Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 9

“Endai Munoita Kuti Vanhu . . . Vave Vadzidzi”

“Endai Munoita Kuti Vanhu . . . Vave Vadzidzi”

Murimi anoita sei kana zvirimwa zvakawanda zvekuti haakwanisi kuzviunganidza ari ega?

1-3. (a) Murimi anoita sei kana zvirimwa zvakawanda zvekuti haakwanisi kuzviunganidza ari ega? (b) Muna 33 C.E., Jesu aifanira kuita chisarudzo chipi uye akaita sei nezvazvo?

 MURIMI akashanda nesimba achigadzira ivhu remumunda make, ndokubva adyara mbeu. Anofara kuona mbeu dzake dzichimera uye dzichikura dzakasvibirira. Zvirimwa zvacho pazvinosvika, anofara kuti akashandira zviripo nekuti nguva yekukohwa yasvika. Asi pane nyaya; zvirimwa zvacho zvakawandisa zvekuti haakwanisi kuzvikohwa ari ega. Saka anosarudza kutsvaga vashandi ovatuma kuti vanokohwa. Atogona, nekuti nguva yekukohwa ipfupi.

2 Muna 33 C.E., Jesu paakanga amutswa, aifanirawo kuita chisarudzo chakafanana nechakaitwa nemurimi uyu. Paaiita ushumiri hwake, akadyara mbeu dzechokwadi. Asi iye zvino yava nguva yekukohwa, uye zvirimwa zvacho zvakawandisa. Pane vanhu vakawanda vane nzara yechokwadi vari kufanira kuunganidzwa kuti vave vadzidzi. (Johani 4:35-38) Jesu anoita sei? Nguva pfupi asati akwira kudenga, paaiva nevadzidzi vake mune rimwe gomo muGarireya, Jesu anovapa murayiro wekuti vatsvage vamwe vashandi, achiti: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi, muchivabhabhatidza . . . , muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurayirai.”—Mateu 28:19, 20.

3 Kuteerera murayiro iwoyo ndiko kunoita kuti munhu anzi muteveri waKristu wechokwadi. Saka ngationgororei mibvunzo mitatu. Nei Jesu akarayira vadzidzi vake kuti vatsvage vamwe vashandi? Akaita sei kuti avadzidzise basa racho? Murayiro wacho unoshandawo kwatiri here?

Sei Paidiwa Vashandi Vakawanda?

4, 5. Nei Jesu aisakwanisa kupedza basa raakanga atanga, uye ndivanaani vaizofanira kuramba vachiita basa racho pashure pekunge adzokera kudenga?

4 Jesu paakatanga ushumiri hwake muna 29 C.E., aiziva kuti akanga achitanga basa raaisazopedza ari ega. Munguva pfupi yaakanga asarirwa nayo, aiziva kuti aisakwanisa kusvitsa mashoko akanaka kuvanhu vese kana kuenda kunzvimbo dziri kure chaizvo achiparidza. Ndizvo hazvo kuti mashoko ake akanga akanyanya kunangana ‘nemakwai akarasika eimba yaIsraeri,’ kureva vaJudha nevanhu vakanga vakatendeukira kuchiJudha. (Mateu 15:24) Asi “makwai akarasika” iwayo, akanga akapararira muIsraeri yese, saka nzvimbo yacho yainge yakakurisa. Uyewo, mashoko akanaka aisafanira kuparidzirwa vaIsraeri chete, asi aifanira kutozosvika kuvanhu vese, kwese kwese panyika.—Mateu 13:38; 24:14.

5 Jesu aiziva kuti pane basa rakawanda raizofanira kuramba richiitwa iye adzokera kudenga. Akaudza vaapostora vake 11 vakatendeka kuti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, munhu wese anotenda mandiri achaitawo mabasa andinoita; uye achaita mabasa makuru kupfuura aya, nekuti ndiri kuenda kuna Baba.” (Johani 14:12) Sezvo Mwanakomana akanga achizodzokera kudenga, vateveri vake vese, kwete vaapostora chete asiwo munhu wese aizova muteveri waJesu, aizofanira kuramba achiita basa rekuparidza nekudzidzisa. (Johani 17:20) Achiratidza kuzvininipisa, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vaizoita “mabasa makuru kupfuura” ake. Mabasa avo aizopfuura aJesu pakudii? Ngatikurukurei nzira nhatu.

6, 7. (a) Mabasa evateveri vaJesu aizopfuura ake pakudii? (b) Tingaratidza sei kuti Jesu akagona paakavimba nesu kuti tiite basa rekuparidza mashoko akanaka?

6 Nzira yekutanga ndeyekuti vateveri vaJesu vaizoparidzira mundima yakakura kupfuura yakaparidzwa naJesu. Basa riri kuitwa nevateveri vaKristu mazuva ano rapararira nenyika yese, kusvika kumigumo yenyika. Yechipiri, vaizoparidzira vanhu vakawanda kupfuura vakaparidzirwa naJesu. Vadzidzi vashoma vakasiyiwa naJesu vakasara vakawedzera munguva pfupi pfupi. (Mabasa 2:41; 4:4) Iye zvino kwatova nemamiriyoni evaparidzi vemashoko akanaka, uye mazana ezviuru anobhabhatidzwa gore negore. Yechitatu, vaizoparidza kwenguva yakareba kupfuura yakaparidzwa naJesu. Jesu akaparidza kwemakore matatu nehafu chete asi vashumiri vake vatova nemakore anoda kusvika 2 000 vachingoparidza.

7 Jesu paakataura kuti vateveri vake vaizoita “mabasa makuru kupfuura” ake aitoratidza kuti aivimba navo. Basa raakanga achiisa mumaoko avo, rekuparidza nekudzidzisa “mashoko akanaka eUmambo hwaMwari,” raikosha zvikuru kwaari. (Ruka 4:43) Aiva nechokwadi chekuti vaizoramba vachiita basa racho vakatendeka. Saka izvi zvinoreva kuti tinofanira kuita sei? Tinofanira kuita ushumiri hwedu tichishingaira uye nemwoyo wese. Patinodaro tinenge tichiratidza kuti Jesu akagona paakavimba nesu kuti tiite basa iri. Ichi chikomborero chakakura chisingaenzaniswi!—Ruka 13:24.

Jesu Akaita Sei Kuti Avadzidzise Basa Racho?

Rudo runoita kuti tiparidzire vanhu kwese kwavanowanika

8, 9. Jesu aiita sei ushumiri hwake, uye tingamutevedzera sei?

8 Jesu akanyatsodzidzisa vadzidzi vake kuti vaite basa rekuparidza nemazvo. Chinhu chinopfuura zvese chaakashandisa pakuvadzidzisa, muenzaniso wake pachake. (Ruka 6:40) Muchitsauko chakapfuura takakurukura maonero aiita Jesu ushumiri. Chimbofunga nezvevadzidzi vaifamba naJesu paiita basa rake. Vaimuona achiparidzira kwese kwaaiwana vanhu, kungava kumahombekombe egungwa, mujinga megomo, mumaguta, mumisika, uye paimba neimba. (Mateu 5:1, 2; Ruka 5:1-3; 8:1; 19:5, 6) Vaiona kushanda nesimba kwaaiita, achikurumidza kumuka mangwanani, oshanda kusvikira usiku. Saka kuparidza raisava basa rekuvaraidza nguva; raitova basa raaikoshesa chaizvo! (Ruka 21:37, 38; Johani 5:17) Zvainyatsova pachena kuvadzidzi vake kuti aiparidza nekuti aida vanhu zvakadzama. Pamwe vaitozviona pavaitarisa chiso chake kuti mwoyo wake wakanga uzere netsitsi. (Mako 6:34) Unofunga kuti muenzaniso waJesu wakabatsira sei vadzidzi vake? Kudai waivapo, muenzaniso wake ungadai wakakubatsira sei?

9 Sevateveri vaKristu, tinotevedzera muenzaniso waKristu muushumiri hwedu. Saka tinoita zvese zvatinogona kuti ‘tipupure kwazvo’ pamusoro pemashoko akanaka. (Mabasa 10:42) Sezvaiita Jesu, tinoenda kunoparidzira vanhu paimba neimba. (Mabasa 5:42) Tikaona kuti vanhu havasi kuwanika pamba, tinochinja nguva dzatinovashanyira kuti tivawane varipo. Tinotsvagawo vanhu munzvimbo dzinoungana veruzhinji, mumigwagwa, mumapaki, muzvitoro, uye kumabasa pazvinenge zvakakodzera. Tinoramba ‘tichishanda nesimba’ muushumiri, nekuti tinokoshesa basa iri. (1 Timoti 4:10) Kana tichida vanhu zvechokwadi, ticharamba tichitsvaga mikana yekuparidza kwese kunowanika vanhu uye panguva yavanogona kuwanika.—1 VaTesaronika 2:8.

“Vanhu 70 vaya vakazodzoka vachifara”

10-12. Jesu akadzidzisa vadzidzi vake zvidzidzo zvipi zvinokosha asati avatuma kunoparidza?

10 Chimwe chakaitwa naJesu kuti adzidzise vadzidzi vake basa kwaiva kuvapa mirayiridzo yakajeka. Paakatuma vaapostora 12 kuti vanoparidza uye paakazotuma vadzidzi 70, Jesu akatanga avarayiridza maitirwo ebasa. (Mateu 10:1-15; Ruka 10:1-12) Kudzidziswa ikoko kwavakaitwa kwakaita kuti vabudirire nekuti Ruka 10:17 inoti: “Vanhu 70 vaya vakazodzoka vachifara.” Ngatimbokurukurai zvidzidzo zviviri zvinokosha zvakataurwa naJesu paaipa vadzidzi vake mirayiridzo yebasa. Patinenge tichidaro, ngatiyeukei kuti tsika dzepanguva iyoyo dzakanga dzakati siyanei nedziriko mazuva ano.

11 Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vavimbe naJehovha. Akavaudza kuti: “Musatora goridhe kana sirivha kana mhangura yekuisa mumabhandi enyu ekuisira mari, kana homwe yekuisira zvekudya, kana nguo mbiri, kana shangu, kana mudonzvo, nekuti mushandi akakodzera kuwana zvekudya zvake.” (Mateu 10:9, 10) Panguva iyoyo vanhu pavaifamba vaiwanzotakura bhandi raishandiswa kuisira mari nehomwe yekuisira zvekudya uyewo vaitakura dzimwe shangu. a Paakaudza vadzidzi vake kuti vasanetseke nekutakura zvinhu zvese izvozvo, Jesu akanga achitovapa chidzidzo chekuti: “Vimbai naJehovha zvizere, nekuti achakuchengetai achikupai zvese zvamunoda.” Jehovha aizoita kuti vanhu vaifarira mashoko akanaka vavagamuchire mudzimba dzavo, sezvaiwanzoitwa patsika dzechiIsraeri, vachivapa zvese zvavaida.—Ruka 22:35.

12 Jesu akadzidzisawo vadzidzi vake kuti vasavhiringwa nezvinhu zvaigona kuvapedzera nguva. Akati: “Musakwazisa munhu mumugwagwa.” (Ruka 10:4) Jesu akanga achivaudza kuti vasafarire vanhu kana kuti vavanyararire pavaisangana navo here? Handizvo zvaaireva. Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, kukwazisana kwaisangogumira pakutaura kuti mhoroi. Tsika dzavo pakukwazisana dzaisanganisira zvinhu zvakawanda zvakasiyana-siyana uye kukurukura kwenguva refu. Mumwe muongorori weBhaibheri anoti: “Vanhu vepanguva iyoyo vaisangogumira pakutaura kuti mhoroi kana kupanana chishanu, asi vaimbundirana kakawanda, kana kutopfugama vokotamisa misoro kusvika yagumha pasi chaipo. Zvese izvi zvaidya nguva.” Paakaudza vadzidzi vake kuti varege kuita tsika idzodzo dzekukwazisana, Jesu akanga achitovapa chidzidzo chekuti: “Munofanira kunyatsoshandisa nguva yenyu zvakanaka, nekuti shoko ramuinaro rinofanira kukurumidza kusvika kuvanhu.” b

13. Tingaratidza sei kuti tinoteerera mirayiro yakapiwa vadzidzi naJesu?

13 Tinoziva kuti zvakakosha kuti titeererewo mirayiridzo yakapiwa naJesu kuvadzidzi vake. Patinenge tichiita ushumiri hwedu, tinofanira kuvimba naJehovha zvizere. (Zvirevo 3:5, 6) Tinoziva kuti hatizomboshayiwi zvinhu zvinodiwa kuti tirarame kana ‘tikaramba tichitanga kutsvaga Umambo.’ (Mateu 6:33) Vashumiri veUmambo vanoita basa rekuparidza nguva yakazara pasi rese vakanyatsoona kuti kunyange zvinhu zvikaoma sei, Jehovha anochengeta vashumiri vake. (Pisarema 37:25) Tinofanirawo kungwarira kuti tisatsauswa nezvinhu zvinogona kutidyira nguva, nekuti munyika mune zvinhu zvakawanda zvinogona kutivhiringidza nyore nyore. (Ruka 21:34-36) Ino haisi nguva yekurivara. Nguva yatasarirwa nayo ishoma, uye upenyu hwevanhu huri pangozi. (VaRoma 10:13-15) Kugara tichiyeuka kuti nguva yapera kuchatibatsira kuti tishandise nguva yedu nesimba muushumiri pane kuita zvinhu zvinotipedzera nguva. Ngatisambokanganwa kuti kukohwa kukuru asi nguva yatasarirwa nayo ipfupi.—Mateu 9:37, 38.

Murayiro waJesu Unoshandawo Kwatiri Here?

14. Chii chinoratidza kuti murayiro wakanyorwa pana Mateu 28:18-20 unoshanda kuvateveri vaKristu vese? (Onawo mashoko emuzasi.)

14 Jesu akapa vateveri vake basa rinokosha chaizvo paakati, “Endai munoita kuti vanhu . . . vave vadzidzi.” Murayiro uyu wakanga usina kungonangana nevadzidzi vakanga vakaungana pagomo muGarireya chete. c Murayiro wacho waisanganisira kuparidzira “vanhu vemarudzi ese,” uye basa racho raifanira kuramba richiitwa “kusvikira pakuguma kwenyika.” Saka izvi zvinoratidza kuti murayiro uyu unoshanda kuvateveri vaKristu vese, kusanganisira isu. Ngatimbonyatsoongorora mashoko aJesu ari pana Mateu 28:18-20.

15. Nei tichifanira kuteerera murayiro waJesu wekuita kuti vanhu vave vadzidzi?

15 Asati apa vateveri vake murayiro wacho, Jesu akatanga ataura kuti: “Ndakapiwa masimba ese kudenga nepanyika.” (Vhesi 18) Ndezvechokwadi here kuti Jesu ane masimba akakura kudaro? Ehe, anawo! Ndiye ngirozi huru, inotungamirira makumi ezviuru engirozi. (1 VaTesaronika 4:16; Zvakazarurwa 12:7) Ndiyewo “musoro weungano,” saka ane simba rekutungamirira vateveri vake pasi pano. (VaEfeso 5:23) Kubva muna 1914, Jesu ari kutonga saMambo weUmambo hwaMwari. (Zvakazarurwa 11:15) Simba rake rakakura zvekuti anokwanisa kutomutsa vakafa. (Johani 5:26-28) Jesu akatanga nekutaura nezvemasimba aakapiwa, achiratidza kuti mashoko aaizotaura waitova murayiro kwete chinhu chavaigona kusarudza kuita kana kurega. Zvakanaka kuti timuteerere, nekuti masimba aainawo haasi ekungozvipa asi akatoapiwa naMwari.—1 VaKorinde 15:27.

16. Shoko rekuti “endai,” rinoratidza kuti Jesu anoda kuti tiite sei, uye tinoratidza sei kuti tiri kuteerera zvaakarayira?

16 Jesu paakapa vadzidzi vake murayiro uyu, akatanga nekuti: “Endai.” (Vhesi 19) Saka aitotiudza kuti ndisu tinofanira kuendesa shoko reUmambo kuvanhu. Pane nzira dzakasiyana-siyana dzatinogona kushandisa. Kuparidza paimba neimba ndiyo nzira inonyanya kubudirira pakusvitsa mashoko akanaka kuvanhu. (Mabasa 20:20) Tinotsvagawo mikana yekuparidza zvisina kurongwa; pese patinoona zvakakodzera kunyange patinenge tichitoitawo zvimwe zvinhu muupenyu, tinogona kutotanga kukurukura nemunhu nechinangwa chekumuparidzira mashoko akanaka. Tinoshandisa nzira dzakasiyana-siyana zvichienderana nevanhu vatiri kuparidzira kana kuti nharaunda yatiri kuparidzira. Pasinei nekwatinogara, chinhu chimwe chete chisingachinji ndechekuti, tisu ‘tinoenda’ kunotsvaga vanhu vakakodzera.—Mateu 10:11.

17. Tinoita sei “kuti vanhu . . . vave vadzidzi”?

17 Jesu anobva azotsanangura chinangwa chemurayiro wacho, achiti ndechekuita “kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi.” (Vhesi 19) Tinoita sei “kuti vanhu . . . vave vadzidzi”? Haisi nyaya yekungopa vanhu ruzivo. Patinenge tichidzidza nevanhu Bhaibheri, chinangwa chedu ndechekuvabatsira kuti vave vateveri vaKristu. Saka tinoramba tichivayeuchidza pese panomuka mukana, kuti vanofanira kudzidza pamuenzaniso waJesu sezvo ari iye Mudzidzisi mukuru, vachitevedzera mararamiro aakaita uye vachiita basa raaiita.—Johani 13:15.

18. Nei kubhabhatidzwa riri danho rinokosha kupfuura ese muupenyu hwemudzidzi?

18 Jesu anobva azotaura danho rinokosha pamurayiro uyu, achiti: “Muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana neremweya mutsvene.” (Vhesi 19) Kubhabhatidzwa ndiro danho rinokosha zvikuru muupenyu hwemudzidzi, nekuti rinonyatsoratidza zvakajeka kuti munhu azvitsaurira kuna Mwari nemwoyo wese. Munhu anotofanira kutora danho iroro kuti azoponeswa. (1 Petro 3:21) Mudzidzi paanobhabhatidzwa, anofanira kuramba achiita zvese zvaanogona pakushumira Jehovha. Kana akadaro, anogona kutarisira mberi kumakomborero asingaperi munyika itsva. Pane munhu wawakambobatsira kuva mudzidzi waKristu here? Pabasa iri rekuparidza, hapana chinofadza kupfuura kuona munhu achisvika pakutora danho iroro rinokosha.—3 Johani 4.

19. Tinodzidzisa vatsva kuti vaite sei, uye nei tichifanira kuramba tichivadzidzisa kunyange vatobhabhatidzwa?

19 Zvadaro, Jesu anozoenderera mberi nemurayiro wacho achiti: “Muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurayirai.” (Vhesi 20) Tinodzidzisa vatsva kuti vachengete mirayiro yaJesu, inosanganisira kuda Mwari, kuda muvakidzani, uye kubatsirawo vamwe kuti vave vadzidzi. (Mateu 22:37-39) Zvishoma nezvishoma tinovadzidzisa kuti vakwanise kutsanangura chokwadi chiri muBhaibheri chavava kutenda. Pavanonzi vava kukwanisa kuparidza neungano, tinoshanda navo muushumiri, tichivadzidzisa nezvatinotaura uye zvatinoita kuti vangabudirira sei pakuita basa iri. Mudzidzi kana abhabhatidzwa hazvirevi kuti tatopedza kumudzidzisa. Anogona kunge achiri kuda kubatsirwa kuti akwanise kukunda miedzo inosangana nevateveri vaKristu.—Ruka 9:23, 24.

“Ndichange Ndiinemi Mazuva Ese”

20, 21. (a) Nei tisingafaniri kutya kuita basa ratakapiwa naJesu? (b) Nei tingati ino haisi nguva yekuzorora, uye tinofanira kutsunga kuita sei?

20 Jesu anopedzisa murayiro wacho nemashoko anokurudzira chaizvo ekuti: “Yeukai kuti ndichange ndiinemi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mateu 28:20) Jesu anoziva kuti basa iri rinokosha zvikuru. Anozivawo kuti kuita basa iri kunogona kuita kuti tivengwe nevanhu vanotishora. (Ruka 21:12) Asi hatifaniri kutya. Mutungamiriri wedu haana kungotisiyira basa iri kuti tiriite tiri tega. Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti Jesu, uyo akapiwa “masimba ese kudenga nepanyika” anesu kuti atitsigire.

21 Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti aizoramba ainavo mumakore ese avaizoita ushumiri kutosvikira “pakuguma kwenyika.” Tinofanira kuramba tichiita zvatakarayirwa naJesu kusvikira mugumo wauya. Ino haisi nguva yekuzorora. Pachiine basa guru rekukohwa vanhu vanoda chokwadi! Zviuru nezviuru zvevanhu zviri kuramba zvichidirana zvichiuya kusangano raJehovha. Sevateveri vaKristu, ngatitsungei kuramba tichiita basa iri rinokosha. Ngatiitei zvese zvatinogona kuti tishandise nguva yedu, simba redu, uye pfuma yedu pakuteerera murayiro waJesu wekuti: “Endai munoita kuti vanhu . . . vave vadzidzi.”

a Bhandi raiva nehomwe yaigona kushandiswa kuisira mari. Homwe yekuisira zvekudya yaiva bhegi rakati kurei, raiwanzogadzirwa neganda; raikochekerwa papfudzi uye raishandiswa kutakura mbuva kana kuti zvimwe zvinhu.

b Muprofita Erisha akambopa mushandi wake Gehazi murayiro wakafanana naiwoyu. Paakamutuma kumba kwemukadzi akanga afirwa nemwanakomana wake, Erisha akati: “Kana ukasangana nemunhu, usamukwazisa.” (2 Madzimambo 4:29) Aifanira kukurumidza kusvika kwaaienda nekuti nyaya yaaifambira yaikosha, saka pakanga pasina nguva yekutambisa.

c Sezvo vateveri vake vakawanda vaiva muGarireya, zvinoita sekuti Jesu paakataura mashoko ari pana Mateu 28:16-20 ndipo paya paakazviratidza “kuhama dzinopfuura 500.” (1 VaKorinde 15:6) Saka panofanira kunge paiva nevanhu vakawanda chaizvo Jesu paakapa murayiro wekuita kuti vanhu vave vadzidzi.