Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 16

Rwisana naDhiyabhorosi

Rwisana naDhiyabhorosi

“Rwisanai naDhiyabhorosi, uye achakutizai.”—JAKOBHO 4:7.

1, 2. Chii chatinofanira kunzwisisa nezvaSatani nemadhimoni ake?

UPENYU munyika itsva yaJehovha huchange huchinakidza zvekunakidza zviya. Tichange tava kurarama sezvaidiwa naMwari pakutanga. Asi iye zvino tiri kurarama munyika iri musimba raSatani nemadhimoni ake. (2 VaKorinde 4:4) Kunyange zvazvo tisingakwanisi kumuona, ariko uye ane simba chaizvo.

2 Muchitsauko chino, tichakurukura kuti tingaramba sei tiri pedyo naJehovha tozvidzivirira kuna Satani. Jehovha anotivimbisa kuti achatibatsira. Asi tinofanira kunzwisisa nzira dzinoshandiswa naSatani nemadhimoni ake kuti atinyengedze uye atirwise.

“SESHUMBA INODZVOVA”

3. Dhiyabhorosi anoda kutiita sei?

3 Satani anoti vanhu vanonamata Jehovha kuti zvinhu zvivanakire uye anoti kana zvinhu zvikanyatsotiomera, ticharega kushumira Jehovha. (Verenga Jobho 2:4, 5.) Munhu paanoratidza kuti anoda kudzidza nezvaJehovha, Satani nemadhimoni ake vanozvicherechedza, voedza kuita kuti arege kudzidza. Vanotsamwa chaizvo kana munhu akazvitsaurira kuna Jehovha obhabhatidzwa. Bhaibheri rinoenzanisa Dhiyabhorosi ‘neshumba inodzvova, ichitsvaga wekudya.’ (1 Petro 5:8) Satani anoda kuparadza ushamwari hwedu naJehovha.—Pisarema 7:1, 2; 2 Timoti 3:12.

Satani anotsamwa patinozvitsaurira kuna Jehovha

4, 5. (a) Zvii zvisingakwanisi kuitwa naSatani? (b) Zvinorevei ‘kurwisana naDhiyabhorosi’?

4 Asi hatifaniri hedu kutya Satani nemadhimoni ake. Jehovha haavasiyi vachiita zvese zvavada patiri. Jehovha anovimbisa kuti “boka guru” revaKristu vechokwadi richapona ‘pakutambudzika kukuru.’ (Zvakazarurwa 7:9, 14) Dhiyabhorosi haagoni kuita kuti izvi zvikundikane nekuti Jehovha ari kudzivirira vanhu vake.

5 Kana tikaramba tiri pedyo naJehovha, Satani haakwanisi kuparadza ushamwari hwedu naye. Shoko raMwari rinotivimbisa kuti: “Jehovha anemi kana imi mukangoramba muinaye.” (2 Makoronike 15:2; verenga 1 VaKorinde 10:13.) Varume nevakadzi vakawanda vekare, vakadai saAbheri, Inoki, Noa, Sara, uye Mozisi, vakarwisa Dhiyabhorosi nekuramba vari pedyo naJehovha. (VaHebheru 11:4-40) Isuwo tinogona kurwisa Dhiyabhorosi saizvozvo. Shoko raMwari rinovimbisa kuti: “Rwisanai naDhiyabhorosi, uye achakutizai.”—Jakobho 4:7.

TIRI “KURWISANA” NASATANI NEMADHIMONI

6. Satani anotirwisa sei?

6 Satani anoziva kuti pane zvimwe zvinhu zvaasingakwanisi kuita kwatiri, asi anoedza chero chii zvacho kuti aite kuti akanganise ushamwari hwedu naMwari. Mazuva ano, Dhiyabhorosi anotirwisa nenzira dzakasiyana-siyana, uye ava nezviuru zvemakore achishandisa nzira idzi. Ndedzipi dzimwe dzacho?

7. Nei Satani ari kurwisa vanhu vaJehovha?

7 Muapostora Johani akanyora kuti: “Nyika yese iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) Satani anoita kuti nyika ino yakaipa iite zvido zvake uye anodawo kuti vanhu vaJehovha vaite zvido zvake. (Mika 4:1; Johani 15:19; Zvakazarurwa 12:12, 17) Dhiyabhorosi anoziva kuti asara nenguva shoma, saka ari kuita kuti mumwe nemumwe wedu aomerwe nekuramba akavimbika kuna Mwari. Dzimwe nguva, Dhiyabhorosi anotirwisa zviri pachena, asi dzimwe nguva hazvisi nyore kuona kuti anenge achitotirwisa.

8. MuKristu mumwe nemumwe anofanira kuziva chii?

8 Pana VaEfeso 6:12, tinoverenga kuti: Tiri “kurwisana [“kuita mutsimba,” mashoko emuzasi] . . . nemasimba emweya yakaipa ari munzvimbo dzemumatenga.” MuKristu mumwe nemumwe ari kurwisana naDhiyabhorosi nemadhimoni ake. Tinofanira kuziva kuti vese vanozvitsaurira kuna Jehovha vari muhondo iyi. Paainyorera vaKristu vaiva muEfeso, muapostora Pauro akakurudzira vaKristu katatu kuti ‘vamire vakasimba.’—VaEfeso 6:11, 13, 14.

9. Satani nemadhimoni vanoedza kutiita sei?

9 Satani nemadhimoni ake vanoedza kutinyengedza nenzira dzakasiyana-siyana. Kunyange kana takamborwiswa naSatani neimwe nzira tikabudirira, anogona kutirwisa neimwe akatikurira. Dhiyabhorosi anoedza kutsvaga patisina kusimba osarudza zvekutiteya nazvo kuti atibate. Asi hatifaniri hedu kubatwa naSatani nekuti Bhaibheri rinotidzidzisa kuti Dhiyabhorosi anoshandisei pakutiteya. (2 VaKorinde 2:11; ona Mamwe Mashoko 31.) Imwe nzira yaanoshandisa ndeyekuita kuti tiite zvechidhimoni.

TAMBIRA KURE NEMADHIMONI

10. (a) Kuita zvechidhimoni kuita sei? (b) Jehovha anoona sei zvechidhimoni?

10 Kuita zvechidhimoni kuita zvinhu zvinodaidza madhimoni, zvakadai sekufembera, kuroya, kutsinga vamwe, kana kuedza kutaura nevanhu vakafa. Bhaibheri rinotiudza kuti zvinhu zvechidhimoni ‘zvinosemesa’ uye kuti hatikwanisi kunamata Jehovha uku tichiita zvechidhimoni. (Dheuteronomi 18:10-12; Zvakazarurwa 21:8) VaKristu vanofanira kusiyana zvachose nezvinhu zvese zvine chekuita nemadhimoni.—VaRoma 12:9.

11. Kufarira zvemashura kunotikanganisa sei?

11 Satani anoziva kuti kana tichifarira zvinhu zvemashura, zvinomuitira nyore kuti atikwezvere kumadhimoni. Tikangoita zvinhu zvine chekuita nemadhimoni tinokanganisa ushamwari hwedu naJehovha.

SATANI ANOEDZA KUTINYENGEDZA

12. Satani anoedza sei kukanganisa mafungiro edu?

12 Satani anoedza kuvhiringidza mafungiro evanhu. Anoita kuti vasava nechokwadi nezvavanoziva kuti zvakanaka, vopedzisira vava kuti “zvakanaka zvakaipa uye zvakaipa zvakanaka.” (Isaya 5:20) Dhiyabhorosi anosimudzira mafungiro ekuti mazano ari muBhaibheri haashandi uye kuti tinowedzera kufara kana tikasateerera mitemo yaMwari.

13. Satani anoedza sei kuti vanhu vasava nechokwadi nezvinhu zvavanotenda?

13 Kuita kuti vanhu vasava nechokwadi nezvavanotenda inzira inobudirira zvikuru inoshandiswa naSatani. Ava nenguva refu achishandisa nzira iyi. Mumunda weEdheni, akaedza kuti Evha asava nechokwadi nezvaaitenda paakati: “Ichokwadi here kuti Mwari akati hamufaniri kudya michero yemiti yese yemumunda?” (Genesisi 3:1) Papera makore, munguva yaJobho, Satani akabvunza Jehovha pamberi pengirozi kuti: “Jobho anotya Mwari pasina here?” (Jobho 1:9) Pashure pekubhabhatidzwa kwaJesu, Satani akamuti: “Kana uri mwanakomana waMwari, udza matombo aya kuti ave chingwa.”—Mateu 4:3.

14. Satani anoita sei kuti vanhu vasava nechokwadi kuti zvechidhimoni zvinokuvadza?

14 Mazuva ano, Dhiyabhorosi achiri kushandisa nzira iyi. Anoedza kuita kuti vanhu vasava nechokwadi kuti zvinhu zvechidhimoni zvakaipa nekuita kuti zvimwe zvacho zviite sezvisingakuvadzi. Kunyange vamwe vaKristu havachaoni kukuvadza kwazvinoita. (2 VaKorinde 11:3) Saka tingaitei kuti tizvidzivirire? Tingaita sei kuti tive nechokwadi chekuti hatisi kunyengedzwa nemazano aSatani? Ngationgororei kuti angatinyengedza sei achishandisa zvekuzvivaraidza nazvo, uye marapirwo atingaitwa.

SATANI ANOSHANDISA ZVINHU ZVAANOZIVA KUTI MUNHU WESE ANOZVIDA

15. Zvatinozvivaraidza nazvo zvingatipinza sei mune zvinhu zvechidhimoni?

15 Vanhu vese vanoda zvinhu zvinovavaraidza. Mazuva ano, nzvimbo dzakawanda dzepaIndaneti, mafirimu, mavhidhiyo, mapurogiramu epaTV, uye mitambo yemavhidhiyo zvinowanzobudisa zvinhu zvemadhimoni, zvemashiripiti, uye zvemashura. Vakawanda vanoona zvinhu izvi sezvinhu zvekungonakidzwa nazvo zvisingakuvadzi vasingazivi kuti vari kuzvidaidzira madhimoni. Munhu anogona kuitawo zvechidhimoni nekutenda mashura, kana kududzira zviitiko achishandisa mitsetse yemumaoko nekutarisa nyeredzi, uye kududzira hope. Dhiyabhorosi anoita kuti zvisava nyore kuti tione kuipa kwezvinhu izvi uye anoedza kuita kuti zviite sezvinhu zvisinganzwisisiki, zvinonakidza uye zvinosekesa. Munhu anogona kutofunga kuti hapana chakaipa nekuona firimu rine zvinhu zvechidhimoni kana zvemashura chero bedzi iye wacho asingaiti zvechidhimoni. Nei mafungiro akadaro achikuvadza?—1 VaKorinde 10:12.

16. Nei tichifanira kuramba kuvaraidzwa nezvinhu zvechidhimoni?

16 Satani nemadhimoni havagoni kuziva zviri mupfungwa dzedu. Asi vanogona kuzviziva nekucherechedza zvinhu zvatinosarudza kuzvivaraidza nazvo nemhuri dzedu. Kana tikasarudza mafirimu, mimhanzi, kana mabhuku ane chekuita nemasvikiro, mashura, zvechidhimoni, zveuroyi, kana zvimwewo zvakadaro, Satani nemadhimoni ake vanobva vaziva kuti tinoda kuziva nezvavo. Vanobva vaedza kutipinza kuti tinyatsonyura muchidhimoni.—Verenga VaGaratiya 6:7.

17. Satani anogona kushandisa sei chido chedu chekuva neutano hwakanaka?

17 Satani anogona kushandisawo chido chedu chekuva neutano hwakanaka. Mazuva ano, vakawanda vanorwara. Munhu anogona kunge aedza nzira dzakasiyana-siyana dzekurapwa, zvikaramba. (Mako 5:25, 26) Anogona kupererwa zvekuti anogona kubvuma chero chii zvacho kuti apore. Asi sevaKristu, tinoda kungwarira kuti tisasarudza nzira dzekurapwa nadzo dzine chekuita ‘nemashiripiti.’—Isaya 1:13.

Vimba naJehovha paunenge uchirwara

18. VaKristu vanofanira kusiyana nemarapirwo akaita sei?

18 MuIsraeri, paiva nevamwe vaiita “zvemashiripiti.” Jehovha akati kwavari: “Pamunotambanudza zvanza zvenyu, ndinokuvanzirai maziso angu. Kunyange muchiita minyengetero mizhinji, handisi kuiteerera.” (Isaya 1:15) Chimbozvifunga! Jehovha aisatomboda kana kuteerera minyengetero yavo. Hatidi kuita chero chii zvacho chingakanganisa ushamwari hwedu naJehovha toita kuti asatibatsira, kunyanya patinenge tichirwara. (Pisarema 41:3) Saka tinofanira kunyatsotsvakurudza kuti marapirwo atiri kuda kuitwa haana kubatana nezvinhu zvechidhimoni here kana zvemashiripiti. (Mateu 6:13) Kana zvichiratidzika sekuti pane pazvakabatana, tinofanira kusiyana nemarapirwo acho!—Ona Mamwe Mashoko 32.

KUTAURA ZVINOITWA NEMADHIMONI

19. Dhiyabhorosi anoita sei kuti vanhu vakawanda vamutye?

19 Vamwe vanhu vanofunga kuti hakuna Dhiyabhorosi nemadhimoni, asi vamwe vanoziva kuti variko nemhaka yezvavakasangana nazvo muupenyu. Vakawanda vanorarama vachitya madhimoni uye vanotova varanda vekutenda mashura. Vamwe vanoita kuti vanhu vatye madhimoni nekugara vachitaura nezvezvaanoita achitambudza vanhu. Kazhinji vanhu vanonakidzwa nenyaya dzakadaro uye vanofarira kudziudza vamwe. Nyaya dzakadaro dzinowanzoita kuti vanhu vatye Dhiyabhorosi.

20. Chii chatisingafaniri kuita kuti tisaparadzira nhema dzaSatani?

20 Chimbofunga izvi. Satani anoda kuti vanhu vamutye. (2 VaTesaronika 2:9, 10) Anonyepa uye inyanzvi pakuvhiringidza pfungwa dzevanhu vanofarira zvechidhimoni achivaita kuti vatende zvinhu zvinogona kunge zvisiri zvechokwadi. Vanhu ivavo vanogona kutaura zvinhu zvavanofunga kuti vakaona nekunzwa. Pavanoramba vachiudza vamwe nyaya dzakadaro, dzinopedzisira dzawedzeredzwa. Hatidi kubatsira Satani pakuita kuti vanhu vamutye nekuudza vamwe nyaya dzakadaro dzatinenge tanzwa.—Johani 8:44; 2 Timoti 2:16.

21. Pane kugara tichitaura zvinoitwa nemadhimoni, chii chatinofanira kutaura nezvacho?

21 Kana mumwe mushumiri waJehovha aine zvaakamboitwa nemadhimoni, haafaniri kuvaraidza vamwe nenyaya yacho. Vanhu vaJehovha havafaniri kutya chero chii zvacho chingaitwa naDhiyabhorosi nemadhimoni. Panzvimbo pekudaro, tinofanira kuisa pfungwa pana Jesu nesimba raakapiwa naJehovha. (VaHebheru 12:2) Jesu aisavaraidza vadzidzi vake achivaudza zvinhu zvinoitwa nemadhimoni. Aigara achitaura nezvemashoko eUmambo uye “nezvezvinhu zvikuru pamusoro paMwari.”—Mabasa 2:11; Ruka 8:1; VaRoma 1:11, 12.

22. Wasarudza kusaitei zvachose?

22 Ngatisambokanganwa kuti chinangwa chaSatani ndechekuparadza ushamwari hwedu naJehovha. Achaedza zvese zvaanogona kuti aite izvozvo. Asi tinoziva nzira dzinoshandiswa naDhiyabhorosi uye hatidi kana kutombopinda mune zvechidhimoni. Hatitombopi “Dhiyabhorosi mukana” wekuti aite kuti tibatanidzwe mune zvechidhimoni. (Verenga VaEfeso 4:27.) Kana tikarwisana naDhiyabhorosi, hatizobatwi nezvaanoshandisa kutiteya uye tichadzivirirwa naJehovha.—VaEfeso 6:11.