Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 8

“Nekuti Ndizvo Zvandakatumwa Kuzoita”

“Nekuti Ndizvo Zvandakatumwa Kuzoita”

1-4. (a) Jesu akaratidza unyanzvi hupi paaitaura nemukadzi wechiSamariya, uye chii chakazoitika paakamuparidzira? (b) Vaapostora vake vanofungei pavanoona Jesu achiparidzira mukadzi uyu?

 JESU nevaapostora vake vari kufamba vachibva kuJudhiya vakananga kuGarireya iri nechekuchamhembe. Kunyange zvazvo vari kushandisa nzira yekudimburira inopfuura nemuSamariya, rwendo rwacho ruchavatorera mazuva matatu. Vanga vachifamba kubva mangwanani, uye iye zvino zuva rava kutorova panhongonya. Vanosvika mune rimwe guta diki rinonzi Sikari, uye vanombomira vachizorora.

2 Vaapostora vanoenda kunotenga zvekudya, uye Jesu anosara akazorora pane rimwe tsime riri kunze kweguta racho. Mumwe mukadzi anobva auya kuzochera mvura. Jesu anogona kusarudza kusatombomutaudza “nekuneta kwaakanga aita nerwendo.” (Johani 4:6) Anogona kungotsinzinya oita seakotsira kusvikira mukadzi wacho aenda. Sezvatakaona muChitsauko 4 chebhuku rino, mukadzi uyu anogona kunge akatofungawo kuti muJudha uyu akagara patsime haasi kuzomutaudza sezvinongoitwa nevamwe vaJudha vese. Asi Jesu anobva atanga kutaura naye.

3 Anotanga nekutaura mufananidzo wezviri kutoitwa nemukadzi wacho panguva iyoyo. Auya kuzochera mvura, uye Jesu anobva ataura nezvemvura inopa upenyu ichapedza nyota yake yekuziva Mwari. Asi mukadzi wacho anotanga kubvunza nyaya dzinogona kumutsa nharo. a Jesu anopindura neunyanzvi achiita kuti mibvunzo iyoyo isavhiringidza nyaya inokosha yaatanga. Mashoko ake anoramba akanangana naJehovha Mwari uye kunamata kwakachena. Zvaanotaura zvinobatsira vanhu vakawanda nekuti mukadzi wacho anoenda kunoudza varume vemuguta racho zvese zvaaudzwa, uye naivowo vanouya kuzoteerera Jesu.—Johani 4:3-42.

4 Pavanodzoka, vaapostora vanofungei pavanoona Jesu achiparidzira mukadzi uyu? Pane kuti vafare, vadzidzi vanoshamisika kuti Jesu ari kutotaura nemukadzi iyeye, uye zvinoratidza sekuti ivo havana kana kutombotaura naye. Mukadzi wacho paanoenda, vanoramba vachiudza Jesu kuti adye zvekudya zvavauya nazvo. Asi Jesu anovapindura kuti: “Ndine zvekudya zvamusingazivi.” Mashoko acho anovavhiringidza, uye vanotanga kutofunga kuti ane zvekudya chaizvo zvaainazvo. Jesu akabva ati kwavari: “Zvekudya zvangu ndiko kuita kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.” (Johani 4:32, 34) Saka Jesu ari kutovadzidzisa kuti basa rake rinokosha kutopfuura kudya. Anoda kuti varionewo saizvozvo. Ibasa ripi iroro?

5. Ibasa ripi rainyanya kukosha kuna Jesu, uye tichakurukurei muchitsauko chino?

5 Jesu akamboti: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari . . . , nekuti ndizvo zvandakatumwa kuzoita.” (Ruka 4:43) Jesu akatumwa kuzoparidza nekudzidzisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. b Vateveri vaJesu mazuva ano vanoitawo basa iroro. Saka zvinokosha kuti tiongorore kuti nei Jesu aiita basa rekuparidza, kuti aiparidza nezvei, uye kuti aiona sei basa iroro.

Nei Jesu Aiita Basa Rekuparidza?

6, 7. Jesu aida kuti “murayiridzi mumwe nemumwe” anzwe sei nezvekuudza vamwe mashoko akanaka? Taura muenzaniso.

6 Ngatikurukurei kuti Jesu ainzwa sei nezvechokwadi chaaidzidzisa, tobva tazokurukura kuti aiona sei vanhu vaaidzidzisa. Jesu akashandisa mufananidzo kuti anyatsojekesa kuti ainzwa sei nezvekuudza vamwe chokwadi chaakanga adzidziswa naJehovha. Akati: “Murayiridzi mumwe nemumwe, paanodzidziswa nezveUmambo hwekudenga, akafanana nemunhu, tenzi wemba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvitsaru mudura rake repfuma.” (Mateu 13:52) Muridzi wemba wemumufananidzo uyu anobudisirei zvinhu mudura rake repfuma?

7 Chinangwa chake hachisi chekushamisira nepfuma yake sezvakaitwa naHezekiya zvikaita kuti atsamwirwe naJehovha. (2 Madzimambo 20:13-20) Saka chinangwa chake ndechei? Ngatitii washanyira mudzidzisi waunofarira kumba kwake. Pamunenge muchikurukura nezveupenyu, anokubudisira tsamba mbiri, imwe yacho inoratidza kuti ndeyekare, asi imwe yacho inoratidza kuti achangobva kuitambira. Tsamba dzacho dzakabva kuna baba vake, imwe yacho vakamunyorera kare kare achiri mujaya, asi imwe yacho munguva pfupi yapfuura. Chiso chake chinozara nemufaro paanenge achikuudza kuti tsamba idzodzo dzakamukoshera zvakadini. Anokuudza kuti mashoko ari mutsamba idzodzo akachinja sei upenyu hwake uye kuti anogona kutokubatsirawo. Unonyatsoona kuti tsamba idzodzo ipfuma chaiyo kumudzidzisi wako, uye kuti mazano arimo ari pamwoyo pake. (Ruka 6:45) Anokuverengera tsamba dzacho, kwete kuti akudadire, asi chinangwa chake ndechekuti akubatsire uye kuti akuratidze kuti mazano acho anokosha zvakadini.

8. Nei tingati tine chikonzero chakanaka chekuda pfuma yatakadzidza muShoko raMwari?

8 Ndicho chaivawo chinangwa chaJesu, Mudzidzisi Mukuru, paaiudza vamwe chokwadi cheShoko raMwari. Kwaari, chokwadi ichocho chaiva chinhu chisingakwanisi kutengwa nemari, chaiva pfuma inokosha zvikuru. Chaiva pamwoyo pake, uye aida kuudza vamwe chokwadi ichocho. Aida kuti “murayiridzi mumwe nemumwe,” kureva vateveri vake vese, vave nemaonero iwayo. Ndiwo maonero aunoita chokwadi here? Zvechokwadi tine chikonzero chakanaka chinoita kuti tide chokwadi chimwe nechimwe chatinodzidza muShoko raMwari. Tinokoshesa chaizvo chokwadi chese chatakadzidza, dzingava dzidziso dzatagara tichitenda kare kana dziya dzichangobva kugadziridzwa nekuwedzera kujeka kuri kuita chiedza chechokwadi. Kana tikaramba tichida chokwadi ichocho, uye tichitaura nezvacho nechido sezvaiita Jesu, tichabatsira vamwe vakawanda kuti vatangewo kuchikoshesa.

9. (a) Jesu aiona sei vanhu vaaidzidzisa? (b) Tingatevedzera sei maonero aaiita vanhu?

9 Ko Jesu aiona sei vanhu vaaidzidzisa? Aivada, sezvatichakurukura muChikamu 3. Uprofita hwakanga hwataura kuti Mesiya ‘aizonzwira tsitsi munhu akaderera uye murombo.’ (Pisarema 72:13) Ndizvo chaizvo zvaiitwa naJesu; aiva nehanya nevanhu. Aifunga nezvemaonero avaiita zvinhu, uye ainzwisisa chaiita kuti vave zvavari; aiva nehanya nekutambudzika kwavo uye ainzwisisa zvinhu zvavaisangana nazvo zvaivatadzisa kugamuchira chokwadi. (Mateu 11:28; 16:13; 23:13, 15) Ngatimbofungai zvakare nezvemukadzi uya wechiSamariya. Anofanira kunge akashamiswa chaizvo kuti Jesu aiva nehanya nezvaiitika muupenyu hwake. Jesu paakataura nezvazvo, zvakaita kuti mukadzi wacho atende kuti aiva muprofita zvekuti akabva aenda kunoudza vamwe nezvake. (Johani 4:16-19, 39) Asi isu hatikwanisi kuona zviri mumwoyo mevanhu vatinoparidzira. Kunyange zvakadaro, tinogona kuratidzawo kuti tinoda vanhu sezvaiita Jesu; tinogona kuratidza kuti tine hanya navo; uye tinogona kuita kuti mashoko edu aenderane nezvinhu zvavanofarira, matambudziko avari kusangana nawo, kana kuti zvinhu zvavanokoshesa muupenyu.

Jesu Aiparidza Nezvei?

10, 11. (a) Jesu aiparidza nezvei? (b) Chii chakazoita kuti padiwe Umambo hwaMwari?

10 Jesu aiparidza nezvei? Kudai waizoedza kutsvaga mhinduro yacho padzidziso dzemachechi akawanda anozviti anomumiririra, waigona kutofunga kuti aiparidza nezvekuvandudzwa kwemagariro evanhu. Kana kuti zvimwe ungafunga kuti aida kuchinja hurumende yaivapo kana kuti ainyanya kusimbisa kuti chinhu chinonyanya kukosha ndechekuti iwe wapona here. Asi sezvambotaurwa, Jesu akanyatsojekesa kuti aiparidza nezvei achiti: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.” Zvinhu zvipi zvaibatanidzwa pakuparidza nezveUmambo hwaMwari?

11 Yeuka kuti Jesu aivako kudenga Satani paakasvibisa zita dzvene raJehovha achiti matongero ake haana kururama. Chimbofunga kuti Jesu airwadziwa zvakadini paaiona Baba vake vakarurama vachipomerwa zvenhema, kuti vaiva Mutongi asina kururama, asingape vanhu zvinhu zvakavanakira! Fungawo kuti akarwadziwa zvakadini vanhu vaviri vekutanga, Adhamu naEvha, pavakabvuma nhema dzaSatani, apa vari ivo vakanga vapiwa ropafadzo yekuti vabereke vazadze nyika! Zvaiva pachena kuMwanakomana kuti kupanduka ikoko kwaizoita kuti vanhu vese zvavo vave nechivi uye vafe. (VaRoma 5:12) Saka kuziva kuti Baba vake vaizogadzirisa zvinhu rimwe zuva kunofanira kunge kwakaita kuti mwoyo wake unyevenuke!

12, 13. Umambo hwaMwari huchagadzirisa nyaya ipi inokosha, uye Jesu akaratidza sei kuti Umambo hwaMwari ndiro shoko guru raaiparidza?

12 Pazvinhu zvese zvakakonzerwa nekupanduka, ndeipi nyaya inokosha kupfuura dzimwe yaifanira kugadziriswa? Zita dzvene raJehovha raifanira kutsveneswa, kureva kuti raifanira kucheneswa panhema dzese dzakatutirwa pariri naSatani nevese vaimutsigira. Sezvo zita raMwari richisanganisira kuti mutongi akaita sei, zvinoreva kuti utongi hwake hwaifanira kuratidzwawo kuti ndihwo hwakanakira vanhu vese. Hapana munhu ainzwisisa nyaya iyi inokosha kupfuura Jesu. Paakadzidzisa vateveri vake kunyengetera, akavaudza kuti vatange nekukumbira kuti zita raBaba vake ritsveneswe, vozokumbira kuti Umambo hwaBaba vake huuye, uye kuti kuda kwavo kuitwe panyika. (Mateu 6:9, 10) Munguva pfupi iri kutevera, Umambo hwaMwari, huchitungamirirwa naJesu Kristu, huchabvisa utongi hwakaipa hwaSatani panyika pano hwonyatsoratidza kuti kubvira kare nakare uye kusvika nariini nariini, Jehovha ndiye mutongi akanakisisa.—Dhanieri 2:44.

13 Umambo ihwohwo ndihwo nyaya huru yaiparidzwa naJesu. Zvese zvaakataura uye zvaakaita zvakabatsira kunyatsoratidza kuti chii chinombonzi Umambo hwaMwari uye kuti huchazadzisa sei chinangwa chaJehovha. Jesu haana kumborega chero chii zvacho chichimutsausa pabasa rake rekuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Panguva yaakararama, paiva nenyaya dzakawanda dzaitsviriridza dzemagariro evanhu, uye kusabatwa zvakanaka kwevanhu, asi iye akaramba akaisa pfungwa dzake pamashoko eUmambo uye pakuzivisa vamwe nezvawo. Saka zvinoreva here kuti Jesu aisafunga zviri kuitika muupenyu hwevamwe uye kuti aingodzokorora-dzokorora zvinhu zvimwe chetezvo paaiparidza? Kwete, handizvo zvazvinoreva.

14, 15. (a) Jesu akaratidza sei kuti ‘aipfuura Soromoni’ nekure? (b) Tingatevedzera sei Jesu patinenge tichiparidza?

14 Sezvatichaona muchikamu chino, Jesu aidzidzisa zvinonakidza uye achishandisa nzira dzakasiyana-siyana. Madzidzisiro ake aibata mwoyo yevanhu. Izvi zvinoita kuti tifunge nezvamambo akanga akachenjera, Soromoni; akatsvaga mashoko anofadza, mashoko akarurama echokwadi, kuti abudise pfungwa dzaakafemerwa naJehovha kuti anyore. (Muparidzi 12:10) Jehovha akapa murume iyeye akanga akangoitawo sesu “mwoyo unoziva,” zvekuti akakwanisa kutaura nezvezvinhu zvakawanda, kubvira kushiri, hove, miti, kunyange mhuka dzesango. Vanhu vaibva kunzvimbo dziri kure chaizvo kuti vazonzwa Soromoni achitaura. (1 Madzimambo 4:29-34) Asi Jesu ‘aitopfuura Soromoni.’ (Mateu 12:42) Aiva ‘nemwoyo unoziva’ kana kuti uchenjeri hwaipfuura hwaSoromoni nekure. Saka paaidzidzisa, Jesu aishandisa ruzivo rwake rweShoko raMwari uye zvaaiziva nezveshiri, mhuka, hove, zvekurima, mamiriro ekunze, zvaiitika munharaunda panguva iyoyo, nhoroondo dzezvakaitika kare, uye matambudziko aisangana nevanhu. Asi matauriro aJesu akanga asiri ekuratidza vanhu kuti anoziva kupfuura vamwe kana kushamisira. Aitaura zvinhu zvakajeka uye zviri nyore kunzwisisa. Regai vanhu vazofadzwa chaizvo nekumunzwa achitaura!—Mako 12:37; Ruka 19:48.

15 Isuwo tinoedza kutevedzera zvaiitwa naJesu. Hatina hedu uchenjeri neruzivo serwaiva naJesu, asi tese tinewo zvatinoziva kana zvakaitika kwatiri zvatinogona kushandisa patinoudza vamwe chokwadi cheShoko raMwari. Vabereki vanogona kushandisa ruzivo rwavo rwavakawana pakurera vana kuti vatsanangure kuda kunoita Jehovha vana vake. Vamwe vanogona kushandisa mienzaniso kana kuti mifananidzo yezvinoitika kubasa, kuchikoro, munharaunda, kana zvimwe zvavanoziva nezvemararamiro evanhu. Asiwo tinongwarira kuti nyaya idzodzo dzisazovhiringidza shoko redu guru ratinoparidza, mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.—1 Timoti 4:16.

Jesu Aiona Sei Ushumiri Hwake?

16, 17. (a) Jesu aiona sei ushumiri hwake? (b) Jesu akaratidza sei kuti ushumiri hwake ndihwo hwaiva panzvimbo yekutanga muupenyu hwake?

16 Jesu aiona ushumiri hwake sepfuma inokosha. Aida chaizvo kubatsira vanhu kuti vazive chokwadi nezvaBaba vake vekudenga, uye kuti vasavhiringidzwa nedzidziso netsika dzevanhu izvo zvaiita kuti vanhu vaone Mwari zvisiri izvo. Jesu aidawo kubatsira vanhu kuti vave shamwari dzaJehovha uye kuti vave netariro yeupenyu husingaperi. Mwoyo wake waifara chaizvo paaiudza vanhu mashoko akanaka aivapa mufaro uye ainyaradza. Akaratidza sei kuti ndiwo maonero aaiita ushumiri hwake? Ngatimboonai zvinhu zvitatu zvaakaita.

17 Chekutanga, Jesu akaisa ushumiri panzvimbo yekutanga muupenyu hwake. Kuparidza nezveUmambo ndiro basa raiva pamwoyo pake; airikoshesa, uye raiita kuti afare. Ndokusaka Jesu akararama upenyu husina zvakawanda, sezvatakaona muChitsauko 5. Zvaaidzidzisa ndizvo zvaaiita; airamba akaisa pfungwa dzake pazvinhu zvinokosha. Akanga asina zvinhu zvakawanda zvaaizofanira kubhadhara, kugadzirisa uye kuchengetedza. Izvi zvakaita kuti aite ushumiri hwake pasina chinomuvhiringidza.—Mateu 6:22; 8:20.

18. Jesu akaratidza sei kuti aishanda nesimba muushumiri hwake?

18 Chechipiri, Jesu aishanda nesimba muushumiri. Akazvipira kushandisa simba rake pabasa iroro, achifamba achitenderera Parestina yese, achiudza vanhu mashoko akanaka. Aidzidzisa paimba neimba, munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda, mumisika, uye chero kwaaiwana vanhu. Aizvipira kudzidzisa panguva yaaida kuzorora, aine nzara, aine nyota, kana panguva yaaimboda kuva pake ega nevadzidzi vake. Kunyange paakanga achirwadziwa ari padanda rekutambudzirwa, akaramba achiudza vamwe mashoko akanaka eUmambo hwaMwari!—Ruka 23:39-43.

19, 20. Jesu akashandisa muenzaniso upi kuti aratidze kuti basa rekuparidza rinofanira kukurumidza kuitwa?

19 Chechitatu, Jesu aiona ushumiri sebasa rinofanira kukurumidza kuitwa. Ngatimbodzokerai zvakare panyaya yekukurukura kwakaita Jesu nemukadzi wechiSamariya patsime. Zvinoita sekuti vadzidzi vaJesu havana kuona kuuya kwemukadzi uyu semukana waikosha wekutoparidza mashoko akanaka. Jesu akati kwavari: “Handiti munoti kwasara mwedzi mina kuti kukohwa kusvike? Onai! Ndinoti kwamuri: Simudzai maziso enyu muone kuti minda yachenera kukohwa.”—Johani 4:35.

20 Jesu akataura mufananidzo iwoyo nekuti waienderana nenguva yacho yegore. Panguva iyoyo zvinoratidza sekuti waiva mwedzi waKisrevhi (November/December). Pakanga pachiine mwedzi mina kuti nguva yekukohwa bhari isvike, nekuti yaikohwewa mumwaka wePaseka, iyo yaiitwa musi waNisani 14. Saka varimi vaiziva kuti nguva yekukohwa yakanga isati yasvika. Pakanga pachiine nguva yakawanda. Ko zvakadini nebasa rekukohwa vanhu? Iri ndiro basa raitofanira kukurumidza kuitwa, nekuti vanhu vakawanda vaida chaizvo kunzwa uye kudzidza mashoko akanaka vova vadzidzi vaKristu vaine tariro inoshamisa yekuwana makomborero akavimbiswa naJehovha. Zvaiita sekuti Jesu paaitarisa vanhu, aiona minda yachenera kukohwa, achiona madzinde akaremerwa nezviyo achizununguswa nemhepo, zvichiratidza kuti nguva yekukohwa yasvika. c Pakanga pasina chekumirira; vaifanira kubva vatotanga kukohwa, voita basa racho nekukurumidza! Ndokusaka pane imwe nguva vanhu vaigara mune rimwe guta pavakaedza kunyengetedza Jesu kuti asavasiye, akavaudza kuti: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari mune mamwe maguta, nekuti ndizvo zvandakatumwa kuzoita.”—Ruka 4:43.

21. Tingatevedzera sei Jesu?

21 Tinogonawo kutevedzera zvinhu zvitatu izvi zvakaitwa naJesu. Tinogona kuita kuti ushumiri huve panzvimbo yekutanga muupenyu hwedu. Pasinei nekuti tine mhuri uye kuti tinofanira kushanda kuti tidziriritire, tinogona kuratidza kuti ushumiri ndihwo huri pekutanga muupenyu hwedu kana tikagara tichishingaira pabasa rekuparidza nguva dzese, sezvaiitwa naJesu. (Mateu 6:33; 1 Timoti 5:8) Tinogona kuzvipira kushandisa nguva yedu, simba, kunyange pfuma yedu, tichitsigira basa iri. (Ruka 13:24) Uyewo hatifaniri kukanganwa kuti tinofanira kuita basa iri tichikurumidza. (2 Timoti 4:2) Tinofanira kushandisa mikana yese yatinowana kuti tiparidze mashoko eUmambo!

22. Tichakurukurei muchitsauko chinotevera?

22 Jesu akaratidzawo kuti aikoshesa ushumiri hwake nekuva nechokwadi chekuti basa racho raizoenderera mberi pashure perufu rwake. Akarayira vateveri vake kuti varambe vachiita basa rekuparidza nekudzidzisa. Tichakurukura nezvemurayiro iwoyo muchitsauko chinotevera.

a Paanobvunza Jesu kuti nei ari kutaura nemuSamariya iye ari muJudha, anenge achitotanga nyaya yava nemakore nemakore yekuvengana kwemarudzi maviri aya. (Johani 4:9) Anotaurawo kuti vanhu verudzi rwake vakabva kuna Jakobho; asi vaJudha vepanguva iyoyo vakanga vasingatombobvumirani nazvo. (Johani 4:12) Vanoshevedza vaSamariya nezita rekuti vaKuta kuti varatidze kuti havana kubva kuna Jakobho asi kuvanhu verumwe rudzi.

b Shoko rekuti kuparidza rinoreva kutaura kana kuzivisa mashoko. Kuparidza kwakada kufanana nekudzidzisa, asi kana munhu ava kudzidzisa anenge ava kuwedzera kunyatsotsanangura nyaya yacho. Mudzidzisi akanaka anodzidzisa nenzira inobata-bata mwoyo wemudzidzi zvekuti anosara aine chido chekushandisa zvaari kudzidza.

c Rimwe bhuku rinotsanangura vhesi iyi richiti: “Kana zvirimwa zvaibva zvinochinja kubva paruvara rwegirini zvoita ruvara rweyero, kana kuti ruvara rwakachenuruka, zvichiratidza kuti zvinogona hazvo kuchikohwewa.”