Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 2

‘Kudzidzisa Nekuparidza Mashoko Akanaka’

‘Kudzidzisa Nekuparidza Mashoko Akanaka’

Aiva muvezi. Akaita zvishamiso. Akaporesa vairwara. Aya ndiwo mamwe emabasa akaitwa naJesu. Asi vanhu vakanga vasingamudani vachishandisa mazita anoenderana nemabasa iwayo. Vaimuti Mudzidzisi. Basa ‘rekudzidzisa nekuparidza mashoko akanaka’ ndiro raiva pekutanga muupenyu hwake. (Mateu 4:23) Ndiro basa ratinofanira kuitawo sevateveri vaJesu. Muchikamu chino tichaongorora kuti aiita sei basa racho uye kuti tingamutevedzera sei.