Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 9

“Tizai Upombwe!”

“Tizai Upombwe!”

“Saka urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika pazvinhu zvakadai seupombwe, kusachena, chishuwo chisingadzorwi chekuda zvebonde, kushuva zvakaipa, uye kuva nemakaro, kunova kunamata zvidhori.”—VAKOROSE 3:5.

1, 2. Bharami akaedza sei kukanganisa vanhu vaJehovha?

MUREDZI wehove anoenda panzvimbo yaanoziva kuti inowanika mhando yehove dzaari kuda kubata. Anosarudza chekuisa pachirauro chake chaanoziva kuti ndicho chinodiwa nehove dzacho obva akanda chirauro chacho mumvura. Anomirira nemwoyo murefu, uye paanoona kuti hove yava kudyira, anohwipura chirauro chake obva aibata.

2 Vanhu vanogona kubatwawo sezvinoitwa hove. VaIsraeri vakanga vava kutosvika muNyika Yakapikirwa pavakadzika musasa murenje reMoabhi. Mambo wevaMoabhi akavimbisa kupa mari yakawanda kune mumwe murume ainzi Bharami kuti atuke kana kuti ashuridzire vaIsraeri. Bharami akazowana nzira yekuita kuti vaIsraeri vazvitukise vega naJehovha. Akanyatsosarudza chinhu chaaiziva kuti vanhu vachadyira pachiri. Akatuma vakadzi vechidiki vechiMoabhi kuti vaende kumisasa yevaIsraeri kunokwezva varume.—Numeri 22:1-7; 31:15, 16; Zvakazarurwa 2:14.

3. VaIsraeri vakadyira sei pazano raBharami?

3 Zano raBharami rakashanda here? Rakashanda. Zviuru zvevarume vechiIsraeri zvakaita “unzenza nevanasikana veMoabhi.” Vakatangawo kunamata vanamwari venhema, kusanganisira mwari weupombwe anosemesa, Bhaari wePeori. Izvi zvakaurayisa vaIsraeri 24 000 vava kutopinda Munyika Yakapikirwa.—Numeri 25:1-9.

4. Nei zviuru zvevaIsraeri zvakaita upombwe?

4 Nei vaIsraeri vakawanda kudaro vakadyira pazano raBharami? Vaingofunga nezvekufadza nyama yavo chete, uye vakakanganwa zvese zvavainge vaitirwa naJehovha. VaIsraeri vaifanira kuramba vakavimbika kuna Mwari nekuti aiva nezvakawanda zvaakavaitira. Akavasunungura kubva muuranda muIjipiti, akavapa zvekudya murenje, uye akaita kuti vasvike zvakanaka pamuganhu weNyika Yakapikirwa. (VaHebheru 3:12) Kunyange zvakadaro, vakakwezvwa nevakadzi ndokuita upombwe. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ngatiregeiwo kuita upombwe, sevamwe vavo vakaita upombwe, vakazofa.”—1 VaKorinde 10:8.

5, 6. Tinodzidzei pane zvakaitika pamuganhu weNyika Yakapikirwa?

5 Nyika itsva yava pedyo zvikuru. Saka, takangoita sevaIsraeri vari pamuganhu weNyika Yakapikirwa. (1 VaKorinde 10:11) Vanhu vari munyika mazuva ano vava kutoita kupenga nekuda zvebonde kupfuura zvaiita vaMoabhi. Izvi zvinogona kukanganisa vanhu vaJehovha nyore nyore. Kutaura zvazviri, upombwe ndihwo chinhu chinoshanda zvikuru kupfuura zvese zvinoshandiswa naDhiyabhorosi kubata vanhu.—Numeri 25:6, 14; 2 VaKorinde 2:11; Judha 4.

6 Zvibvunze kuti, ‘Ndingasarudza kungoda kufadza nyama yangu kwekanguva kadikidiki here pane kurarama nekusingaperi ndichifara munyika itsva?’ Kunyange zvakaoma, pane mubayiro mukuru pakuteerera murayiro waJehovha wekuti: “Tizai upombwe!”—1 VaKorinde 6:18.

CHII CHINONZI UPOMBWE?

7, 8. Chii chinonzi upombwe uye hwakaipirei?

7 Vanhu vakawanda mazuva ano vakafumuka uye vanoratidza pachena kuti havaremekedzi mitemo yaMwari panyaya dzebonde. MuBhaibheri, upombwe hunoreva kuenda pabonde kwevanhu vasina kuchata semurume nemudzimai. Hunosanganisira kuenda pabonde kwemunhurume nemunhurume kana kwemunhukadzi nemunhukadzi uye kurara nemhuka. Kusangana pabonde uku kungareva kusangana chaiko kunoitwa nevanhu pabonde, kuita zvepabonde nemumuromo, nekunobuda netsvina, uye kubata-bata nhengo dzekubereka nadzo dzemumwe munhu.—Ona Mamwe Mashoko 23.

8 Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti munhu anoramba achiita upombwe haagoni kuramba ari muungano. (1 VaKorinde 6:9; Zvakazarurwa 22:15) Uyezve munhu anoita upombwe anopedzisira asisazviremekedze uye asisavimbwi naye nevamwe. Upombwe hwagara huchiunza matambudziko. Hunowanzoita kuti munhu azvipe mhosva, uye kazhinji munhu anova nepamuviri asi asina kuzvironga, anonetsana newaakaroorana naye, anova nezvirwere, kunyange kutofa. (Verenga VaGaratiya 6:7, 8.) Kana munhu akambozvipa nguva yekufunga matambudziko anozovapo kana akaita upombwe, kashoma kuti azoda kuhuita. Asi kazhinji munhu paanoita nhanho yekutanga inozomusvitsa pakuita upombwe anenge achingofunga kufadza nyama yake. Nhanho iyoyo yekutanga inowanzosanganisira kuona zvinonyadzisira.

ZVINOWANZOTANGA NEKUONA ZVINONYADZISIRA

9. Kuona zvinonyadzisira kunokuvadza zvakadini?

9 Zvinhu zvinonyadzisira zvinoita kuti munhu ade kuita zvepabonde. Mazuva ano, zvinhu zvinonyadzisira zvinowanika pese pese, mungava mumabhuku, mimhanzi, mumapurogiramu epaTV uyewo paIndaneti. Vanhu vakawanda vanofunga kuti kuona zvinhu zvinonyadzisira hakuna zvakunovaita, asi kunokuvadza zvechokwadi. Kunogona kuita kuti munhu ade zvepabonde pese pese uye kuti ave nezvishuwo zvekuita bonde nenzira dzisina kukodzera. Kana munhu akangotanga kuona zvinonyadzisira, anoguma ava kupota achiita bonhora, kunetsana newaakaroorana naye, uye imba yake inogona kutoparara.—VaRoma 1:24-27; VaEfeso 4:19; ona Mamwe Mashoko 24.

Zvakanaka kushandisa Indaneti nekungwarira

10. Pfungwa iri pana Jakobho 1:14, 15 inotibatsira sei kuti tisaita upombwe?

10 Zvinokosha kuti tinzwisise kuti pfungwa yekuda kuita upombwe inogona kutikwezva sei. Cherechedza yambiro yatinopiwa pana Jakobho 1:14, 15 inoti: “Mumwe nemumwe anoedzwa paanotorwa mwoyo, oputirwa neruchiva rwake. Ruchiva parunenge rwakura, runobva rwabereka chivi; chiviwo pachinenge chaitwa, chinokonzera rufu.” Saka paunongopindwa nepfungwa dzekuita zvakaipa, ibva wadzibvisa pakare ipapo. Kana ukangoerekana waona mifananidzo inonyadzisira, usaramba wakaitarisa! Dzima kombiyuta yacho, kana kuti chinja purogiramu yauri kuona paTV. Usarega zvishuwo zvakaipa zvichidzika midzi mumwoyo mako. Kana ukadaro, zvinogona kuva nesimba zvekuti zvinozokuomera zvikuru kuti uzvidzore.—Verenga Mateu 5:29, 30.

11. Jehovha anogona kutibatsira sei kana tikava nepfungwa dzakaipa?

11 Jehovha anotiziva kupfuura zvatinozviita isu pachedu. Saka anoziva kuti chivi chakatikanganisa zvakadini. Asi anozivawo kuti tinogona kukurira zvishuwo zvakaipa. Jehovha anotiudza kuti: “Urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika pazvinhu zvakadai seupombwe, kusachena, chishuwo chisingadzorwi chekuda zvebonde, kushuva zvakaipa, uye kuva nemakaro, kunova kunamata zvidhori.” (VaKorose 3:5) Kunyange zvazvo izvi zvisiri nyore kuita, Jehovha ane mwoyo murefu nesu uye achatibatsira. (Pisarema 68:19) Pane imwe hama yechidiki yakanga isisagoni kurega tsika yekuona zvinonyadzisira uye kuita bonhora. Shamwari dzake dzekuchikoro dzaiona sekuti zvinhu izvi zvinoitwa nemunhu wese ari kuyaruka. Asi iye akati: “Zvakakuvadza hana yangu, uye ndakapedzisira ndava kuita upenyu hweupombwe.” Akaona kuti aifanira kuzvidzora, uye achibatsirwa naJehovha, akakwanisa kurega maitiro ake. Kana uine pfungwa dzekuda kuita zveupombwe, kumbira kuti Jehovha akupe ‘simba rakawedzerwa pane rawagara uinaro’ kuti pfungwa dzako dzigare dzakachena.—2 VaKorinde 4:7; 1 VaKorinde 9:27.

12. Nei tichifanira ‘kuchengetedza mwoyo wedu’?

12 Soromoni akanyora kuti: “Chengetedza mwoyo wako kupfuura zvinhu zvese zvaunochengetedza, nekuti mauri ndimo mune zvitubu zveupenyu.” (Zvirevo 4:23) “Mwoyo” wedu unoreva zvatiri nechemukati, zvinotariswa naJehovha. Zvinhu zvatinotarisa zvine simba rekukanganisa pfungwa dzedu nemwoyo. Jobho, murume akanga akatendeka, akati: “Ndakaita sungano nemaziso angu. Saka ndingatarisa sei mhandara ndichiichiva?” (Jobho 31:1) Tinofanira kungwarira zvatinotarisa uye zvatinofunga, sezvaiitwa naJobho. Uye tinonyengetera semunyori wepisarema uyo akati: “Itai kuti maziso angu arege kutarisa zvinhu zvisina basa.”—Pisarema 119:37.

DHINA AKASARUDZA SHAMWARI DZAKAIPA

13. Dhina akasarudza shamwari dzakaita sei?

13 Shamwari dzedu dzine simba rekutibatsira kana kutikanganisa. Kana ukasarudza shamwari dzinotevedzera mirayiro yaMwari, dzinogona kukubatsira kuitawo saizvozvo. (Zvirevo 13:20; verenga 1 VaKorinde 15:33.) Tinogona kuona kuti nyaya yekusarudza shamwari inokosha zvakadini pane zvakaitika kuna Dhina. Aiva mumwe wevanasikana vaJakobho, saka akarerwa mumhuri yainamata Jehovha. Dhina akanga asiri nzenza, asi akashamwaridzana nevasikana vechiKenani vaisanamata Jehovha. Maonerwo aiitwa nyaya dzebonde nevaKenani aiva akasiyana chaizvo nemaonero evanhu vaMwari uye vaKenani vaizivikanwa nekusazvibata. (Revhitiko 18:6-25) Dhina paaiva neshamwari dzake, akasangana nerimwe jaya rechiKenani rainzi Shekemu, iro rakabva ramuchiva. Shekemu aionekwa sejaya “raikudzwa kwazvo” kupfuura mamwe ese mumhuri yake. Asi aisada Jehovha.—Genesisi 34:18, 19.

14. Chii chakaitika kuna Dhina?

14 Shekemu akaita zvaaiona sekuti ndizvo zvakanaka uye zvaaifunga kuti ndizvo zvinoitwa nemurume wese. Sezvo ainge achiva Dhina, akabva “amutora, akamubata chibharo.” (Verenga Genesisi 34:1-4.) Nyaya iyi yakamutsa dzimwe nyaya dzakawanda dzakazopinza Dhina nemhuri yake yese mumatambudziko.—Genesisi 34:7, 25-31; VaGaratiya 6:7, 8.

15, 16. Tingaita sei kuti tive vakachenjera?

15 Hatifaniri kutanga takanganisa sezvakaitwa naDhina kuti tizoziva kuti mirayiro yaJehovha yakatinakira. “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi uya anoshamwaridzana nemapenzi zvichamuipira.” (Zvirevo 13:20) Iva nechinangwa chekunzwisisa “nzira yezvinhu zvese zvakanaka.” Kana ukadaro, hauzoiti zvinhu zvinozokurwadzisa kana kuti zvinokupinza mumatambudziko.—Zvirevo 2:6-9; Pisarema 1:1-3.

16 Tinogona kuva neuchenjeri nekuverenga Shoko raMwari, kunyengetera kwaari tisati taita zvisarudzo, uye kuteerera mazano akanaka anobva kumuranda akatendeka, akangwara. (Mateu 24:45; Jakobho 1:5) Hapana mubvunzo kuti unoziva kuti tese tine patisina kusimba uye tinozvarwa tiine chivi. (Jeremiya 17:9) Asi unoita sei kana ukayambirwa nemumwe munhu kuti unogona kupedzisira waita upombwe? Ungagumbuka here, kana kuti uchazvininipisa wobvuma kubatsirwa.—2 Madzimambo 22:18, 19.

17. Taura muenzaniso unoratidza kuti zano ratingapiwa nemumwe muKristu ringatibatsira sei.

17 Chimbofungidzira mumwe muenzaniso. Kubasa kweimwe hanzvadzi kune mumwe murume anotanga kuifarira obva aikumbira kuti vambonotandara vese. Murume uyu haashumiri Jehovha, asi anoita semunhu akanaka chaizvo. Imwe hanzvadzi inovaona vari vese yoedza kubatsira hanzvadzi iya yekutanga. Hanzvadzi yacho ichaita sei? Icharamba kutsiurwa here, kana kuti ichaona kuti yapiwa zano reuchenjeri? Hanzvadzi yapiwa yambiro iyi inogona kunge ichida Jehovha uye ichida kuita zvakanaka. Asi kana ikaramba ichifambidzana nemurume uyu, iri ‘kutiza upombwe’ here kana kuti iri ‘kuvimba nemwoyo wayo’?—Zvirevo 22:3; 28:26; Mateu 6:13; 26:41.

DZIDZA PANE ZVAKAITWA NAJOSEFA

18, 19. Tsanangura kuti Josefa akatiza sei upombwe.

18 Paaiva jaya, Josefa aiva muranda muIjipiti. Zuva nezuva, mudzimai watenzi wake aimunetsa achida kurara naye, asi Josefa aiziva kuti kuita izvozvo kwakaipa. Josefa aida Jehovha uye aida kumufadza. Saka pese paiedza mudzimai wacho kuti akwezve Josefa, Josefa airamba. Sezvo aiva muranda, aisakwanisa kungotiza tenzi wake oenda. Rimwe zuva pashure pekunge mudzimai watenzi wake aedza kumumanikidza kurara naye, “akatizira panze.”—Verenga Genesisi 39:7-12.

19 Josefa aisambokwanisa kuita izvi kudai aigara achifunga zvekuita upombwe kana kuti achifungidzira achirara nemudzimai watenzi wake. Asi Josefa aikoshesa ushamwari hwake naJehovha kupfuura zvimwe zvinhu zvese. Akaudza mukadzi wacho kuti: “Tenzi wangu . . . hapana kana chaakandirambidza kunze kwenyu, nekuti muri mudzimai wake. Saka ndingaitirei chivi chakakura kudaro ndichitadzira Mwari?”—Genesisi 39:8, 9.

20. Tinoziva sei kuti Jehovha akafadzwa nezvakaitwa naJosefa?

20 Kunyange zvazvo Josefa aiva kure nekumusha kwake uye nemhuri yake, akaramba akavimbika kuna Mwari, uye Jehovha akamukomborera. (Genesisi 41:39-49) Jehovha akafadzwa nekuvimbika kwaJosefa. (Zvirevo 27:11) Zvinogona kusava nyore kunzvenga muedzo wekuita upombwe. Asi yeuka mashoko aya: “Imi vanoda Jehovha, vengai zvakaipa. Iye anochengetedza upenyu hwevanhu vake vakavimbika; anovanunura mumaoko evakaipa.”—Pisarema 97:10.

21. Imwe hama yechidiki yakatevedzera sei Josefa?

21 Zuva nezuva, vanhu vaJehovha vanoratidza neushingi kuti ‘vanovenga zvakaipa’ uye kuti ‘vanoda zvakanaka.’ (Amosi 5:15) Pasinei nezera rako, unogona kuramba uchiteerera Jehovha. Kutenda kweimwe hama yechidiki kwakaedzwa ari kuchikoro. Mumwe musikana akamuvimbisa kuti aizorara naye kana akamubatsira pabvunzo dzemasvomhu. Hama iyi yakaita sei? Yakaita zvakaitwa naJosefa. Yakati: “Ndakabva ndangoramba pakarepo. Kuramba ndakaperera kwakaita kuti ndisanzwa ndafumuka uye ndirambe ndiine chiremerera.” ‘Kufadzwa kwenguva diki’ neupombwe kunowanzoguma nemarwadzo. (VaHebheru 11:25) Kuteerera Jehovha kwagara kuchiunza mufaro usingaperi.—Zvirevo 10:22.

BVUMA KUBATSIRWA NAJEHOVHA

22, 23. Jehovha anogona kutibatsira sei kunyange tikaita chivi chakakura?

22 Satani achaedza kutibata achishandisa upombwe, uye uyu muedzo wakakura. Tese tinogona kunge tichimbofunga zvinhu zvakaipa. (VaRoma 7:21-25) Jehovha anozvinzwisisa uye anoyeuka kuti “tiri guruva.” (Pisarema 103:14) Asi ngatitii muKristu aita chivi cheupombwe. Zvinoreva here kuti atokundikana zvachose? Kwete. Kana munhu akabvuma zvepachokwadi kuti akakanganisa, Jehovha achamubatsira. Mwari ‘akagadzirira kukanganwira.’—Pisarema 86:5; Jakobho 5:16; verenga Zvirevo 28:13.

23 Jehovha anotipawo “varume sezvipo,” vakuru vane rudo vanotibatsira. (VaEfeso 4:8, 12; Jakobho 5:14, 15) Akatipa vakuru kuti vatibatsire kugadzirisa ushamwari hwedu naye.—Zvirevo 15:32.

SHANDISA “NJERE”

24, 25. Kushandisa “njere” kunogona kutibatsira sei kuti tisaita upombwe?

24 Kuti tiite zvisarudzo zvakanaka, tinofanira kunzwisisa kuti mitemo yaJehovha inotibatsira sei. Hatidi kuita sejaya rinotaurwa pana Zvirevo 7:6-23. Rakanga “risina pfungwa,” saka rakaita upombwe. Pano, kuva nepfungwa kana kuti kuva nenjere hakungorevi kuva nepfungwa dzinoshanda zvakanaka. Kana tiine njere, tinoedza kunzwisisa mafungiro aMwari toashandisa muupenyu hwedu. Yeuka mashoko aya euchenjeri ekuti: “Munhu wese anowana njere anoda upenyu hwake. Munhu wese anokoshesa ungwaru achabudirira.”—Zvirevo 19:8.

25 Unonyatsobvuma kuti mirayiro yaJehovha yakarurama here? Unobvuma here kuti kana ukaitevedzera uchava nemufaro? (Pisarema 19:7-10; Isaya 48:17, 18) Kana usati wava nechokwadi nazvo, yeuka zvinhu zvese zvakanaka zvawakaitirwa naJehovha. ‘Ravira uone kuti Jehovha akanaka.’ (Pisarema 34:8) Paunoramba uchiita izvi, uchawedzera kuda Mwari. Ida zvaanoda, uye venga zvaanovenga. Zadza pfungwa dzako nezvinhu zvechokwadi, zvakarurama, zvakachena, zvinodiwa, uye zvakanaka. (VaFiripi 4:8, 9) Tinogona kuita saJosefa, uyo akabatsirwa neuchenjeri hwaJehovha.—Isaya 64:8.

26. Tichakurukurei muchitsauko chinotevera?

26 Ungava uri muwanano kana kuti usiri, Jehovha anoda kuti unakidzwe neupenyu hwako uye ufare. Zvitsauko zviviri zvinotevera zvine mazano anogona kutibatsira kuti tibudirire muwanano.