasi peutungamiriri hwaJehovha. Izvi zvinoita kuti Jehovha, Musiki wemhuri dzese, arumbidzwe.—VaEfeso 3:14, 15.

KUREMEKEDZANA MUUNGANO

15. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza Jehovha muungano?

15 Jehovha anotitungamirira achishandisa ungano yechiKristu, uye akapa Jesu masimba ese pamusoro peungano. (VaKorose 1:18) Jesu akapawo “muranda akatendeka, akangwara” basa rekutungamirira vanhu vaMwari vari panyika. (Mateu 24:45-47) Nhasi uno, Dare Rinotungamirira ndiro “muranda akatendeka, akangwara.” Dare Rinotungamirira rinotipa zvese zvatinoda panguva yakakodzera kuti kutenda kwedu kurambe kwakasimba. Vakuru, vashumiri veungano, nevatariri vematunhu vanotsigira ungano pasi rese uye vanoudzwa zvekuita neDare Rinotungamirira. Hama dzese idzi dzine basa rekutibatsira. Dzichazvidavirira kuna Jehovha pamaitiro adzinoita basa iri. Saka patinoremekedza varume ava, tinenge tichitoremekedza Jehovha.—Verenga 1 VaTesaronika 5:12; VaHebheru 13:17; ona Mamwe Mashoko 14.

16. Nei tichigona kuti vakuru nevashumiri veungano vanogadzwa nemweya mutsvene?

16 Vakuru nevashumiri veungano vanobatsira vanhu vari muungano kuti varambe vaine kutenda uye vakabatana. Ava vanhu vanokanganisawo sezvatinongoita. Saka vanosarudzwa sei? Hama idzi dzinoonekwa kukodzera kwadzo pachishandiswa zvinotaurwa neBhaibheri. (1 Timoti 3:1-7, 12; Tito 1:5-9) Jehovha akashandisa mweya mutsvene kuti abatsire vanyori veBhaibheri kutsanangura zvinodiwa kuti munhu akodzere kugadzwa. Vakuru vanonyengetera kuti Jehovha avape mweya mutsvene pavanenge vachikurukura kuti ndiani angagadzwa semukuru kana mushumiri weungano. Saka zviri pachena kuti ungano dziri kutungamirirwa naJesu naJehovha. (Mabasa 20:28) Varume vakagadzwa kuti vatitsigire nekutibatsira zvipo zvinobva kuna Mwari.—VaEfeso 4:8.

17. Zvii zvingaitwa nehanzvadzi pane dzimwe nguva kuratidza kuti ine ruremekedzo?

17 Dzimwe nguva panogona kunge pasina vakuru kana vashumiri veungano vanenge varipo kuti vaite rimwe basa muungano. Kazhinji dzimwe hama dzakabhabhatidzwa dzinogona kubatsira, asi kana pasina, imwe hanzvadzi inogona kuita basa rinofanira kuitwa nehama yakabhabhatidzwa. Kana zvakadaro, hanzvadzi yacho inofanira kusunga dhuku kana kupfeka heti. (1 VaKorinde 11:3-10) Izvi zvinoratidza kuti hanzvadzi yacho inoremekedza urongwa hwaJehovha hwekuti pave nevanotungamirira mumhuri nemuungano.—Ona Mamwe Mashoko 15.

KUREMEKEDZA VAMIRIRIRI VEHURUMENDE

18, 19. (a) Tinodzidzei pana VaRoma 13:1-7? (b) Tinoratidza sei kuti tinoremekedza hurumende?

18 Mazuva ano, Jehovha anobvumira hurumende kuti dzive nemasimba uye tinofanira kudziremekedza. Vanoronga magariro anoita vanhu munyika yese nemunharaunda dzavanogara kuti zvinhu zvive zvakarongeka uye pave nezvimwe zvinobatsira vanhu. VaKristu vanoteerera murayiro uri pana VaRoma 13:1-7. (Verenga.) Tinoremekedza “vane masimba” uye tinoteerera mitemo yemunyika kana munharaunda matinogara. Mitemo iyi inogona kunge ichibata-bata mhuri dzedu, mabhizinesi kana zvinhu zvatiinazvo. Tinobhadhara mitero uye tinopa hurumende zvainoda kuziva nezvedu. Asi tinofanira kuitei kana hurumende ikati tiite chimwe chinhu chisingapindirani nemitemo yaMwari? Muapostora Petro akati: “Tinofanira kuteerera Mwari semutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:28, 29.

19 Kana tichitaura nevamiririri vehurumende, vakadai semutongi kana mupurisa tinofanira kuratidza ruremekedzo. VaKristu vechidiki vanoremekedza vadzidzisi vavo nevamwe vashandi vepachikoro. Kumabasa kwedu, tinoremekedza vatinoshandira pasinei nekuti vamwe vashandi havadaro. Patinoita izvi, tinenge tichitevedzera muapostora Pauro, uyo airemekedza vamiririri vehurumende kunyange pazvaisava nyore. (Mabasa 26:2, 25) Kunyange kana vamwe vasingatibati zvakanaka, tinoramba tiine ruremekedzo.—Verenga VaRoma 12:17, 18; 1 Petro 3:15.

20, 21. Zvinhu zvipi zvakanaka zvinogona kuitika kana tikaremekedza vamwe?

20 Pasi rese, kuremekedzana kuri kuenda kuchiparara zvishoma nezvishoma. Asi vanhu vaJehovha vakasiyana nevamwe. Tinoita zvese zvatinogona kuti tiremekedze munhu wese. Tinoteerera murayiro wakataurwa nemuapostora Petro wekuti: “Kudzai vanhu vese.” (1 Petro 2:17) Vanhu vatinoremekedza vanozvicherechedza. Jesu akatiudza kuti: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vokudza Baba venyu.”—Mateu 5:16.

21 Kana tichiratidza ruremekedzo mumhuri yedu, muungano uye pane zvimwe zvatinoita muupenyu, vamwe vanoticherechedza vanogona kuda kudzidza zvakawanda nezvaJehovha. Uye patinoremekedza vamwe, tinenge tichitoremekedza Jehovha. Izvi zvinoita kuti Jehovha afare uye zvinomuratidza kuti tinomuda.