Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 1

Jesu Airevei Paakati “Iva Muteveri Wangu”?

Jesu Airevei Paakati “Iva Muteveri Wangu”?

“Chii chandinofanira kuita kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?”

1, 2. Ndiani anokosha kupfuura vese pavanhu vese vakambotikoka, uye tingazvibvunza mubvunzo upi?

 PANE pawakambokokwa ukafara zvekuti haufi wakazvikanganwa here? Pamwe chaiva chiitiko chinokosha chakadai semuchato wevanhu vaunoda zvikuru. Kana kuti ungayeuka zuva rawakashevedzwa kuti uzopinda rimwe basa rinokosha. Kana izvozvo zvakamboitika kwauri, wakafara zvikuru uchiona kuti waremekedzwa. Asi chokwadi ndechekuti pane mumwe munhu akakukoka anokosha kupfuura vese ivavo. Mumwe nemumwe wedu akakokwa nemunhu iyeye. Zviri kwatiri kubvuma kana kuramba kukokwa nemunhu iyeye asi zvatinosarudza zvinochinja upenyu hwedu hwese. Chisarudzo ichi chinokosha kupfuura zvese zvatingasarudza muupenyu.

2 Ndiani ari kutikoka iyeye uye ari kutikoka kuzoitei? Munhu wacho ari kutikoka ndiJesu Kristu. Ndiye Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga waMwari Wemasimbaose, Jehovha. Mashoko ake ekutikoka kwaari kuita ari muBhaibheri pana Mako 10:21. Anoti: “Uya uve muteveri wangu.” Mashoko aJesu aya akananganawo nemumwe nemumwe wedu. Tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndichabvuma here kukokwa kwandiri kuitwa?’ Zvinoita sezviri pachena kuti uchangobvuma. Ndiani angaramba kukokwa naJesu? Chinoshamisa ndechekuti vanhu vakawanda vanoramba. Nei vachiramba?

3, 4. (a) Zvinhu zvipi zvinoyemurwa nevakawanda zvaiva nemurume akabvunza Jesu nezveupenyu husingaperi? (b) Jesu angave akacherechedza chii pamurume uyu?

3 Mumwe akaramba kukokwa ikoko murume akataurirwa mashoko iwayo naJesu pachake makore anenge 2 000 apfuura. Aiva munhu airemekedzwa chaizvo. Aiva nezvinhu zvinowanzonzi nevanhu ndizvo zvinokosha muupenyu; akanga achiri wechidiki, aine pfuma, uye aiva nechinzvimbo. Bhaibheri rinomutsanangura richiti aiva “jaya,” “akapfuma chaizvo,” uye aiva “mutongi.” (Mateu 19:20; Ruka 18:18, 23) Asi pane chimwe chinhu chinokosha chaizvo nezvemurume uyu. Akanga anzwa nezveMudzidzisi Mukuru, Jesu, uye akafarira zvaakanga anzwa.

4 Vatongi vakawanda mazuva iwayo vakatadza kupa Jesu rukudzo rwakanga rwakamukodzera. (Johani 7:48; 12:42) Asi mutongi uyu akamuremekedza. Bhaibheri rinotiudza kuti: “[Jesu] paakanga ava kuenda, mumwe murume akamumhanyira, akapfugama pamberi pake, ndokumubvunza kuti: ‘Mudzidzisi Akanaka, chii chandinofanira kuita kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?’” (Mako 10:17) Cherechedza kuti murume uyu aiva nechido chekutaura naJesu zvakadii, kuita kumumhanyira sezvaiwanzoitwa nevanhu varombo uye vakaderera. Akatopfugamira Kristu achiratidza kumuremekedza. Saka tingati aizvininipisa uye aiva nenzara yekuda Mwari. Jesu akazvicherechedza izvozvo. (Mateu 5:3; 18:4) Saka hazvishamisi kuti “Jesu akamutarisa, akaratidza kuti aimuda.” (Mako 10:21) Jesu akapindura sei mubvunzo wemurume iyeye?

Kukokwa Kuti Uzowana Makomborero Nekusingaperi

5. Jesu akapindura sei murume akapfuma, uye tinoziva sei kuti Jesu akanga asiri kureva kuti munhu anofanira kuva murombo kana achida kushumira Mwari? (Onawo mashoko emuzasi.)

5 Jesu akaratidza kuti Baba vake vakanga vatopindura kare mubvunzo wemurume uyu muMagwaro. Akataura zviri muMutemo waMozisi, uye murume wacho akati aiuteerera wese. Asi Jesu, nekunzwisisa kwake kwaishamisa, akaona kuti paiva nerimwe dambudziko rakakura panyaya dzekunamata pamurume uyu. (Johani 2:25) Akaona zvaiita kuti murume uyu atadze kufadza Mwari. Saka Jesu akati: “Wasarirwa nechinhu chimwe chete.” Chaiva chii ichocho? Jesu akati: “Enda unotengesa zvinhu zvauinazvo upe varombo.” (Mako 10:21) Jesu aireva here kuti munhu anofanira kuva murombo kana achida kushumira Mwari? Kwete. a Jesu akanga achidzidzisa chimwe chokwadi chinokosha.

6. Jesu akaudza murume akapfuma kuti aite sei, uye zvakaitwa nemurume uyu zvakaratidza sei zvaiva mumwoyo make?

6 Kuti aratidze murume uyu kuti chii chakanga chasara, Jesu akamupa mukana wakazonaka achiti: “Uya uve muteveri wangu.” Funga kuti Mwanakomana waMwari Wekumusorosoro akaudza murume uyu, vakatarisana chiso nechiso, kuti amutevere! Jesu akamuvimbisawo mubayiro unoshamisa. Akati: “Uchava nepfuma kudenga.” Mutongi uyu akapfuma akagamuchira mukana uyu unoshamisa here? Nyaya yacho inoti: “Akasuwa paakanzwa mhinduro iyoyo, akaenda achirwadziwa, nekuti aiva nezvinhu zvakawanda.” (Mako 10:21, 22) Saka zvaakapindurwa asingatarisiri zvakabudisa pachena zvaiva mumwoyo make. Mwoyo wake wakanga wakanyura papfuma yake nechinzvimbo chayaimupa. Kuda kwaaiita zvinhu izvozvo kwaipfuura kuda kwaaiita Kristu. Saka “chinhu chimwe chete” chaainzi akanga asina chaiva kuda Jesu naJehovha nemwoyo wese. Saka kusava nerudo rwakadaro kwakaita kuti murume uyu arambe mukana wakanakisisa waakanga awana! Ko iwe unopinda papi panyaya iyi?

7. Nei tiine chokwadi chekuti mashoko aJesu ari kushandawo kwatiri vari kurarama mazuva ano?

7 Mashoko aJesu akanga asina kunangana nemurume uyu chete kana kuti nevanhu vashomanana chete. Jesu akati: ‘Kana munhu achida kunditevera, . . . ngaarambe achinditevera.’ (Ruka 9:23) Cherechedza kuti mashoko aya anoratidza kuti chero “munhu” anogona kuva muteveri waKristu kana “achida.” Mwari ndiye anounza vanhu vakadaro kuMwanakomana wake. (Johani 6:44) Mashoko aJesu akanga akanangana nevanhu vese kwete vapfumi chete, varombo chete, kana kuti vanhu verumwe rudzi kana dzinza uye haana kuguma kushanda panguva yaakararama chete. Saka newewo uri kukokwa nemashoko aJesu ekuti: “Uya uve muteveri wangu.” Asi nei tichifanira kutevera Kristu? Uye chii chinombonzi kutevera Kristu?

Nei Uchifanira Kuva Muteveri waKristu?

8. Chii chatinoda tese, uye nei zvakadaro?

8 Pane chokwadi chatinofanira kubvuma: Vanhu takasikwa tichida kuva neutungamiriri hwakanaka. Kunyange zvazvo vasiri vanhu vese vanobvuma kuti tinoda utungamiriri hwakadaro, ichi ichokwadi chisingarambiki. Muprofita waJehovha, Jeremiya akafemerwa kunyora chokwadi ichi chinongoramba chiripo: “Haiwa Jehovha, ndinonyatsoziva kuti nzira yemunhu haisi yake. Hazvisi kumunhu ari kufamba kuti aruramise nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Vanhu havakwanisi kuzvitonga uye havana kodzero yacho. Zvakaipa zvese zvagara zvichiitika kuvanhu zvinoratidza kuti vanhu havakwanisi kuzvitonga. (Muparidzi 8:9) Mumazuva aJesu, vatungamiriri vaidzvinyirira vanhu vachivabata zvakaipa, uye vaitungamirira vanhu mugwara risiri iro. Regai Jesu akazoti vanhu vaibatwa zvakadaro vakanga vakaita “semakwai asina mufudzi.” (Mako 6:34) Ndizvo zvazviriwo mazuva ano. Munhu mumwe nemumwe anoda mutungamiriri waanovimba naye uye waanoremekedza. Tese pamwe chete tinomuda. Jesu anokodzera kuva mutungamiriri akadaro here? Ngatimboonai kuti nei tichiti ndizvo zvaari.

9. Chii chinosiyanisa Jesu nevamwe vatungamiriri vese?

9 Chekutanga, Jesu akasarudzwa naJehovha Mwari. Vatungamiriri vakawanda vanoita zvekusarudzwa nevanhu. Asi vanhuwo zvavo havakwanisi kunyatsoziva zvakaita munhu saka havakwanisi kusarudza zvakanaka. Jesu haana kusarudzwa nevanhu. Ndizvo zvinoratidzwa nezita rake rekuremekedza. Shoko rekuti “Kristu,” kana rekuti “Mesiya,” rinoreva kuti “Akazodzwa.” Jesu akazodzwa, kana kuti akasarudzwa kuti ave nebasa dzvene naChangamire Ishe wezvinhu zvese, kwete nevanhu. Jehovha Mwari akataura nezveMwanakomana wake achiti: “Onai! Mushumiri wangu wandakasarudza, wandinoda, wandakafarira! Ndichaisa mweya wangu paari.” (Mateu 12:18) Hapana anoziva kuti tinoda mutungamiriri akaita sei kupfuura Musiki wedu. Jehovha ane uchenjeri husingaenzaniswi, saka tinoziva kuti zvaanosarudza zvakatinakira.—Zvirevo 3:5, 6.

10. Nei Jesu ari iye munhu akanyatsokodzera kuti vanhu vatevedzere?

10 Chechipiri, Jesu akanyatsotiratidza muenzaniso wekutevedzera. Mutungamiriri akanaka anoita zvinhu zvinoyemurwa nevanhu vaanenge achitungamirira zvekuti vanenge vachida kuzvitevedzera. Zvakanaka zvaanoita zvinopa vanhu vaanotungamirira shungu dzekuti vagadziridze upenyu hwavo. Zvinhu zvipi zvaunotarisa pamutungamiriri zvinoita kuti umuremekedze? Ushingi here? Uchenjeri here? Itsitsi here? Kutsungirira pakutarisana nematambudziko here? Pauchange uchidzidza nezveupenyu hwaJesu paaiva pasi pano uchaona kuti Jesu anazvo zvese izvi uye pane zvimwe zvakatowanda zvaari. Jesu ainyatsoratidza zvakaita Mwari chaizvo pamaitiro ake ese. Hapana chimwe chawaitarisira pamunhu akanaka chawaishaya paari. Saka tinotowana chimwe chinhu chakakodzera kutevedzera pazvinhu zvese zvaaiita, zvaaitaura, uye paairatidza kuti ari kunzwa sei nezvinenge zvaitika. Bhaibheri rinoti akatisiyira muenzaniso wekuti tifambe tichitevera “maakatsika namo.”—1 Petro 2:21.

11. Jesu akaratidza sei kuti “mufudzi akanaka”?

11 Chechitatu, Kristu akanyatsoita zvinoenderana nezvaakataura paakati: “Ndini mufudzi akanaka.” (Johani 10:14) Vanhu vakararama panguva iyoyo vainyatsonzwisisa zvairehwa nemufananidzo iwoyo. Vafudzi vaishanda nesimba kuti vachengetedze makwai aiva mumaoko avo. “Mufudzi akanaka” aichengetedza makwai ake kupfuura kuzvichengetedza kwaaizviita. Mumwe akaita izvozvo ndiDhavhidhi, tateguru vaJesu, uyo akapotsa aurayiwa neshumba uye mumwe musi nebheya, achidzivirira makwai ake paaiva mufudzi. (1 Samueri 17:34-36) Jesu akatopfuura ipapo achidzivirira vateveri vake. Akavafira. (Johani 10:15) Vatungamiriri vangani vaunoona vakagadzirira kufira vanhu vavo?

12, 13. (a) Zvinhu zvipi zvinozivikanwa nemufudzi nezvemakwai ake, uye iwo acho anomuziva sei? (b) Ndezvipi zvinoitwa neMufudzi Akanaka zvinoita kuti ude kutungamirirwa naye?

12 Pane chimwezve chinoratidza kuti Jesu “mufudzi akanaka.” Akati: “Ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva.” (Johani 10:14) Chimbofunga zvairehwa naJesu nemufananidzo uyu. Kana mumwe munhu achiona makwai achifura pamwe chete angasafunga kuti mufudzi wawo anoaziva ese nemazita awo. Anoziva kuti ava pedyo kubereka ndeapi, twumakwayana tunotoda kuita zvekutakurwa ndetwupi, uye kuti ari kurwara kana kuti akakuvara ndeapi. Makwai achowo anoziva mufudzi wawo. Anoziva inzwi rake, haateereri inzwi remumwe munhu achifunga kuti nderake. Kana inzwi rake rikaratidza kuti pane chisina kunaka kana kuti pane chiri kuuya, makwai ake anobva akurumidza kuita zvaanenge achitaura. Kwese kwaanoatungamirira, anotevera. Uye mufudzi wacho anonyatsoziva kwekuenda nawo. Anoziva kune uswa hwakawanda uye hwakasvibirira, kune nzizi dzine mvura yakachena, uye kwaanofura pasina chinoavhiringa. Paanenge achiafudza, makwai acho hapana chaanenge achitya.—Pisarema 23.

13 Handihwo utungamiriri hwaungadawo here? Mufudzi Akanaka haana waanoenzana naye pakubata vateveri vake saizvozvo. Anovimbisa kukutungamirira kuti urarame upenyu hunofadza uye hunogutsa iye zvino uye kuti uzowana upenyu husingaperi mune ramangwana! (Johani 10:10, 11; Zvakazarurwa 7:16, 17) Saka tinofanira kuziva kuti chii chinombonzi kutevera Kristu.

Zvinorevei Kuva Muteveri waKristu?

14, 15. Kuti munhu ave muteveri waKristu, nei zvisina kukwana kuti angogumira pakutaura?

14 Kune vanhu vakawanda chaizvo mazuva ano vanoti vakabvuma kukokwa naKristu, vachitozvidana kuti vaKristu. Vanogona kunge vatori nechechi dzavakatoberekerwa madziri vakabva vabhabhatidzirwamo vachiri vadiki. Kana kuti vanogona kutaura kuti vanoda Jesu nekuti akavaponesa. Asi izvozvo zvinoreva here kuti vanenge vatova vateveri vaJesu? Hazvingogumiri pakutaura chete.

15 Funga zvinoitika munyika dzakawanda dzine ruzhinji rwunozviti rwunotevera Kristu. Asi zvinoitwa nevagari vemunyika idzodzo zvinoenderana nezvinodzidziswa naJesu Kristu here? Handizvo here kuti munyika idzodzo makatozara ruvengo, udzvinyiriri, kuparwa kwemhosva uye kubatwa kwevanhu zvisina kunaka?

16, 17. Chii chinowanzoshayika pavanhu vanozviti vaKristu, uye chii chinoita kuti vaKristu vechokwadi vazivikanwe?

16 Jesu haana kuti vateveri vake vechokwadi vaizongozivikanwa nezvavanotaura kana kuti nezita ravanozvipa chete asi vaizonyanya kuzivikanwa nezvavanoita. Akati: “Haasi munhu wese anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muUmambo hwekudenga, asi uya chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.” (Mateu 7:21) Chii chinotadzisa vanhu vakawanda kuita kuda kwaBaba vake, ivo vachizviti vateveri vake? Yeuka mutongi uya wechidiki akapfuma. Kuda Jesu uye kuda uya akamutuma nemwoyo wese ndicho chinhu chimwe chete chaishayika pamurume uyu wechidiki uye ndicho chiri kushayikawo pavanhu vakawanda vanozviti vaKristu.

17 Nei tiri kudaro? Handizvo here kuti vese vanozviti vaKristu vanotaura kuti vanoda Kristu? Ndizvo zvavanotaura. Asi kuda Jesu naJehovha hakungogumiri pakutaura chete. Jesu akati: “Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu.” (Johani 14:23) Uye akambotaura achizvifananidza nemufudzi achiti: “Makwai angu anoteerera inzwi rangu, uye ini ndinoaziva, uye anonditevera.” (Johani 10:27) Kureva kuti kuda kwatinoita Kristu kunoratidzwa nezvatinoita, kwete zvatinongotaura kuti ndizvo zviri pamwoyo pedu chete.

18, 19. (a) Kudzidza nezvaJesu kuchaita kuti tiite sei? (b) Bhuku rino rakanyorwa nechinangwa chei, uye richabatsira sei vaya vagara vachitova vateveri vaKristu?

18 Asi zvatinoita hazvingouyi zvega. Zvinoratidza zvatiri nechemukati. Izvozvo ndizvo zvatinofanira kutanga kugadzirisa. Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kusvika pakukuzivai, imi Mwari mumwe chete wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.” (Johani 17:3) Kana tikaramba tichiwana ruzivo rwakarurama nezvaJesu uye tichifungisisa zvatinenge tadzidza, tichabva tawedzera kumuda. Chido chedu chekumutevera zuva nezuva chichabva chasimbawo.

19 Ichi ndicho chinangwa chebhuku rino. Chinangwa charo hachisi chekutsanangura upenyu hwaJesu neushumiri hwake, asi ndechekutibatsira kuti tinyatsoona kuti tingamutevera sei. b Manyorerwo arakaitwa anotibatsira kuti tiite setiri kutarisa mugirazi patinoverenga Magwaro tozvibvunza kuti, ‘Ndiri kunyatsotevera Jesu here?’ (Jakobho 1:23-25) Pamwe watova nenguva uchizvitora segwai riri kutungamirirwa neMufudzi Akanaka. Asi haubvumewo here kuti hapana angashaya paachiri kufanira kuvandudza muupenyu hwake? Bhaibheri rinotikurudzira richiti: “Rambai muchizviedza kuti muone kana muri pakutenda; rambai muchizviedza kuti makamira sei.” (2 VaKorinde 13:5) Saka tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tinyatsoona kana tiri kutungamirirwa neMufudzi wedu akanaka ane rudo, Jesu Kristu, uyo akasarudzwa naJehovha pachake kuti atitungamirire.

20. Tichakurukurei muchitsauko chinotevera?

20 Kudzidza bhuku rino ngakukubatsire kusimbisa kuda kwaunoita Jesu naJehovha. Pauchararama upenyu hwako uchitungamirirwa nerudo irworwo uchawana rugare uye uchararama upenyu hunogutsa munyika ino iri kupfuura, uye mune ramangwana ucharumbidza Jehovha nekusingaperi uchimutenda nekukupa Mufudzi Akanaka. Asi kuti tinyatsoziva Jesu, pane zvatinofanira kutanga tanzwisisa nezvake. Ndosaka Chitsauko 2 chichatibatsira kutanga nekuongorora basa raJesu muchinangwa chaJehovha chine chekuita nezvinhu zvese zvaakasika.

a Jesu haana kumboti munhu wese anoda kumutevera asiye pfuma yake yese. Kunyange zvazvo akataura kuti zvakaoma kuti mupfumi ashumire Mwari, akazopedzisa achiti: “Zvinhu zvese zvinobvira kuna Mwari.” (Mako 10:23, 27) Chokwadi ndechekuti panotova nevamwe vanhu vakapfuma vakava vateveri vaKristu. Muungano, vaidzidza maonero avaifanira kuita pfuma asi vaisaudzwa kuti vape varombo pfuma yavo yese.—1 Timoti 6:17.

b Kuti unyatsoona nezveupenyu uye ushumiri hwaJesu, ona bhuku rinonzi Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.