Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 11

“Hakuna Munhu Akambotaura Zvakadai”

“Hakuna Munhu Akambotaura Zvakadai”

1, 2. (a) Nei varindi vakatumwa kunosunga Jesu vakadzoka vari maoko chete? (b) Chii chaiita kuti Jesu ave mudzidzisi akanaka chaizvo?

 JESU ari mutemberi, achidzidzisa nezvaBaba vake. Paari kudzidzisa kudaro, vanhu vanofunga zvakasiyana-siyana nezvake; vamwe vanotenda maari asi vamwe havatendi maari. Kana vari vaFarisi nevatungamiriri vevapristi vanoita kuguta nehasha. Vakafufutirwa kudaro, vanotuma varindi kuti vanosunga Jesu. Asi varindi vacho vanodzoka vari maoko chete. Vatungamiriri vevapristi nevaFarisi vari kuda kunzwisisa kuti zvafamba sei kuti vatadze kumusunga. Saka vanovabvunza kuti: “Nei musina kuuya naye?” Varindi vacho vanovapindura kuti: “Hakuna munhu akambotaura zvakadai.” Vakakangwa mate mukanwa nekudzidzisa kwaJesu zvekuti simba rese rekuita zvavafambira rinobva rapera. aJohani 7:45, 46.

2 Varindi ivavo handivo vega vakabatwa-batwa kudaro nemadzidzisiro aJesu. Vanhu vakawanda zvikuru vaimuunganira kuti vangomunzwa achidzidzisa. (Mako 3:7, 9; 4:1; Ruka 5:1-3) Chii chaiita kuti Jesu ave mudzidzisi akanaka kudaro? Sezvatakaona muChitsauko 8, aida chokwadi cheShoko raMwari, uye aida vanhu vaaidzidzisa. Ainyatsoziva nzira dzinoshanda pakudzidzisa vanhu. Ngatimbokurukurai nzira nhatu dzaakashandisa, uye kuti tingamutevedzera sei.

Kutaura Mashoko Ari Nyore Kunzwisisa

3, 4. (a) Nei Jesu aishandisa mashoko ari nyore kunzwisisa paaidzidzisa? (b) Mharidzo Yepagomo inoratidza sei kuti Jesu aidzidzisa zviri nyore kunzwisisa?

3 Chimbofunga kuti neruzivo rwese rwaiva naJesu, aitadza here kushandisa mashoko akadzama asinganzwisiswi nevanhu vakawanda? Zviri pachena kuti aigona kushandisa mashoko aishamisira, asi haana kumbodaro. Aitaura mashoko ainzwisiswa nevanhu vaimuteerera, avo vaisanganisira ‘vanhuwo zvavo, vasina kudzidza.’ (Mabasa 4:13) Aifunga nezvevanhu vaaidzidzisa, asingavaremedzi nemashoko akawandisa. (Johani 16:12) Aishandisa mashoko ari nyore kunzwisisa, asi achidzidzisa chokwadi chakadzama.

4 Chimbofunga nezveMharidzo Yepagomo iri pana Mateu 5:3–7:27. Mumharidzo iyi, Jesu akataura nyaya dzinokosha dzeupenyu. Asi haana kumboshandisa mashoko akaoma kunzwisisa. Mashoko aakashandisa aiva nyore zvekuti kunyange mwana mudiki chaiye aitobata zvaaitaura! Regai vanhu vaivapo, avo vaisanganisira varimi, vafudzi, uye vabati vehove, ‘vazoshamiswa nemadzidzisiro ake.’—Mateu 7:28.

5. Taura mienzaniso yemashoko ari nyore kunzwisisa uye asingakanganwiki akataurwa naJesu.

5 Paaidzidzisa, Jesu aiwanzoshandisa mitsara mipfupi, inonakidza, iri nyore kunzwisisa, uye yakazara nezvidzidzo zvinokosha. Izvi zvaiita kuti zvaaitaura zvibve zvanamirira pamwoyo yevanhu vaaidzidzisa. Panguva iyoyo pakanga pasina mabhuku ainyorwa mashoko aaitaura saka aitofanira kudzidzisa zvekuti vanhu varambe vachiyeuka. Chimbofunga nezvemashoko anotevera aakataura: “Regai kutonga kuti murege kutongwawo.” “Vanhu vane utano hwakanaka havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda.” “Mweya unoda zvawo, asi nyama haina simba.” “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” “Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.” b (Mateu 7:1; 9:12; 26:41; Mako 12:17; Mabasa 20:35) Patova nemakore anenge 2 000 Jesu ataura mashoko aya, asi kunyange nanhasi achiine simba zvekuti haakanganwiki.

6, 7. (a) Nei zvakakosha kuti tishandise mashoko asina kuoma patinodzidzisa? (b) Tingaita sei kuti tisaremedza mudzidzi weBhaibheri nemashoko akawandisa?

6 Tingaita sei kuti zvatinodzidzisa zvive nyore kunzwisisa? Zvakakosha kuti tishandise mashoko asina kuoma anonzwisiswa nevanhu vakawanda. Chokwadi cheBhaibheri chatinodzidzisa vanhu hachina kuoma. Jehovha anoda kuti vanhu vanozvininipisa uye vane chido chekumuziva nemwoyo wese vanzwisise chinangwa chake. (1 VaKorinde 1:26-28) Kana tikatanga tanyatsofunga kuti tingatsanangura sei chokwadi cheBhaibheri nenzira iri nyore, tichaita kuti vanhu vajekerwe nyore nyore neShoko raMwari.

Dzidzisa nenzira iri nyore kunzwisisa

7 Zvakakoshawo kuti tisaremedza mudzidzi weBhaibheri nemashoko akawandisa. Saka patinenge tichidzidza Bhaibheri nemumwe munhu, hatifaniri hedu kumutsanangurira kanhu kese nezvenyaya yatinenge tichidzidza; uyewo hatifaniri kuisa pfungwa dzedu pakungoti tipedze chete. Asi tinofanira kuita kuti uwandu hwezvatichadzidzisa mudzidzi huenderane nezvaanokwanisa kubata. Chinangwa chedu ndechekubatsira mudzidzi wacho kuti ave mushumiri waJehovha uye muteveri waKristu. Saka zvakakosha kuti titore nguva yedu tichinyatsobatsira mudzidzi kuti anzwisise chokwadi chaari kudzidza. Kana tikadaro, achanyatsonzwisisa chokwadi cheBhaibheri zvoita kuti ashandise zvaanenge achidzidza muupenyu hwake.—VaRoma 12:2.

Kubvunza Mibvunzo

8, 9. (a) Nei Jesu aishandisa mibvunzo pakudzidzisa? (b) Jesu akashandisa sei mibvunzo kuti abatsire Petro panyaya yekubhadhara mutero wetemberi?

8 Jesu aiva nyanzvi pakushandisa mibvunzo, uye aiishandisa kakawanda pakudzidzisa kunyange paya paaigona kungotaura zvaaida kudzidzisa asina kubvunza mubvunzo. Nei aishandisa mibvunzo pakudzidzisa? Pamwe pacho, aishandisa mibvunzo kuti afumure zvaiva mumwoyo yevaimushora, ovasiya vasina kana chekutaura. (Mateu 21:23-27; 22:41-46) Asi kakawanda aibvunza mibvunzo kuti vadzidzi vake vataurewo zvavaifunga uye kuti avabatsire kushandisa pfungwa dzavo. Saka aibvunza mibvunzo yakadai sekuti, “Munofungei?” uye “Unotenda izvi here?” (Mateu 18:12; Johani 11:26) Mibvunzo iyoyo yakabatsira vadzidzi kuti vasvike pakunzwisisa uye kuda chokwadi chaaidzidzisa. Ngatimboonai pamwe paakashandisa mibvunzo zvine unyanzvi.

9 Rimwe zuva, vateresi vakabvunza Petro kuti Jesu aibhadhara mutero wetemberi here. c Petro akabva angopindura kuti, “Hongu.” Pave paya, Jesu akamubatsira kuti anyatsofunga nezvenyaya yacho achiti: “Simoni, unofungei? Madzimambo enyika anotora miripo kana mutero kunaani? Kuvanakomana vavo here kana kuti kuvamwe vanhu?” Petro akapindura achiti: “Kuvamwe vanhu.” Jesu akati: “Saka kana zvakadaro, vanakomana havateri.” (Mateu 17:24-27) Petro anofanira kunge akabva angojekerwa nenyaya yacho, nekuti zvaizivikanwa nemunhu wese kuti vanhu vemumhuri yemadzimambo havabhadhari mutero. Saka sezvo Jesu aiva Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga waMambo wekudenga ainamatwa patemberi, Jesu akanga asingasungirwi kubhadhara mutero. Cherechedza kuti pane kungoudza Petro kuti iye seMwanakomana waMwari aisafanira kubhadhara mutero wacho, Jesu akashandisa mibvunzo neunyanzvi kubatsira Petro kuti asvike ega pakuona kuti zvaakanga apindura handizvo. Mibvunzo iyoyo inogona kunge yakabatsirawo Petro kuona kuti kana akazobvunzwa pamusoro peimwe nyaya anofanira kutanga afunga asati apindura.

Bvunza mibvunzo inoenderana nezvinofarirwa nasaimba

10. Tingashandisa sei mibvunzo zvine unyanzvi patinenge tichiparidza paimba neimba?

10 Tingashandisawo sei mibvunzo neunyanzvi muushumiri hwedu? Patinenge tichiparidza paimba neimba, tinogona kushandisa mibvunzo kuti titange kukurukura nemunhu, tiine chinangwa chekumuudza mashoko akanaka. Ngatitii tasvika pamba paine munhu wechikuru, tinogona kumubvunza zvine ruremekedzo kuti, “Pamakore ese amararama, ndezvipi zvamaonawo zvichichinja panyika?” Kana apindura, tinogona kubva tabvunza kuti, “Munofunga kuti chii chinodiwa kuti zvinhu zvinake panyika?” (Mateu 6:9, 10) Kana tikasvika pamba paina amai vane vana vadiki, tinogona kuvabvunza kuti, “Munofunga kuti panyika pachange pamira sei vana venyu pavachazokura?” (Pisarema 37:10, 11) Tisati tatanga kukurukura nasaimba, zvakanaka kutanga tacherechedza mamiriro akaita musha wake nezvimwewo, kuti tikwanise kusarudza mubvunzo unoenderana nezvaanofarira.

11. Tingashandisa sei mibvunzo zvine unyanzvi patinenge tichiitisa chidzidzo cheBhaibheri?

11 Tingashandisa sei mibvunzo zvine unyanzvi patinenge tichiitisa chidzidzo cheBhaibheri? Kana tikagara tafunga mibvunzo yatichashandisa, zvichabatsira mudzidzi kuti abudise zviri pamwoyo pake. (Zvirevo 20:5) Ngatitii tiri kudzidza chidzidzo 43 mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! chine musoro unoti, “MuKristu Anofanira Kuona Sei Nyaya Yekunwa? d Chidzidzo ichi chinotsanangura kuti Mwari anoona sei nyaya yekunwisa uye kudhakwa. Mudzidzi anogona kupindura nenzira inoratidza kuti ari kunzwisisa kuti Bhaibheri rinoti kudii, asi anobvumirana nazvo here? Tinogona kumubvunza kuti, “Maonero anoita Mwari nyaya iyi ane musoro here kwauri?” Tinogonawo kumubvunza kuti, “Ungashandisa sei mashoko aya muupenyu hwako?” Asi usakanganwa kuti unofanira kuramba uchiremekedza mudzidzi wako. Hatifaniri kumubvunza mibvunzo inogona kuita kuti anyare.—Zvirevo 12:18.

Kubatsira Vanhu Kuti Vafunge

12-14. (a) Jesu aishandisa unyanzvi hwekubatsira vanhu kufunga nezvinangwa zvipi zviviri? (b) Jesu akaratidza sei vaFarisi kuti vakanga vakarasika pavakamupomera kuti simba rake raibva kuna Satani?

12 Sezvo Jesu akanga asina chivi, aiva nepfungwa dzakapinza zvekuti aigona kubatsira vanhu kufunga kusvika vaona vega chokwadi chavasingagoni kuramba. Dzimwe nguva aishandisa unyanzvi uhwu kuratidza vanhu vaimupikisa kuti vakanga vakarasika. Asi kakawanda aishandisa unyanzvi uhwu kubatsira vateveri vake kuti vanyatsonzwisisa zvidzidzo zvinokosha. Ngatimboonai kuti aizviita sei.

13 Jesu paakaporesa murume aiva nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, vaFarisi vakamupomera vachiti: “Munhu uyu hapana chimwe chaanoshandisa kudzinga madhimoni kunze kwaBherizebhubhu [Satani], mutongi wemadhimoni.” Mashoko avo akaratidza kuti vaibvuma kuti paidiwa rimwe simba rakakwirira kuti munhu akwanise kudzinga madhimoni. Asi vakati simba raJesu raibva kuna Satani. Zvavaimupomera izvi zvaiva zvekunyepa uye zvakanga zvisina musoro. Achiratidza kuti mafungiro avo akanga akarasika zvisingaiti, Jesu akavapindura achiti: “Umambo hwese hwakapesana hunoparara, uye guta rese kana imba yakapesana haizomiri. Zvino kana Satani achidzinga Satani, anenge achizvirwisa; saka umambo hwake hucharamba sei hwakamira?” (Mateu 12:22-26) Zvaanga achireva ndezvekuti: “Kana simba rangu richibva kuna Satani, apa ndobva ndashandisa simba iroro kuti ndirwise Satani, zvinenge zvava kureva kuti Satani ari kuzvirwisa iye pachake. Zvino kana akadaro anosvika kupi?” Zvakataurwa naJesu zvakanga zvakajeka zvekuti vaFarisi vakasara vasina kana chekutaura.

14 Jesu haana kubva angovasiyira ipapo. Aiziva kuti vamwe vevadzidzi vevaFarisi vakanga vambodzinga madhimoni, saka neunyanzvi akabvunza mubvunzo waiita seuri nyore, wekuti: “Kana ndichidzinga madhimoni ndichishandisa Bherizebhubhu, vanakomana venyu [kana kuti vadzidzi] vanoadzinga vachishandisa ani? Ndokusaka vachizova vatongi venyu.” (Mateu 12:27) Zvaakanga achireva ndezvekuti: “Kana ini ndichidzinga madhimoni nesimba raSatani, saka ndiro simba riri kushandiswawo nevadzidzi venyu.” VaFarisi vaizoti kudii pakadai? Vaisazombofa vakabvuma kuti vadzidzi vavo vaishandisa simba raSatani. Saka Jesu akashandisa mashoko avakanga vataura ivo kubudisa chokwadi chekuti mafungiro avo akanga asina musoro, uye hapana marambiro avaigona kuzviita. Wanzwa sei patanga tichingoverenga chete nezveunyanzvi uhwu hwaiva naJesu? Zvino chifunga kuti vanhu vaivapo vachimuona uye vachitonzwa inzwi rake pachake vakanzwa sei. Zviri pachena kuti hapana munhu aigona kuramba mashoko ane simba kudaro.

15-17. Jesu akashandisa sei mashoko akadai sekuti “ko kuzoti” kudzidzisa chokwadi chinozorodza nezvaBaba vake?

15 Jesu akashandisawo unyanzvi uhwu kuti adzidzise chokwadi chinobaya mwoyo uye chinonyaradza nezvaBaba vake. Aiwanzoita izvozvo achishandisa mashoko akadai sekuti “ko kuzoti.” Jesu aiziva kuti vateereri vake vane zvavagara vachitoziva uye vachitotenda kuti ndezvechokwadi, saka aishandisa mashoko iwayo kuvabatsira kuti vawedzere kuva nechokwadi nezvinhu zvavaitenda. Kuti abudirire kuita izvi, Jesu aitora zvinhu zviviri ozvienzanisa kuti adzidzise chokwadi chinobaya mwoyo. Ngatimboongororai zvidzidzo zviviri zvaakabudisa achishandisa nzira iyi.

16 Paakakumbirwa nevadzidzi vake kuti avadzidzise kunyengetera, Jesu akataura nezvekuda kunoita vabereki ‘kupa vana vavo zvipo zvakanaka.’ Akabva apedzisa achiti: “Saka kana imi, kunyange zvazvo makaipa, muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, ko kuzoti Baba venyu vari kudenga, vangatadza here kupa mweya mutsvene kune vaya vanovakumbira?” (Ruka 11:1-13) Saka apa Jesu ari kuenzanisa zvinhu zviviri kuti adzidzise chidzidzo chinokosha. Kana vanhu vane chivi vachikwanisa kupa vana vavo zvavanoda, ko kuzoti Baba vedu vari kudenga, Jehovha, Mwari mutsvene uye akarurama pazvese zvaanoita, angatadza here kupa mweya mutsvene kuvashumiri vake vakatendeka vanonyengetera kwaari vachizvininipisa!

17 Jesu akapawo chidzidzo panyaya yekuzvidya mwoyo achishandisa nzira iyi. Akati: “Makunguo haadyari mbeu kana kukohwa; haana matura kana tsapi; asi Mwari anoapa zvekudya. Ko imi hamukoshi kupfuura shiri here? Fungai nezvekukura kunoita maruva: Haashandi kana kuruka . . . Zvino, kana aya ari iwo mapfekedzero anoita Mwari zvinhu zvinomera musango, zviripo nhasi, mangwana zvokandwa muchoto, angatadza here kutokupfekedzai kupfuura ipapo, imi vane kutenda kudiki?” (Ruka 12:24, 27, 28) Kana Jehovha achipfekedza maruva uye achipa shiri zvekudya, angatadza here kuchengeta vashumiri vake vanomuda! Zviri pachena kuti achishandisa nzira iyi yekudzidzisa, Jesu akanyatsoita kuti zvidzidzo zvaaida kubudisa zvisvike pamwoyo yevateereri vake.

18, 19. Tingabatsira sei munhu anoti haatendi muna Mwari waasingaoni?

18 Kuti tibatsire vanhu vatinoparidzira kuona kuti zvimwe zvinhu zvavanotenda ndezvenhema, tinofanira kushandisa mashoko anoita kuti vafunge. Ndizvo zvatinofanira kuitawo patinenge tichivabatsira kuti vanyatsonzwisisa kudiwa kwavanoitwa naJehovha. (Mabasa 19:8; 28:23, 24) Saka zvinoreva here kuti tinofanira kutsvaga mashoko akaoma nezvimwe zvakawanda-wanda nechinangwa chekuita kuti munhu agutsikane kuti zvatiri kutaura ndizvo? Aiwa. Sezvakaitwa naJesu tinofanira kushandisa mashoko asina kuoma kunzwisisa asi asingarambiki kuti ndeechokwadi.

19 Ngatitii mumwe munhu atiudza kuti haatendi muna Mwari waasingaoni. Tingamubatsira sei? Tinogona kumubatsira tichishandisa chinhu chaanogara achiona zuva nezuva tomubvunza kuti zvakafamba sei kuti chivepo. Tinogona kuti: “Ngatitii uri kufamba musango, wobva waona imba yakanaka, wopinda mukati wotowana muine zvekudya, zvaizova nemusoro here kufunga kuti imba iyoyo yakangonyuka? Saka patinoona kunaka kwakaita nyika uye zvekudya zvese zviri mairi, tingarambe here kuti panofanira kunge paine akaita kuti zvivepo? Bhaibheri pacharo rinototaura kuti: ‘Ichokwadi kuti imba imwe neimwe ine munhu anoivaka, asi akavaka zvinhu zvese ndiMwari.’” (VaHebheru 3:4) Asi pasinei nekuti tatsanangura zvakajeka sei, hazvirevi kuti munhu wese achagutsikana obvuma zvatiri kudzidzisa.—2 VaTesaronika 3:2.

Taura mashoko anobatsira munhu kuti afunge

20, 21. (a) Tingashandisa sei mashoko akadai sekuti “ko kuzoti,” kuti tibatsire vanhu kunzwisisa nzira dzaJehovha uye kuti ndiMwari akaita sei? (b) Tichakurukurei muchitsauko chinotevera?

20 Patinenge tichidzidzisa muushumiri kana kuti muungano, tinogonawo kushandisa mashoko akadai sekuti “ko kuzoti,” kuti tibatsire vanhu kunzwisisa nzira dzaJehovha uye kuti ndiMwari akaita sei. Ngatitii tiri kuda kubatsira munhu kuti aone kuti dzidziso yekuti vanhu vachanopiswa mumoto nekusingaperi inotoshora Mwari. Tinogona kuti: “Baba vane rudo nevana vavo, vangati kana mwana akanganisa vomuranga nekuisa maoko ake mumoto here? Kana munhu wenyama achiona kuita izvozvo kusingaiti, ko kuzoti Baba vedu vekudenga vane rudo? Zvinofanira kunge zvichivasemesa zvikuru!” (Jeremiya 7:31) Kuti tibatsire mushumiri waJehovha akaora mwoyo kuti ave nechokwadi chekuti Jehovha anomuda, tinogona kuti: “Kana Jehovha achikoshesa kashiri kadikidiki, ko kuzoti vashumiri vake? Tine chokwadi chekuti ane hanya nesu uye anoda mushumiri wake mumwe nemumwe, kusanganisira iwe!” (Mateu 10:29-31) Tikashandisa nzira iyi, tichanyatsoita kuti zvidzidzo zvatiri kuda kuti zvibude zvisvike pamwoyo yevanhu.

21 Nekuongorora kwataita nzira nhatu chete dzakashandiswa naJesu pakudzidzisa, haubvumi here kuti varindi vaya vakatadza kusunga Jesu vakanga vasiri kuwedzeredza pavakati: “Hakuna munhu akambotaura zvakadai.” Asi Jesu ainyanya kuzivikanwa nekushandisa mifananidzo pakudzidzisa. Muchitsauko chinotevera, tichakurukura kuti aiishandisa sei.

a Varindi vacho vanogona kunge vaishandira dare reSanihedrini vachitungamirirwa nevatungamiriri vevapristi.

b Mashoko aya ekupedzisira, ari pana Mabasa 20:35, anongotaurwa nemuapostora Pauro chete. Anogona kunge akaudzwa mashoko iwayo nemumwe munhu akanzwa Jesu achiataura paaiita ushumiri hwake. Pauro anogonawo kunge akaudzwa mashoko iwayo naJesu pashure pekunge amutswa uye atodzokera kudenga, kana kuti Pauro akaita zvekufemerwa nemweya waMwari kuti anyore mashoko iwayo akataurwa naJesu.

c VaJudha vainzi vabhadhare mutero wetemberi wemadhirakema maviri gore negore. Mari iyi yaiva mubhadharo waipiwa mushandi wemaricho kana ashanda kweanenge mazuva maviri. Rimwe bhuku rinoti: “Mutero uyu wainyanya kushandiswa pakubatsira kubhadhara zvibayiro zvinopiswa zvaipiwa zuva nezuva nezvimwewo zvibayiro zvaipiwa kuitira vanhu vese.”

d Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.