Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 4

“Shumba Yedzinza raJudha”

“Shumba Yedzinza raJudha”

“Ndini”

1-3. Jesu avingwa nevanhu vakaita sei, asi anoita sei?

 JESU ari kuvingwa nemhomho yevanhu. Vanhu vacho vakawanda zvisingaiti uye vakapakata mapakatwa netsvimbo, pakati pavo pachitova nemasoja. Vanofamba nemurima mumigwagwa yeJerusarema, voyambuka Bani reKidroni vakananga kuGomo reMiorivhi. Mafambiro avari kuita anoratidza kuti mwoyo yavo yabatana kuti vaite zvakaipa. Kune mwedzi, asi ivo vakatakura mazhenje emoto nemarambi. Kungava kuti kunze kune makore here zvekuti mwedzi hauna kunyatsojeka? Kana kuti vari kufunga kuti munhu wavari kutsvaga angangohwanda mumimvuri yemiti here? Kana zviri izvo zvavari kufunga nezvaJesu, havanyatsomuzivi.   

2 Jesu ari kuziva zviri kuda kuitika kwaari. Asi haasi kutomboedza kutiza. Vanhu vacho vari kuswedera, vachitungamirirwa naJudhasi, uyo aimbova shamwari yake yepedyo. Judhasi anonyatsoratidza unyengeri hwake nekushaya nyadzi kwake paanokwazisa Jesu omutsvoda achiita kuti vavengi vake vamuzive. Asi Jesu anoramba akadzikama. Anobva atonomira pamberi pevanhu vacho, ovabvunza kuti, “Muri kutsvaga ani?” Vanomupindura kuti: “Jesu wekuNazareta.”

3 Vakawanda vedu taizodedera nekutya kana tikavingwa nemhomho yakadaro ine zvombo. Pamwe vanhu ava vari kutotarisira kuti ndizvo zvichaitwa naJesu. Asi Jesu haatombovhunduki, kana kuvatiza, kana kuramba kuti haasiriye. Anongoti: “Ndini.” Akadzikama uye anoratidza ushingi zvekuti varume vacho vanoshamiswa. Vanosudurukira kumashure, vobva vawira pasi!—Johani 18:1-6; Mateu 26:45-50; Mako 14:41-46.

4-6. (a) Mwanakomana waMwari anofananidzwa nechii, uye nei zvakakodzera? (b) Zvinhu zvipi zvitatu zvakaitwa naJesu zvinoratidza kuti aiva neushingi?

4 Chii chakaita kuti Jesu akwanise kutarisana nevavengi vanotyisa zvakadaro akanyatsodzikama asingatyi? Mhinduro yacho muchidimbu ndeyekuti, aiva munhu akashinga. Ushingi ndihwo chimwe chezvinhu zvinonyanya kutariswa nevanhu pamutungamiriri; hapana munhu akahuratidza sezvakaitwa naJesu, ndoda kuzomupfuura. Muchitsauko chapfuura, takadzidza kuti Jesu aizvininipisa uye aiva munyoro zvakadini. Akanzi “Gwayana,” izvo zvinonyatsokodzerana nezvaari. (Johani 1:29) Asi ushingi hwaJesu hunoita kuti adaidzwe nerimwezve zita. Bhaibheri rinodana Mwanakomana waMwari kuti: “Shumba yedzinza raJudha.”—Zvakazarurwa 5:5.

5 Shumba inozivikanwa nekusatya. Wakambotarisana neshumba here? Kana wakazviita pamwe iyo yakanga iri mufenzi kana kuti yakapfigirwa munzvimbo inochengeterwa mhuka. Kunyange ipapo, zvinogona kunge zvaitotyisa. Paunenge wakaitarisa iyo yakakutarisawo, zvayakaita zvinokuratidza zvega kuti haisi mhuka inotiza chimwe chinhu ichitya. Bhaibheri rinoti shumba imhuka “ine simba pamhuka dzese, isina wainotiza.” (Zvirevo 30:30) Ndihwo ushingi hwaiva naKristu.

6 Ngatimbokurukurai zvinhu zvitatu zvakaitwa naJesu zvinoratidza kuti aiva neushingi hwakaita sehweshumba zvinoti: kutsigira chokwadi, kubata vanhu zvakarurama, uye kumirisana nevaimupikisa. Tichaonawo kuti tese zvedu, kunyange tiri vanhu vasina kuzvarwa vaine chivindi, tinogona kutevedzera Jesu pakuratidza ushingi.

Akatsigira Chokwadi Neushingi

7-9. (a) Chii chakaitika Jesu aine makore 12, uye nei uchifunga kuti zvaakaita zvinoti tyisei? (b) Jesu akaratidza sei ushingi paaikurukura nevadzidzisi patemberi?

7 Munyika inotongwa naSatani, “baba venhema,” kazhinji zvinoda kushinga kuti munhu atsigire chokwadi. (Johani 8:44; 14:30) Jesu haana kumirira kusvikira ava munhu mukuru kuti azoita izvozvo. Paakanga ava nemakore 12, Jesu akamboshayikwa nevabereki vake pakapera mutambo wePaseka muJerusarema. Josefa naMariya vakamutsvaga kwemazuva matatu hana dzichingorova. Vakazomuwana ari mutemberi. Aiitei imomo? Akanga “akagara pakati pevadzidzisi achivateerera nekuvabvunza mibvunzo.” (Ruka 2:41-50) Fungidzira kuti pakanga pakamira sei ipapo.

8 Vanyori vezvakaitika kare vanoti vamwe vadzidzisi vakakurumbira vaiwanzosara patemberi kana mitambo yapera vachidzidzisa vanhu vari pane rimwe remavharanda. Vanhu vaigara pedyo netsoka dzavo vachiteerera uye vachibvunza mibvunzo. Vadzidzisi ava vaiva vanhu vakadzidza. Vainyatsoziva Mutemo waMozisi uyewo tumwe tumitemo twakanga twagadzwa nevanhu twakanga twawedzera nekupindana kwemakore. Uri iwe wainzwa sei uri pakati pavo? Zvaizokutyisa, handizvo here? Ndizvo zvaizongoitwa nevakawanda vedu. Ko kuzoti dai waiva nemakore 12, waizonzwa sei pakadaro? Vechidiki vakawanda vanonyara. (Jeremiya 1:6) Vakawanda vavo vanoedza kuita kuti vadzidzisi vavo vasatombovatarisa kana vari kuchikoro; vanotya kusimudzwa pane vamwe kuti vataure, uye vanotya kunyadziswa kana kusekwa.

9 Asi pano tinoona Jesu akatogara pakati pevarume ava vakadzidza, achivabvunza mibvunzo inotemesa musoro, asingatyi. Kwete izvozvo chete. Nyaya yacho inoenderera mberi ichiti: “Vese vaimuteerera vaishamiswa nekunzwisisa kwake nemhinduro dzake.” (Ruka 2:47) Bhaibheri haritauri haro kuti aitaura nezvei musi iwoyo, asi chatinoziva ndechekuti haana kungotevedzera dzidziso dzenhema dzaifarirwa nevadzidzisi vechitendero vemazuva iwayo. (1 Petro 2:22) Panzvimbo pekudaro, akatsigira chokwadi cheShoko raMwari zvekuti vanhu vaivepo vakashamisika kuona kakomana kane makore 12 kachitaura zvinoratidza kunzwisisa kwakadaro uye ushingi.

VaKristu vakawanda vechidiki vanoudza vamwe vavo zvavanotenda neushingi

10. VaKristu vechidiki vanotevedzera sei ushingi hwaJesu mazuva ano?

10 Mazuva ano vaKristu vechidiki vari kutevedzera zvakaitwa naJesu. Vakasiyana havo naJesu pakuti vanombokanganisawo. Asi vari kungoitawo zvakaitwa naJesu pakuti havasi kumirira kuti vatange vakura kuti vazotsigira chokwadi. Pavanenge vari kuchikoro kana kuti kwavanogara, vanobvunza vanhu mibvunzo nekungwarira, vanoteerera munhu achitaura, vozotsigira chokwadi neruremekedzo. (1 Petro 3:15) Vamwe vavo vakabatsira vavanodzidza navo, vadzidzisi vavo, uye vavakidzani vavo kuti vave vateveri vaKristu. Ushingi hwavo hunofanira kunge huchifadza Jehovha zvechokwadi! Shoko rake rinofananidza vechidiki vakadaro nemadonhwe edova, anozorodza, anofadza, uye akawanda.—Pisarema 110:3.

11, 12. Ava munhu mukuru, Jesu akaratidza sei ushingi pakutsigira chokwadi?

11 Paakanga ava munhu mukuru, Jesu akaramba achiratidza ushingi pakutsigira chokwadi. Tingatoti akatotanga ushumiri hwake nekutsigira chokwadi achitarisana nemhandu inotyisa kupfuura dzimwe dzese kune vakawanda. Izvi haana kuzviita ari ngirozi huru ine simba, asi achingovawo munhu zvake wenyama neropa. Jesu akaramba nhema dzaSatani uye akaramba kushandisa kwaaiita Magwaro zvisiri izvo. Musi iwoyo Jesu akapedzisa nyaya yacho achitaura neushingi kuti: “Ibva, Satani!”—Mateu 4:2-11.

12 Zvakaitwa naJesu apa ndizvo zvaakazoita muushumiri hwake hwese achitsigira Shoko raBaba vake pavanhu vaiedza kurishandisa zvisiri izvo. Panguva iyoyo paiva nevanhu vakawanda vaidzidzisa nhema sezvazvakangoitawo mazuva ano. Jesu akamboudza vatungamiriri vechitendero kuti: “Munoita kuti shoko raMwari rishaye simba netsika dzenyu dzamakapfuudza kune vamwe.” (Mako 7:13) Varume ivavo vairemekedzwa nevanhu vakawanda, asi Jesu akavaudza kuti vaiva mapofu aitungamirira vamwe uye vanyengeri. a (Mateu 23:13, 16) Tingatevedzera sei ushingi hwakaratidzwa naJesu?

13. Tinofanira kuyeukei patinotevedzera Jesu, asi tine ropafadzo yei?

13 Hatikwanisi zvedu kuona mwoyo yevanhu sezvaiita Jesu uyewo hatina simba rekutonga serake, asi tinogona kumutevedzera pakutsigira chokwadi neushingi. Patinofumura nhema dzinotaurwa nechitendero pamusoro paMwari, zvinangwa zvake, uye Shoko rake, tinenge tichitovhenekera vanhu vari munyika ino ine rima vakapofumadzwa nenhema dzaSatani. (Mateu 5:14; Zvakazarurwa 12:9, 10) Tinenge tichibatsira vanhu kuti vasunungurwe pauranda hwedzidziso dzenhema dzakazara mumwoyo yavo dzinoita kuti vagare vachitya uye dzinokanganisa ushamwari hwavo naMwari. Tinofara chaizvo kuona zvakavimbiswa naJesu zvichizadziswa paakati: “Chokwadi chichakusunungurai”!—Johani 8:32.

Akaratidza Ushingi Pakubata Vanhu Zvakarurama

14, 15. (a) Jesu akaratidza sei kuti “kutonga zvakarurama kuita sei”? (b) Ndeapi maonerwo aiitwa vakadzi asina kutevedzerwa naJesu?

14 Bhaibheri rakagara rataura kuti Mesiya aizoratidza vanhu “kuti kutonga zvakarurama kuita sei.” (Mateu 12:18; Isaya 42:1) Jesu akatanga kuita izvozvo paaiva pasi pano. Aigara achibata vanhu zvakanaka uye asingasaruri. Izvi zvaitoratidza ushingi nekuti panguva yaakararama pakanga pakazara vanhu vaiva nerusaruro asi iye akaramba kutevedzera maitiro akadaro.

15 Vadzidzi vaJesu vakashamiswa pavakaona achitaura nemukadzi wechiSamariya patsime reSikari. Chii chakavashamisa? Mumazuva iwayo vaJudha vakawanda vaivenga vaSamariya, uye zvakanga zvava nemakore zvichingodaro. (Ezra 4:4) Uye vamwe vanarabhi vaitarisira vakadzi pasi. Mitemo yavanarabhi, iyo yakatozoita zvekunyorwa, yairambidza murume kuti ataure nemukadzi, ichitoti vakadzi vakanga vasina kukodzera kudzidziswa Mutemo waMwari. Vakadzi veSamariya vaitonzi havana kuchena. Jesu akanga asina basa nezvese izvozvo uye akatodzidzisa mukadzi weSamariya vari panoonekwa nevanhu vese, uye akatomuudza kuti ndiye aiva Mesiya, kunyange zvazvo mukadzi wacho airarama upenyu husina kuchena.—Johani 4:5-27.

16. Nei zvichitoda ushingi kuti vaKristu varatidze kuti havana rusarura?

16 Unonzwa sei kana uri pakati pevanhu vanosarura vamwe? Pamwe vanenge vachitaura mashoko anosetsa ekushora mamwe marudzi kana kuti ekudzikisira vanhurume kana vanhukadzi, kana kuti vanotarisira pasi vanhu vasina mari. Vateveri vaKristu havatsigiri maonero akadaro, uye vanoita zvese zvavanogona kuti vabvise kapfungwa ikako mumwoyo mavo. (Mabasa 10:34) Tinofanira kuedza kuva neushingi hwekuratidza kuti hatisaruri.

17. Jesu akaita sei mutemberi, uye akazviitirei?

17 Ushingi hwakaitawo kuti Jesu aite zvese zvaanogona kuti vanhu vaMwari varambe vakachena uye kunamata kwavo kurambe kwakachena. Paakatanga ushumiri hwake, akapinda mutemberi muJerusarema akashamiswa kuona vanhu vaitengesa uye vaichinja mari vachiitira basa ravo imomo. Jesu akashatirwa akadzingira varume ivavo nezvinhu zvavo kunze. (Johani 2:13-17) Ndizvo zvaakaita zvakare paakanga ava kupedza ushumiri hwake. (Mako 11:15-18) Zvinhu zvaakaita izvi zvinofanira kunge zvakaita kuti avengwe nevanhu vaiva nesimba panguva iyoyo, asi haana kuzeza kuzviita. Chii chakaita kuti adaro? Kubvira achiri mudiki, aidana temberi iyoyo kuti imba yaBaba vake, uye aiida zvechokwadi. (Ruka 2:49) Aisagona kungosiya imba iyoyo yaimiririra kunamata kwakachena ichisvibiswa, uye izvozvo zvakamupa ushingi hwekuita zvaaifanira kuita.

18. VaKristu vangaratidza sei ushingi pakuchengeta ungano yakachena?

18 Vateveri vaKristu mazuva ano vanongwarirawo kuti urongwa hwekunamatwa kwaMwari hurambe hwakachena. Havangosiyi zvakadaro kana vakaona mumwe muKristu achiita zvinhu zvakaipa. Vanotaura zvavanenge vaona. (1 VaKorinde 1:11) Vanova nechokwadi chekuti vakuru veungano vaudzwa. Vakuru vanogona kubatsira vaya vanenge vachirwara panyaya dzekunamata uye vanogona kutorawo matanho anochengetedza vanhu vaJehovha vakachena.—Jakobho 5:14, 15.

19, 20. (a) Idambudziko ripi raivapo panguva yaJesu, uye vanhu vaitarisira kuti arigadzirise sei? (b) Nei vateveri vaKristu vasingapindiri mune zvematongerwo enyika uye vasingaiti mhirizhonga, uye izvi zviri kuita kuti vave nemukurumbira wakaita sei?

19 Saka toti Jesu akaedza kugadzirisa zvinhu zvese zvisina kururama pamagariro evanhu munyika here? Zviri pachena kuti kwakanga kwakazara vanhu vaibatwa zvisina kunaka panguva yaakararama. Nyika yaaigara, yaitongwa neimwe nyika yaiva nesimba. VaRoma vaidzvinyirira vaJudha vachishandisa mauto avo aiva azere imomo, vachivabhadharisa mitero inorema, vachitopindira mutsika dzavo dzechiJudha. Hazvishamisi kuti vanhu vakawanda vaida kuti Jesu apindire munyaya dzezvematongerwo enyika dzemunguva yake. (Johani 6:14, 15) Panyaya iyi aifanira kuratidza ushingi zvakare.

20 Jesu akatsanangura kuti Umambo hwake hwakanga husiri hwenyika. Akadzidzisa vateveri vake, achivaratidza nezvaaiita, kuti vasaisa pfungwa pane zvematongerwo enyika zvepanguva iyoyo, asi kuti varambe vachiparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. (Johani 17:16; 18:36) Akapa chidzidzo chinokosha nezvekusapindira mune zvematongerwo enyika pakauya mhomho kuzomusunga. Musi iwoyo Petro akabudisa bakatwa rake akarwisa mumwe murume naro, akamukuvadza. Tinogona kunzwisisa zvakaitwa naPetro. Dai zvainzi kurwa kunobvumirwa, apa ndipo pataizoona kwakanyatsokodzera, nekuti apa Mwanakomana waMwari akanga ava kurwiswa. Asi Jesu akabva aratidza zvinofanira kuitwa nevateveri vake kubva panguva iyoyo kusvika nhasi, achiti: “Dzorera bakatwa rako parinogara, nekuti vese vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Mateu 26:51-54) Zvaitoda ushingi kuti vateveri vaKristu vatevedzere murayiro uyu, uye ndizvo zvazvinotodawo mazuva ano. Vanhu vaMwari mazuva ano vanozivikanwa kuti maoko avo akachena panyaya dzakadai sehondo, kuurayiwa kwevanhu vakawanda mumisasa, mhirizhonga, uye kuratidzira kwevanhu vakawanda vachinyunyuta. Mukurumbira uyu uri kubva pakuva kwavo neushingi.

Akaratidza Ushingi Paaitambudzwa

21, 22. (a) Jesu akabatsirwa sei asati atarisana nemuedzo wakakura waakanga asati ambosangana nawo? (b) Jesu akaratidza sei kuti akanga akashinga kusvikira kumugumo?

21 Mwanakomana waJehovha akanga agara achitoziva kuti aizopikiswa zvakasimba pasi pano. (Isaya 50:4-7) Vanhu vakaedza kumuuraya kakawanda, uye ndizvo zvavakazoita sezvatsanangurwa patangira chitsauko chino. Chii chakabatsira Jesu kuramba achiratidza ushingi paaitarisana nerufu saizvozvo? Mhinduro tinoiona pane zvaiitwa naJesu pakazouya mhomho kuzomusunga. Akanga achinyengetera kuna Jehovha nemwoyo wese. Jehovha akamunzwa here? Bhaibheri rinoti Jehovha ‘akamunzwa.’ (VaHebheru 5:7) Jehovha akatumira ngirozi kuti izosimbisa Mwanakomana wake.—Ruka 22:42, 43.

22 Achangobva kusimbiswa, Jesu akati kuvaapostora vake: “Simukai tiende.” (Mateu 26:46) Funga kuti mashoko iwayo anoratidza sei ushingi hwaaiva nahwo. Akati, “Simukai tiende,” achinyatsoziva kuti aizodzivirira shamwari dzake idzi kuti dzisabatwa nevavengi vake, achiziva kuti shamwari idzodzo dzaizomusiya dzotiza, uye achiziva kuti aizosangana nedambudziko rakakura raasati ambosangana naro. Asina munhu ari kumutsigira, akatongwa zvisiri pamutemo uye zvisina kururama, akasekwa, akatambudzwa, uye akafa rufu runorwadza. Pese ipapo, akaramba akashinga.

23. Tsanangura kuti nei tichiti zvakaitwa naJesu hazviratidzi kuti akanga asina basa neupenyu.

23 Zvakaitwa naJesu zvinoratidza kuti akanga asina basa neupenyu here? Kwete; munhu kana aine ushingi hazvirevi kuti haana basa neupenyu. Jesu akatodzidzisa vateveri vake kuti vangwarire, uye kuti vabve pane imwe nzvimbo kana zvinhu zvisina kumira zvakanaka, kuti varambe vachiita kuda kwaMwari. (Mateu 4:12; 10:16) Asi musi uyu Jesu aiziva kuti aisafanira kutiza. Aiziva kuti zvaida kuitika kwaiva kuda kwaMwari. Jesu aida kuramba akaperera kuna Mwari, saka kuti aite izvozvo aitofanira kuenda ononangana nemuedzo wacho.

Zvapupu zvaJehovha zvakaratidza ushingi pazvaitambudzwa

24. Chii chinotipa chivimbo chekuti tinogona kuramba takashinga patichatarisana nemiedzo?

24 Vateveri vaJesu vakaratidza ushingi kakawanda vachitsika nemakatsika naTenzi wavo. Vakawanda vakaramba vakasimba pavaisekwa, vachitambudzwa, vachisungwa, vachiiswa mumajeri, vachirwadziswa, kunyange kutourayiwa chaiko. Vanhu vanowana kupi ushingi hwakadaro ivo vakaberekerwa muchivi? Hakusi kuti vakangozvarwa vakadaro. Vanobatsirwa naJehovha sekungobatsirwa kwakaitwa Jesu. (VaFiripi 4:13) Saka usambotya zvinhu zvinogona kuitika kwauri. Ramba wakaperera kuna Jehovha uye achakupa ushingi hwaunenge uchida. Ramba uchiwana simba pakutevedzera Mutungamiriri wedu, Jesu, uyo akati: “Shingai! Ini ndakunda nyika.”—Johani 16:33.

a Vanyori vezvakaitika kare vanoti makuva avanarabhi airemekedzwa sezvaingoitwa makuva evaprofita neemadzitateguru.