Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 12

“Aisambotaura Navo Asingashandisi Mufananidzo”

“Aisambotaura Navo Asingashandisi Mufananidzo”

1-3. (a) Vadzidzi vari kufamba naJesu vane chikomborero chipi, uye anovabatsira sei kuyeuka zvaari kudzidzisa? (b) Nei mifananidzo yakanaka ichiita kuti zvive nyore kuyeuka zvinenge zvichidzidziswa?

 VADZIDZI vari kufamba naJesu vane chikomborero chisingawaniki nevakawanda. Vari kudzidziswa neMudzidzisi Mukuru pachake. Vanokwanisa kunzwa inzwi rake achinyatsotsanangura Shoko raMwari uye achivadzidzisa chokwadi chinobaya mwoyo. Nguva yekuti mashoko aJesu anyorwe haisati yasvika, saka vadzidzi vanofanira kutobata zvaari kudzidzisa nemusoro. a Asi Jesu anoita kuti vakwanise kuyeuka zvaari kudzidzisa nyore nyore. Anozviita sei? Anovadzidzisa nenzira inoita kuti zvidzidzo zvinyure mumwoyo mavo, uye anonyanya kuita izvi achishandisa mifananidzo neunyanzvi.

2 Kana mifananidzo ikashandiswa zvakanaka, inogara mupfungwa dzevanhu kwenguva refu. Mumwe munyori akati mifananidzo “inoita kuti uite seuri kuona zvauri kunzwa” uye inobatsira vanhu “kuti vakwanise kunyatsofungidzira zvavari kunzwa vachiita sevari kuzviona nemaziso.” Sevanhu zvinotiitira nyore kunzwisisa zvinhu zvatinotoona nemaziso edu, saka mifananidzo inotibatsira kuti tinzwisise nyore nyore kunyange zvinhu zvakaoma kunzwisisa. Mifananidzo inonakidza, inoita kuti ari kutaura anyatsobata pfungwa dzevateereri, zvoita kuti varambe vachiyeuka zvavadzidza.

3 Pavanhu vese vakamborarama panyika pano, hapana munhu akambodzidzisa achishandisa mifananidzo zvine unyanzvi sezvaiita Jesu. Nanhasi vanhu vachiri kuyeuka mifananidzo yake. Nei Jesu aishandisa mifananidzo yakawanda paaidzidzisa? Chii chaiita kuti mifananidzo yake inyatsoshanda? Tingatevedzera sei Jesu pakushandisa mifananidzo patinenge tichidzidzisa?

Nei Jesu Aishandisa Mifananidzo?

4, 5. Nei Jesu aishandisa mifananidzo?

4 Bhaibheri rinotipa zvikonzero zviviri zvinokosha zvaiita kuti Jesu ashandise mifananidzo. Chekutanga, aitozadzisa uprofita. Pana Mateu 13:34, 35, tinoverenga kuti: “Jesu akaudza vanhu zvinhu zvese izvi achishandisa mifananidzo. Aisambotaura navo asingashandisi mufananidzo, kuti azadzise zvakataurwa nekumuprofita uya akati: ‘Ndichashama muromo wangu ndichishandisa mifananidzo.’” Muprofita aitaurwa naMateu ndiye akanyora Pisarema 78:2. Akafemerwa kunyora mashoko iwayo pachiine makore akawanda Jesu asati aberekwa. Chimbofunga kuti izvi zvinorevei. Jehovha akanga agara atotaura pachiine makore akawanda kuti Mesiya aizodzidzisa achishandisa mifananidzo. Saka Jehovha anofanira kunge achikoshesa nzira iyi yekudzidzisa.

5 Chechipiri, Jesu akataura kuti mifananidzo yaaishandisa yaibatsira kuti zvinyatsobuda pachena kuti ndevapi vaiva ‘nemwoyo isingateereri.’ (Mateu 13:10-15; Isaya 6:9, 10) Chii chaiita kuti mifananidzo yake ibudise zvaiva mumwoyo yevanhu? Mimwe mifananidzo yaaishandisa yaitoda kuti munhu abvunze kuti yairevei. Vanhu vaizvininipisa vaimubvunza kuti vanzwisise zvaaireva, asi vanhu vaizvikudza vaisabvunza. (Mateu 13:36; Mako 4:34) Saka mifananidzo yaJesu yaiita kuti chokwadi chinyatsojeka kune vaya vaiva nemwoyo inozvininipisa, asi kune vaya vaizvikudza mifananidzo yake yaiita seiri kuvanza chokwadi.

6. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvaiita kuti Jesu ashandise mifananidzo?

6 Panewo zvimwe zvikonzero zvaiita kuti Jesu ashandise mifananidzo. Yaiita kuti vanhu vanakidzwe nezvaaidzidzisa, zvekuti vairamba vachimuteerera. Yaibatsira vanhu kuti vakwanise kufungidzira zvaaitaura mupfungwa dzavo, zvovabatsira kuti vanzwisise nyore nyore pfungwa dzakadzama. Sezvataona patangira chitsauko chino, mifananidzo yaJesu yaibatsira kuti vateereri vake vayeuke zvaaidzidzisa. Tinoona muenzaniso wekushandisa kwaiita Jesu mifananidzo muMharidzo Yepagomo iri pana Mateu 5:3–7:27. Mharidzo iyi yakazara nemifananidzo. Mumwe muongorori weBhaibheri akati mumharidzo iyi mune mifananidzo nezvimwewo zvirungamutauro zvinopfuura 50. Kuti unzwisise kuwanda kwakaita zvirungamutauro izvi, yeuka kuti unogona kuverenga mharidzo iyi yese ukaipedza mumaminitsi anenge 20. Saka izvi zvinoreva kuti pamasekondi 20 ega ega, Jesu aitaura chirungamutauro! Hapana mubvunzo kuti Jesu aiziva kuti mifananidzo ine simba!

7. Nei tichifanira kushandisa mifananidzo sezvaiita Jesu?

7 Sevateveri vaKristu, tinoda kutevedzera madzidzisiro aaiita, kusanganisira kushandisa kwaaiita mifananidzo. Sezvinoita munyu unoita kuti zvekudya zvinake, mifananidzo yakanaka inoita kuti zvatinodzidzisa zvifarirwe nevateereri vedu. Kana tikatanga tanyatsofunga mufananidzo wakakodzera wekushandisa, zvichava nyore kuti vanhu vabate chokwadi chinokosha chatinenge tichidzidzisa. Ngatimboongororai kuti chii chaiita kuti mifananidzo yake inyatsoshanda. Kana tikadaro zvichatiitira nyore kumutevedzera.

Aishandisa Mienzaniso Iri Nyore Kubata

Jesu akashandisa sei mufananidzo weshiri nemaruva kuti aratidze kuti Mwari anotichengeta?

8, 9. Jesu aishandisa sei mifananidzo, uye chii chaiita kuti mifananidzo iyoyo inyatsoshanda?

8 Jesu aiwanzoshandisa mienzaniso iri nyore kubata, yaingova nemashoko mashomanana chete. Asi mashoko mashomanana iwayo aiumba mifananidzo mupfungwa dzevateereri zvoita kuti vabve vanyatsojekerwa nechokwadi chinokosha. Paaidzidzisa vadzidzi vake kuti vasazvidya mwoyo pamusoro pezvinhu zvekurarama nazvo, Jesu akataura ‘nezveshiri dzekudenga’ uye “maruva emusango.” Shiri hadzidyari uye hadzikohwi, uyewo maruva haashandi kana kuruka. Asi Mwari anochengeta shiri idzodzo uye anopfekedza maruva iwayo. Chidzidzo chacho chiri pachena; kana Mwari achikoshesa shiri nemaruva, angatadza here kuchengeta vaya vanoramba vachitanga “kutsvaga Umambo.”—Mateu 6:26, 28-33.

9 Jesu aishandisawo imwe mhando yemifananidzo yainyatsojekesa pfungwa dzaaidzidzisa zvine simba. Mhando iyi yemufananidzo inotaura nezvemunhu achimiririrwa nechinhu chacho chaari kufananidzwa nacho. Mifananidzo iyi yaivawo mipfupi uye iri nyore kunzwisisa. Rimwe zuva Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Imi muri chiedza chenyika.” Vadzidzi vanofanira kunge vakabva vatobata chidzidzo chacho. Mabasa avo nemashoko avo, aizoita kuti chiedza chechokwadi chionekwe nevanhu vese, vokudza Mwari. (Mateu 5:14-16) Jesu akashandisawo mhando iyi yemifananidzo paakati: “Imi muri munyu wenyika” uye paakati, “Ndini muzambiringa; imi muri mapazi.” (Mateu 5:13; Johani 15:5) Mifananidzo iyi yaingova mashoko mashoma ari nyore kunzwisisa, asi ichinyatsoti dyo-o pamwoyo.

10. Ndeipi mimwe mienzaniso inoratidza mashandisiro aungaita mifananidzo paunenge uchidzidzisa?

10 Ungashandisa sei mifananidzo paunenge uchidzidzisa? Usazvinetsa hako nekufunga nyaya dzakareba uye dzakaoma kunzwisisa. Edza kutsvaga mifananidzo iri nyore. Ngatitii uri kutaura nezvenyaya yekumuka kwevakafa, uye unoda kubudisa pfungwa yekuti kumutsa vakafa hachisi chinhu chakaoma kuna Jehovha. Ungashandisa mufananidzo upi? Bhaibheri rinofananidza rufu nekurara. Unogona kuti, “Kumutsa munhu akafa chinhu chiri nyore kuna Mwari sekungomutsa munhu akarara.” (Johani 11:11-14) Ngatitii uri kuda kubudisa pfungwa yekuti vana vanoda kuratidzwa rudo kuti vakure zvakanaka. Ungashandisa mufananidzo upi? Bhaibheri rinoti vana vakaita “senhungirwa dzemuti wemuorivhi.” (Pisarema 128:3) Unogona kuti, “Miti inoda zuva nemvura kuti ikure zvakanaka, saka vana vanodawo kuratidzwa rudo kuti vakure zvakanaka.” Kana mufananidzo wako usina kuoma, zviri nyore kuti vateereri vako vaunzwisise.

Aishandisa Mienzaniso Yezvinhu Zvinogara Zvichiitwa Nevanhu

11. Taura mienzaniso inoratidza kuti Jesu aitora mifananidzo pazvinhu zvaaiona zvichiitwa nevanhu.

11 Jesu aiva nyanzvi yekushandisa mifananidzo yaaitora pakurarama kwevanhu. Mifananidzo yake yakawanda yairatidza mabasa aaiona vanhu vachiita zuva nezuva paaikura muGarireya. Chimbofunga nezvezvinhu zvaaiona zvichiitwa nevanhu achiri mudiki. Zuva nezuva aiona amai vake vachikuya, vachiisa mbiriso mumukanyiwa, vachibatidza rambi, uye vachitsvaira mumba. (Mateu 13:33; 24:41; Ruka 15:8) Nguva nenguva, aiona vabati vehove vachidzikisa mambure avo muGungwa reGarireya. (Mateu 13:47) Aigara achionawo vana vachitamba pamusika. (Mateu 11:16) Jesu akataurawo mifananidzo yaibva pane zvimwe zvinhu zvaaigara achiona mukurarama kwevanhu, zvakadai sekudyara mbeu, kuchata, uye kukohwa zvirimwa.—Mateu 13:3-8; 25:1-12; Mako 4:26-29.

12, 13. Nei Jesu akashandisa mugwagwa waibva ‘kuJerusarema uchidzika kuJeriko’ paaitaura mufananidzo wemuSamariya akanaka?

12 Mumifananidzo yake, Jesu aitaura zvinhu zvainyatsozivikanwa nevateereri vake. Izvi tinozviona pamufananidzo wemuSamariya akanaka. Akatanga achiti: “Mumwe murume akanga achibva kuJerusarema achidzika kuJeriko ndokusangana nemakororo, akamutorera zvipfeko zvake nezvinhu zvake, akamurova, akamusiya ava kuda kufa.” (Ruka 10:30) Cherechedza kuti Jesu akataura nezvemugwagwa waibva ‘kuJerusarema uchidzika kuJeriko.’ Paakataura mufananidzo uyu, Jesu aiva muJudhiya, atori pedyo neJerusarema; saka zviri pachena kuti vateereri vake vaiziva nezvemugwagwa wacho. Mugwagwa iwoyo waizivikanwa kuti unotyisa, kunyanya kana munhu achifamba ari ega. Waimonereka uchipfuura nemunzvimbo isingagari vanhu ine mawere, zvichiita kuti makororo awane nzvimbo dzakawanda dzekuhwanda.

13 Jesu akataurawo zvimwe zvinhu zvaizivikanwa nezvemugwagwa waibva ‘kuJerusarema uchidzika kuJeriko.’ Mumufananidzo wacho Jesu akataura kuti pane mupristi aifamba nemugwagwa uyu akaona munhu akanga akuvadzwa achibva amunyenyeredza, kukazouyawo muRevhi, asi naiyewo haana kumubatsira. (Ruka 10:31, 32) Vapristi vaishumira patemberi muJerusarema, uye vaRevhi vaishandawo ipapo vachivabatsira. Vapristi nevaRevhi vakawanda vaigara muJeriko; guta raingova makiromita 23 chete kubva kuJerusarema, saka vaigara vachishandisa mugwagwa wacho. Cherechedza kuti Jesu akati munhu uyu aifamba “achibva kuJerusarema achidzika kuJeriko,” kwete kukwidza. Zvaakataura izvi zvaiva nemusoro nekuti Jerusarema raiva rakavakirwa panzvimbo yakakwirira kupfuura Jeriko. Saka munhu anenge achifamba “achibva kuJerusarema,” zvechokwadiwo aizenge “achidzika.” b Zviri pachena kuti Jesu aitanga afunga zvaizivikanwa nevateereri vake.

14. Tingaratidza sei kuti tiri kufunga nezvevateereri vedu patinenge tichitsvaga mifananidzo yekushandisa?

14 Isuwo tinofanira kuramba tichifunga nezvevateereri vedu patinenge tichitsvaga mifananidzo yekushandisa. Zvinhu zvipi zvatinofanira kutanga tafunga nezvazvo tisati tasarudza mufananidzo wekushandisa? Tinofanira kufunga nezvezera remunhu watiri kutaura naye, tsika dzake, kwaanobva uye kuti anoita basa rei, nezvimwewo zvakadaro. Ngatitii unoda kushandisa mufananidzo une chekuita nekurima. Mufananidzo iwoyo unonyanya kunzwisiswa nevanhu vanogara munharaunda dzinoitwa zvekurima kwete vanogara mumaguta makuru. Tinogona kuwana mifananidzo yakawanda inoenderana nevateereri kana tikafunga nezvezvinhu zvavanogara vachiita zuva nezuva, dzimba dzavanogara, mhuri dzavo, zvekudya uye mitambo yavanofarira.

Aishandisa Mienzaniso Yezvinhu Zvakasikwa

15. Nei Jesu aiva neruzivo nezvinhu zvakawanda zvakasikwa?

15 Mifananidzo yakawanda yakashandiswa naJesu inoratidza kuti ane ruzivo nezvinhu zvakawanda zvakasikwa, kusanganisira miti nemaruva, mhuka, uye mamiriro ekunze. (Mateu 16:2, 3; Ruka 12:24, 27) Akawanepi ruzivo rwese irworwo? Anofanira kunge aiva nemikana yakawanda yekuona zvinhu zvakasikwa paaikura ari muGarireya. Asi tinofanira kuyeuka kuti Jesu ndiye “dangwe rezvisikwa zvese,” uye kuti ndiye akashandiswa naJehovha ‘semhizha’ pakusika zvinhu zvese. (VaKorose 1:15, 16; Zvirevo 8:30, 31) Saka Jesu haaizombotadza kuva neruzivo nezvinhu zvakasikwa. Ngationei kuti akashandisa sei ruzivo irworwo neunyanzvi.

16, 17. (a) Chii chinoratidza kuti Jesu ainyatsoziva zvinoitwa nemakwai? (b) Taura muenzaniso unoratidza kuti makwai anonyatsoteerera inzwi remufudzi wawo.

16 Yeuka kuti Jesu akati ndiye “mufudzi akanaka” uye vateveri vake akavati “makwai.” Mashoko aJesu anoratidza kuti ainyatsoziva zvinoitwa nemakwai. Aiziva kuwirirana kunoita mufudzi nemakwai ake. Akacherechedza kuti makwai anovimba nemufudzi wawo, anoda kutungamirirwa naye, uye anoramba achimutevera. Chii chinoita kuti makwai atevere mufudzi wawo? Jesu akati: “Nekuti anoziva inzwi rake.” (Johani 10:2-4, 11) Ichokwadi here kuti makwai anoziva inzwi remufudzi wawo?

17 Pane mumwe murume anonzi, George A. Smith akambowana mukana wekuona zvinoitwa nemakwai. Mubhuku rake rinonzi The Historical Geography of the Holy Land, akanyora kuti: “Dzimwe nguva pataiva muJudhiya, masikati taienda kunozorora pedyo nematsime uye kwaigona kuuya vafudzi vatatu kana vana vaine makwai avo. Makwai acho aibva avhengana, uye taishaya kuti vafudzi vachazoaparadzanisa sei. Asi pashure pekunge makwai acho apedza kunwa mvura uye ambotamba ese, mufudzi mumwe nemumwe aibva anomira pake ega mubani racho, uye mumwe nemumwe aiva nemadaidziro aaiita; makwai aibva atanga kuparadzana achienda akarongeka kumufudzi wawo.” Saka zvakanga zvakanyatsokodzera kuti Jesu ashandise mufananidzo uyu wainyatsobudisa chidzidzo chacho. Kana tichiziva inzwi remufudzi, tichiteerera zvaanotidzidzisa, uye tichibvuma kutungamirirwa naye, “mufudzi akanaka” achatichengeta.

18. Tingawana kupi mashoko ane chekuita nezvinhu zvakasikwa naJehovha?

18 Tingaita sei kuti tikwanise kushandisa mifananidzo yezvinhu zvakasikwa? Tinogona kutora zvinoitwa nemhuka tozvishandisa kugadzira mufananidzo uri nyore kunzwisisa. Tingawana kupi mashoko ane chekuita nezvinhu zvakasikwa naJehovha? Bhaibheri rakazara nemavhesi anotaura nezvemhuka dzakasiyana-siyana, uye pamwe pacho rinoshandisa zvinoitwa nemhuka kufananidzira zvimwe zvinhu. Bhaibheri rinotaura nezvekumhanya semhara kana kuti sembada, kuchenjera senyoka, uye kusava nemhosva senjiva. c (1 Makoronike 12:8; Habhakuki 1:8; Mateu 10:16) Tinogonawo kuwana mamwe mashoko ane chekuita nezvinhu zvakasikwa muNharireyomurindi neMukai! uye mumavhidhiyo nenyaya dzinogara dzichibuda pajw.org pachikamu chakanzi “Zvakangoitika Zvega Here?” Unogona kudzidza zvakawanda nezvekuti sangano rinoshandisa sei zvinoitwa nemhuka semifananidzo paunenge uchiverenga uye kuona mavhidhiyo aya.

Aishandisa Nyaya Chaidzo Dzakatoitika

19, 20. (a) Jesu akashandisa sei nyaya yakaitika kufumura dzidziso dzenhema? (b) Tingashandisa sei nyaya dzezvinhu zvakatoitika patinenge tichidzidzisa?

19 Zvinhu zvakaitika muupenyu hwevanhu zvinogona kushanda semifananidzo. Rimwe zuva, Jesu akashandisa nyaya yakanga ichangobva kuitika kuratidza kuti vanhu vese vanogona kungowirwa nenjodzi. Akati: “Vanhu vaya 18 vakawirwa neshongwe yeSiroami, ikavauraya, munofunga kuti vaiva nemhosva yakakura kupfuura vamwe vanhu vese vanogara muJerusarema here?” (Ruka 13:4) Kufa kwakaita vanhu 18 ava kwakanga kusiri kurangwa naMwari. Vakangosanganawo “nezvinhu zvavasingatarisiri panguva yavasingafungiri.” (Muparidzi 9:11) Saka Jesu akashandisa nyaya yakaitika kuratidza kuti dzidziso yekuti Mwari anoshandisa njodzi dzinongoitika dzega kuranga vanhu ndeyenhema.

20 Tingashandisawo sei nyaya dzezvinhu zvakatoitika patinenge tichidzidzisa? Ngatitii uri kudzidzisa nezvekuzadzika kweuprofita hune chekuita nechiratidzo chekuvapo kwaKristu. (Mateu 24:3-14) Unogona kutaura nyaya ichangobva kubuda munhau yakadai sehondo dziri kurwiwa, nzara, kana kudengenyeka kwenyika kuti uratidze kuti chiratidzo chacho chiri kutozadzika. Kana kuti zvichida uri kudzidzisa nezvematanho anofanira kutorwa nemunhu kuti apfeke unhu hutsva. (VaEfeso 4:20-24) Ungawana kupi nyaya inoratidza kuti zvinoita kuti munhu achinje unhu hwake? Unogona kushandisa muenzaniso wevanhu vaunonamata navo vakachinja unhu hwavo kuti vazova vaKristu, kana kuti unogona kutsvaga nyaya dzakadaro mumabhuku edu. Unogonawo kuwana nyaya idzi pachikamu chiri pajw.org chakanzi “Bhaibheri Rinochinja Upenyu.”

21. Tinowana mibayiro ipi kana tikaita basa rekudzidzisa neunyanzvi?

21 Chokwadi Jesu aiva mudzidzisi ane unyanzvi! Sezvatakadzidza muchikamu chino, basa guru raiitwa naJesu raiva ‘rekudzidzisa nekuparidza mashoko akanaka.’ (Mateu 4:23) Iri ndiro basa reduwo. Kana tikaita basa iri neunyanzvi tinowana mubayiro wakakura. Patinenge tichidzidzisa, tinenge tichitopa vanhu chipo chinokosha, uye kupa ikoko kunoita kuti tifare. (Mabasa 20:35) Mufaro iwoyo unobva pakuziva kuti tinenge tichidzidzisa vanhu chokwadi nezvaJehovha, icho chichaita kuti vawane makomborero nekusingaperi. Tinofara chaizvo uye tinonzwa kugadzikana mumwoyo nekungoziva kuti tiri kutevedzera zvakaitwa naJesu, Mudzidzisi mukuru asina mumwe anomupfuura pavanhu vese vakamborarama panyika.

a Evhangeri yaMateu ndiyo inofanira kunge iri iyo nhoroondo yekutanga yakafemerwa yeupenyu hwaJesu paaiva pasi pano; yakanyorwa anenge makore 8 Jesu afa.

b Jesu akataurawo kuti mupristi nemuRevhi vakanga ‘vachibva kuJerusarema,’ kuratidza kuti vakanga vachitobva kutemberi. Saka vaisakwanisa kupa chikonzero chekuti vakatadza kubatsira murume wacho uyo aiita kunge atofa, nekuti vaitya kuzvisvibisa izvo zvaizoita kuti vange vasina kukodzera kushanda patemberi kwemazuva akati kuti.—Revhitiko 21:1; Numeri 19:16.

c Kuti uwane mashoko akawanda nezvekushandisa kunoita Bhaibheri zvinoitwa nemhuka semifananidzo, ona bhuku rinonzi Insight on the Scriptures, Volume 1, 270-271, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.