Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 1

Rudo rwaMwari Runogara Nekusingaperi

Rudo rwaMwari Runogara Nekusingaperi

“Kuda Mwari kunooneka nekuchengeta mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.”—1 JOHANI 5:3.

1, 2. Nei uchida Jehovha Mwari?

UNODA Mwari here? Pamwe unomuda zvekuti wakatozvitsaurira kwaari. Unogona kunge uchimuona seshamwari yako yepedyo. Asi Jehovha akakuda usati watombotanga kumuda. MuBhaibheri tinoverenga kuti: “Tine rudo nekuti Mwari ndiye akatanga kutida.”—1 Johani 4:19.

2 Funga zvese zvakaitwa naJehovha kuratidza kuti anotida. Akatipa nyika kuti ive musha wedu wakanaka nezvese zvatinoda kuti tinakidzwe neupenyu. (Mateu 5:43-48; Zvakazarurwa 4:11) Anoda kuti tive neushamwari hwepedyo naye, uye akaita kuti tikwanise kudzidza nezvake. Patinoverenga Bhaibheri, tinenge tichiita setiri kuteerera Jehovha achitaura. Uye patinonyengetera, iye anenge achititeerera. (Pisarema 65:2) Anotitungamirira uye anotisimbisa nemweya wake mutsvene. (Ruka 11:13) Akatotuma Mwanakomana wake waanoda zvikuru panyika kuti atisunungure pachivi nerufu.—Verenga Johani 3:16; VaRoma 5:8.

3. Tingaita sei kuti ushamwari hwedu naJehovha hurambe hwakasimba?

3 Chimbofunga nezveimwe shamwari yako yepedyo inogara ichikutsigira mukufara nemukusuwa. Pane zvaunofanira kutoita kuti murambe muine ushamwari hwakasimba kudaro. Ndizvo zvazvakaitawo neushamwari hwedu naJehovha, Shamwari iri pedyo kupfuura ani zvake watingashamwaridzana naye. Ushamwari hwedu naye hunogona kugara nekusingaperi. Saka Bhaibheri rinotiudza kuti, ‘Rambai muri murudo rwaMwari.’ (Judha 21) Tingazviita sei izvozvo? Bhaibheri rinoti: “Kuda Mwari kunooneka nekuchengeta mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.”—1 Johani 5:3.

KUDA MWARI KUNOONEKA SEI?

4, 5. Kuda kwaunoita Jehovha kwakatanga sei kukura mumwoyo mako?

4 Bhaibheri rinotaura ‘nezvekuda Mwari.’ Unoyeuka here pawakatanga kuda Jehovha?

Paunozvitsaurira kuna Jehovha wobhabhatidzwa, unoratidza kuti unomuda uye kuti unoda kuramba uchimuteerera

5 Yeuka kuti wakanzwa sei pawakatanga kudzidza kuti Jehovha anoda kuti urarame nekusingaperi munyika yake itsva. Wakadzidza zvese zvaakaita kuti tikwanise kurarama nekusingaperi, uye wakaona kuti Jehovha akatipa chipo chinokosha zvikuru paakatuma Mwanakomana wake panyika. (Mateu 20:28; Johani 8:29; VaRoma 5:12, 18) Pawakaziva kuti Jehovha anokuda zvikuru, zvakakubaya mwoyo uye wakabva watanga kumudawo.—Verenga 1 Johani 4:9, 10.

6. Kuda mumwe munhu kunosanganisirei? Kuda kwaunoita Mwari kwakakuita kuti uite sei?

6 Asi kuda Mwari ikoko kwaingova mavambo. Semuenzaniso, kana tichida mumwe munhu, hatingogumiri pakumuudza kuti, “Ndinokuda.” Rudo runoita kuti tide kuita zvinhu zvichaita kuti munhu iyeye afare. Saizvozvowo, kuda Jehovha kwakakuita kuti ude kurarama nenzira inomufadza. Rudo irworwo parwaikura, zvimwe wakazvitsaurira kwaari ukabhabhatidzwa. Pawakaita izvozvo, wakavimbisa kushumira Jehovha nekusingaperi. (Verenga VaRoma 14:7, 8.) Ungaitei kuti usaputsa vimbiso iyoyo?

“KUCHENGETA MIRAYIRO YAKE”

7. Kana tichida Jehovha tichaita sei? Mimwe mirayiro yake ndeipi?

7 Tinoratidza kuti tinoda Jehovha, “nekuchengeta mirayiro yake.” Tinoita sei izvozvo? Tinozviita nekumuteerera. MuBhaibheri, tinodzidza kuti Jehovha anoda kuti tirarame sei. Anotiudza kuti zvakaipa kuti munhu abe, anyepe, arare nemunhu waasina kuroorana naye, kana kunamata mumwe munhu kana chimwe chinhu kunze kwake iye.—1 VaKorinde 5:11; 6:18; 10:14; VaEfeso 4:28; VaKorose 3:9.

8, 9. Tinoziva sei zvinodiwa naJehovha kana muBhaibheri musina mutemo unotiudza zvekuita? Taura muenzaniso.

8 Asi kuti tifadze Jehovha, pane zvimwe zvatinofanirawo kuita kunze kwekuteerera mirayiro yake. Haana kuita zvekutipa mirayiro yakanyorwa inodonongodza twese tunoitika muupenyu. Saka dzimwe nguva panenge pasina mutemo wakanyorwa muBhaibheri unonyatsotaura zvatinofanira kuita. Tingaziva sei zvekuita pakadaro? (VaEfeso 5:17) MuBhaibheri tinoona mafungiro aMwari, kana kuti chokwadi chinotidzidzisa maonero anoita Jehovha zvimwe zvinhu. Uye patinoverenga Bhaibheri, tinosvika pakunyatsoziva kuti Jehovha munhu akaita sei. Tinodzidza mafungiro ake, kusanganisira zvaanoda uye zvaanovenga.—Verenga Pisarema 97:10; Zvirevo 6:16-19; ona Mamwe Mashoko 1.

9 Semuenzaniso, tingasarudza sei zvekuona paTV kana paIndaneti? Jehovha haatiudzi zvekuona nezvekusaona. Asi chokwadi chaanotidzidzisa, icho chinoratidza mafungiro ake, chichatibatsira kuziva zvekuita nezvekusaita. Mazuva ano, zvekuzvivaraidza nazvo zvakawanda zvinowanzobudisa nyaya dzekurwisana nedzepabonde. MuBhaibheri, Jehovha anotiudza kuti “anovenga munhu wese anoda zvemhirizhonga” uye kuti “achatonga vese vanoita zveupombwe.” (Pisarema 11:5; VaHebheru 13:4) Kuziva izvi kungatibatsira sei kuita zvisarudzo zvakanaka? Kana tangoziva kuti Jehovha anovenga chimwe chinhu kana kuti anochiona sechisina kuchena, tinofanira kusiyana nacho.

10, 11. Nei tichiteerera Jehovha?

10 Nei tichiteerera Jehovha? Hatiteereri tichityira kuzorangwa kana tatadza kana kuti kutya matambudziko anozovapo nemhaka yezvakaipa zvatinenge tasarudza kuita. (VaGaratiya 6:7) Asi tinoteerera Jehovha nekuti tinomuda. Sezvinongoita vana, avo vanoda kuti baba vavo vafare, isuwo tinoda kuti Baba vedu vekudenga vafare. Hapana chinotifadza kupfuura kuziva kuti Baba vedu vanofara nesu.—Pisarema 5:12; Zvirevo 12:2; ona Mamwe Mashoko 2.

11 Hatiteereri Jehovha pazvinenge zviri nyore chete kana kuti nekuti hapana zvekuzviita. Uye hatisarudzi mitemo yake yekuteerera neyekusateerera. (Dheuteronomi 12:32) Tinomuteerera pazvinhu zvese sezvaiita munyori wepisarema uyo akati: “Ndinoda mirayiro yenyu zvikuru; zvechokwadi ndinoida.” (Pisarema 119:47; VaRoma 6:17) Tinoda kuita saNoa, uyo akaratidza kuti aida Jehovha nekuita zvese zvaakaudzwa naJehovha kuti aite. Bhaibheri rinoti Noa “akaita izvozvo chaizvo.” (Genesisi 6:22) Unodawo kuti Jehovha adaro nezvako here?

12. Tingaitei kuti tifadze Jehovha?

12 Jehovha anonzwa sei patinomuteerera? “Mwoyo wake” unofara. (Zvirevo 11:20; 27:11) Chimbozvifunga. Tinoita kuti Musiki wezvinhu zvese afare patinomuteerera. Asi haambotimanikidzi kumuteerera. Akatotipa rusununguko rwekusarudza. Izvi zvinoreva kuti tine rusununguko rwekusarudza kuita zvakanaka kana zvakaipa. Jehovha anoda kuti kuda kwatinomuita kuite kuti tisarudze zvakanaka kuitira kuti tive neupenyu hwakanakisisa.—Dheuteronomi 30:15, 16, 19, 20; ona Mamwe Mashoko 3.

“MIRAYIRO YAKE HAIREMI”

13, 14. Tinoziva sei kuti mirayiro yaMwari haina kuoma zvekuti tingatadze kuiteerera? Taura muenzaniso.

13 Ko kana tichifunga kuti mitemo yaJehovha yakanyanya kuoma kana kuti inotitorera rusununguko rwedu? Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Mirayiro yake hairemi.” (1 Johani 5:3) Mune mamwe mavhesi, shoko rekuti “kurema” rinoshandiswa kutsanangura mitemo isina musoro kana kuti vanhu vanoomesera vamwe uye vanoedza kuvaita kuti vaite zvavanoda. (Mateu 23:4; Mabasa 20:29, 30) Shanduro yeBhaibheri inonzi New English Translation inoti: “Mirayiro yake haitiremedzi.” Mirayiro yaJehovha “hairemi,” izvo zvinoreva kuti haina kuoma zvekuti tingatadze kuiteerera. Zvese zvaanotiudza kuti tiite anoziva kuti tinozvikwanisa.

14 Ngatitii uri kubatsira shamwari yako kutama. Akatorongedza zvinhu zvake zvese mumabhokisi. Mamwe mabhokisi acho haasi kurema, asi mamwe ari kurema zvekuti panotoda vanhu vaviri kuti vaatakure. Shamwari yako ingakukumbira kuti utakure bhokisi rinonyanya kurema uri wega here? Haangambodaro nekuti haadi kukukuvadza. Sezvakaita shamwari iyoyo, Jehovha haangambotiudze kuti tiite chinhu chakatiomera. (Dheuteronomi 30:11-14) Jehovha anonzwisisa zvatiri. “Anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.”—Pisarema 103:14.

15. Nei tichigona kuva nechokwadi chekuti mirayiro yaJehovha yakatinakira?

15 Mozisi akaudza vaIsraeri kuti mirayiro yaJehovha yaizoita kuti ‘zvirambe zvakavanakira’ uye kuti kuteerera kwavo kwaizovabatsira kuti ‘varambe vari vapenyu.’ (Dheuteronomi 5:28-33; 6:24) Ndizvo zvazvakaitawo nhasi. Zvese zvatinonzi naJehovha tiite zvinovandudza upenyu hwedu. (Verenga Isaya 48:17.) Baba vedu Jehovha, vagara vachiziva zvakatinakira. (VaRoma 11:33) Bhaibheri rinotiudza kuti: “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Izvi zvinoreva kuti zvese zvinotaurwa naJehovha uye zvaanoita zvinobva parudo rwake.

16. Tinoziva sei kuti tinogona kuteerera kunyange tiine chivi uye tichirarama munyika yakaipa?

16 Hazvisi nyore kuti titeerere Mwari nguva dzese. Tinorarama munyika yakaipa iri kutongwa naDhiyabhorosi. Anoedza kuita kuti vanhu vaite zvakaipa. (1 Johani 5:19) Tinofanira kurwisanawo nepfungwa dzedu nemwoyo yedu zvinokanganiswa nechivi chatiinacho, sezvo zvichigona kuita kuti tisateerera Mwari. (VaRoma 7:21-25) Asi kuda kwatinoita Jehovha kunotipa simba rekuita zvakanaka. Anoona zvatinoedza kuita kuti timuteerere, uye anotibatsira nekutipa mweya wake mutsvene. (1 Samueri 15:22, 23; Mabasa 5:32) Mweya mutsvene unotibatsira kuti tive neunhu hunoita kuti zvive nyore kumuteerera.—VaGaratiya 5:22, 23.

17, 18. (a) Tichadzidzei mubhuku rino? (b) Tichakurukurei muchitsauko chinotevera?

17 Mubhuku rino, tichadzidza kuti tingararama sei nenzira inofadza Jehovha. Tichadzidza kuti tingatevedzera sei zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwedu. Yeuka kuti Jehovha haambotimanikidzi kumuteerera. Patinosarudza kuteerera, upenyu hwedu hunovandudzika uye tinova neramangwana rakazonaka. Zvinonyanya kufadza ndezvekuti, patinoteerera tinoratidza Mwari madiro atinomuita.—Ona Mamwe Mashoko 4.

18 Kuti atibatsire kuziva kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi, Jehovha akapa mumwe nemumwe wedu hana. Kana tikadzidzisa hana yedu, inogona kutibatsira “kuchengeta mirayiro yake.” Saka chii chinonzi hana uye tinoidzidzisa sei? Ngationei.