Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 6

“Akadzidza Kuteerera”

“Akadzidza Kuteerera”

1, 2. Baba vanonzwa sei kana mwana wavo achiratidza kuti anoteerera, uye zvavanoita zvakafanana papi nezvinoitwa naJehovha?

 BABA vakatarisa nepahwindo vachiona kamwanakomana kavo kachitamba neshamwari dzako. Bhora ravo rinobhamba robuda kunze kweyadhi ropinda mumugwagwa mukuru. Kakomana kacho kanongoramba kakariti ndee richikunguruka. Imwe shamwari yekakomana aka inokaudza kuti kamhanye kunoritora asi kanodzungudza musoro. Kanobva kati, “Handibvumirwi.” Baba vacho vanobva vafara.

2 Chiiko chaita kuti baba vacho vafare kudaro? Vakaudza mwana wavo kuti haafaniri kuenda kumugwagwa ari ega. Mwana wacho anoteerera kunyange zvazvo asiri kuziva kuti baba vake vakatomutarisa, uye izvi zvinoita kuti baba vacho vazive kuti ari kudzidza kuteerera kunyange achiri mudiki. Zvinoitwa nababa ivavo ndizvo zvinoitwawo naBaba vedu vekudenga, Jehovha. Vanoziva kuti kana tichida kuramba takatendeka kuti tizova neramangwana rakanaka ravakavimbisa, tinofanira kuvimba navo uye kuvateerera. (Zvirevo 3:5, 6) Kuti vatibatsire kuita izvozvo, vakatitumira mudzidzisi akanaka kupfuura vese.

3, 4. Sei Bhaibheri richiti Jesu “akadzidza kuteerera” uye kuti ‘akaitwa akakwana’? Ipa muenzaniso.

3 Bhaibheri rine zvarinotaura zvinoshamisa pamusoro paJesu, richiti: “Kunyange zvazvo aiva mwanakomana, akadzidza kuteerera pamatambudziko aakasangana nawo. Uye paakanga aitwa akakwana, vese vanomuteerera vaikwanisa kuponeswa nekusingaperi kuburikidza naye.” (VaHebheru 5:8, 9) Mwanakomana uyu aiva kudenga kwemakore asingaverengeki. Akaona Satani nedzimwe ngirozi vachipandukira Mwari, asi haana kubatana nadzo. Uprofita hwakafemerwa hunotaura nezvake huchiti: “Ndakanga ndisingapanduki.” (Isaya 50:5) Saka sei Mwanakomana aiteerera zvakadaro achizonzi “akadzidza kuteerera”? Angazonzi sei akaitwa kuti ave “akakwana” iye aiva chisikwa chisina kukanganiswa nechivi?

4 Chimbofunga nezvemuenzaniso unotevera. Mumwe munhu anotenga mumwe mudziyo achida kuushandisa. Kunyange zvazvo achiziva kuti wakasimba, anotozonyatsoziva kusimba kwawo pashure pekunge aushandisa kuita basa rakaoma. Ndizvo zvakaitikawo kuna Jesu; paakanga asati auya pasi pano aiteerera uye hapana chakanga chakakanganisika paari. Asi paakazorarama pasi pano, kuteerera kwake kwakanga kwava kweimwe mhando. Kwakanga kwasimba uye kwanatswa paakapfuura nemumiedzo yaaisazombotarisana nayo kudenga.

5. Nei zvaikosha kuti Jesu ateerere, uye tichakurukurei muchitsauko chino?

5 Kuti Jesu azobudirira pakuita zvaakauyira pasi pano, aifanira kuteerera. Mubereki wedu wekutanga Adhamu haana kuteerera, asi Jesu akaramba achiteerera Jehovha kunyange paaiva mumuedzo, ndokusaka achinzi “Adhamu wekupedzisira.” (1 VaKorinde 15:45) Asi kuteerera kwaJesu kwakanga kusiri kwekungoti hapana zvekuzviita. Jesu aiteerera nepfungwa dzake dzese, nemwoyo wake wese uye nemweya wake wese. Uye aizviita achifara. Kuita kuda kwaBaba vake kwakanga kuchikosha kwaari kutopfuura kudya! (Johani 4:34) Chii chichatibatsira kuti titeerere sezvaiita Jesu? Ngatitangei nekukurukura kuti chii chaiita kuti ade kuteerera. Tikaziva izvozvo tozvitevedzera, zvichatibatsira kukunda miedzo uye kuita zvinodiwa naMwari. Kana tadaro tichazoongorora mibayiro yatichava nayo kana tikateerera sezvaiita Kristu.

Chii Chaiita Kuti Jesu Ade Kuteerera?

6, 7. Chii chaiita kuti Jesu ateerere?

6 Kuteerera kwaJesu kwaibva pane zvakanga zvakaita mwoyo wake. Sezvatakaona muChitsauko 3, Kristu aiva nemwoyo unozvininipisa. Kuzvikudza kunoita kuti vanhu vasateerera, asi kuzvininipisa kunoita kuti titeerere Jehovha zvichibva pamwoyo. (Eksodho 5:1, 2; 1 Petro 5:5, 6) Uyezve, kuteerera kwaJesu kwaibva pakuti aida chii uye aivenga chii.

7 Jesu aida Baba vake vekudenga kupfuura chimwe chinhu chipi zvacho. Tichazokurukura muChitsauko 13 nezvekuda kwaiita Jesu Baba vake. Rudo rwakadaro ndirwo rwaiita kuti Jesu atye Mwari. Aida Baba vake zvikuru uye aivaremekedza zvakadzama zvekuti aitya kuvagumbura. Minyengetero yaJesu yainzwiwa nekuti aitya Mwari. (VaHebheru 5:7) Kutya Jehovha ndicho chimwe chezvinhu zvikuru zvinoratidzwa naJesu paari kutonga saMambo weUmambo hwaMwari.—Isaya 11:3.

Zvaunosarudza kuzvivaraidza nazvo zvinoratidza kuti unovenga zvakaipa here?

8, 9. Jesu aizadzisa sei uprofita panyaya yemaonero aaiita zvakanaka uye zvakaipa?

8 Kuda Jehovha kunosanganisirawo kuvenga zvaanovenga. Inzwa uprofita hwakataura nezvaMesiya, hunoti: “Wakada kururama uye wakavenga uipi. Ndokusaka Mwari, iye Mwari wako, akakuzodza nemafuta ekupembera nemufaro kupfuura vamwe vako.” (Pisarema 45:7) “Vamwe” vake vari kutaurwa apa madzimambo edzinza raMambo Dhavhidhi. Paakazodzwa, Jesu aifanira kufara kupfuura mamwe madzimambo iwayo ese. Nei tichidaro? Nekuti mubayiro wake wakakura kupfuura wavo, uye umambo hwake hunobatsira kupfuura hwavo nekure. Anopiwa mubayiro nekuti kuda kwaanoita zvakarurama uye kuvenga kwaanoita zvakaipa kwakaita kuti agare achiteerera Mwari.

9 Jesu akaratidza sei kuti anovenga zvakaipa uye anoda zvakarurama? Tinoona izvozvo pakadzoka vadzidzi vake vachibva kunoparidza kwaakanga avatuma. Akafara nekuteerera uye kukomborerwa kwavakaitwa. (Ruka 10:1, 17, 21) Ko akanzwa sei nekusateerera kwevanhu vemuJerusarema, vairamba zvese zvaaiedza kuita kuti avabatsire? Akachema pamusana pekupanduka kweguta racho. (Ruka 19:41, 42) Jesu aifara kana vanhu vakaita zvakanaka uye airwadziwa kana vakaita zvakaipa.

10. Tinofanira kuona sei zvakaipa nezvakanaka, uye chii chichatibatsira kudaro?

10 Kufungisisa kuti Jesu ainzwa sei pamusoro pezvinhu zvakaipa uye zvakanaka kunoita kuti nesuwo tiongorore chikonzero chedu chekuteerera Jehovha. Kunyange zvazvo tichimbokanganisa, tinogona kudzidza kuda zvakanaka uye kuvenga zvinhu zvakaipa. Tinofanira kunyengetera kuna Jehovha, tichimukumbira kuti atibatsire kuti tione zvinhu zvakaipa uye zvakanaka semaonerwo azvinoitwa neMwanakomana wake. (Pisarema 51:10) Uye tinofanira kungwarira zvinhu zvese zvinoita kuti tisavenga zvakaipa. Zvinokosha kuti tingwarire zvinhu zvinotivaraidza uye vanhu vatinotamba navo. (Zvirevo 13:20; VaFiripi 4:8) Kana kuteerera kwedu kuchibva pakuti tinoda zvakanaka uye tinovenga zvakaipa sezvaiita Kristu, tinenge tava kuteerera kwete bedzi nekuti ndizvo zvatiri kufanira kuita. Tinenge tichiita zvakarurama nekuti ndizvo zvatinoda kuita. Patinorega kuita zvakaipa, tinorega nekuti tinozvivenga, kwete nekuti tinotya kubatwa.

“Haana Kuita Chivi”

11, 12. (a) Chii chakaitika kuna Jesu achangotanga ushumiri hwake? (b) Satani akatanga nemuedzo upi pana Jesu, uye nei akashandisa nzira iyoyo?

11 Panyaya yekuvenga zvakaipa, Jesu akaedzwa achangotanga ushumiri hwake. Achangobhabhatidzwa, akaita mazuva 40 neusiku 40 ari murenje asingadyi. Satani akazouya ndokumuedza. Ona kuti Dhiyabhorosi aiva nemazano eunyengeri zvakadini.—Mateu 4:1-11.

12 Satani akatanga nekuti: “Kana uri mwanakomana waMwari, udza matombo aya kuti ave chingwa.” (Mateu 4:3) Jesu ainzwa sei pashure pekutsanya kwenguva yakareba? Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti, “akanga ava nenzara.” (Mateu 4:2) Saka Satani akashandisa nzara yaiva naJesu, uye zvinoratidza kuti akanyatsomirira kuti atange anyatsopera simba. Inzwawo mashoko akataurwa naSatani ekutsvinya, paakati: “Kana uri mwanakomana waMwari.” Satani aiziva kuti Jesu ndiye “dangwe rezvisikwa zvese.” (VaKorose 1:15) Asi Jesu haana kuda kuita zvakaipa kuti apindure zvaitaurwa naSatani. Jesu aiziva kuti Mwari akanga asingadi kuti ashandise simba rake kuita zvakanakira iye chete. Akaramba kuita izvozvo, achiratidza kuti aivimba kuti Jehovha ndiye aizomupa zvekudya uye aizomuudza zvekuita.—Mateu 4:4.

13-15. (a) Satani akaedza sei Jesu kechipiri nekechitatu, uye Jesu akaita sei? (b) Tinoziva sei kuti Jesu akaramba akangwarira?

13 Pamuedzo wechipiri, Satani akaenda naJesu panzvimbo yakakwirira parusvingo rwetemberi. Satani akamonyanisa Shoko raMwari achiedza kuita kuti Jesu aite zvekushamisira achizviwisira pasi kuti ngirozi dzimununure. Dai vanhu vaiva patemberi vakaona achiita chishamiso chakadaro, pane aizosara aine mubvunzo here kuti Jesu ndiye aiva Mesiya? Jesu aigona kufunga kuti kana akwanisa kuita kuti vanhu vabvume kuti ndiye aiva Mesiya aizonzvengana nematambudziko akawanda. Asi Jesu aiziva kuti Jehovha aida kuti Mesiya aite basa rake achizvininipisa, kwete kushamisira kuti vanhu vatende maari. (Isaya 42:1, 2) Apa zvakare Jesu akaratidza kuti kuteerera Jehovha kwaikosha kwaari. Haana kutorwa mwoyo nekuda mukurumbira.

14 Asi aizokunda muedzo wakanangana nenyaya dzekutonga here? Pamuedzo wake wechitatu, Satani akati aizopa Jesu umambo hwese hwenyika kana akangomunamata kamwe chete. Jesu akamboisa pfungwa pane zvaainzi naSatani aizopiwa here? Akapindura kuti, “Ibva, Satani!” Akawedzera kuti: “Nekuti zvakanyorwa kuti: ‘Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye ega waunofanira kuitira basa dzvene.’” (Mateu 4:10) Hapana chinhu chaigona kuita kuti Jesu anamate mumwe mwari. Jesu aisazobvuma kupiwa simba rekutonga pasi pano kuti arege kuteerera Mwari.

15 Satani akakanda mapfumo pasi here? Jesu paakamuti abve, akabva aenda. Asi Evhangeri yaRuka inoti Dhiyabhorosi “akamusiya kusvikira pane imwe nguva yaizomuka mumwe mukana.” (Ruka 4:13) Zvinoreva kuti Satani aizotsvaga mumwe mukana wekuramba achiedza Jesu kusvika kumagumo chaiko. Bhaibheri rinotiudza kuti Jesu “akaedzwa pamamiriro ese ezvinhu.” (VaHebheru 4:15) Saka Jesu akaramba akangwarira, uye ndizvo zvatinofanira kuitawo.

16. Satani anoedza sei vashumiri vaMwari mazuva ano, uye tingaramba sei kuita zvaanoda?

16 Satani achiri kuedza vashumiri vaMwari nanhasi. Sezvo tiine chivi, zviri nyore kuti tibatwe nemiedzo yake. Satani anoziva kuti mwoyo yedu yakarerekera pakuda kuzvifadza, kuzvikudza, uye kuda kutonga vamwe. Anogona kutiedza nezvese izvi achishandisa musungo wekuda pfuma! Zvinokosha kuti pane dzimwe nguva timbomira, tonyatsozviongorora. Tinofanira kufungisisa mashoko ari pana 1 Johani 2:15-17. Patinenge tichiita izvozvo, tinogona kuzvibvunza kuti, Zvido zvenyika ino, kuda pfuma, uye kuda kurumbidzwa nevamwe, zvaparadza kuda kwandinoita Baba vangu vekudenga here? Tinofanira kuyeuka kuti nyika ino iri kupfuura, pamwe nemutongi wayo, Satani. Ngatirambei kuita chivi tichikwezvwa nemazano ake eunyengeri! Ngatitevedzerei Tenzi wedu, uyo watinoziva kuti “haana kuita chivi.”—1 Petro 2:22.

“Ndinogara Ndichiita Zvinhu Zvinomufadza”

17. Jesu ainzwa sei nezvekuteerera Baba vake, asi vamwe vanogona kufunga kuti chii nezvazvo?

17 Kuteerera hakungogumiri pakusaita chivi; Kristu aiteerera zvese zvaaiudzwa naBaba vake kuti aite. Akati: “Ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza.” (Johani 8:29) Kuteerera uku kwakaita kuti Jesu afare zvikuru. Vamwe vanogona kufunga kuti kuteerera kwakanga kusina kumboomera Jesu. Vanogona kufunga kuti Jehovha, uyo asina chaanokanganisa, ndiye chete waaifanira kuteerera, asi isu tinotungamirirwa nevanhu vane chivi. Asi chokwadi ndechekuti Jesu aitoteerera vanhu vane chivi vaiva pamusoro pake.

18. Vana vanodzidzei pane zvakaitwa naJesu paaiva mudiki?

18 Paakanga achikura, Jesu aiva pasi pevabereki vake, Josefa naMariya, avo vaingovawo vanhu vane chivi sesu. Pamwe aitoona zvikanganiso zvavo kupfuura zvaizoitwa nevana vakawanda. Akavapandukira here, kana kutotanga kuvaudza zvekuita? Pana Ruka 2:51 panotaura nezvaJesu paaiva nemakore 12, pachiti: “Akaramba achizviisa pasi pavo.” Kana vana vechiKristu vakateerera vabereki vavo uye vakavapa ruremekedzo rwakakodzera, vanenge vachitevedzera Jesu.—VaEfeso 6:1, 2.

19, 20. (a) Chii chaigona kuita kuti zviomere Jesu kuti ateerere vanhu vane chivi? (b) Nei vaKristu vechokwadi mazuva ano vachifanira kuteerera vaya vari kutungamirira?

19 Panyaya yekuteerera vanhu vane chivi, Jesu akanga akatoomerwa kupfuura vaKristu vechokwadi mazuva ano. Funga kuoma kwazvakanga zvakaita panguva yaakararama. Urongwa hwevaJudha hwekunamata patemberi vachitungamirirwa nevapristi, uhwo hwakanga hwava nemakore nemakore huchigamuchirwa naJehovha, hwakanga hwava pedyo kutsiviwa neungano yechiKristu. (Mateu 23:33-38) Vatungamiriri vechitendero vakawanda makore iwayo vakanga vava kudzidzisa nhema dzaibva muruzivo rwechiGiriki. Mutemberi, uori hwakanga hwakazara zvekuti Jesu akaiti “bako remakororo.” (Mako 11:17) Saka Jesu akabva arega kuenda kutemberi kana kusinagogi here? Haana kudaro. Jehovha akanga achiri kushandisa urongwa ihwohwo. Jesu airatidza kuti aiteerera achienda kumitambo yaiitwa patemberi uye kumasinagogi kusvikira Jehovha azopindira nekuchinja zvinhu.—Ruka 4:16; Johani 5:1.

20 Kana Jesu akateerera panguva yakanga yashatiswa kunamata zvakadaro, vaKristu vechokwadi vari kunamata panguva ino havatofaniri kuteerera zvakanyanya here? Tiri kurarama panguva yakagara yataurwa kuti kunamata kwechokwadi kwaizodzorerwa. Mwari anotivimbisa kuti haazombobvumiri kuti Satani akanganise kunamata kwakachena kwevanhu vake. (Isaya 2:1, 2; 54:17) Ichokwadi kuti muungano mune vanhu vane chivi uye vanokanganisa. Asi tingaregedza kuteerera Jehovha here, zvichida kutorega kupinda misangano, kana kushoropodza vakuru nemhaka yezvinhu zvinokanganiswa nevamwe? Hatingambodaro! Tinotsigira vaya vari kutungamirira muungano nemwoyo wese. Tinoratidza kuti tinoteerera nekupinda misangano yechiKristu nemagungano uye kushandisa mazano emuMagwaro atinowana ikoko.—VaHebheru 10:24, 25; 13:17.

Tinoratidza kuti tinoteerera nekushandisa zvatinodzidza pamisangano yechiKristu

21. Jesu akaita sei vanhu pavaiedza kuita kuti asateerera Mwari, uye tingamutevedzera sei?

21 Jesu haana kumbobvumira vanhu kumutadzisa kuteerera Jehovha, kunyange shamwari dzaitofunga kuti dziri kumubatsira. Imwe shamwari yakadaro, muapostora Petro uyo akaedza kumunyengetedza kuti afunge kuti akanga asingafaniri kutambura uye kufa. Jesu akaramba zvakasimba zvaitaurwa naPetro kuti azvinzwire tsitsi. (Mateu 16:21-23) Mazuva ano vateveri vaJesu vane hama neshamwari dzinogona kuvapa mazano anopesana nemitemo yaMwari dzichifunga kuti dziri kuvabatsira. Sezvakaitwa nevateveri vaJesu vepanguva yakatanga chiKristu, tinoramba tichiti “tinofanira kuteerera Mwari semutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29.

Mubayiro Wekutevedzera Kristu Pakuteerera

22. Jesu akapindura mubvunzo upi, uye akaupindura sei?

22 Muedzo waJesu mukuru wakavapo paakanga atarisana nerufu. Musi iwoyo akazonyatsodzidza chinonzi “kuteerera.” Akaita kuda kwaBaba vake, kwete kwake. (Ruka 22:42) Paakaita izvozvo akanyatsoratidza kuti akaperera zvakakwana kusvika pamugumo. (1 Timoti 3:16) Zvaakaita zvakapindura mubvunzo wakanga wava wemakore wekuti: Munhu asina chivi anogona kuramba achiteerera Jehovha pasinei nemuedzo here? Adhamu akanga akundikana, uye Evha akanga akundikanawo. Jesu akazouya, uye mararamiro aakaita uye mafiro aakaita akaratidza kuti zvinoita kuti munhu arambe akatendeka. Mwanakomana waJehovha anokosha kupfuura vese ndiye akazopa mhinduro inopedza nyaya zvachose. Aiteerera kunyange kana zvaireva kuti aizorasikirwa neupenyu hwake.

23-25. (a) Kuteerera kwakabatana sei nekuperera? Ipa muenzaniso. (b) Tichakurukurei muchitsauko chinotevera?

23 Kuteerera ndiko kunoratidza kuti munhu akaperera kana kuti akazvipira kuna Jehovha nemwoyo wese. Kuteerera kwakaita Jesu kwakaita kuti arambe akaperera kuna Mwari uye kwakabatsira vanhu vese. (VaRoma 5:19) Jehovha akapa Jesu mubayiro mukuru. Kana tikateerera Tenzi wedu, Kristu, Jehovha achatipawo mubayiro. Kuteerera Kristu kunoita kuti ‘tiponeswe nekusingaperi’!—VaHebheru 5:9.

24 Uyezve, kuva akaperera kunotova mubayiro iko pachako. Zvirevo 10:9 inoti: “Munhu anofamba akaperera achafamba akachengeteka.” Dai kuperera kwaiva imba yakanaka iri kuvakwa nezvidhinha, taizoti pese patinoteerera tinenge tichitoisa chidhinha paimba yacho. Chidhinha chimwe chete chingaita sechisina basa, asi chimwe nechimwe chine nzvimbo yacho, uye chinokosha. Uye kana zvabatanidzwa pamwe chete, zvinobudisa chivakwa chinokosha. Kana tikagara tichiteerera zuva rimwe nerimwe, gore rimwe nerimwe, kana zvabatanidzwa zvinoita sezviri kuvaka kuperera kwedu.

25 Munhu anogara achiteerera Jehovha kwenguva yakareba anoratidza kuti anotsungirira. Muchitsauko chinotevera tichadzidza nezvekutsungirira kwaJesu.