Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 7

“Fungisisai Nezveuya Akatsungirira”

“Fungisisai Nezveuya Akatsungirira”

1-3. (a) Jesu ari kurwadziwa zvakadini mubindu reGetsemane, uye chii chiri kunyanya kumurwadza? (b) Jesu akaratidzei pakuguma kweupenyu hwake, uye zvinoita kuti tive nemibvunzo ipi?

 ZVINHU hazvina kumumirira zvakanaka. Jesu haasati amboremerwa mupfungwa nemwoyo zvakadaro. Nguva yake yekuti achipedzisa upenyu hwake hwepasi pano yava kusvika. Anouya nevadzidzi vake kubindu reGetsemane. Anowanzoenda navo ikoko. Asi manheru ano ari kuda kumbova ega. Anosiya vaapostora vake, oenda chinhambwe, opfugama, otanga kunyengetera. Anonyengetera zvakadzama, mwoyo wake uchirwadziwa zvikuru zvekuti ziya rake rinova “semadonhwe eropa richidonhera pasi.”—Ruka 22:39-44.

2 Chii chiri kutambudza Jesu zvakadaro? Ichokwadi kuti ari kuziva kuti acharwadziswa zvisingaiti munguva pfupi iri kutevera, asi handizvo zviri kunyanya kumutambudza. Pane nyaya dzinokosha kupfuura kurwadziwa kwaachaita. Ari kunyanya kunetseka nezvezita raBaba vake uye kuti ramangwana revanhu vese richabva pakuramba kwake akatendeka. Jesu anoziva kukosha kwazvakaita kuti atsungirire. Akangokundikana, achashoresa zita raJehovha. Asi haasi kuzokundikana. Jesu paakanga ava kufema kekupedzisira, akazoshevedzera kuti: “Zvaitika!”, izvo zvakanyatsoratidza kuti akanga aratidza chinonzi kutsungirira.—Johani 19:30.

3 Bhaibheri rinotikurudzira kuti, “fungisisai nezveuya akatsungirira,” Jesu. (VaHebheru 12:3) Tinobva tava nemimwe mibvunzo inokosha yakadai sekuti: Ndeipi mimwe miedzo yakatsungirirwa naJesu? Chii chakamubatsira kuitsungirira? Tingamutevedzera sei? Asi tisati tapindura mibvunzo iyi, ngatimbotangai taona kuti chii chinonzi kutsungirira.

Chii Chinonzi Kutsungirira?

4, 5. (a) Chii chinonzi “kutsungirira”? (b) Muenzaniso upi unoratidza kuti kutsungirira hakurevi kungosangana nedambudziko rausingakwanisi kubuda mariri?

4 Tese zvedu tine patinombosangana “nemiedzo yakasiyana-siyana.” (1 Petro 1:6) Zvinoreva here kuti kana tangosangana nemuedzo tava kutoutsungirira? Hatingadaro. Shoko rechiGiriki rekuti “tsungirira” rinoreva “kuramba wakasimba uchitarisana nedambudziko.” Mumwe muongorori weBhaibheri akatsanangura zvinorehwa neshoko rekuti kutsungirira achiti, “Harirevi kungoshingirira uri mudambudziko nekuti hapana zvaungazviite, asi rinoratidza kuti une tariro yakasimba . . . Kutsungirira kunoita kuti munhu arambe akatarisa kuri kubva mhepo asingazununguki. Kunoita kuti muedzo wakakurisisa uonekwe sekukudzwa nekuti munhu anenge achiona zviri kumberi kwete zvaari kutarisana nazvo panguva iyoyo.”

5 Saka kana munhu akapinda mudambudziko raasiri kukwanisa kubuda mariri, hazvirevi kuti ava kutotsungirira. MuBhaibheri, kutsungirira kunosanganisira kutarisana nemuedzo wakadzikama, uchitarisira kuti pane zvakanaka zvichabuda. Tingazvifananidza nevarume vaviri vari mujeri asi vakasungirwa zvikonzero zvakasiyana. Mumwe wacho akasungirwa mhosva dzaakapara saka anongopika jeri achigunun’una. Mumwe wacho muKristu wechokwadi akasungirwa kutendeka kwake; haavhunduki uye anotarisira kuti zvinhu zvichamufambira zvakanaka, achitoona zviri kuitika kwaari semukana wekuratidza kutenda kwake. Hatingamboti uya akasungirwa mhosva dzaakapara ari kutsungirira, asi muKristu uyu akatendeka anenge achinyatsoratidza chinonzi kutsungirira chaiko.—Jakobho 1:2-4.

6. Tingaita sei kuti tidzidze kutsungirira?

6 Kuti tizoponeswa tinofanira kutsungirira. (Mateu 24:13) Asi hapana munhu anoberekwa achitogona kutsungirira. Chinhu chatinotofanira kudzidzira. Tingazviita sei? VaRoma 5:3 inoti: “Kutambudzika kunoita kuti titsungirire.” Kana tichida kudzidza kutsungirira, hatifaniri kunzvenga miedzo yese yekutenda. Kunyange tichitya, tinofanira kuva neushingi hwekutarisana nayo. Zuva nezuva patinoshinga kunangana nemiedzo, ingava miedzo yakakura kana isina, toikurira, tinenge tichitodzidza kutsungirira. Muedzo mumwe nemumwe watinokurira unototisimbisa zvekuti tinoshinga kunangana nemuedzo unotevera. Asi tinotoda kubatsirwa kuti tikwanise kunyatsotsungirira. Tinofanira kuramba tichivimba “nesimba rinopiwa naMwari.” (1 Petro 4:11) Kuti atibatsire kuramba tichitsungirira takatendeka, Jehovha akatipa muenzaniso wakanakisisa weMwanakomana wake, Jesu Kristu, uyo akanyatsoratidza chinonzi kutsungirira. Ngatimbonyatsoongororai kutsungirira kwaakaita.

Jesu Akatsungirira Miedzo Ipi?

7, 8. Zvinhu zvipi zvakatsungirirwa naJesu paakaurayiwa?

7 Asati aurayiwa, Jesu akaitirwa zvinhu zvakawanda zvinorwadza. Jesu akanga akaremerwa mupfungwa zvisingaiti usiku ihwohwo. Asi handizvo zvega; akarwadziswa mwoyo uye akanyadziswa. Chimbofunga kuti ainzwa sei. Imwe shamwari yake yepedyo yakamutengesa, vamwe vacho vakatiza vachimusiya, akatongwa zvisiri pamutemo, uye vatongi vechiJudha vakamuseka, vachimupfira mate nekumurova zvibhakera. Asi akatsungirira zvinhu zvese izvi akadzikama uye achiratidza ushingi.—Mateu 26:46-49, 56, 59-68.

8 Zvadaro, Jesu akarwadziswa panyama zvatisingagoni kufungidzira. Masoja akamurova zvakasimba achishandisa tyava zvekuti, “ganda rake rakabvaruka-bvaruka uye akarasikirwa neropa rakawanda.” Akaurayiwa nenzira yakaita kuti “afe zvishoma nezvishoma achirwadziwa zvisingaiti.” Chimbofunga kurwadziwa kwaakaita pavairoverera maoko ake nemakumbo padanda nezvipikiri zvihombe. (Johani 19:1, 16-18) Fungidzira kurwadziwa kwaakaita pavakamisa danda racho, kurema kwemuviri wake kuchiita kuti maaboorwa muwedzere kubvaruka, uye musana wake wakabvaruka-bvaruka uchikweshera padanda racho. Akatsungirira zvese izvi uku mwoyo wake uchishushikana sezvatsanangurwa patangira chitsauko chino.

9. Kutakura ‘danda rekutambudzirwa’ totevera Jesu kunosanganisirei?

9 Sezvo tiri vateveri vaKristu, zvinhu zvipi zvatingafanirawo kutsungirira? Jesu akati: ‘Kana munhu achida kunditevera, ngaatore danda rake rekutambudzirwa, arambe achinditevera.’ (Mateu 16:24) ‘Danda rekutambudzirwa’ riri kutaurwa rinomirira kutambura, kunyadziswa, kunyange kutourayiwa. Saka kutevera Kristu hakusi nyore. Zvatinoita zvakasiyana nezvinoitwa nevanhu vari munyika nekuti tinoteerera zvinodzidziswa neBhaibheri. Tinovengwa nekuti hatisi venyika. (Johani 15:18-20; 1 Petro 4:4) Asi takagadzirira kutakura danda redu rekutambudzirwa, kureva kuti takagadzirira kutambura, kunyange kutofa, tichitevera Jesu.—2 Timoti 3:12.

10-12. (a) Nei tingati kurarama nevanhu vane chivi waiva muedzo waifanira kutsungirirwa naJesu? (b) Ndezvipi zvimwe zvinhu zvaaifanira kutsungirira?

10 Kurarama nevanhu vane chivi ndiwo mumwe muedzo waifanira kutsungirirwa naJesu paaiita ushumiri hwake. Yeuka kuti aiva “mhizha” yakashandiswa naJehovha pakusika nyika nezvinhu zvese zviri mairi. (Zvirevo 8:22-31) Saka Jesu aiziva chinangwa chaJehovha chaakasikira vanhu; akavasika kuti vararame vachifara nekusingaperi, vaine utano hwakanaka, uye vaifanira kuramba vachimutevedzera. (Genesisi 1:26-28) Paakazorarama pasi pano semunhu, Jesu akanga ava kunyatsoona kuti chivi chakakanganisa sei vanhu. Akanga ava kukwanisawo kunzwisisa mafungiro anoita vanhu uye manzwiro avanoita mumwoyo mavo. Anofanira kunge akarwadziwa chaizvo nekuona kuti mararamiro akanga ava kuita vanhu akanga ava kure zvakadini nechinangwa chavakasikirwa. Uyu waitova muedzo waifanira kutsungirirwa naJesu. Zvaizomupedza simba here zvekusvika pakufunga kuti vanhu vane chivi havatombobatsiriki? Ngationei.

11 VaJudha vakawanda vaiomesa musoro vachitadza kugamuchira mashoko aJesu. Izvi zvakamurwadza chaizvo zvekuti akatosvimha misodzi vanhu vachiona. Jesu akabva aderedza kushingaira kwaaiita here kana kurega kuparidza zvachose? Haana kurega; “akaramba achidzidzisa mazuva ese mutemberi.” (Ruka 19:41-44, 47) ‘Akarwadziwa’ nekuoma mwoyo kwevaFarisi vaimutarisisa kuti vaone kuti aizoporesa mumwe murume paSabata here. Akabvuma kutyisidzirwa nevarume ivavo vaizviita vatsvene here? Kwete! Akaratidza ushingi, akaporesa murume wacho, uye akatozviita akamira pakati pesinagogi paaionekwa nevanhu vese!—Mako 3:1-5.

12 Jesu aifanirawo kutsungirira zvaikanganiswa neshamwari dzake dzepedyo. Sezvatakadzidza muChitsauko 3, vadzidzi vairamba vachingorwirana kuti ndiani aiva mukuru pakati pavo. (Mateu 20:20-24; Ruka 9:46) Jesu akavatsiura kakawanda nezvenyaya iyoyo. (Mateu 18:1-6; 20:25-28) Asi vairamba vachingorwirana ukuru, zvekuti kunyange pausiku hwekupedzisira Jesu asati aurayiwa, vadzidzi vakaitirana “nharo dzakaomarara” pamusoro pekuti ndiani aitorwa semukuru pakati pavo! (Ruka 22:24) Jesu akabva atofunga kuti vadzidzi vake havachabatsiriki here? Haana kudaro. Akaramba aine mwoyo murefu, achiona zvakanaka pavari, uye aine tarisiro yekuti vachachinja. Aiziva kuti mumwoyo mavo, vaida Jehovha uye vainyatsoda kuita kuda kwake.—Ruka 22:25-27.

Kana tikatambudzwa, tichabva taora mwoyo torega kushingaira pabasa rekuparidza here, kana kuti ticharamba tichiparidza tichishingaira?

13. Miedzo ipi yakatsungirirwa naJesu yatinogona kusangana nayo?

13 Isuwo tinogona kusangana nemiedzo yakafanana neyakatsungirirwa naJesu. Vamwe vanhu vatinoparidzira vanogona kuramba mashoko eUmambo kana kutotipikisa. Kana izvozvo zvikaitika, tichabva taora mwoyo torega kushingaira pabasa rekuparidza here, kana kuti ticharamba tichiparidza tichishingaira? (Tito 2:14) Hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu dzinogona kuita zvimwe zvinhu zvinotigumbura. Vanogona kutaura kana kuita chimwe chinhu vasina kufunga, zvotirwadza. (Zvirevo 12:18) Kana izvozvo zvikaitika, tichabva tatofunga kuti hama dzedu hadzibatsiriki here, kana kuti ticharamba tichitsungirira tichivaratidza mwoyo murefu uye tichitarisa zvakanaka zvavanoita?—VaKorose 3:13.

Chii Chakabatsira Jesu Kuti Akwanise Kutsungirira?

14. Zvinhu zvipi zviviri zvakabatsira Jesu kuti akwanise kutsungirira?

14 Chii chakabatsira Jesu kuti arambe achitsungirira akavimbika pasinei nekushorwa nekutambudzwa kwaaiitwa, uye kukanganisa kwaiita vanhu vaiva pedyo naye? Pane zvinhu zviviri zvatingati ndizvo zvakanyanya kumubatsira. Chekutanga, akavimba ‘naMwari anopa kutsungirira.’ (VaRoma 15:5) Chechipiri, Jesu akaisa pfungwa dzake pane zvakanaka zvaizobuda pakutsungirira kwake. Ngatimboongororai zvinhu izvi zviviri.

15, 16. (a) Chii chinoratidza kuti Jesu akanga asingavimbi nesimba rake kuti atsungirire? (b) Jesu aiva nechokwadi chekuti Baba vake vaizoita sei, uye nei aivimba navo zvakadaro?

15 Kunyange zvazvo Jesu aiva Mwanakomana waMwari akakwana, asina kana pakakanganisika, aisavimba nesimba rake kuti atsungirire. Aitonyengetera achikumbira kubatsirwa naBaba vake. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kristu ainyengetera achiteterera uye aikumbira achiita zvekuchema nemisodzi kune uya aikwanisa kumuponesa parufu.” (VaHebheru 5:7) Ona kuti Jesu ‘aisangokumbira’ asi aitoita zvekuteterera. Shoko rekuti “kuteterera” rinoratidza kuti munhu anenge achikumbira nemwoyo wese achiratidza kuti apererwa. Ndizvo zvakaitwa naJesu paaiva mubindu reGetsemane, akanyengetera kakawanda achiita zvekuteterera nemwoyo wese.—Mateu 26:36-44.

16 Jesu aiva nechokwadi chekuti Jehovha aizopindura kuteterera kwake, nekuti aiziva kuti Baba vake “Munzwi wemunyengetero.” (Pisarema 65:2) Paakanga achiri kudenga, Mwanakomana wedangwe aiona kupindura kwaiita Baba vake minyengetero. Jesu aivako kudenga Jehovha paakatuma ngirozi achipindura munyengetero wemuprofita Dhanieri; ngirozi yacho yakatumwa Dhanieri asati atombopedza kunyengetera. (Dhanieri 9:20, 21) Saka Baba vaizotadza here kupindura Mwanakomana wavo akaberekwa ari mumwe oga paaidurura mwoyo wake “achiita zvekuchema nemisodzi”? Jehovha akapindura kuteterera kweMwanakomana wake, akatuma ngirozi kuti imusimbise panguva iyoyo yakanga yakaoma.—Ruka 22:43.

17. Nei tichifanira kuvimba naMwari kuti atibatsire, uye tingatevedzera sei Jesu panyaya iyi?

17 Isuwo tinofanira kuvimba naMwari ‘anopa simba’ kuti tikwanise kutsungirira. (VaFiripi 4:13) Kana Mwanakomana waMwari chaiye akakumbira kubatsirwa naBaba vake, ko kuzoti isuwo zvedu vanhu vane chivi! Tinotofanira kumuteterera kakawanda sezvaiita Jesu. (Mateu 7:7) Hatitarisiri hedu kuti kana tikanyengetera tinobva tashanyirwa nengirozi, asi tine chokwadi chekuti Mwari wedu ane rudo anotinzwa. Anoteerera kuteterera kwemuKristu akavimbika “anoramba achiteterera kuna Mwari, achinyengetera siku nesikati.” (1 Timoti 5:5) Pasinei nemiedzo yatingasangana nayo, kungava kurwara, kufirwa, kutambudzwa kana kupikiswa, Jehovha anopindura minyengetero yedu yekukumbira uchenjeri, ushingi, uye simba rekutsungirira.—2 VaKorinde 4:7-11; Jakobho 1:5.

Jehovha anotipindura patinonyengetera nemwoyo wese tichikumbira kuti atibatsire kutsungirira

18. Chii chimwe chakabatsira Jesu kuti atsungirire?

18 Chechipiri chakabatsira Jesu kuti akwanise kutsungirira ndechekuti aiisa pfungwa dzake pazvinhu zvakanaka zvaizobuda kana akatsungirira. Bhaibheri rinoti Jesu, “akatsungirira padanda rekutambudzirwa nekuda kwemufaro wakaiswa pamberi pake.” (VaHebheru 12:2) Izvi zvinoratidza kuti kana munhu achida kutsungirira anofanira kuva nemufaro uye tariro. Muchidimbu tinogona kuti: Tariro inoita kuti tifare, mufaro woita kuti titsungirire. (VaRoma 15:13; VaKorose 1:11) Jesu aiziva kuti pane zvinhu zvakawanda zvakanaka zvaizobuda kana akatsungirira. Aiziva kuti kana akaramba akavimbika zvaizoita kuti zita raBaba vake ritsveneswe uye zvaizoitawo kuti akwanise kudzikinura vanhu pachivi nerufu. Jesu aizivawo kuti aizowana mubayiro wekuva Mambo uye Mupristi Mukuru, oita kuti vanhu vanoteerera vawane makomborero. (Mateu 20:28; VaHebheru 7:23-26) Kuisa pfungwa dzake pazvinhu izvozvo zvakanaka zvaaitarisira, kwakaita kuti Jesu awane mufaro mukuru, uye mufaro iwoyo wakamubatsira kuti atsungirire.

19. Patinotarisana nemiedzo yakaoma, kuva netariro uye mufaro kunotibatsira sei kuti titsungirire?

19 Tichitevedzera Jesu, isuwo tinofanira kuva netariro uye mufaro kuti tikwanise kutsungirira. Muapostora Pauro akati: “Farai patariro.” Akabva awedzera kuti: “Tsungirirai pakutambudzika.” (VaRoma 12:12) Une muedzo wakaoma chaizvo wauri kutotsungirira iye zvino here? Kana zvakadaro, ita zvese zvaunogona kuti pfungwa dzako dzirambe dziri pazvakanaka zviri mberi. Yeuka kuti kutsungirira kwako kuchaita kuti zita raJehovha rirumbidzwe. Maziso ako ngaarambe ari patariro yauinayo yekuzorarama uchitongwa neUmambo hwaMwari. Fungidzira uchitorarama munyika itsva yaMwari, uchifadzwa nemakomborero ese atichawana muParadhiso. Zita raJehovha rinenge ratsveneswa; kurwara, rufu nezvinhu zvese zvakaipa zvinenge zvabviswa panyika. Kana pfungwa dzako dzikaramba dziri pazvinhu izvi, uchawana mufaro uye mufaro iwoyo uchakubatsira kutsungirira chero muedzo wauchasangana nawo. Tichifunga zvinhu zvese zvakanaka zvatiri kutarisira mune ramangwana tingatoti kutambura kwatiri kuita iye zvino ‘ndekwenguva diki uye kwakareruka.’—2 VaKorinde 4:17.

Rambai “Muchitevera Maakatsika Namo”

20, 21. Panyaya yekutsungirira, Jehovha anotarisira kuti tiite sei, uye tinofanira kutsunga kuita sei?

20 Jesu aiziva kuti hazvisi nyore kuva muteveri wake; zvinotoda kutsungirira. (Johani 15:20) Akanga akagadzirira kutiratidza chinonzi kutsungirira, achiziva kuti muenzaniso wake waizotisimbisa. (Johani 16:33) Asi zvinoita here kuti isu sevanhu venyama tikwanise kunyatsotevedzera zvakakwana kutsungirira kwaJesu uyo akanga asina chivi? Jehovha anotarisira kuti tiite sei? Petro anotsanangura kuti: “Kristu pachake akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti mufambe muchitevera maakatsika namo.” (1 Petro 2:21) Paaitsungirira miedzo yese yaakasangana nayo, Jesu aitotiratidza “muenzaniso” wezvatinofanira kuita tichimutevedzera. a Tinogona kufananidza zvaakaita, netsoka dzinosara dzichioneka panenge pafamba munhu. Hatigoni hedu kubva tanyatsoti gedye-gedye tichinyatsotsika chaipo pakatsikwa naJesu, asi tinogona kuedza ‘kufamba tichitevera maakatsika namo.’

21 Saka ngatitsungei kuita zvese zvatinogona kuti titevedzere muenzaniso waJesu nepese patinogona napo. Ngatisambokanganwa kuti kana tikafamba tichitevera makatsikwa naJesu, tichakwanisa kunyatsotsungirira “kusvikira kumugumo,” ungava mugumo weupenyu hwedu kana kuti wenyika ino yakaipa. Hatizivi hedu kuti ndechipi chichatanga, asi chatinoziva ndechekuti, Jehovha achatipa mubayiro ucharamba uripo nekusingaperi kana tikatsungirira.—Mateu 24:13.

a Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “muenzaniso” rinoreva “mashoko anodhindikira papepa rinenge riri pasi peraunenge uchinyora.” Muapostora Petro ndiye chete munyori weMagwaro echiKristu echiGiriki anoshandisa shoko iri, iro rinonzi rinoreva “mabhii akanyatsonyorwa nemazvo nemudzidzisi mubhuku remwana wechikoro kuti mwana wacho aedze kunyatsoatevedzera nepaanogona napo.”