Nhamba Dzese dza2019
Mapazi eZvapupu zvaJehovha: 87
Nhamba Yenyika Dzakashuma: 240
Ungano Dzese: 119 712
Vakapinda Chirangaridzo Pasi Rese: 20 919 041
Vakadya paChirangaridzo Pasi Rese: 20 526
Nhamba Yevaparidzi Yatanga Tisati Tambosvitsa *: 8 683 117
Avhareji Yevaparidzi Vanoparidza Mwedzi Wega Wega: 8 471 008
Kuwedzera Kwakaitika Kubva Gore ra2018: 1,3%
Nhamba Yevese Vakabhabhatidzwa *: 303 866
Avhareji Yemapiyona * Mwedzi Wega Wega: 1 277 738
Avhareji Yemapiyona Ebetsero Mwedzi Wega Wega: 464 980
Maawa Ese Akaitwa Muushumiri: 2 088 560 437
Avhareji Yezvidzidzo zveBhaibheri * Mwedzi Wega Wega: 9 618 182
Mugore rebasa * ra2019, Zvapupu zvaJehovha zvakashandisa madhora ekuAmerica anopfuura mamiriyoni 224 pakutsigira mapiyona chaiwo mamishinari uye vatariri vematunhu mumabasa avo eushumiri. Pasi rese vashumiri vakagadzwa 20 858 vanoshanda pamapazi akasiyana-siyana. Vese zvavo inhengo dzeBoka Remunyika Yese Revashumiri Chaivo Venguva Yakazara reZvapupu zvaJehovha.
^ ndima 7 Muparidzi munhu anoparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. (Mateu 24:14) Kuti unyatsoona kuti nhamba iyi inowanika sei, ona nyaya iri pajw.org inoti: “Pasi Rese Pane Zvapupu zvaJehovha Zvingani?”
^ ndima 10 Kuti uzive zvaungaita kuti uzokwanisa kubhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha, ona nyaya iri pajw.org inoti: “Ndingaita Sei Kuti Ndive Mumwe weZvapupu zvaJehovha?”
^ ndima 11 Piyona mumwe weZvapupu zvaJehovha akabhabhatidzwa anozvipira kuita maawa anenge akasarudzwa, achiparidza mashoko akanaka.
^ ndima 14 Kuti uzive zvimwe, ona nyaya iri pajw.org inoti: “Chii Chinonzi Chidzidzo cheBhaibheri?”
^ ndima 15 Gore rebasa ra2019 rakatanga kubva musi wa1 September 2018, kusvika musi wa31 August 2019.