Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 3

“Ndine Mwoyo Unozvininipisa”

“Ndine Mwoyo Unozvininipisa”

“Ona! Mambo wako ari kuuya kwauri”

1-3. Jesu anopinda sei muJerusarema, uye nei vamwe vanhu vari kuona vangashamisika?

 MUJERUSAREMA hamusi kudanwa anonzwa. Pane munhu anokosha ari kuuya! Nechekunze kweguta racho, vanhu vakamira vakatevedza mugwagwa. Vane shungu dzekuona munhu iyeye nekuti vamwe vari kuti ndiye achagara nhaka pachigaro chaDhavhidhi cheUmambo. Vamwe vavo vauya nemashizha emichindwe kuti vaasimudze vachimukwazisa; vamwe vari kuwaridza zvipfeko zvavo nemapazi emiti mumugwagwa paachafamba napo. (Mateu 21:7, 8; Johani 12:12, 13) Vamwe vanogona kunge vari kuzvibvunza kuti achashandisa zvidavado zvipi pakupinda.

2 Vamwe vanogona kunge vari kufungidzira kuti achapinda achishamisira. Vanotoziva nezvevamwe varume vakambopinda mumaguta vachishamisira. Absaromu mwanakomana waDhavhidhi paakazvigadza kuva mambo akanga aine varume 50 vaimhanya vari mberi kwengoro yake. (2 Samueri 15:1, 10) Mutongi weRoma Julius Caesar akatopfuura ipapo; akambopemberera kukunda kwaakaita achifamba akananga kumuzinda weumambo hweRoma, aine nzou 40 dzakanga dzakatakura marambi kurudyi nekuruboshwe kwake! Asi munhu akamirirwa nevanhu vemuJerusarema anokosha kupfuura vanhu vese ava. Vanhu vakaungana ava vangave vachizviziva kana kuti kwete, uyu ndiye Mesiya, munhu anokosha kupfuura vamwe vese vati vamborarama pasi pano. Asi pavanozoona munhu uyu achava Mambo achiuya, vamwe vachashamiswa.

3 Hapana ngoro yavanoona, hapana vanhu vari kumhanya pamberi pake, kana mabhiza, tisingatozotauri zvinhu zvakadai senzou. Jesu akatasva dhongi, chipfuwo chinongoshandiswawo hacho kutakura zvinhu. a Haana kutombopfeka zvinoshamisira uye dhongi racho harina kana kumboshongedzwa. Padhongi racho hapana chigaro chinodhura; panongova nezvipfeko zvevanhu zvawaridzwa nevadzidzi vake. Nei Jesu, munhu anokosha zvakadaro, asarudza kupinda muJerusarema nenzira yakaderera kudaro, kusiyana nevarume vambotaurwa vaiita zvekushamisira?

4. Bhaibheri rakagara ratii nezvemapindiro aizoita Mambo Mesiya muJerusarema?

4 Jesu ari kuzadzisa uprofita hunoti: “Pembera nemufaro . . . Shevedzera nemufaro wekukunda, iwe mwanasikana weJerusarema. Ona! Mambo wako ari kuuya kwauri. Akarurama uye ari kuunza ruponeso, anozvininipisa uye akatasva dhongi.” (Zekariya 9:9) Uprofita uhwu hwakaratidza kuti Mesiya aizoonekwa nevanhu vemuJerusarema rimwe zuva achiratidza kuti ndiye Mambo akagadzwa naMwari. Nzira yaaizozviita nayo, kusanganisira chipfuwo chaaizosarudza kutasva, zvaizoratidza kuti munhu anozvininipisa.

5. Chii chinoita kuti tifadzwe nekuzvininipisa kwaJesu, uye nei zvichikosha kuti tidzidze kumutevedzera?

5 Chimwe chezvinhu zvinofadza paunhu hwaJesu ndechekuti anozvininipisa, nekuti, sezvatakurukura muchitsauko chapfuura, Jesu chete ndiye “nzira nechokwadi neupenyu.” (Johani 14:6) Zviri pachena kuti hapana kana munhu mumwe chete pamabhiriyoni evanhu vakararama pasi pano angatombosvika pakukosha sezvinoita Mwanakomana waMwari. Asi Jesu haana kana kutombozvikudza, kana kudada, kana kuzviona semunhu anokosha sezvinowanzoitwa nevanhu vane chivi. Kuti tive vateveri vaKristu, tinofanira kurwisa pfungwa yekuzvikudza. (Jakobho 4:6) Yeuka kuti Jehovha anovenga kuzvikudza. Saka zvinokosha kuti tidzidze kutevedzera kuzvininipisa kwaJesu.

Akabvira Kare Achizvininipisa

6. Chii chinonzi kuzvininipisa, uye Jehovha aiziva sei kuti Mesiya aizozvininipisa?

6 Kuzvininipisa zvinoreva kusava nepfungwa dzekuzvikudza, kudada, kana kuzvionera pamusoro. Kunotangira mumwoyo uye kunooneka pamatauriro anoita munhu, maitiro aanoita zvinhu, uye mabatiro aanoita vamwe. Jehovha aiziva sei kuti Mesiya aizozvininipisa? Aiziva kuti Mwanakomana wake ainyatsomutevedzera zvakakwana pakuzvininipisa. (Johani 10:15) Uye akanga azvionera ega kuzvininipisa kweMwanakomana wake. Akazviona kupi?

7-9. (a) Mikaeri akaratidza sei kuzvininipisa panyaya yaakanetsana naSatani? (b) VaKristu vangatevedzera sei Mikaeri pakuzvininipisa?

7 Bhuku raJudha rinotaura pamwe pakaratidzwa naJesu kuzvininipisa, richiti: “Mikaeri ngirozi huru paakapesana naDhiyabhorosi, achiitisana nharo naye nezvemutumbi waMozisi, haana kuona zvakakodzera kuti amutonge nemashoko ekutuka, asi akati: ‘Jehovha ngaakutonge.’” (Judha 9) Mikaeri izita rinoshandiswa richireva Jesu paakanga asati auya pasi pano uye paakanga adzokera kudenga, richiratidza basa rake sengirozi huru, kana kuti mutungamiriri wemauto aJehovha ekudenga. b (1 VaTesaronika 4:16) Asi ona kuti Mikaeri akaita sei paakaitirwa izvozvo naSatani.

8 Bhuku raJudha harinyatsotauri kuti Satani aida kuita sei nemutumbi waMozisi, asi tine chokwadi kuti anofanira kunge aida kuushandisa kuita zvakaipa. Pamwe aida kushandisa chitunha chemurume iyeye akanga akatendeka pakunamata kwenhema. Kunyange zvazvo Mikaeri akaramba zvaida kuitwa naSatani, akaratidzawo kuzvidzora kunoshamisa. Satani akanga akakodzera kutukwa zvechokwadi, asi Mikaeri, sezvo akanga asati apiwa simba “rese rekutonga,” akafunga kuti kutonga kwakadaro kwaifanira kungoitwa naJehovha Mwari chete. (Johani 5:22) Sezvo aiva ngirozi huru, Mikaeri aiva nesimba rakakura. Asi akazvininipisa, akasiyira nyaya yacho mumaoko aJehovha, asingazvipi rimwe simba raasina kupiwa. Kuwedzera pakuzvininipisa, aiva nemwero, kureva kuti aiziva paaigumira.

9 Jehovha ane chinangwa chakaita kuti afemere Judha kunyora nyaya iyi. VaKristu vemuzuva raJudha vakanga vasingazvininipisi. Vaizvikudza, ‘vachishora zvinhu zvese zvavakanga vasingatombonzwisisi.’ (Judha 10) Sevanhu, zviri nyore chaizvo kuti tikurirwe nepfungwa dzekuzvikudza. Patinenge tisinganzwisisi chimwe chinhu chinenge chaitwa muungano yechiKristu, zvichida nedare revakuru, tinoita sei? Kana tikatanga kutaura zvakaipa, tichitsoropodza, apa tisiri kutomboziva kuti nyaya yacho yakafamba sei, tinenge tisiri kuzvikudza here? Ngatiitei sezvakaitwa naMikaeri, kana kuti Jesu, kurega kutonga panyaya dzatisina kupiwa simba racho naMwari.

10, 11. (a) Chii chinoshamisa pakubvuma kwakaita Mwanakomana waMwari kuuya pasi pano? (b) Tingaratidza sei kuti tiri kutevedzera Jesu pakuzvininipisa?

10 Mwanakomana waMwari akaratidzawo kuzvininipisa paakabvuma kutumwa pano pasi. Chimbofunga kuti akasiya upenyu hwakaita sei kudenga. Ndiye aiva ngirozi huru. Aivawo “Shoko,” kureva kuti aitaura achimiririra Jehovha. (Johani 1:1-3) Aigara kudenga, nzvimbo yaJehovha “yekugara yakakwirira yeutsvene nekukudzwa.” (Isaya 63:15) Kunyange zvakadaro, Mwanakomana “akazvidurura, akava semuranda, akava munhu.” (VaFiripi 2:7) Fungidzira kuti kuuya kwaakaita panyika kwaisanganisira kuita sei! Upenyu hwake hwakatamisirwa mudumbu remhandara yechiJudha, kuti akure ari imomo kwemwedzi 9. Akaberekwa ari rusvava rusina charwaikwanisa kuita rwega, akakura kuva chikomana, ndokuzova jaya. Kunyange zvazvo akazvarwa asina chivi, makore ese aaikura aizviisa pasi pevabereki vake vane chivi. (Ruka 2:40, 51, 52) Uku ndiko kunonzi kuzvininipisa kunoshamisa!

11 Tinogona kutevedzera Jesu pakuzvininipisa nekubvuma kuita mabasa anoonekwa nevamwe seakaderera. Rimwe remabasa akadaro ibasa redu rekuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari, iro rinogona kuita serinoshoreka kana vanhu vasingafarire, vachitishora, kana kuti vachitipikisa. (Mateu 28:19, 20) Asi kana tikaramba tichiita basa iri, tinogona kuponesa vamwe vanhu. Kunyange kana zvikasadaro, tinenge tichitodzidza kuzvininipisa, uye kutevera tsoka dzaTenzi wedu, Jesu Kristu.

Kuzvininipisa kwaJesu Paaiita Ushumiri Hwake

12-14. (a) Jesu akaratidza sei kuzvininipisa paairumbidzwa nevanhu? (b) Jesu akaratidza sei kuzvininipisa pamabatiro aiita vanhu? (c) Chii chinoratidza kuti kuzvininipisa kwaJesu kwaibva mumwoyo?

12 Kubvira achitanga ushumiri hwake kusvika ahupedza, Jesu aizivikanwa nekuzvininipisa. Airatidza kuzvininipisa nekuita kuti Baba vake vapiwe mbiri pazvese zvaaiita. Dzimwe nguva vanhu vairumbidza Jesu pavainzwa mashoko ake euchenjeri, pavaiona zvishamiso zvaaiita, uye kunaka kweunhu hwake. Asi nguva dzese Jesu airamba kukudzwa ikoko achiita kuti mbiri iende kuna Jehovha.—Mako 10:17, 18; Johani 7:15, 16.

13 Jesu akaratidza kuzvininipisa pamabatiro aaiita vanhu. Akatoita kuti zvibude pachena kuti haana kuuya panyika kuzoshumirwa, asi kuzoshumira vamwe. (Mateu 20:28) Aibata vanhu neunyoro, achivanzwisisa, achiratidza kuzvininipisa. Vateveri vake pavaikundikana kuita zvaaivaudza, aisavatuka; airamba achivaitira mwoyo murefu. (Mateu 26:39-41) Vanhu pavaiuya kwaari panguva yaaida kuzorora uye kumbova kwake ega ari munzvimbo yakanyarara, aisavadzinga; aizvipira kuvabatsira, achivadzidzisa “zvinhu zvakawanda.” (Mako 6:30-34) Mumwe mukadzi akanga asiri wechiIsraeri paakaramba achimuteterera kuti aporese mwanasikana wake, pakutanga Jesu akaratidza kuti akanga asingadi. Asi haana kutaura naye nehasha; akatozobvuma kubatsira mukadzi iyeye nekuti aiva nekutenda kwakasimba, sezvatichakurukura muChitsauko 14.—Mateu 15:22-28.

14 Jesu akaratidza kakawanda kuti mararamiro ake aienderana nemashoko ake ekuti: “Ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa.” (Mateu 11:29) Kuzvininipisa kwake kwakanga kusiri kwekunyepedzera kana kwekungovawo netsika dzakanaka, asi kwaibva mumwoyo. Ndokusaka Jesu aigara achidzidzisa vateveri vake kuti vazvininipise!

Akadzidzisa Vateveri Vake Kuti Vazvininipise

15, 16. Jesu akatii nezvevatongi venyika, uye akaratidza kuti vateveri vake vaifanira kuva vanhu vakaita sei?

15 Zvakatorera vadzidzi vaJesu nguva yakareba kuti vadzidze kuzvininipisa. Jesu aitofanira kuvadzidzisa avadzidzisazve nezvenyaya yekuzvininipisa. Jakobho naJohani vakatomboshandisa amai vavo kuti vavakumbirire zvigaro zvepamusoro muUmambo hwaMwari. Achiratidza kuzvininipisa, Jesu akapindura achiti: “Zvekugara kuruoko rwangu rwerudyi nekuruboshwe rwangu handisi ini ndinopa izvozvo, asi ndezvevaya vakazvigadzirirwa naBaba vangu.” Vamwe vaapostora gumi pavakazvinzwa “vakatsamwira” Jakobho naJohani. (Mateu 20:20-24) Jesu akagadzirisa sei nyaya iyi?

16 Akavatsiura zvakanakanaka asingavapopoteri, achiti: “Munoziva kuti vatongi vevanhu vemamwe marudzi vanozviita madzishe pavari uye vanhu vane zvinzvimbo vanoshandisa simba ravo pavari. Izvi hazvifaniri kudaro pakati penyu; asi munhu wese anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu, uye wese anoda kuva wekutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu.” (Mateu 20:25-27) Vaapostora vanofanira kunge vaiona kuti “vatongi vevanhu vemamwe marudzi” vaizvikudza, vaikara zvinzvimbo, uye vakanga vasina hanya nevamwe vanhu. Jesu akaratidza kuti vateveri vake vaifanira kuzvininipisa kwete kutevedzera zvaiitwa nevatongi ivavo. Vaapostora vakabata pfungwa yacho here?

17-19. (a) Usiku hwekupedzisira asati aurayiwa, Jesu akadzidzisa sei vaapostora vake chidzidzo chekuzvininipisa chavaisazombofa vakanganwa? (b) Chii chakazobatsira vadzidzi kuti vanyatsonzwisisa nyaya yekuzvininipisa?

17 Zvakanga zvisiri nyore kuti vadzidze kuzvininipisa. Aka kakanga kasiri kekutanga kuti ataure nezvenyaya yekuzvininipisa, uye kakanga kasiri kekupedzisira. Pavakamboitirana nharo kuti ndiani aiva mukuru pakati pavo, Jesu akatora mwana mudiki akamumisa pakati pavo, akavaudza kuti vaifanira kuita sevana, nekuti kazhinji vana havazvikudzi uye havana basa nezvinzvimbo sezvinoita vanhu vakuru. (Mateu 18:1-4) Asi kunyange usiku hwekupedzisira asati aurayiwa, vadzidzi vake vakanga vasati vadzidza kuzvininipisa. Saka akabva avadzidzisa chidzidzo chavaisazombofa vakakanganwa. Akatora jira, akarimonera muchiuno, achibva atanga kugeza tsoka dzevadzidzi vake, basa raiwanzoitwa nemuranda. Akatogezawo tsoka dzaJudhasi, uyo akanga achitoronga kumutengesa!—Johani 13:1-11.

18 Jesu akabva asimbisa chidzidzo chacho nemashoko ekuti: “Ndakuratidzai muenzaniso.” (Johani 13:15) Vadzidzi vakabva vabata chidzidzo chacho here? Usiku ihwohwo vakaitiranazve nharo pamusoro pekuti ndiani aiva mukuru pakati pavo! (Ruka 22:24-27) Asi Jesu akaramba achivadzidzisa nemwoyo murefu achiratidza kuzvininipisa. Akabva azovaratidza muenzaniso mukuru pane yese panyaya iyi; “akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, rufu padanda rekutambudzirwa.” (VaFiripi 2:8) Jesu akabvuma kufa rufu runonyadzisa, achipomerwa kuti anomhura, nezvimwe zvinhu zvenhema. Paakaita izvi, Mwanakomana waMwari akanyatsoratidza chinonzi kuzvininipisa nenzira isina kumboratidzwa chero naani zvake pazvisikwa zvese zvaJehovha.

19 Zvichida apa ndipo pakazonyatsojeka nyaya yekuzvininipisa kuvadzidzi vaJesu zvekuti vakabva vanyatsobata chidzidzo chacho; havana kuzombochikanganwa. Bhaibheri rinotiudza kuti varume ava vakatozoita makore akawanda vachishumira vachizvininipisa. Ko isu tinodzidzei?

Uchatevera Muenzaniso Wakasiyiwa naJesu Here?

20. Tingaziva sei kana tichizvininipisa zvechokwadi?

20 Pauro anotikurudzira tese kuti tive “nemafungiro aya aivawo naKristu Jesu.” (VaFiripi 2:5) Tinofanira kuva nemwoyo unozvininipisa saJesu. Tingaziva sei kana tichinyatsozvininipisa zvechokwadi zvinobva pamwoyo? Pauro anotiyeuchidza kuti: “Musaita zvinhu muchikakavadzana kana kuzvikudza, asi zvininipisei muchiona vamwe sevakuru kwamuri.” (VaFiripi 2:3) Saka nyaya iri pamaonero atinozviita isusu kana tichizvienzanisa nevamwe. Tinofanira kuona vamwe sevakuru kwatiri, sevanokosha kutipfuura. Ndizvo zvauchaita here?

21, 22. (a) Nei vatariri vechiKristu vachifanira kuzvininipisa? (b) Tingaratidza sei kuti takapfeka kuzvininipisa?

21 Papera makore akawanda Jesu afa, muapostora Petro akanga asati akanganwa nezvekukosha kwekuzvininipisa. Petro akadzidzisa vatariri vechiKristu kuti vaite mabasa avo vachizvininipisa, vasingazviiti madzishe emakwai aJehovha. (1 Petro 5:2, 3) Kana tiine basa ratakapiwa muungano hazvirevi kuti tava kufanira kuzvionera pamusoro. Tinenge tava kutofanira kuwedzera kuzvininipisa. (Ruka 12:48) Asi vaKristu vese vanofanira kuzvininipisa pasinei nekuti vatariri muungano here kana kuti kwete.

22 Petro haana kuzombokanganwa zvakaitika musi iwoyo paakagezwa tsoka dzake naJesu kunyange zvazvo akanga amboramba kuti dzigezwe! (Johani 13:6-10) Petro akanyorera vaKristu kuti: “Mese zvenyu pfekai kuzvininipisa pane zvamunoitirana.” (1 Petro 5:5) Shoko rekuti “pfekai” rinoita kuti tifunge zvinoitwa nemuranda paanopfeka epuroni kuti aite mabasa akaderera. Shoko racho rinotiyeuchidzawo zvakaitwa naJesu paakamonera jira muchiuno asati apfugama kuti ageze tsoka dzevadzidzi vake. Kana tichitevedzera Jesu, hapana basa ratinopiwa naMwari ratingati rakanyanya kuderera. Kuzvininipisa kwechokwadi kunotangira mumwoyo, asi kunofanira kuoneka nevanhu vese sezvinoita chipfeko.

23, 24. (a) Nei tichifanira kurwisa pfungwa dzekuzvikudza? (b) Chitsauko chinotevera chichagadzirisa maonero api asina kunaka ane vakawanda?

23 Kuzvikudza kwakaita semuchetura. Kunokanganisa isu vacho uye vanhu vakatipoteredza. Kuzvikudza kunoita kuti zvipo zvese zvatingava nazvo zvishaye basa pamberi paMwari. Asi kuzvininipisa kunoita kuti tikoshe pamberi paJehovha pasinei nekuti hatinawo zvipo zvinoshamisa zvatiinazvo. Kana tikashanda nesimba kuti zuva nezuva titevedzere kuzvininipisa kwaJesu, tinenge tichishandira zviripo. Petro akanyora kuti: “Zvininipisei pasi peruoko rwaMwari rune simba, kuti akukwidziridzei panguva yakakodzera.” (1 Petro 5:6) Jesu akakwidziridzwa naJehovha nekuti akazvininipisa zvakakwana. Mwari wedu achafarawo kukupa mubayiro kana ukazvininipisa.

24 Asi vamwe vanofunga kuti munhu anozvininipisa igwara. Zvakaitwa naJesu zvinoratidza kuti ichocho hachisi chokwadi, nekuti kunyange zvazvo aizvininipisa zvakakwana, aiva neushingi kupfuura vanhu vese vakamborarama panyika. Nyaya iyoyo ichakurukurwa muchitsauko chinotevera.

a Rimwe bhuku rinotaura nezvenyaya iyi richiti, dhongi “chisikwa chakaderera zvikuru,” rozowedzera kuti: “Hachifambisi, hachitirimuki, chinowanzoshandiswa nevarombo chisingazorodzwi, uye chakanyangara.”

b Kuti uwane humwe uchapupu hunoratidza kuti Mikaeri ndiJesu, ona nyaya ine musoro unoti, “Ngirozi Huru Inonzi Mikaeri Ndiani?” iri pakanzi “Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa,” pawebsite yeZvapupu zvaJehovha inonzi jw.org.