Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 6

Tingasarudza Sei Zvinotivaraidza?

Tingasarudza Sei Zvinotivaraidza?

“Itai zvinhu zvese kuti Mwari akudzwe.”—1 VAKORINDE 10:31.

1, 2. Nei tichifanira kungwarira pakusarudza zvinotivaraidza?

FUNGIDZIRA kuti wava kuda kudya muchero wobva waona kuti une pakaora. Uchaita sei? Wongodya zvakadaro here? Wourasa here? Kana kuti uchacheka pakaora pacho wodya pakanaka pacho here?

2 Zvinhu zvinotivaraidza zvakada kufanana nemuchero iwoyo. Zvimwe zvacho zvinonakidza, asi zvakawanda zvacho zvakaora nekuti ndezveunzenza, zvemhirizhonga, kana kuti zvechidhimoni. Saka kana uchisarudza zvinokuvaraidza, unoti here: “Hazvinei nemumwe munhu, ndinosarudza zvandinenge ndada kuti zvindivaraidze”? Kana kuti unoti here: “Zvese zvinovaraidza vanhu zvakaipa”? Kana kuti unosarudza zvinokuvaraidza nekungwarira here, uchisiyana nezvakaipa uye uchinakidzwa nezvakanaka zvacho?

3. Tinofanira kufunga nezvei patinosarudza zvekuzvivaraidza nazvo?

3 Munhu wese anodawo kumbotandara uye kumbova nezvinomuvaraidza, asi tinoda kusarudza zvakanaka. Saka tinofanira kuzvibvunza kuti zvatiri kusarudza panyaya yekuzvivaraidza zvingakanganisa sei kunamata kwedu Jehovha.

“ITAI ZVINHU ZVESE KUTI MWARI AKUDZWE”

4. Ipfungwa ipi iri muMagwaro inotibatsira pakusarudza zvinotivaraidza?

4 Patinozvitsaurira kuna Jehovha, tinomuvimbisa kuti tichashandisa upenyu hwedu kumushumira. (Verenga Muparidzi 5:4.) Tinovimbisa kuti tichaita “zvinhu zvese kuti Mwari akudzwe.” (1 VaKorinde 10:31) Izvi zvinoreva kuti kuzvitsaurira kwedu kuna Mwari hakungogumiri patinenge tiri kumisangano kana muushumiri chete asi kunyange patinenge tichimbozorora kana kuti tichizvivaraidza.

5. Jehovha anoda kuti timunamate sei?

5 Zvese zvatinoita muupenyu zvakabatana nekunamata kwatinoita Jehovha. Pauro akatsanangura izvi paakati: Ipai “miviri yenyu sechibayiro chipenyu uye chitsvene chinogamuchirwa naMwari.” (VaRoma 12:1) Jesu akati: “Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nepfungwa dzako dzese uye nesimba rako rese.” (Mako 12:30) Nguva dzese, tinoda kupa Jehovha zvakanakisisa zvatiinazvo. Munguva dzevaIsraeri, vanhu pavaipa zvibayiro zvemhuka kuna Jehovha, vaitarisirwa kuti vape mhuka isina payakaremara. Kana mhuka yacho iine chimwe chinhu chakakanganisika pairi, Mwari aisaigamuchira. (Revhitiko 22:18-20) Saizvozvowo, kunamata kwedu kunogona kusagamuchirwa naJehovha. Zvingaitika sei?

6, 7. Zvatinozvivaraidza nazvo zvingakanganisa sei kunamata kwatinoita Jehovha?

6 Jehovha anotiudza kuti: “Munofanira kuva vatsvene, nekuti ini ndiri mutsvene.” (1 Petro 1:14-16; 2 Petro 3:11) Kuti kunamata kwedu kugamuchirwe naJehovha, kunofanira kuva kwakachena kana kuti kuri kutsvene. (Dheuteronomi 15:21) Kunamata kwedu kunenge kusina kuchena kana tichiita zvinhu zvinovengwa naJehovha, zvakadai seunzenza, mhirizhonga kana zvechidhimoni. (VaRoma 6:12-14; 8:13) Asi tinogonawo kugumbura Jehovha kana tichizvivaraidza nezvinhu zvakadaro. Kuita izvi kunogona kusvibisa kunamata kwedu uye kuita kuti kusagamuchirwa naJehovha kwokanganisa ushamwari hwedu naye.

7 Saka tingasarudza sei zvinotivaraidza nekuchenjera? Mazano api achatibatsira kuziva zvekuzvivaraidza nazvo zvakanaka nezvisina?

VENGA ZVAKAIPA

8, 9. Tinofanira kusiyana nevaraidzo dzakaita sei, uye nei tichifanira kudaro?

8 Mazuva ano, kune zvakawanda zvekuzvivaraidza nazvo. Zvimwe zvacho zvakakodzera kuvaKristu, asi zvizhinji zvacho hazvina kukodzera. Chekutanga, ngationei kuti ndezvipi zvatinofanira kusiyana nazvo.

9 Mafirimu akawanda, nzvimbo dzepaIndaneti, mapurogiramu epaTV, mitambo yemavhidhiyo, nenziyo zvakazara nezvinhu zveunzenza, zvemhirizhonga, uye zvechidhimoni. Zvinhu zvakaipa zvinowanzobudiswa nenzira inoita kuti zviite sezvisina kuipa kana kuti zvitosetsa vanhu. Asi vaKristu vanongwarira kuti vasavaraidzwe nezvinhu zvisingaenderani nemitemo yaJehovha yakachena. (Mabasa 15:28, 29; 1 VaKorinde 6:9, 10) Patinosiyana nevaraidzo dzakadaro, tinoratidza Jehovha kuti tinovenga zvakaipa.—Pisarema 34:14; VaRoma 12:9.

10. Chii chinogona kupedzisira chaitika kwatiri kana tikasarudza zvekuzvivaraidza nazvo zvakaipa?

10 Asi vamwe vanofunga kuti hapana chakaipa nekuzvivaraidza nezvinhu zvemhirizhonga, zveunzenza kana kuti zvechidhimoni. Vanofunga kuti: ‘Zvakaipei? Handingambofi ndakaita zvinhu zvakadaro.’ Kana zviri izvo zvatinofunga, tiri kuzvinyepera. Bhaibheri rinoti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvese uye wakaipa kwazvo.” (Jeremiya 17:9) Kana tichizvivaraidza nezvinhu zvisingadiwi naJehovha, tingataura sei kuti tinozvivenga? Patinoramba tichivaraidzwa nazvo, tinopedzisira tava kuona sepasina chakaipa pazviri. Hana yedu inopedzisira isisanyatsoshandi, yorega kutipa yambiro patinenge tava kuita chisarudzo chisina kururama.—Pisarema 119:70; 1 Timoti 4:1, 2.

11. VaGaratiya 6:7 ingatibatsira sei kusarudza zvekuzvivaraidza nazvo?

11 Shoko raMwari rinotiudza kuti: “Zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa.” (VaGaratiya 6:7) Ichocho ichokwadi nekuti kana tikabvuma kuvaraidzwa nezvinhu zvakaipa, tinogona kupedzisira tazviita. Vamwe vakakanganiswa nekuzvivaraidza nezvinhu zveunzenza zvekuti vakapedzisira vaitawo unzenza. Asi Jehovha anotibatsira kusarudza varaidzo nekuchenjera.

SHANDISA CHOKWADI CHIRI MUBHAIBHERI PAKUSARUDZA

12. Chii chichatibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka panyaya yekuzvivaraidza?

12 Imwe varaidzo iri nyore kuona kuti haienderani nezvinodiwa naJehovha uye tinoziva kuti tinofanira kusiyana nayo. Asi ko kana zvisiri nyore kuona? Jehovha haatipi tumitemo tunodonongodza twese twatinofanira netwatisingafaniri kuona, kuteerera, kana kuverenga. Pane kudaro, anoda kuti tishandise hana yedu yakadzidziswa neBhaibheri. (Verenga VaGaratiya 6:5.) Jehovha anotiudza chokwadi chinotiratidza maonero aanoita zvinhu. Chokwadi ichi chinotibatsira kudzidzisa hana yedu. Chinotibatsira kuziva “kuti kuda kwaJehovha ndekupi” kuti tikwanise kuita zvisarudzo zvinomufadza.—VaEfeso 5:17.

Chokwadi chiri muBhaibheri chinotibatsira kusarudza zvekuzvivaraidza nazvo

13. Nei vaKristu vachisarudza zvakasiyana panyaya yekuzvivaraidza, asi chii chinofanira kukosheswa nevaKristu vese?

13 Kazhinji, zvinosarudzwa nemuKristu kuti azvivaraidze nazvo zvinosiyana nezvinosarudzwa nemumwe. Sei zvichidaro? Nekuti tese tinofarira zvinhu zvakasiyana. Uyewo, zvinoonekwa nemumwe sezvakanaka zvinogona kunge zvisina kunaka kune mumwe. Kunyange zvakadaro, kuti vaite zvisarudzo zvakanaka, vaKristu vese vanofanira kutungamirirwa nechokwadi chiri muBhaibheri. (VaFiripi 1:9) Chokwadi ichi chichatibatsira kusarudza varaidzo inoenderana nezvinodiwa naMwari.—Pisarema 119:11, 129; 1 Petro 2:16.

14. (a) Chii chatinofanira kufunga nezvacho pamashandisiro atinoita nguva yedu? (b) Pauro akapa vaKristu zano rekutii?

14 Chimwe chinhu chekufunga nezvacho inguva yatinopedzera pakuzvivaraidza. Izvi zvinogona kutiratidza kuti tinokoshesa kuzvivaraidza zvakadii. SevaKristu, kushumira kwedu Jehovha ndiko kunokosha kupfuura zvimwe zvese muupenyu hwedu. (Verenga Mateu 6:33.) Asi tisingatombozvicherechedzi, nguva yatinopedzera pakuzvivaraidza inogona kuwedzera zvishoma nezvishoma. Pauro akapa vaKristu zano rekuti: ‘Ngwarirai kuti musafamba sevanhu vasina kuchenjera asi sevanhu vakachenjera, muchishandisa nguva yenyu nekuchenjera.’ (VaEfeso 5:15, 16) Saka tinofanira kuziva pekugumira panguva yatinopedza tichizvivaraidza, tova nechokwadi chekuti kushumira Jehovha kunova pekutanga muupenyu hwedu.—VaFiripi 1:10.

15. Tinozvidzivirira sei pavaraidzo inogona kukanganisa ushamwari hwedu naJehovha?

15 Zviri pachena kuti tinofanira kusiyana nevaraidzo yatinoziva kuti haienderani nezvinodiwa naJehovha. Asi zvakadii nevaraidzo yatinenge tisina chokwadi nayo? Tinofanira kuingwarirawo here? Chimbofunga izvi. Kana uchifamba nemugwagwa unopfuura nemugomo paine mawere, ungabva wafamba uri kumucheto cheto kwawo here? Kwete. Kana uchikoshesa upenyu hwako uchatambira kure nenjodzi. Ndizvo zvazvakaitawo nevaraidzo yatinosarudza. Shoko raMwari rinotiudza kuti: “Bvisa tsoka dzako pane zvakaipa.” (Zvirevo 4:25-27) Saka hatingosiyani nevaraidzo yatinoziva kuti yakaipa chete, asi tinotambirawo kure nevaraidzo yatinofungidzira kuti yakaipa uye ingakanganisa ushamwari hwedu naJehovha.

KUZIVA MAONERO AJEHOVHA

16. (a) Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinovengwa naJehovha? (b) Tinoratidza sei kuti tinovenga zvinovengwa naJehovha?

16 Munyori wepisarema akati: “Imi vanoda Jehovha, vengai zvakaipa.” (Pisarema 97:10) Bhaibheri rinotidzidzisa mafungiro aJehovha. Zvibvunze kuti zvaunodzidza zvinogona kukubatsira sei kuona zvinhu semaonerwo azvinoitwa naJehovha. Semuenzaniso, tinodzidza kuti Jehovha anovenga “rurimi runoreva nhema, uye maoko anodeura ropa risina mhosva, mwoyo unoronga mazano akaipa, uye tsoka dzinomhanyira zvakaipa.” (Zvirevo 6:16-19) Tinodzidza kuti “upombwe, . . . kunamata zvidhori, kuita zvemidzimu, . . . godo, kuviruka nehasha, . . . ruchiva, udhakwa, mitambo yekufara zvakapfurikidza, nezvinhu zvakaita seizvi” hatifaniri kuzviita. (VaGaratiya 5:19-21) Unoona here kuti zvinotaurwa neBhaibheri izvi zvinogona kukubatsira sei pakusarudza zvaunozvivaraidza nazvo? Tinoda kutevedzera mitemo yaJehovha pane zvese zvatinoita muupenyu hwedu, pasinei nekuti pane vanhu here kana kuti tiri tega. (2 VaKorinde 3:18) Chokwadi ndechekuti zvatinosarudza tiri tega zvinoratidza kuti tiri vanhu verudzii.—Pisarema 11:4; 16:8.

17. Mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza tisati tasarudza varaidzo?

17 Saka paunosarudza varaidzo, zvibvunze kuti: ‘Zvandinosarudza zvichasiya ushamwari hwangu naJehovha huri papi? Zvichasiya hana yangu yakaita sei?’ Ngationgororei zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kutibatsira patinenge tichisarudza varaidzo.

18, 19. (a) Pauro akapa vaKristu zano rekutii? (b) Ipfungwa dzipi dziri muBhaibheri dzichatibatsira kusarudza varaidzo?

18 Patinosarudza zvekuzvivaraidza nazvo, tinenge tichisarudza zvekuisa mupfungwa dzedu. Pauro akanyora kuti: “Zvinhu zvese zvechokwadi, zvinhu zvese zvinokosha, zvinhu zvese zvakarurama, zvinhu zvese zvakachena, zvinhu zvese zvinodiwa, zvinhu zvese zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, zvinhu zvese zvakanaka, uye zvinhu zvese zvinorumbidzwa, rambai muchifungisisa zvinhu izvi.” (VaFiripi 4:8) Kana tikazadza pfungwa dzedu nezvinhu zvakanaka kudaro, tinogona kutaura kuti: “Mashoko emuromo wangu nekufungisisa kwemwoyo wangu ngazvikufadzei, haiwa Jehovha.”—Pisarema 19:14.

19 Zvibvunze kuti: ‘Zvii zvandiri kuzadza pfungwa dzangu nazvo? Pandinopedza kuona imwe firimu kana purogiramu yepaTV ndinosara ndiine pfungwa dzakanaka uye ndazorodzwa here? Ndinonzwa ndiine rugare, uye ndiine hana yakachena here? (VaEfeso 5:5; 1 Timoti 1:5, 19) Ndinonzwa ndakasununguka kunyengetera kuna Jehovha here? Kana kuti ndinosara ndichinetseka? Zvandazvivaraidza nazvo zvaita kuti ndifunge nezvezvinhu zvemhirizhonga here kana kuti zveunzenza? (Mateu 12:33; Mako 7:20-23) Varaidzo yandinosarudza iri kuita kuti ‘nyika ino indiumbe’ here?’ (VaRoma 12:2) Kunyatsopindura mibvunzo iyi tisingazvinyengedzi kunogona kutibatsira kuona zvatinofanira kuita kuti ushamwari hwedu naJehovha hurambe hwakasimba. Tinoda kunyengetera sezvakaitwa nemunyori wepisarema kuti: “Itai kuti maziso angu arege kutarisa zvinhu zvisina basa.” *Pisarema 119:37.

ZVATINOSARUZA ZVINOGONA KUKANGANISA VAMWE

20, 21. Nei tichifanira kufunga nezvehana dzevamwe patinenge tichisarudza varaidzo?

20 Mamwe mashoko anokosha atinoda kufunga nezvawo ndeaya: “Zvinhu zvese zvinobvumirwa, asi hazvisi zvinhu zvese zvinovaka. Mumwe nemumwe ngaarege kuramba achitsvaga zvinobatsira iye chete, asiwo zvinobatsira mumwe.” (1 VaKorinde 10:23, 24) Kuva nerusununguko rwekuita chimwe chinhu hakurevi kuti tinofanira kuchiita. Tinofanira kunyatsofunga nezvekuti zvisarudzo zvedu zvinoita kuti hama nehanzvadzi dzedu dzinzwe sei.

21 Hana dzevanhu hadzifanani. Semuenzaniso, hana yako inogona kukubvumira kuona imwe purogiramu yepaTV. Asi unobva waziva kuti purogiramu iyoyo inokanganisa hana yeimwe hama kana hanzvadzi. Uchaita sei? Kunyange zvazvo uine kodzero yekuiona, unogona kusarudza kusaiona. Chingaita kuti usarudze kusaiona ndechekuti haudi ‘kutadzira hama dzako’ kunyange “kutadzira Kristu.” (1 VaKorinde 8:12) Hatidi kuita chero chii zvacho chingagumbura mumwe watinonamata naye.—VaRoma 14:1; 15:1; 1 VaKorinde 10:32.

22. Tingaratidza sei kuti tiri vanhu vanonzwisisa panyaya yezvinosarudzwa nevamwe vaKristu?

22 Asi ngatitii hana yako haikubvumiri kuona, kuverenga kana kuita chimwe chinhu chinoonekwa nemumwe munhu sechisina kuipa? Sezvo uchida uye uchiremekedza hama yako, haungaimanikidze kuita zvisarudzo zvakafanana nezvako. Munhu ari kutyaira mota anoziva kuti vamwe vanogona kutyaira vachifamba zvekuti vanomuti pfuurei kana kuti vanogona kuti nonokei asi vese vari vatyairi vakanaka. Saizvozvowo, iwe neimwe hama munogona kunge mese muchishandisa Bhaibheri asi muine maonero akati siyanei panyaya yekuti varaidzo yakanaka ndeipi.—Muparidzi 7:16; VaFiripi 4:5.

23. Chii chichatibatsira kusarudza varaidzo zvakanaka?

23 Saka chii chichatibatsira kusarudza varaidzo zvakanaka? Patinoshandisa hana yedu yakadzidziswa neBhaibheri, uye tichida hama nehanzvadzi dzedu, tichaita chisarudzo chakanaka. Uye tichava nemufaro unobva pakuziva kuti tiri kuita “zvinhu zvese kuti Mwari akudzwe.”

^ ndima 19 Tinogona kuwana zvimwe zvinogona kutibatsira kusarudza varaidzo pana Zvirevo 3:31; 13:20; VaEfeso 5:3, 4; uye pana VaKorose 3:5, 8, 20.