Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 5

“Pfuma Yese Yeuchenjeri”

“Pfuma Yese Yeuchenjeri”

1-3. Zvinhu zvakanga zvakamira sei pakapiwa mharidzo naJesu muna 31 C.E., uye nei vateereri vake vachishamiswa?

 IGORE ra31 C.E., Jesu Kristu ari pedyo neguta reKapenaume. Iri iguta rine vanhu vakawanda vanogara vakabatikana, riri kumhenderekedzo kweGungwa reGarireya nechekuchamhembe kwakadziva kumavirira. Jesu arara achinyengetera mugomo riri pedyo. Pakunozoyedza anodaidza vadzidzi vake, uye pakati pavo anosarudza 12, vaanozodaidza kuti vaapostora. Nguva yese iyi vanhu vakawanda vanga vachidirana kunzvimbo iyi vachitevera Jesu; vamwe vatobva kunzvimbo dziri kure. Iye zvino vaungana panzvimbo yakati sandara pamusoro pegomo iroro. Vane shungu dzekumunzwa achitaura uye kuporeswa zvirwere zvavo. Jesu anoita zvavari kutarisira chaizvo.—Ruka 6:12-19.

2 Jesu anouya pakaungana vanhu oporesa vanorwara vavo. Paanoona kuti hapasisina munhu ane pari kumurwadza, anogara pasi otanga kuvadzidzisa. a Mashoko aari kutaura kuvanhu vari kufefeterwa nekamhepo mugomo iri ari kuvashamisa. Havasati vambonzwa mumwe munhu achidzidzisa sezvaanoita. Zvinhu zvaari kudzidzisa zvine chiremerera nekuti haasi kutevedzera dzidziso netsika zvavanarabhi vaizivikanwa zvikuru panguva iyoyo. Anotora atorazve mashoko muMagwaro echiHebheru akafemerwa. Mashoko ake akajeka uye ari nyore kunzwisisa. Paanopedza, vanhu vanoshamiswa. Havangambotadzi kushamiswa. Munhu wavanga vakateerera achitaura ane uchenjeri hunopfuura hwevanhu vese vati vamborarama pasi pano!—Mateu 7:28, 29.

“Vanhu vakashamiswa nemadzidzisiro ake”

3 Mharidzo iyoyo pamwe chete nezvimwe zvinhu zvakawanda zvakataurwa naJesu uye zvaakaita zvakanyorwa muShoko raMwari. Tinobatsirwa zvikuru kana tikaongorora nhoroondo iyoyo yakafemerwa, nekuti muna Jesu ndimo mune “pfuma yese yeuchenjeri.” (VaKorose 2:3) Zvechokwadi Jesu aiva neuchenjeri, uhwo hunoreva kushandisa ruzivo nenzira inobatsira. Asi akahuwana sei? Akahuratidza sei uye tingamutevedzera sei?

“Munhu Uyu Akawana Kupi Uchenjeri Uhwu?”

4. Vanhu vaiteerera Jesu vakabvunza kutii, uye nei vakabvunza izvozvo?

4 Pane imwe yenzendo dzake dzaaiita achiparidza, Jesu akamboenda kuNazareta, guta raakakurira, ndokutanga kudzidzisa musinagogi ikoko. Vanhu vakawanda vakamunzwa achitaura vakashamiswa, vakati: “Munhu uyu akawana kupi uchenjeri uhwu?” Vaiziva mhuri yake, kubvira kuvabereki vake, vanin’ina vake nehanzvadzi dzake, uye vaiziva kuti mhuri yacho yaiva varombo. (Mateu 13:54-56; Mako 6:1-3) Vanofanira kunge vaizivawo kuti muvezi uyu aidzidzisa zvakadaro akanga asina kumboenda kuzvikoro zvavanarabhi zvakanga zvakakurumbira. (Johani 7:15) Saka vaisambotadza kubvunza mubvunzo wakadaro.

5. Jesu akati uchenjeri hwake hwaibva kupi?

5 Uchenjeri hwaJesu hwakanga husingangobvi pakuti aingova munhu akaberekwa asina chivi. Akazotaura zvakajeka mutemberi kuti uchenjeri hwake hwaibva kwakakwirira. Akati: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma.” (Johani 7:16) Kureva kuti uchenjeri hwaiva naJesu hwaibva kuna Baba vake, avo vakanga vakamutuma. (Johani 12:49) Asi Jehovha akaita sei kuti Jesu ave neuchenjeri uhwu?

6, 7. Jesu akawana sei uchenjeri kuna Baba vake?

6 Mweya mutsvene waJehovha ndiwo waishanda mumwoyo nepfungwa dzaJesu. Isaya akagara ataura nezvaJesu achiti: “Mweya waJehovha uchagara paari, mweya weuchenjeri uye wekunzwisisa, mweya wekupa mazano uye wekuva nesimba, mweya wekuziva uye wekutya Jehovha.” (Isaya 11:2) Kana mweya waJehovha waimutungamirira pakufunga uye pane zvaaiita, zvingatishamisa here kuti mashoko aJesu uye zvaaiita zvairatidza uchenjeri hwakakwirira?

7 Pane imwe nzira yaakawana nayo uchenjeri kuna Baba vake. Sezvatakaona muChitsauko 2, Jesu akaita makore asingaverengeki asati auya pasi pano, uye mumakore ese iwayo aidzidza mafungiro aBaba vake. Fungidzira kuti Mwanakomana waMwari akawana uchenjeri hwakadii paakanga achishanda naBaba vake ari “mhizha,” pakasikwa zvinhu zvese. Hazvitishamisi kuti Bhaibheri rinotsanangura Mwanakomana asati auya panyika richimuti uchenjeri. (Zvirevo 8:22-31; VaKorose 1:15, 16) Makore ake ese aaiita ushumiri hwake, Jesu akakwanisa kushandisa uchenjeri hwaakanga awana ari padivi paBaba vake kudenga. b (Johani 8:26, 28, 38) Saka hatingamboshamiswi nekudzama kwakaita ruzivo rwaJesu neuchenjeri zvaiva mumashoko ake uye zvaioneka pane zvaaiita.

8. Sevateveri vaJesu, tingawana sei uchenjeri?

8 Sezvo tiri vateveri vaJesu, isuwo tinofanira kutsvaga uchenjeri hwedu kuna Jehovha. (Zvirevo 2:6) Tinoziva hedu kuti Jehovha haaiti chishamiso chekuisa uchenjeri matiri. Asi anopindura minyengetero yedu patinomukumbira kuti tiwane uchenjeri hwekukurira dambudziko ratinenge tasangana naro. (Jakobho 1:5) Kuti tiwane uchenjeri ihwohwo pane zvatinotofanirawo kuita. Tinofanira kuramba tichihutsvaga “sepfuma yakavanzwa.” (Zvirevo 2:1-6) Saka tinofanira kuramba tichichera muShoko raMwari, umo munobudisa uchenjeri hwake, toita kuti upenyu hwedu hurambe huchienderana nezvatinodzidza. Kutevedzera Mwanakomana waJehovha kuchatibatsira panyaya iyi. Ngationei kuti Jesu akaratidza sei uchenjeri, todzidza kuti tingamutevedzera sei.

Mashoko Euchenjeri

Tinowana uchenjeri hwaMwari muBhaibheri

9. Chii chakaita kuti dzidziso dzaJesu dzive neuchenjeri zvakadaro?

9 Vanhu vakawanda vaiuya kuna Jesu kuti vangomunzwa achitaura. (Mako 6:31-34; Ruka 5:1-3) Hazvingambotishamisi nekuti paaishama muromo wake, aibudisa mashoko euchenjeri husingaenzaniswi! Zvaaidzidzisa zvairatidza kuti aiziva Shoko raMwari zvakadzama uye aiongorora nyaya kusvika pamudzi wayo chaipo. Dzidziso dzake dzinoshanda kuvanhu pasinei nekwavanobva uye pasinei nenguva yavari kurarama. Chimbofunga humwe uchenjeri hunowanikwa mumashoko aJesu, uyo akagara ataurwa kuti aizova “Chipangamazano Anoshamisa.”—Isaya 9:6.

10. Jesu anotikurudzira kuti tive vanhu vakaita sei, uye nei achidaro?

10 MuMharidzo Yepagomo, iyo yambotaurwa nezvayo patangira chitsauko chino, ndimo mune mashoko akawanda akataurwa naJesu achidzidzisa pasina mamwe mashoko ataurwa nemumwe munhu achimupindura kana ekurondedzera zvimwe zvaiitika. Mumharidzo iyi, Jesu haasi kungotaura kuti tive vanhu vanozvibata uye vanotaura zvakanaka. Mashoko ake akadzama kupfuura ipapo. Jesu aiziva kuti zvatinofunga uye zviri mumwoyo medu ndizvo zvinozotitungamirira kuita zvimwe zvinhu, saka akatikurudzira kuti tive vanyoro, tive nenzara yekururama, tinzwire vamwe tsitsi, tive nerugare, uye tide vamwe, izvo zvinozoita kuti tive vanhu vakanaka mumwoyo uye mupfungwa. (Mateu 5:5-9, 43-48) Patinowedzera kuva vanhu vakadaro, matauriro edu uye nzira yatinozvibata nayo zvichafadza Jehovha, uye zvichaita kuti tigarisane zvakanaka nevamwe.—Mateu 5:16.

11. Jesu anotibatsira sei kuti tisaita zvakaipa?

11 Jesu haangogumiri pakutiudza kuti tisaita zvakaipa, asi anotaura zvacho zvinokonzera kuti tizoita zvakaipa. Haangoti tisaita zvemhirizhonga. Asi anotitaurira kuti tisaregedza hasha dzichikura mumwoyo medu. (Mateu 5:21, 22; 1 Johani 3:15) Panzvimbo pekungotaura kuti tisaita upombwe, anotiyambira nezveruchiva urwo runotangira mumwoyo, rwunozoita kuti munhu aite upombwe. Anotikurudzira kuti tisabvumira maziso edu kutarisa zvinhu zvinozomutsa mafungiro asina kunaka matiri zvoita kuti tive neruchiva. (Mateu 5:27-30) Jesu anotangira pamwoyo panotangira dambudziko, kwete kuzongogadzirisa zvinooneka chete. Anogadzirisa pfungwa nemwoyo zvinozoita kuti munhu aite zvakaipa.—Pisarema 7:14.

12. Nei tichiona kuri kungwara kutevedzera zvakadzidziswa naJesu?

12 Mashoko aJesu azere neuchenjeri zvechokwadi! Regai Bhaibheri rizoti “vanhu vakashamiswa nemadzidzisiro ake.” (Mateu 7:28) Sevateveri vake, tinoona kuri kungwara kutevedzera mazano ake muupenyu hwedu. Tinoedza kutevedzera zvaakadzidzisa nezvetsitsi, kuva nerugare, uye rudo, tichiziva kuti ndizvo zvinozoita kuti tizozvibata nenzira inodiwa naJehovha. Tinoedza kubvisa mumwoyo medu pfungwa dzakaipa nezvido zvaakayambira nezvazvo zvakadai sehasha neruchiva, tichiziva kuti izvozvo zvinotibatsira kuti tisazoita chivi.—Jakobho 1:14, 15.

Mararamiro Anoratidza Uchenjeri

13, 14. Chii chinoratidza kuti Jesu akashandisa uchenjeri pakusarudza mararamiro?

13 Jesu haana kungoratidza uchenjeri hwake nemashoko chete asiwo nezvaaiita. Mararamiro ake ese kubvira pazvisarudzo zvaaita, maonero aaizviita, uye mabatiro aaiita vamwe zvairatidza kuti aiva munhu ane uchenjeri. Ngatikurukurei zvimwe zvinoratidza kuti Jesu aishandisa ‘uchenjeri hunobatsira uye aigara achishandisa pfungwa.’—Zvirevo 3:21.

14 Kuva neuchenjeri kunosanganisira kungwarira pakusarudza. Jesu akaratidza uchenjeri pakusarudza mararamiro. Imbofunga kuti neuchenjeri hwaiva naJesu, dai aida kuvaka imba, aizovaka imba yakaita sei, dai aida kutanga bhizinesi, aizobudirira zvakadini, kana kuti aizova nemukurumbira wakaita sei? Jesu aiziva kuti zvekutandanisana nezvinhu izvozvo “hazvina zvazvinobatsira, kudzingana nemhepo.” (Muparidzi 4:4; 5:10) Kurarama upenyu hwakadaro kusachenjera. Jesu akasarudza kurarama upenyu husina zvakawanda. Akanga asingadi zvekuita mari kana kuunganidza pfuma. (Mateu 8:20) Akaita kuti maziso ake arambe akatarisa pachinangwa chimwe chete, chekuita kuda kwaMwari, sezvaaigara achidzidzisa. (Mateu 6:22) Jesu akaisa nguva yake yese nesimba pakuparidza Umambo, uhwo hunokosha kupfuura chero pfuma ipi zvayo. (Mateu 6:19-21) Saka zvaakaita zvakakodzera kuti tizvitevedzere.

15. Vateveri vaJesu vangaratidza sei kuti havasi kutsvaga zvakawanda muupenyu, uye nei izvozvo zvichiratidza uchenjeri?

15 Vateveri vaJesu mazuva ano vanoziva kuti kuisa ziso ravo pazvinhu zveUmambo kuchenjera. Saka havaparamuri zvikwereti zvisina basa, kana kuzviremedza nekutsvaga zvinhu zvinopedza nguva yakawanda nesimba. (1 Timoti 6:9, 10) Vamwe vakatoita kuti upenyu hwavo husava nezvinhu zvakawanda-wanda kuti vawedzere nguva yekuita ushumiri hwechiKristu, vamwe vachitoshumira sevazivisi veUmambo venguva yakazara. Hapana imwe nzira yakanakisisa kupfuura iyoyo, nekuti kuita kuti zvinhu zvine chekuita neUmambo zvirambe zviri pekutanga muupenyu hwako kunounza mufaro mukuru uye kugutsikana.—Mateu 6:33.

16, 17. (a) Jesu akaratidza sei kuti aiva nemwero? (b) Tingaratidza sei kuti tine mwero?

16 Bhaibheri rinoratidza kuti munhu ane uchenjeri anofanirawo kuva nemwero, izvo zvinoreva kuziva kuti pane zvimwe zvinhu zvatisingakwanisi kuita. (Zvirevo 11:2) Jesu aiva nemwero uye ainyatsoziva panogumira masimba ake. Aiziva kuti akanga asingagoni kutendeutsa munhu wese anenge anzwa shoko rake. (Mateu 10:32-39) Uye aizivawo kuti aisakwanisa kusvitsa mashoko akanaka kuvanhu vese iye pachake. Saka akaratidza uchenjeri nekupa vateveri vake basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mateu 28:18-20) Akataura achiratidza kuzvininipisa kuti vaizoita “mabasa makuru kupfuura” ake, nekuti vaizoparidzira vanhu vakawanda uye munharaunda yakakura uye kwenguva yakareba kupfuura yaakaparidza iye. (Johani 14:12) Jesu aiziva kuti aitodawo kubatsirwa. Akabvuma kubatsirwa nengirozi dzakauya kuzomushumira ari murenje uye imwe ngirozi yakauya kuzomusimbisa ari mubindu reGetsemane. Paainyanya kuda kubatsirwa, Mwanakomana waMwari akachemera kuna Baba vake.—Mateu 4:11; Ruka 22:43; VaHebheru 5:7.

17 Isuwo tinofanira kuziva kuti pane zvimwe zvinhu zvatisingakwanisi. Ichokwadi kuti tinoda kushanda nesimba uye nemwoyo wese pabasa rekuparidza nekuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Ruka 13:24; VaKorose 3:23) Asi tinofanira kuyeuka kuti Jehovha haatienzanisi nevamwe, saka isuwo hatifaniri kuzvienzanisa. (VaGaratiya 6:4) Uchenjeri huchaita kuti tive nezvinangwa zvatinokwanisa kuzadzisa zvinoenderana nezvatiri. Uyewo vaya vanotungamirira musangano raMwari vanofanira kuratidza uchenjeri nekuziva kuti pane zvimwe zvavasingakwanisiwo uye kuti vanotoda kubatsirwa uye kutsigirwa nevamwe. Vanhu vakadaro vacharatidza mwero nekubvuma kubatsirwa vachiziva kuti Jehovha anogona kungoshandisa mumwe wavanonamata navo kuti ave munhu ‘anovanyaradza zvikuru.’—VaKorose 4:11.

18, 19. (a) Chii chinoratidza kuti Jesu ainzwisisa uye aitarisa zvakanaka pavadzidzi vake? (b) Nei isuwo tichifanira kutarisa zvakanaka uye kuva vanhu vanonzwisisa pamabatiro atinoita vamwe, uye tingazviita sei?

18 Pana Jakobho 3:17 panoti, “Uchenjeri hunobva kumusoro . . . hunonzwisisa.” Jesu ainzwisisa uye aitarisa zvakanaka pavadzidzi vake. Ainyatsoziva zvavaikanganisa, asi aitarisa zvakanaka zvaiva mavari. (Johani 1:47) Aiziva kuti vaizomutiza paaizosungwa, asi aiva nechokwadi chekuti vakavimbika. (Mateu 26:31-35; Ruka 22:28-30) Petro akatombotaura kuti akanga asingazivi Jesu katatu kese. Kunyange zvakadaro, Jesu akanyengeterera Petro uye aiva nechivimbo chekuti aizoramba akavimbika. (Ruka 22:31-34) Paakanyengetera kuna Baba vake usiku hwaakazosungwa, Jesu haana kutaura zvaikanganiswa nevadzidzi vake. Akataura zvakanaka nezvavo usiku ihwohwo, achiti: “Vakachengeta shoko renyu.” (Johani 17:6) Akaisa basa rekuparidza nezveUmambo uye rekuita kuti vanhu vave vadzidzi mumaoko avo pasinei nezvavaikanganisa. (Mateu 28:19, 20) Chivimbo chaairatidza mavari chinofanira kunge chakavasimbisa kuti vaite basa raakanga avapa.

19 Vateveri vaJesu vanofanirawo kumutevedzera panyaya iyi. Kana Mwanakomana waMwari pachake akaitira vadzidzi vake mwoyo murefu pavaikanganisa, ko isu, tagara tichitotadza tingatadza here kunzwisisana patinotadzirana? (VaFiripi 4:5) Pane kungotarisa zvinokanganiswa nehama dzedu, tinofanira kutarisa zvakanaka zvavanoita. Tinofanira kuyeuka kuti Jehovha ndiye akaita kuti vauye kwaari. (Johani 6:44) Anofanira kunge aine zvakanaka zvaakaona mavari, saka isuwo tinofanira kuzviona. Kutarisa zvakanaka muhama dzedu kuchatibatsira “kungosiya zvakadaro kana tatadzirwa,” totsvaga mikana yekuvarumbidza pane zvakanaka zvavanoita. (Zvirevo 19:11) Patinoratidza hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu kuti tinovimba nadzo, zvinoita kuti dziite zvese zvadzinogona pakushumira Jehovha uye dzifare pabasa radzo.—1 VaTesaronika 5:11.

20. Tinofanira kuita sei nepfuma inokosha yeuchenjeri inowanikwa mumabhuku eEvhangeri, uye nei tichifanira kudaro?

20 Mabhuku anotsanangura upenyu uye ushumiri hwaJesu ipfuma chaiyo yeuchenjeri! Tingaita sei nechipo ichi chinokosha? Jesu akapedzisa Mharidzo Yepagomo nekukurudzira vateereri vake kuti vasangogumira pakunzwa mashoko ake chete asi kuti vaashandise. (Mateu 7:24-27) Kuti tive neupenyu hwakanakisisa iye zvino uye kuti tizova neupenyu husingaperi, tinofanira kuita kuti pfungwa dzedu, zvinangwa zvedu uye zviito zvedu zvienderane nemashoko aJesu euchenjeri uye tinofanira kurarama tichitevedzera mararamiro aakaita. (Mateu 7:13, 14) Hapana nzira inoratidza kuchenjera kupfuura iyoyo!

a Mharidzo yakapiwa naJesu ipapo ndiyo yakazosvika pakunzi Mharidzo Yepagomo. Inowanika pana Mateu 5:3–7:27, uye ine mavhesi 107. Inogona kunge yakatora maminitsi 20.

b Zvinoratidza sekuti Jesu akadzorerwa ndangariro dzezvaaiita uye zvaaiziva asati auya panyika, ‘pakavhurika denga’ panguva yaakabhabhatidzwa.—Mateu 3:13-17.