Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 10

Wanano Chipo Chinobva Kuna Mwari

Wanano Chipo Chinobva Kuna Mwari

“Tambo yakakoswa netambo nhatu haikurumidzi kudambuka.”—MUPARIDZI 4:12.

1, 2. (a) Vanhu vanenge vachangochata vanotarisirei? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura muchitsauko chino?

FUNGIDZIRA kufara kunoita mukomana nemusikana musi wavanochata. Vari kutarisira kuzoita zvakawanda zvinofadza mune ramangwana ravo. Vanotarisira kuti vachachembedzana uye imba yavo ichava nemufaro.

2 Asi wanano dzakawanda dzinotanga zvakanaka hadzizorambi dzakadaro. Kuti wanano igare uye ive nemufaro, vanopinda mairi vanofanira kutungamirirwa naMwari. Saka ngatikurukurei mhinduro dzeBhaibheri kumibvunzo iyi: Ndezvipi zvimwe zvakanakira wanano? Kana uchida kuroora kana kuroorwa, ungatsvaga sei wekuroorana naye? Ungava sei murume kana kuti mudzimai akanaka? Uye mungaite sei kuti muchembedzane?—Verenga Zvirevo 3:5, 6.

NDINOFANIRA KUROORA KANA KUROORWA HERE?

3. Unofunga kuti munhu anofanira kuroora kana kuroorwa kuti azofara here? Tsanangura.

3 Vamwe vanhu vanofunga kuti hazviiti kuti munhu afare kana asina kuroora kana kuroorwa. Asi ichocho hachisi chokwadi. Jesu akati kusaroora kana kuti kusaroorwa kunogona kuva chipo. (Mateu 19:11, 12) Uye muapostora Pauro akati kusaroora kana kusaroorwa kune zvakwakanakira. (1 VaKorinde 7:32-38) Zviri kwauri kuti woroora here kana kuroorwa. Haufaniri kupinda muwanano nekuti uri kuda kungotevedzera shamwari, vemumhuri, kana tsika nemagariro zvekwaunogara.

4. Ndezvipi zvimwe zvakanakira kuva newanano yakanaka?

4 Bhaibheri rinotiwo wanano chipo chinobva kuna Mwari uye kuti ine zvayakanakira. Jehovha akati nezvemurume wekutanga, Adhamu: “Hazvina kunaka kuti munhu arambe ari ega. Ndichamuitira mubatsiri, anonyatsoenderana naye.” (Genesisi 2:18) Jehovha akasika Evha kuti ave mudzimai waAdhamu, uye vakava mhuri yekutanga pasi pano. Kana murume nemudzimai vakasarudza kuva nevana, wanano yakanaka inoita kuti vana vakure zvakanaka. Asi chinangwa chekuroorana hachisi chekungova nevana chete.—Pisarema 127:3; VaEfeso 6:1-4.

5, 6. Wanano inogona sei kuita ‘setambo yakakoswa netambo nhatu’?

5 Mambo Soromoni akanyora kuti: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete nekuti vane mubayiro wakanaka pakushanda kwavo nesimba. Nekuti kana mumwe akawa, mumwe wacho anobatsira mumwe wake kusimuka. Asi chii chichaitika kune uya anowa kana asina mumwe angamubatsira kusimuka? . . . Tambo yakakoswa netambo nhatu haikurumidzi kudambuka.”—Muparidzi 4:9-12.

6 Wanano yakanaka inopa mukana wekuti vanhu vaviri vave shamwari dzepedyo dzinobatsirana, dzinonyaradzana, uye dzinodzivirirana. Rudo runogona kuita kuti imba isimbe, asi imba inotowedzera kusimba kana murume nemudzimai vachinamata Jehovha. Kana zvakadaro wanano yavo inogona kuita ‘setambo yakakoswa netambo nhatu.’ Tambo yakadaro yakasimba kupfuura yakakoswa netambo mbiri. Wanano ichava yakasimba kana Jehovha ari mairi.

7, 8. Pauro akapa zano rekutii nezvewanano?

7 Kana vanhu varoorana, vanenge vava nemukana wekugutsana panyaya dzebonde. (Zvirevo 5:18) Asi kana munhu akatsvaga wekuroorana naye nekungoti ari kuda kugutsa zvido izvi, anogona kusarudza zvisina kuchenjera. Ndokusaka Bhaibheri richiti munhu anofanira kupinda muwanano apfuura “makore ekuyaruka,” apo chishuwo chekuda zvebonde chinenge chakanyanya kusimba. (1 VaKorinde 7:36) Zviri nani kumbomira kupinda muwanano kusvikira zvishuwo izvi zvadzikama. Ipapo munhu anenge ava kukwanisa kunyatsofunga zvakajeka uye kusarudza zvakanaka.—1 VaKorinde 7:9; Jakobho 1:15.

8 Kana uri kufunga zvekuroora kana kuroorwa, zvakanaka kuti unyatsoona zvinhu sezvazviri uye uzive kuti imba yese ine matambudziko ayo. Pauro akati vaya vanoroora kana kuroorwa “vachava nedambudziko munyama yavo.” (1 VaKorinde 7:28) Kunyange wanano yakanakisisa inotombova nematambudziko. Saka kana ukasarudza kuroora kana kuroorwa, iva nechokwadi kuti wasarudza nekuchenjera.

NDINGAROORANE NEMUNHU AKAITA SEI?

9, 10. Chii chinogona kuitika kana tikaroorana nemunhu asinganamati Jehovha?

9 Pfungwa yemuBhaibheri inokosha yatinofanira kuyeuka pakusarudza wekuroorana naye ndeiyi: “Musasungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi.” (2 VaKorinde 6:14) Mufananidzo uyu unobva pane zvinoitwa nevarimi. Kana mhuka mbiri dzakakura kana kuti dzakasimba zvakasiyana zvikuru, murimi haadzibopi pamwe chete achirima. Akadaro anenge achiitira mhuka dzacho dzese utsinye nekuti dzese dzinorwadziwa. Ndizvo zvinoitikawo kana munhu anonamata Jehovha akaroorana nemunhu asinganamati Jehovha. Kazhinji vanova nematambudziko akawanda. Saka Bhaibheri rinotipa zano rekuti tiroore kana kuroorwa “munaShe chete.”—1 VaKorinde 7:39.

10 Dzimwe nguva, vamwe vaKristu vanofunga kuti zviri nani kuroorana nemunhu asinganamati Jehovha pane kuti vagare vari vega. Asi kana tikasateerera mazano eBhaibheri, kazhinji zvinoguma nekurwadziwa uye kushaya mufaro. Sevashumiri vaJehovha, tinokoshesa kumushumira kupfuura zvimwe zvinhu zvese muupenyu. Unonzwa sei kana usingakwanisi kuita zvinhu izvozvo zvinokosha kupfuura zvese muupenyu hwako nemunhu wawakaroorana naye? Vakawanda vakasarudza kugara vega zvavo pane kuti varoorane nemunhu asingadi Jehovha uye asingamushumiri.—Verenga Pisarema 32:8.

11. Ungaita sei kuti usarudze zvakanaka munhu wekuroorana naye?

11 Izvi hazvirevi kuti munhu wese anonamata Jehovha anogona kuva murume kana mudzimai akanaka kwauri. Kana uri kufunga kuroora kana kuroorwa, tsvaga munhu waunonyatsoda uye waunowirirana naye. Mira kusvikira wawana munhu anoda kuita zvinhu zvakafanana nezvaunoda muupenyu uye anoisa kunamata Mwari panzvimbo yekutanga. Wana nguva yekuverenga nekufungisisa mazano anobatsira panyaya yewanano anowanikwa mumabhuku anobudiswa nemuranda akatendeka.—Verenga Pisarema 119:105.

12. Tinodzidzei muBhaibheri panyaya yekutsvagira mwana munhu waangaroorana naye?

12 Mune dzimwe nyika, vabereki vanowanzosarudzira mwana wavo munhu wekuroorana naye. Vanoti vabereki vanoziva munhu akanyatsonakira mwana wavo. Tsika iyi yaiitwa chaizvo panguva yakararama vanhu vanotaurwa muBhaibheri. Saka kana mhuri yako ikasarudza kutevera tsika iyi, Bhaibheri rinogona kubatsira vabereki kuziva zvekutarisa. Abrahamu paakasarudzira mwanakomana wake Isaka mudzimai, chaainyanya kukoshesa chaiva chekuti mudzimai wacho aida Jehovha, kwete kuti aibva mumhuri yakapfuma kana kuti yakakurumbira.—Genesisi 24:3, 67; ona Mamwe Mashoko 25.

NDINGAGADZIRIRA SEI KUPINDA MUWANANO?

13-15. (a) Murume angagadzirira sei kuti azova baba vemba vakanaka? (b) Mukadzi angagadzirira sei kuti azova mudzimai akanaka?

13 Kana uri kufunga kupinda muwanano, iva nechokwadi chekuti wanyatsogadzirira. Unogona kufunga kuti wagadzirira, asi ngatikurukurei kuti kana munhu achinzi agadzirira kupinda muwanano zvinenge zvichirevei. Unogona kutoshamiswa nezvinotaurwa neBhaibheri.

Wana nguva yekuverenga nekufungisisa mazano ari muShoko raMwari pamusoro pewanano

14 Bhaibheri rinoratidza kuti varume nemadzimai vane mabasa akasiyana avanoita mumhuri. Saka kugadzirira kupinda muwanano kunosiyana zvichienderana nekuti uri munhurume here kana kuti munhukadzi. Murume ari kufunga kuroora, anofanira kuzvibvunza kuti agadzirira here kuva musoro wemba. Jehovha anotarisira kuti murume ave nechokwadi kuti mudzimai wake nevana vane zvekurarama nazvo uye vari kufara. Chinonyanya kukosha ndechekuti, murume anofanira kutungamirira mhuri yake pakunamata Mwari. Bhaibheri rinoti murume asingachengeti mhuri yake “akaipa kupfuura munhu asingatendi.” (1 Timoti 5:8) Saka kana uri murume ari kufunga kuroora, funga kuti pfungwa iyi yemuBhaibheri ingashanda sei: “Gadzirira basa rako rekunze, uye gadzirira zvinhu zvako zvese mumunda; wozovaka imba yako.” Izvi zvinoreva kuti, usati waroora, tanga wava nechokwadi chekuti unokwanisa kuita zvinotarisirwa naJehovha kuti zviitwe nemusoro wemba.—Zvirevo 24:27.

15 Mukadzi ari kufunga kuroorwa anofanira kuzvibvunza kuti agadzirira here kuzoita mabasa aanotarisirwa kuita semudzimai uye saamai, kana pakava nevana. Bhaibheri rinotaura zvimwe zvezvinhu zvakawanda zvinoitwa nemudzimai akanaka zvinobatsira murume wake nevana. (Zvirevo 31:10-31) Mazuva ano varume nevakadzi vakawanda vanongofunga zvavanotarisira kuzoitirwa newavacharoorana naye. Asi Jehovha anoda kuti tifunge nezvezvatingaitira munhu waticharoorana naye.

16, 17. Kana uri kufunga kupinda muwanano, zvii zvaunofanira kufungisisa nezvazvo?

16 Usati wapinda muwanano, fungisisa zvinotaurwa naJehovha nezvevarume uye madzimai. Kuva musoro wemba hakurevi kuti murume anofanira kushusha. Baba vemba vakanaka vanotevedzera Jesu, uyo anoratidza rudo uye anobata zvakanaka vaya vaanotungamirira. (VaEfeso 5:23) Kana ari mudzimai, anofanira kufunga zvinorehwa nekutsigira zvisarudzo zvemurume wake uye kushanda pamwe chete naye. (VaRoma 7:2) Anofanira kuzvibvunza kuti anokwanisa here kuzviisa pasi pemunhu ane chivi, uye achizviita nemufaro. Kana achiona sekuti haakwanisi, anogona kusarudza kuti zviri nani kuti ambogara asina kuroorwa.

17 Varume nemadzimai vanofanira kunyanya kukoshesa mufaro wemumwe wavo kupfuura wavo pachavo. (Verenga VaFiripi 2:4.) Pauro akanyora kuti: “Mumwe nemumwe wenyu anofanira kuda mudzimai wake sezvaanozviita; mudzimai anofanirawo kuremekedza murume wake zvikuru.” (VaEfeso 5:21-33) Varume nemadzimai vanoda kunyatsoona kuti vanodiwa uye vanoremekedzwa. Asi kuti wanano ibudirire, kazhinji murume ndiye anowanzoda kuona kuti ari kuremekedzwa nemudzimai wake, uye mudzimai ndiye anowanzoda kuona kuti anodiwa nemurume wake.

18. Nei mukomana nemusikana vachifanira kungwarira pavanenge vachidanana?

18 Nguva yekudanana kwemukomana nemusikana, inofanira kuva nguva inonakidza yavanenge vachidzidzana. Inguvawo yekuona zvinhu sezvazviri uye yekubudirana pachena kuitira kuti vanyatsoona kana zvichiita kuti vazorarama vese. Kana mukomana nemusikana vachidanana, mumwe nemumwe anodzidza kutaura nemumwe wake pfungwa dzake uye kuedza kuziva zviri mumwoyo memumwe. Rudo rwavo parunenge ruchiwedzera, zvinongoitika zvega kuti vanonzwa vachida kuva pedyo nepedyo. Asi, vasati varoorana, vanofanira kuzvidzora pamaratidziro avanoita kuti vanodanana kuti vasazoita upombwe. Rudo rwechokwadi ruchavabatsira kuzvidzora uye kurega kuita chimwe chinhu chingavhiringidza rudo rwavo uye ushamwari hwavo naJehovha.—1 VaTesaronika 4:6.

Mukomana nemusikana pavanenge vachidanana, mumwe nemumwe anodzidza kutaura nemumwe wake pfungwa dzake

NDINGAITA SEI KUTI NDICHEMBEDZANE NEMUMWE WANGU?

19, 20. VaKristu vanoona sei wanano?

19 Mabhuku akawanda nemafirimu anowanzopedzisa nyaya dzawo vanhu vachiita muchato wemandiriri, vachifara. Asi muupenyu chaihwo, muchato unotova mavambo. Jehovha aida kuti wanano igare zvachose.—Genesisi 2:24.

20 Nhasi uno vakawanda havafungi kuti wanano inofanira kugara zvachose. Kuroorana kuri nyore uye kurambana kuri nyore. Vamwe vanofunga kuti kana pakangomuka dambudziko vanofanira kusiya mumwe wavo, vogura muchato. Asi yeuka mufananidzo wemuBhaibheri wetambo yakasimba yakakoswa netambo nhatu. Tambo yakadaro haidambuki kunyange ikadhonzwa zvakasimba. Kana tichitsvaga kutungamirirwa naJehovha, wanano yedu ichagara. Jesu akati: “Ngaparege kuva nemunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”—Mateu 19:6.

21. Chii chichabatsira varume nemadzimai kuti vadanane?

21 Tese tine zvatinokanganisa uye zvatinogonawo. Zviri nyore kungoisa pfungwa pane zvinokanganiswa nevamwe, zvikurukuru zviya zvemurume wedu kana kuti mudzimai wedu. Asi kana tikadaro hatizofari. Ukuwo, kana tikaisa pfungwa dzedu pane zvakanaka zvinoitwa nemumwe wedu, imba yedu ichava nemufaro. Zvinoita here kuti tione zvakanaka chete pamunhu akaberekwa aine chivi? Ehe zvinoita! Jehovha anoziva kuti chivi chakatikanganisa zvakadini, asi anoisa pfungwa dzake pane zvakanaka zvatinoita. Fungidzira kuti dai aisadaro zvaizofamba sei! Munyori wepisarema akati: “Nhai Jah, kudai maitarisa zvikanganiso, ndiani aizomira, nhai Jehovha?” (Pisarema 130:3) Varume nemadzimai vanogona kutevedzera Jehovha nekutarisa zvakanaka zvinoitwa nemumwe wavo uye kukurumidza kuregerera.—Verenga VaKorose 3:13.

22, 23. Vanhu vakaroorana vangatevedzera sei Abrahamu naSara?

22 Nekupindana kunenge kuchiita makore, imba inogona kusimba. Abrahamu naSara vakachembedzana vachifara. Jehovha paakaudza Abrahamu kuti asiye musha wavo muguta reUri, Sara anofanira kunge akanga apfuura makore 60. Fungidzira kuti zvakanga zvakamuomera sei kusiya musha wake waaigara zvakanaka achinogara mumatende. Asi Sara aiva shamwari yakanaka yemurume wake, uye aimuremekedza zvikuru. Saka aitsigira zvaisarudzwa naAbrahamu uye aimubatsira kuti zvibudirire.—Genesisi 18:12; 1 Petro 3:6.

23 Hazvirevi hazvo kuti imba inobudirira inenge iine murume nemudzimai vanobvumirana pazvinhu zvese. Abrahamu akambotadza kubvumirana nezvakanga zvataurwa naSara, Jehovha akamuudza kuti: “Teerera zvaari kutaura.” Abrahamu akateerera, zvinhu zvikafamba zvakanaka. (Genesisi 21:9-13) Kana muchimbotadza kubvumirana nemumwe wako, usaora mwoyo. Chinokosha ndechekuti kunyange pamunenge musina kubvumirana, munoramba muchidanana uye muchiremekedzana.

Shandisai Shoko raMwari muchiri kutanga kupinda muwanano

24. Tingaita sei kuti imba yedu izokudza Jehovha?

24 Muungano yechiKristu mune mazana nemazana emhuri dzinofara. Kana uchida kuroora kana kuroorwa, yeuka kuti kusarudza wekuroorana naye ndicho chimwe chezvinhu zvinokosha kupfuura zvese zvauchaita. Zvauchasarudza zvichabata-bata zvese zvauchaita muupenyu, saka tsvaga kutungamirirwa naJehovha. Ukadaro uchasarudza wekuroorana naye nekuchenjera, wogadzirira zvakanaka kupinda muwanano, uye wovaka imba yakasimba ine rudo, inokudza Jehovha.