Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 8

Jehovha Anoda Vanhu Vakachena

Jehovha Anoda Vanhu Vakachena

“Kune vakachena munoratidza kuti makachena.”—PISAREMA 18:26.

1-3. (a) Nei amai vachiedza kuva nechokwadi kuti mwana wavo akachena? (b) Nei Jehovha achida kuti vanhu vake vave vakachena?

FUNGIDZIRA amai vane rudo vachigadzirira kamwana kavo kakomana kuti kaende kuchikoro. Vanova nechokwadi kuti ageza muviri uye kuti hembe dzake dzakachena. Izvi zvinoita kuti agare ari mutano uye zvinoratidza vamwe kuti vabereki vake vari kumuchengeta zvakanaka.

2 Baba vedu, Jehovha, vanoda kuti tive vakachena. (Pisarema 18:26) Vanoziva kuti kuva vakachena kunotibatsira. Uye kana takachena, tinoita kuti ivo vakudzwe.—Ezekieri 36:22; verenga 1 Petro 2:12.

3 Kuva akachena kunorevei? Uye nei kuva akachena kwakatinakira? Patinenge tichiongorora mibvunzo iyi, tinogona kuona zvimwe zvatinofanira kugadzirisa isu pachedu.

NEI TICHIFANIRA KUVA VAKACHENA?

4, 5. (a) Nei tichifanira kuva vakachena? (b) Zvinhu zvakasikwa zvinotidzidzisei nezvemaonero anoita Jehovha nyaya yekuchena?

4 Tinodzidza kuva vakachena kubva pamuenzaniso waJehovha pachake. (Revhitiko 11:44, 45) Saka chikonzero chedu chikuru chekuva vakachena ndechekuti tinoda kuva “vatevedzeri vaMwari.”—VaEfeso 5:1.

5 Zvinhu zvakasikwa zvinotidzidzisa zvakawanda nezvemaonero anoita Jehovha nyaya iyi. Jehovha akasika nyika kuti ive musha wevanhu wakachena. Semuenzaniso, mvura iri panyika inozvichenesa yega nekuti kana zuva rabuda pashure pekunge kwanaya rinoita kuti mvura iya isimuke, yova makore, yozonaya zvakare. Izvi zvinongoramba zvichidzokorora. Panyika panewo tupukanana tusingaoneki nemaziso tunoita kuti tsvina isakuvadza zvinhu zvipenyu.—Jeremiya 10:12; VaRoma 1:20.

6, 7. Mutemo waMozisi wairatidza sei kuti vaya vanonamata Jehovha vanofanira kuva vakachena?

6 Tinoonawo kukosha kwekuva vakachena paMutemo wakapiwa vaIsraeri naJehovha achishandisa Mozisi. Vanhu vaifanira kuva vakachena kuti Jehovha agamuchire kunamata kwavo. PaZuva Rekuyananisira, mupristi mukuru aifanira kugeza muviri kaviri. (Revhitiko 16:4, 23, 24) Uye vapristi vaifanira kugeza maoko avo netsoka dzavo vasati vapa zvibayiro. (Eksodho 30:17-21; 2 Makoronike 4:6) Pamwe pacho kutyora mitemo yekuva akachena kwaitogona kuita kuti munhu atongerwe rufu.—Revhitiko 15:31; Numeri 19:17-20.

7 Ko mazuva ano? Tinogona kudzidza zvakawanda pane zvaidiwa naJehovha muMutemo waMozisi. (Maraki 3:6) Wairatidza zvakajeka kuti vanamati vaJehovha vaifanira kuva vakachena. Jehovha haana kuchinja. Nanhasi achiri kutarisira kuti vanamati vake vave vakachena.—Jakobho 1:27.

KUVA VAKACHENA KUNOREVEI?

8. Kuva vakachena kunobatanidza zvinhu zvipi?

8 Kuna Jehovha, kuva vakachena hakungogumiri pakugara muviri wedu, mbatya dzedu, uye musha wedu zvakachena. Kuchena kunobatanidza mararamiro edu ese. Kunosanganisira kunamata kwedu, kuzvibata kwatinoita, uye zvatinofunga. Saka kuti Jehovha atione sevanhu vakachena, tinofanira kuva vakachena pazvese zvatinoita muupenyu.

9, 10. Kuchena panyaya dzekunamata kunorevei?

9 Kunamata kwakachena. Hatifaniri kubatanidzwa mukunamata kwenhema chero kupi zvako. VaIsraeri pavakanga vakatapwa kuBhabhironi, vakanga vakapoteredzwa nevanhu vaiva nechitendero chenhema chaisanganisira kuita zveunzenza. Isaya akaprofita kuti vaIsraeri vaizodzokera kumusha kwavo vonomutsidzira kunamata kwakachena. Jehovha akavaudza kuti: “Budai imomo, musabata chinhu chisina kuchena! Budai mariri, rambai makachena.” Kunamata kwavaiita Mwari kwakanga kusingafaniri kusanganiswa nedzidziso dzeBhabhironi uye tsika dzekunamata kwenhema kwaiitwa muBhabhironi.—Isaya 52:11.

10 VaKristu vechokwadi nhasi uno vanosiyanawo nekunamata kwenhema. (Verenga 1 VaKorinde 10:21.) Pasi rese, tsika dzakawanda dzakakurumbira uye zvinotendwa nevanhu, zvakabva padzidziso dzenhema. Semuenzaniso, munzvimbo dzakawanda, vanhu vanotenda kuti kana munhu afa pane chimwe chinhu chinobuda maari chinoramba chichirarama, uye pane tsika dzakawanda dzinoitwa zvichibva papfungwa iyoyo. (Muparidzi 9:5, 6, 10) VaKristu vanofanira kusiyana netsika dzakadaro. Vemumhuri medu vanogona kuedza kutimanikidza kubatana navo patsika idzi. Asi sezvo tichida kuti tive vakachena kuna Jehovha, hatibvumi kumanikidzwa.—Mabasa 5:29.

11. Tinofanira kuzvibata sei kuti tinzi naJehovha takachena?

11 Kuzvibata. Kuti tinzi takachena naJehovha, tinofanira kusiyana neupombwe hwemarudzi ese. (Verenga VaEfeso 5:5.) MuBhaibheri, Jehovha anotiudza kuti: “Tizai upombwe!” Anoita kuti zvijeke kuti vanhu vanoita upombwe vasingapfidzi “havazogari nhaka yeUmambo hwaMwari.”—1 VaKorinde 6:9, 10, 18; ona Mamwe Mashoko 22.

12, 13. Nei tichifanira kuva vakachena mupfungwa?

12 Pfungwa dzakachena. Zvatinoita zvinotangira mupfungwa. (Mateu 5:28; 15:18, 19) Pfungwa dzakachena dzinoita kuti tiite zvinhu zvakachena. Asi sezvo tiine chivi, tese tinombofunga zvinhu zvakaipa. Pazvinoitika, tinofanira kubva tatobvisa pfungwa idzodzo. Kana tikasadaro, mumwoyo medu munogona kuzopedzisira mava nezvinhu zvisina kuchena. Tinogona kutanga kuda kuita zvinhu zvatinogara tichifunga nezvazvo. Pane kudaro, tinofanira kuzadza pfungwa dzedu nezvinhu zvakachena. (Verenga VaFiripi 4:8.) Saka tinosiyana nezvinhu zvakadai sekuvaraidzwa nezvinhu zveunzenza kana zvemhirizhonga. Tinonyatsongwarira pakusarudza zvatinoverenga, zvatinoona uye zvatinotaura nezvazvo.—Pisarema 19:8, 9.

13 Kuti tirambe tiri murudo rwaMwari, tinofanira kuva vakachena pakunamata, panyaya dzekuzvibata uye mupfungwa. Asi Jehovha anokoshesawo kuti tive neutsanana.

TINGAITA SEI KUTI TIVE NEUTSANANA?

14. Nei zvichikosha kuti tive neutsanana?

14 Kugara miviri yedu nemisha yedu zvakachena, kunobatsira isu nevanhu vari pedyo nesu. Kunoita kuti tinzwe zvakanaka uye vamwe vachada kuva pedyo nesu. Asi pane chimwe chikonzero chinonyanya kukosha chinoita kuti tive neutsanana. Kana tiine utsanana tinoita kuti Jehovha akudzwe. Chimbofunga izvi: Kana uchiona mwana anogara aine tsvina, unogona kushora vabereki vake. Isuwo kana tisingaratidziki zvakanaka uye tisina utsanana vanhu vanogona kushora Jehovha. Pauro akati: “Hatitomboiti zvinhu zvinogumbura vamwe, kuti ushumiri hwedu hurege kuwanirwa mhosva; asi munzira dzese tinoratidza kuti tiri vashumiri vaMwari.”—2 VaKorinde 6:3, 4.

Sevanhu vaJehovha, tinoda kugara takachena uye kuchengeta zvinhu zvedu zvakachena

15, 16. Zvii zvatingaita kuti tigare takachena?

15 Miviri yedu nembatya. Kugara takachena ibasa ratinofanira kuita mazuva ese. Semuenzaniso, tinogara tichigeza, mazuva ese kana zvichiita. Tinogeza maoko edu nesipo nemvura, kunyanya tisati tabika kana kudya uye pese patinoshandisa chimbuzi kana kuti patinobata chinhu chine tsvina. Kugeza maoko kunoita sechinhu chidiki asi kunobatsira kuti utachiona nezvirwere zvisapararira. Kunotogona kuchengetedza upenyu hwevanhu. Kana tisina zvimbuzi, tinogona kutsvaga nzira dzakanaka dzekuti tsvina yedu isasara iri pachena. VaIsraeri vaisava nezvimbuzi, saka vaifutsira tsvina yavo kure nemisha yevanhu uye nekwavaichera mvura.—Dheuteronomi 23:12, 13.

16 Hembe dzedu dzinofanira kuva dzakachena. Izvi hazvirevi kuti dzinofanira kuva dzinoshamisira, dzinodhura kana kuti dziri mufashoni. (Verenga 1 Timoti 2:9, 10.) Nguva dzese tinoda kuti tiratidzike zvinoita kuti Jehovha akudzwe.—Tito 2:10.

17. Nei tichida kuchengeta musha wedu nezvinhu zvedu zvakachena?

17 Musha wedu nezvinhu zvedu. Pasinei nekwatinogara, tinochengeta misha yedu yakachena. Tinovawo nechokwadi chekuti mota yedu, mudhudhudhu wedu, bhasikoro redu, kana chifambiso chipi zvacho chatinoshandisa chakachena, kunyanya kana tichizvishandisa pakuenda kumisangano nekunoparidza. Izvi zvinokosha nekuti patinoita basa rekuparidza, tinoudza vamwe nezveupenyu muparadhiso panyika yakachena. (Ruka 23:43; Zvakazarurwa 11:18) Zvinogara zvakaita musha wedu zvinogona kuratidza kuti tiri kutogadzirira kuzorarama munyika itsva iyoyo yakachena.

18. Nei tichida kuti nzvimbo yatinonamatira ive yakachena?

18 Nzvimbo yedu yekunamatira. Tinoratidza kuti tinokoshesa kuva vakachena nekuchengeta nzvimbo yatinounganira yakachena, ingava Imba yeUmambo kana kuti nzvimbo yatinoitira magungano. Vanhu pavanotanga kuuya kuImba yeUmambo, kazhinji vanoona kuchena kwainenge yakaita. Izvi zvinoita kuti Jehovha akudzwe. Sevanhu vari muungano, tese tine mukana wekubatsira kuti Imba yedu yeUmambo igare yakachena, zvinhu zvese zvichishanda zvakanaka.—2 Makoronike 34:10.

KUSIYANA NEMAITIRO ANOSVIBISA

19. Zvii zvatinofanira kusiyana nazvo?

19 Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri maitiro ese akaipa atinofanira kusiyana nawo, rine pfungwa dzinotibatsira kunzwisisa maonero aJehovha. Haadi kuti tipute fodya, kunwisa doro, kana kushandisa madhiragi. Kana tiri shamwari dzaMwari, ticharega kuita zvinhu izvi. Nei tichifanira kudaro? Nekuti tinoremekedza zvikuru chipo cheupenyu. Kuita zvinhu izvi kunogumisira upenyu hwedu panzira, kunokanganisa utano hwedu, uye kunokuvadza vanhu vari pedyo nesu. Vanhu vakawanda vanoedza kurega maitiro aya akaipa kuti vachengetedze utano hwavo. Asi isu, seshamwari dzaJehovha, chikonzero chakanakisisa chatiinacho chekurega zvinhu izvi kuda kwatinoita Mwari. Mumwe mukadzi wechidiki akati: “Ndichibatsirwa naJehovha, ndakatanga kurarama upenyu hwakachena ndikarega zvose zvaive zvandipinda muropa. . . . Ndinofunga kuti handaimbokwanisa kuchinja ndiri ndega.” Ngatikurukurei pfungwa shanu dziri muBhaibheri dzinobatsira munhu kuti arege maitiro anokuvadza.

20, 21. Jehovha anoda kuti tisiyane nemaitiro api?

20 “Sezvo tiri kuvimbiswa zvinhu zvakadai, ngatizvichenesei pazvinhu zvese zvinosvibisa nyama nemweya, tichiwedzera kuva vatsvene pakutya Mwari.” (2 VaKorinde 7:1) Jehovha anoda kuti tisaitwa varanda nemaitiro anogona kukuvadza muviri wedu kana kukanganisa pfungwa dzedu.

21 Chikonzero chakasimba chatiinacho ‘chekuzvichenesa pazvinhu zvese zvinosvibisa’ chinotaurwa pana 2 VaKorinde 6:17, 18. Jehovha anotiudza kuti: “Musabata chinhu chisina kuchena.” Anobva avimbisa kuti “Ini ndichakugamuchirai. Ndichava baba venyu, uye imi muchava vanakomana nevanasikana vangu.” Izvi zvinoreva kuti Jehovha achatida, sekuda kunoita baba vana vavo, kana tikasiyana nechinhu chero chipi zvacho chingatisvibisa.

22-25. Ipfungwa dzipi dziri muBhaibheri dzinogona kutibatsira kusiyana nemaitiro asina kuchena?

22 “Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nepfungwa dzako dzese.” (Mateu 22:37) Uyu ndiwo murayiro unokosha kupfuura mimwe yese. (Mateu 22:38) Jehovha akakodzera kuti timude zvakakwana. Tingamuda sei zvakakwana kana tichisarudza kuita zvinhu zvinogona kugumisira upenyu hwedu panzira kana kukanganisa pfungwa dzedu? Pane kuita zvinhu zvakadaro, tinoita zvese zvatinogona kuti tiratidze kuti tinoremekedza upenyu hwaakatipa.

23 “[Jehovha] anopa vanhu vese upenyu nemweya wekufema nezvinhu zvese.” (Mabasa 17:24, 25) Kana shamwari yako ikakupa chipo chinokosha, ungachirasa kana kuchiparadza here? Upenyu chipo chinoshamisa chinobva kuna Jehovha. Tinokoshesa zvikuru chipo ichi. Saka tinoda kushandisa upenyu hwedu nenzira ichaita kuti akudzwe.—Pisarema 36:9.

24 “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:39) Maitiro asina kuchena haangokuvadzi isu chete. Anogona kukuvadzawo vanhu vari pedyo nesu, uye kazhinji kacho vanhu ivavo ndevaya vatinoda kupfuura vamwe vese. Munhu anogara mumba mumwe chete nemunhu anoputa fodya anogona kuva nezvirwere zvakaipisisa zvinokonzerwa nekufema utsi hwefodya. Asi patinorega maitiro akaipa, tinoratidza vanhu vari pedyo nesu kuti tinovada.—1 Johani 4:20, 21.

25 “Ramba uchivayeuchidza kuti vazviise pasi uye vateerere hurumende nevanhu vane masimba.” (Tito 3:1) Munyika dzakawanda kuwanikwa uine madhiragi kana kuti kuashandisa imhosva. Sezvo Jehovha achitirayira kuti tiremekedze hurumende, tinoteerera mitemo yakadaro.—VaRoma 13:1.

Patinogara takachena, tinokudza Jehovha

26. (a) Chii chatinofanira kuita kuti Jehovha agamuchire kunamata kwedu? (b) Kurarama upenyu hwakachena kwakanakirei?

26 Kana tichida kuva shamwari yaJehovha, tinogona kuona kuti pane zvimwe zvatinofanira kuchinja. Kana zvakadaro, tinofanira kutotanga izvozvi. Hazvisi nyore nguva dzese kuti tirege maitiro asina kuchena, asi tinogona kubudirira! Jehovha anovimbisa kutibatsira. Anoti: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, iye anokudzidzisa zvinokubatsira, iye anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo.” (Isaya 48:17) Patinoita zvese zvatinogona kuti tirambe takachena, tinogona kuva nechokwadi chekuti tiri kuita kuti Mwari wedu akudzwe.