Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 3

Sarudza Shamwari Dzinoda Mwari

Sarudza Shamwari Dzinoda Mwari

“Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.”—ZVIREVO 13:20.

1-3. (a) Tinodzidzei pana Zvirevo 13:20? (b) Nei tichifanira kusarudza shamwari nekuchenjera?

WAKAMBOCHERECHEDZA here kutarisa kunoita mwana mucheche vabereki vake? Kunyange asati ava kugona kutaura, anenge achitopinza mupfungwa dzake zvese zvaanenge achiona nekunzwa. Paanenge achikura, anotanga kutevedzera vabereki vake, pamwe pacho asina kutombozvifunga. Saka hazvishamisi kuti kunyange vanhu vakuru vanogona kutanga kufunga uye kuita zvinoitwa nevanhu vavanowanzoswera navo.

2 Pana Zvirevo 13:20 tinodzidza kuti: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.” Pfungwa ‘yekufamba’ nemumwe munhu inosanganisira kusarudza kuva nenguva naye. Izvi hazvingorevi kuva panzvimbo imwe chete nemumwe munhu. Mumwe muongorori weBhaibheri akataura kuti kufamba nemumwe munhu kunosanganisira kuda munhu wacho uye kuva pedyo naye. Vanhu vatinoita nguva yakawanda tiinavo ndivo vanonyanya kuumba mafungiro uye maitiro edu, zvikuru kana vari vaya vatinofarira.

3 Shamwari dzedu dzinogona kutibatsira kana kutikanganisa. Zvirevo 13:20 inoenderera mberi ichiti: “Uya anoshamwaridzana nemapenzi zvichamuipira.” Shamwari dzinoda Mwari dzichatikurudzira kuramba takatendeka kwaari. Kuti tibatsirwe kusarudza shamwari nekuchenjera, ngatikurukurei kuti Jehovha anosarudza vanhu vakaita sei kuti vave shamwari dzake.

SHAMWARI DZAMWARI DZAKAITA SEI?

4. Nei kuva shamwari yaMwari chiri chikomborero chaicho? Nei Jehovha akadana Abrahamu kuti “shamwari yangu”?

4 Jehovha, Changamire wezvinhu zvese, anotipa mukana wekuva shamwari dzake. Uku kukudzwa chaizvo. Jehovha haangosarudzi vanhu vese vese kuti vave shamwari dzake. Anosarudza vaya vanomuda uye vanotenda maari. Funga nezvaAbrahamu. Akanga akagadzirira kuita zvese zvaainzi naMwari aite. Abrahamu akaratidza aratidzazve kuti akanga akatendeka uye aiteerera. Akatobvuma paakanzi abayire mwanakomana wake Isaka. Abrahamu aitenda kuti “Mwari aikwanisa kumumutsa kunyange kuvakafa.” (VaHebheru 11:17-19; Genesisi 22:1, 2, 9-13) Abrahamu akanga akatendeka uye aiteerera, zvekuti Jehovha akamuti “shamwari yangu.”—Isaya 41:8; Jakobho 2:21-23.

5. Jehovha anoona sei vaya vakavimbika kwaari?

5 Jehovha anokoshesa shamwari dzake. Shamwari dzake dzinoona kuvimbika kwaari kuchikosha kupfuura zvimwe zvese. (Verenga 2 Samueri 22:26.) Dzakavimbika uye dzinoteerera nekuti dzinomuda. Bhaibheri rinoti Mwari “ishamwari yepedyo yevakarurama,” vaya vanomuteerera. (Zvirevo 3:32) Jehovha anokoka shamwari dzake kuti dzive vaenzi “mutende” rake. Anovakoka kuti vazomunamata uye vanyengetere kwaari chero panguva ipi zvayo.—Pisarema 15:1-5.

6. Tingaratidza sei kuti tinoda Jesu?

6 Jesu akati: “Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu, uye Baba vangu vachamuda.” (Johani 14:23) Saka kuti tive shamwari yaJehovha, tinofanirawo kuda Jesu uye kuita zvaakatidzidzisa kuti tiite. Tinoita basa ratakatumwa naJesu rekuparidza nekuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mateu 28:19, 20; Johani 14:15, 21) Sezvo tichida Jesu, tinotevera “maakatsika namo.” (1 Petro 2:21) Jehovha anofara paanoona tichiedza nepatinogona napo kutevedzera Mwanakomana wake pane zvese zvatinoita nezvatinotaura.

7. Nei tichifanira kuva nechokwadi kuti shamwari dzedu ishamwari dzaJehovha?

7 Shamwari dzaJehovha dzakatendeka, dzakavimbika, dzinoteerera, uye dzinoda Mwanakomana wake. Ko isu tinosarudzawo shamwari dzakafanana nedzaJehovha here? Kana shamwari dzako dzichitevedzera Jesu uye dzakabatikana kudzidzisa vamwe nezveUmambo hwaMwari, dzinogona kukubatsira kuti uve munhu akanaka uye urambe wakavimbika kuna Jehovha.

KUDZIDZA KUNE VAMWE VANOTAURWA MUBHAIBHERI

8. Ndezvipi zvinokufadza paushamwari hwaRute naNaomi?

8 MuBhaibheri tinoverenga nezvevanhu vakawanda vaiwirirana vakadai saRute navamwene vake Naomi. Vakadzi ava vaibva kunyika dzakasiyana, dzaiva netsika nemagariro zvakasiyana, uye Naomi aiva mukuru nekure kuna Rute. Asi vakasvika pakuva shamwari dzepedyo nekuti vese vaida Jehovha. Vamwene vake Naomi pavakanga vava kuda kubva kuMoabhi vachidzokera kuIsraeri, “Rute akaramba kuvasiya.” Akaudza Naomi kuti: “Vanhu venyu vachava vanhu vanguwo, naMwari wenyu achava Mwari wanguwo.” (Rute 1:14, 16) Rute aibata Naomi zvakanaka. Pavakasvika kuIsraeri, Rute akashanda nesimba kuti vamwene vake vawane chouviri. Naomi aida Rute zvikuru uye aimupa mazano anobatsira. Rute aiteerera vamwene vake, uye izvi zvakaita kuti vese vawane makomborero akawanda.—Rute 3:6.

9. Ndezvipi zvawafarira paushamwari hwaDhavhidhi naJonatani?

9 Dzimwe shamwari dzaiwirirana chaizvo uye dzakanga dzakavimbika kuna Jehovha ndiJonatani naDhavhidhi. Jonatani aiva mukuru kuna Dhavhidhi nemakore angasvika 30 uye ndiye aifanira kuzogara nhaka chigaro cheumambo hweIsraeri. (1 Samueri 17:33; 31:2; 2 Samueri 5:4) Asi paakaziva kuti Jehovha akanga asarudza Dhavhidhi kuti azova mambo, haana kumunzwira godo kana kukwikwidzana naye. Jonatani akatoita zvese zvaaigona kuti atsigire Dhavhidhi. Upenyu hwaDhavhidhi pahwaiva pangozi, Jonatani “akamubatsira kuti awane simba muna Jehovha.” Akatoita kunge achazviurayisa achida kubatsira Dhavhidhi. (1 Samueri 23:16, 17) Dhavhidhi aivawo shamwari yakavimbika. Akavimbisa kuti aizochengeta mhuri yaJonatani, uye akazadzisa zvaakavimbisa kunyange pashure perufu rwaJonatani.—1 Samueri 18:1; 20:15-17, 30-34; 2 Samueri 9:1-7.

10. Unodzidzei nezveushamwari pavakomana vatatu vechiHebheru?

10 Shadreki, Misheki, naAbhedhinego ishamwari nhatu dzechiHebheru dzakabviswa kumusha kwadzo dzichiri zvikomana. Sezvo vaiva kure nemhuri dzavo, vaibatsirana kuramba vakatendeka kuna Jehovha. Pavakanga vakura, kutenda kwavo kwakaedzwa pavakanzi naMambo Nebhukadhinezari vanamate chidhori chegoridhe. Shadreki, Misheki, naAbhedhinego vakaramba kunamata chidhori chacho uye vakaudza mambo wacho kuti: “Hatisi kuzoshumira vanamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.” Shamwari nhatu idzi padzakasangana nemuedzo dzakaramba dzakavimbika kuna Mwari.—Dhanieri 1:1-17; 3:12, 16-28.

11. Tinoziva sei kuti Pauro naTimoti vaiva shamwari dzepedyo?

11 Muapostora Pauro paakasangana nemurume wechidiki Timoti, akaona kuti Timoti aida Jehovha uye aida ungano zvikuru. Saka Pauro akadzidzisa Timoti kuti abatsire hama nehanzvadzi dzaiva munzvimbo dzakasiyana-siyana. (Mabasa 16:1-8; 17:10-14) Timoti akashanda nesimba zvekuti Pauro, uyo aishandawo nesimba, akataura nezvake achiti: “Akashanda neni kufambisira mberi mashoko akanaka.” Pauro aiziva kuti Timoti aiva ‘nehanya’ nehama nehanzvadzi. Pavaishanda pamwe chete vachishumira Jehovha, Pauro naTimoti vakava shamwari dzepedyo.—VaFiripi 2:20-22; 1 VaKorinde 4:17.

KUSARUDZA SHAMWARI

12, 13. (a) Nei tichifanira kusarudza shamwari nekungwarira kunyange muungano? (b) Nei muapostora Pauro akapa yambiro iri pana 1 VaKorinde 15:33?

12 Muungano, tinogona kudzidza pane zvinoitwa nehama nehanzvadzi dzedu uye tinobatsirana kuti tirambe takatendeka. (Verenga VaRoma 1:11,12.) Asi kunyange muungano, tinofanira kungwarira pakusarudza shamwari dzepedyo. Tine hama nehanzvadzi dzakasiyana-siyana dzinobva kwakasiyana-siyana. Vamwe vachiri vatsva muungano, asi vamwe vava nemakore akawanda vachishumira Jehovha. Sezvinongoita muchero, uyo unotora nguva kuti uibve, zvinotora nguva kuti ushamwari hwemunhu naJehovha husimbe. Saka tinofanira kuitirana mwoyo murefu nekuratidzana rudo uye kusarudza shamwari dzedu nekuchenjera nguva dzese.—VaRoma 14:1; 15:1; VaHebheru 5:12–6:3.

13 Dzimwe nguva, muungano munombomuka nyaya dzingada kuti tingwarire chaizvo. Imwe hama kana hanzvadzi inogona kunge ichiita zvinhu zvinonzi neBhaibheri hazvina kururama. Kana kuti mumwe munhu anogona kuva nekatsika kekungogara achinyunyuta kanogona kukanganisa ungano. Izvi hazvitishamisi nekuti kunyange panguva yemuapostora Pauro, dzimwe nguva muungano maimbomuka matambudziko. Akatoyambira vaKristu kare ikako kuti: “Musatsauswa. Ushamwari hwakaipa hunokanganisa tsika dzakanaka.” (1 VaKorinde 15:12, 33) Pauro akayambirawo Timoti kuti asarudze shamwari dzepedyo nekungwarira. Isuwo tinofanira kungwarira saizvozvo mazuva ano.—Verenga 2 Timoti 2:20-22.

14. Shamwari dzatinosarudza dzinogona sei kukanganisa ushamwari hwedu naJehovha?

14 Tinofanira kuchengetedza ushamwari hwedu naJehovha. Ndihwo hunokosha kupfuura zvese zvatiinazvo. Saka tinosiyana nekushamwaridzana nemunhu chero upi zvake anogona kuderedza kutenda kwedu uye kukanganisa ushamwari hwedu naJehovha. Sezvo zvisingaiti kuti tinyike siponji muvhiniga yobuda yava nemvura, hatigoni kutamba nevanhu vanoita zvakaipa totarisira kuti zvichava nyore kuti tiite zvinhu zvakanaka. Tinofanira kungwarira pakusarudza shamwari dzepedyo.—1 VaKorinde 5:6; 2 VaTesaronika 3:6, 7, 14.

Unogona kuwana shamwari dzinoda Jehovha

15. Ungaita sei kuti uwane shamwari dzakanaka muungano?

15 Muungano unogona kuwana vanhu vanoda Jehovha zvechokwadi. Vanogona kuva shamwari dzako dzepedyo. (Pisarema 133:1) Usangotsvaga shamwari dzezera rako kana kuti dzine mamiriro ezvinhu akafanana neako. Yeuka kuti Jonatani aiva mukuru kuna Dhavhidhi nekure, uye Rute aiva mudiki kuna Naomi nekure. Tinoda kutevedzera zano reBhaibheri rekuti: “Zarurai mwoyo yenyu.” (2 VaKorinde 6:13; verenga 1 Petro 2:17.) Uye kana iwe uchiedza kutevedzera Jehovha, vamwe vachadawo kuva shamwari dzako.

KANA PAKAMUKA KUSAWIRIRANA

16, 17. Kana mumwe munhu ari muungano akatigumbura, chii chatisingafaniri kuita?

16 Mumhuri imwe neimwe mune vanhu vane unhu hwakasiyana-siyana, vane pfungwa dzakasiyana-siyana uye vanoita zvinhu nenzira dzakasiyana-siyana. Ndizvo zvazvakaitawo muungano. Kusiyana uku kunoita kuti upenyu hunakidze, uye tinogona kudzidza zvakawanda kune vamwe. Asi dzimwe nguva kusiyana kwatakaita kunoita kuti tisanzwisisa hama kana hanzvadzi dzedu, tosvotwa nezvavanoita. Pamwe pacho tinotogona kugumburwa kana kurwadziwa nezvavanoita. (Zvirevo 12:18) Tingarega nyaya dzakadaro dzichitiodza mwoyo kana kutibvisa muungano here?

17 Kwete. Kunyange kana mumwe munhu akatigumbura, hatifaniri kusiya ungano. Jehovha haasiriye anenge atitadzira. Akatipa upenyu nezvimwe zvinhu zvese. Akakodzera kuti timude uye tivimbike kwaari. (Zvakazarurwa 4:11) Ungano chipo chatakapiwa naJehovha chinotibatsira kuti tirambe tiine kutenda kwakasimba. (VaHebheru 13:17) Hatidi kumbofa takaramba chipo ichi nekuti tagumburwa nemumwe munhu.—Verenga Pisarema 119:165.

18. (a) Chii chingatibatsira kugarisana nehama nehanzvadzi dzedu zvakanaka? (b) Nei tichifanira kuregerera vamwe?

18 Tinoda hama dzedu nehanzvadzi uye tinoda kugarisana nadzo zvakanaka. Jehovha haatarisiri kuti pave nemunhu asingatadze, saka isuwo hatitarisiri izvozvo. (Zvirevo 17:9; 1 Petro 4:8) Tese tinokanganisa, asi rudo ruchatibatsira kuregererana “nemwoyo wese.” (VaKorose 3:13) Rudo ruchaita kuti tisatora kanyaya kadiki-diki tokaita zinyaya rakakura. Ichokwadi kuti kana mumwe munhu atigumbura hazvisi nyore kubvisa pfungwa dzedu panyaya yacho. Zviri nyore kuti tishatirwe toramba takagumbukira munhu wacho. Asi izvi zvinotoita kuti isu vacho tisafare uye tigare tichirwadziwa. Asiwo kana tikaregerera munhu anenge atigumbura, tichanzwa pfungwa dzedu dzakagadzikana, ungano ichava yakabatana, uye kupfuura zvese, tichava neushamwari hwakasimba naJehovha.—Mateu 6:14, 15; Ruka 17:3, 4; VaRoma 14:19.

KANA MUMWE MUNHU AKADZINGWA MUUNGANO

19. Tinorega kushamwaridzana nemumwe munhu wemuungano kana zvaita sei?

19 Mumhuri ine vanhu vanodanana, mumwe nemumwe anoita zvaanogona kuti vamwe vafare. Asi imbofungidzira zvingaitika kana mumwe wavo akapanduka. Mumwe nemumwe ari mumhuri anoedza aedzazve kumubatsira, achiramba. Anogona kusarudza kubva pamba, kana kuti baba vemba vanogona kumudzinga pamba. Ndizvo zvinogona kuitikawo muungano. Mumwe munhu anogona kusarudza kuramba achiita zvisingafadzi Jehovha, zvokanganisa ungano. Anoramba kubatsirwa uye zvaanoita zvinoratidza zvega kuti haachadi kuramba ari muungano. Anogona kuzvisarudzira kusiya ungano kana kuti anogona kuita zvekudzingwa. Kana izvi zvikaitika, Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti tirege “kufambidzana” naye. (Verenga 1 VaKorinde 5:11-13; 2 Johani 9-11) Izvi zvinogona kutiomera zvikuru kana munhu wacho ari shamwari yedu kana kuti ari wemumba medu. Asi pakadai kuvimbika kwedu kuna Jehovha kunofanira kuva kwakasimba kupfuura kuvimbika kwatakaita kunaani zvake.—Ona Mamwe Mashoko 8.

20, 21. (a) Urongwa hwekudzinga hunoratidza sei rudo? (b) Nei zvichikosha kuti tisarudze shamwari dzedu nekungwarira?

20 Urongwa hwekudzinga hunoratidza rudo rwaJehovha. Hunochengetedza ungano kuti isakanganiswa nevanhu vasingakoshesi mitemo yaJehovha. (1 VaKorinde 5:7; VaHebheru 12:15, 16) Hunotibatsira kuti tiratidze kuti tinoda Jehovha nezita rake dzvene, uye mitemo yake yakakwirira. (1 Petro 1:15, 16) Uye urongwa hwekudzinga hunoratidza rudo kumunhu wacho anenge adzingwa. Chirango ichi chakasimba chinogona kumubatsira kuti aone kuti zvaari kuita zvakaipa, ochinja. Vakawanda vakanga vambodzingwa vakazodzoka kuna Jehovha uye vakatambirwa nemaoko maviri muungano.—VaHebheru 12:11.

21 Shamwari dzedu dzinogona kutikanganisa kana kutibatsira. Saka zvinokosha kuti tidzisarudze nekungwarira. Kana tichida vaya vanodiwa naJehovha, tichange takapoteredzwa nevanhu vanogona kutibatsira kuramba takatendeka kwaari nekusingaperi.