Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 10

“Zvakanyorwa Kuti”

“Zvakanyorwa Kuti”

“Nhasi rugwaro . . . urwu rwazadziswa”

1-3. Jesu ari kuda kuti vanhu vemuNazareta vazive chokwadi chipi, uye anoshandisa chii kuti vazive chokwadi ichocho?

 JESU achangobva kutanga ushumiri hwake. Adzokera kuNazareta kwaakakurira, nechinangwa chekubatsira vanhu kuti vazive chimwe chinhu chinokosha nezvake. Anoda kuti vazive kuti ndiye Mesiya akanga agara ataurwa kuti aizouya! Achashandisa chii kuti avabatsire kuona kuti zvechokwadi ndiye Mesiya?

2 Vakawanda vari kutarisira kuti achaita chishamiso. Vakanzwa nezvezvinhu zvinoshamisa zvakaitwa naJesu. Asi hapana chishamiso chaanoita. Anoenda kusinagogi sezvaagara achiita. Anosimuka kuti averenge, uye anotambidzwa gwaro remuprofita Isaya. Gwaro racho rakareba, saka Jesu anoramba achirimononora kusvika awana mashoko aari kuda. Anobva averenga mashoko ari pana Isaya 61:1-3 vanhu vese vachinzwa.—Ruka 4:16-19.

3 Vanhu vari musinagogi vagara vachitoziva mashoko acho. Vanoziva kuti mashoko aya uprofita hunotaura nezvaMesiya. Vese vanoramba vakanyatsomutarisa, vakati zii. Zvichida Jesu anobva atsanangura rugwaro rwacho muudzame, achitanga nemashoko ekuti: “Nhasi rugwaro rwamuchangobva kunzwa urwu rwazadziswa.” Tsanangudzo yake inovakanga mate mukanwa, asi vakawanda havasati vagutsikana; vachiri kutoda kuti aite chishamiso. Pane kuti aite zvavari kuda, Jesu anoratidza ushingi ofumura pachena kuti havana kutenda achishandisa zvakaitika kune vamwe vanotaurwa muMagwaro. Vanhu vemuNazareta vanoshatirwa zvekuti vava kutoda kumuuraya!—Ruka 4:20-30.

4. Jesu akatisiyira muenzaniso upi paaiita ushumiri hwake, uye tichakurukurei muchitsauko chino?

4 Zvakaitwa naJesu musi uyu ndizvo zvaakazoramba achiita muushumiri hwake hwese. Shoko raMwari rakafemerwa ndiro raiva musimboti wezvese zvaaitaura uye zvaaidzidzisa. Ichokwadi kuti zvishamiso zvaakaita zvakabatsira pakuratidza kuti mweya waMwari waiva paari. Asi Shoko raMwari ndiro raainyanya kukoshesa. Ngatimboongororai muenzaniso waakatisiyira panyaya iyi. Tichakurukura zvaiitwa naTenzi wedu paaitora mashoko muMagwaro Matsvene, paairwira Shoko raMwari pakushandiswa kwaraiitwa zvisina kururama, uye paairitsanangura.

Kutora Mashoko muMagwaro Matsvene

5. Jesu aida kuti vanhu vazivei nezvemashoko aaidzidzisa, uye akaratidza sei kuti zvaaidzidzisa zvaisangobva mupfungwa dzake?

5 Jesu aida kuti vanhu vazive kwaaiwana zvaaidzidzisa. Akati: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma.” (Johani 7:16) Akataurawo kuti: “Handiiti chinhu chandinozvitangira ndega; asi ndinotaura zvinhu izvi sekudzidziswa kwandakaitwa naBaba.” (Johani 8:28) Mumwe musi akatizve: “Zvandinokutaurirai hazvisi zvangu ndega, asi kuti Baba, vanoramba vari pamwe neni, ndivo vari kuita mabasa avo.” (Johani 14:10) Uku kwakanga kusiri kungotaurawo hako, asi ndizvo zvaaitoita; aigara achitora mashoko kubva muMagwaro akafemerwa.

6, 7. (a) Jesu aitora mashoko muMagwaro echiHebheru kakawanda sei, uye nei izvozvo zvichishamisa? (b) Madzidzisiro aJesu akanga akasiyana papi neevanyori?

6 Pamashoko akataurwa naJesu ari muBhaibheri, tinoona mashoko akawanda aaiita kutora sezvaari kubva muMagwaro akafemerwa echiHebheru uye pamwe pacho aingotora pfungwa yezviri muMagwaro acho. Patinonyatsoongorora zvese zvaakataura tinoona kuti akatora mashoko kubva mumabhuku anopfuura hafu yemabhuku eMagwaro echiHebheru. Asi unogona kuti hapana chinoshamisa pane zvaakaita. Unogona kufunga kuti mumakore matatu nehafu ese aakadzidzisa, nei akangotora mashoko kubva muhafu yemabhuku aivapo? Aitadza here kutora mashoko kubva mumabhuku ese akafemerwa aivapo panguva iyoyo? Chokwadi ndechekuti anogona kunge akatotora mashoko kubva mumabhuku ese aivapo. Yeuka kuti pane mashoko akawanda akataurwa naJesu asina kunyorwa muBhaibheri. (Johani 21:25) Mashoko ake ari muBhaibheri unogona kuaverenga ukaapedza mumaawa mashomanana. Zvino chifunga kuti dai uri iwe wapiwa maawa mashomanana kuti udzidzise, waizokwanisa here kutora mashoko kubva muhafu yemabhuku eMagwaro echiHebheru? Ngatisakanganwa kuti kazhinji Jesu aidzidzisa asina gwaro rakanyorwa. Paakapa mharidzo inozivikanwa chaizvo ari pagomo, akataura mashoko akawanda aaitora muMagwaro echiHebheru sezvaari kana kuti pfungwa yacho chete, ese achibva mumusoro!

7 Kutora kwaaiita mashoko muMagwaro kwairatidza kuti Jesu airemekedza chaizvo Shoko raMwari. Vanhu vaimuteerera “vakashamiswa nemadzidzisiro ake, nekuti aivadzidzisa semunhu ane chiremera, kwete sevanyori.” (Mako 1:22) Vanyori pavaidzidzisa, vaifarira kutora mashoko avo pamitemo yaiita zvekungotaurwa, uyewo pamashoko avanarabhi vekare kare vainzi vainge vakadzidza. Jesu haana kumbobvira atora mashoko pamitemo iyoyo kana kamwe chete zvako uye haanawo kumbotora mashoko akataurwa navanarabhi. Aiziva kuti hapana chinopfuura Shoko raMwari. Kakawanda chaizvo tinomunzwa achingoti: “Zvakanyorwa kuti.” Airamba achishandisa mashoko iwayo kana kuti akada kufanana naiwayo paaidzidzisa vateveri vake uye paaigadzirisa mafungiro asina kunaka aiva nevanhu.

8, 9. (a) Jesu akaratidza sei kuti airemekedza Shoko raMwari paakachenesa temberi? (b) Vatungamiriri vaiva patemberi vakaratidza sei kuti vaisaremekedza Shoko raMwari?

8 Jesu paakachenesa temberi muJerusarema, akati: “Zvakanyorwa kuti, ‘Imba yangu ichanzi imba yekunyengeterera,’ asi imi muri kuiita bako remakororo.” (Mateu 21:12, 13; Isaya 56:7; Jeremiya 7:11) Nezuro wacho, akanga aita mabasa akawanda anoshamisa mutemberi imomo. Vamwe vakomana vechidiki pavakaona zvishamiso izvozvo, vakashamiswa vakatanga kumurumbidza. Asi vatungamiriri vechitendero vakabvunza Jesu vakatsamwa kuti aizvinzwa here zvakanga zvichitaurwa nevana ivavo. Akapindura kuti: “Ehe. Hamusati mamboverenga here panoti, ‘Makaita kuti mumiromo mevana nemevacheche mubude mashoko ekurumbidza’?” (Mateu 21:16; Pisarema 8:2) Jesu aida kuti varume ivavo vazive kuti zvakanga zviri kuitwa nevana ava ndizvo chaizvo zvakanga zviri muShoko raMwari.

9 Vatungamiriri vevapristi nevakuru vevanhu vakazounganira Jesu vakawanda, vakamubvunza kuti: “Une mvumo here yekuita zvinhu izvi?” (Mateu 21:23) Jesu akanga ajekesa kakawanda kuti simba rake akariwana kupi. Akanga asina kutanga kudzidzisa dzidziso itsva. Akanga ari kungodzidzisa zvaitaurwa neShoko rakafemerwa raBaba vake. Saka tingatoti vanyori nevapristi ndivo vakanga vasiri kutoremekedza Jehovha neShoko rake. Zvakanga zvakakodzera kuti Jesu avaratidze pachena kuti vakanga vakarasika paakafumura uipi hwaiva mumwoyo mavo.—Mateu 21:23-46.

10. Tingatevedzera sei Jesu pamaonero atinoita Shoko raMwari, uye tine maturusi api ekushandisa akanga asipo panguva yaJesu?

10 VaKristu vechokwadi vanotevedzerawo Jesu pamaonero avanoita Shoko raMwari. Pasi rese Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nekuudza vamwe mashoko ari muBhaibheri. Mumabhuku edu munenge makazara mashoko akatorwa muBhaibheri uye paakatorwa pacho. Uye patinenge tichiparidza, tinoshandisa chero mukana watinenge tawana kuti tivhurire munhu vhesi yeBhaibheri. (2 Timoti 3:16) Tinofara chaizvo patinowana mikana yakadaro yekuverengera munhu Bhaibheri, kuritsanangura uye kuratidza kukosha kwarinoita muupenyu! Hatikwanisi hedu kuyeuka Magwaro ese nemusoro sezvaiita Jesu, asi tine zvinhu zvakawanda zvekushandisa zvakanga zvisipo panguva yaJesu. Tine Bhaibheri rakazara mumitauro yakawanda uye riri kuramba richibudiswa mune mimwe mitauro. Tinewo maturusi akawanda anotibatsira kuti tiwane chero vhesi yatinenge tichida. Dai tikaramba tichitora mashoko muBhaibheri uye tichiriverengera vamwe pese patinowana mukana!

Akarwira Shoko raMwari Pakushandiswa Kwaraiitwa Zvisina Kururama

11. Nei Jesu aifanira kugara achirwira Shoko raMwari pakushandiswa kwaraiitwa zvisina kururama?

11 Jesu akaona kuti Shoko raMwari raigara richishandiswa zvisina kururama, asi izvozvo hazvina kumbomushamisa. Achinyengetera kuna Baba vake, Jesu akamboti, “Shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:17) Asi Jesu ainyatsozivawo kuti “mutongi wenyika” ino, Satani, “murevi wenhema nababa venhema.” (Johani 8:44; 14:30) Paakaedzwa naSatani, Jesu akapindura achishandisa Magwaro katatu kese. Satani akataura rugwaro rumwe chete ruri muna Mapisarema, achirushandisa zvisiri izvo, uye Jesu akamupindura achirwira Shoko raMwari pakushandiswa kwarakanga raitwa zvisina kururama.—Mateu 4:6, 7.

12-14. (a) Vatungamiriri vechitendero vakaratidza sei kuti vaisaremekedza Mutemo waMozisi? (b) Jesu akaita sei kuti vanhu vave nemaonero akanaka eShoko raMwari?

12 Kakawanda Jesu akarwira Shoko raMwari paraidudzirwa nepasipo kana kuti vanhu pavaiita kuti rionekwe zvisiri izvo. Vadzidzisi vechitendero vepanguva iyoyo vaitsaudzira pakutsanangura Shoko raMwari. Vainyanya kuomesera vanhu, vachidonongodza twunhu twakawanda-wanda twavaiti tunofanira kuitwa pakutevedzera Mutemo waMozisi vachikanganwa kuti chinangwa chemutemo chaiva chei. Saka kunamata kwavo kwaiva kwekuda kungoonekwa nevanhu, vachirumbidzwa kuti vanonamata, asi vachisiya zvinhu zvinokosha zveMutemo zvinoti kutonga zvakarurama nengoni nekutendeka. (Mateu 23:23) Jesu akaita sei kuti vanhu vave nemaonero akanaka eMutemo waMwari?

13 MuMharidzo Yepagomo, Jesu aitanga nemashoko ekuti, “makanzwa kuti zvakanzi” asati ataura mumwe mutemo uri muMutemo waMozisi. Aibva ati “asi ini ndinoti kwamuri” obva azovaudza chinhu chakadzama chavakanga vasiri kuona paMutemo wacho. Apa tingati Jesu akanga achipikisa Mutemo here? Aiwa. Akanga achitoita kuti vanhu vave nemaonero akanaka eMutemo. Ngatitorei semuenzaniso mutemo wainyatsozivikanwa nevakawanda wekuti, “Usauraya.” Pamutemo iwoyo, Jesu akabva avaudza kuti kungovenga munhu kwaitova kutyora mutemo wacho. Ndizvo zvimwe chetewo panyaya yeupombwe, Jesu akati kana munhu akasvika pakuchiva munhu waasina kuroorana naye anenge atotyora mutemo wekusaita upombwe.—Mateu 5:17, 18, 21, 22, 27-39.

14 Jesu akazopedzisa nekuti: “Makanzwa kuti zvakanzi: ‘Ida muvakidzani wako uvenge muvengi wako.’ Asi ini ndinoti kwamuri: Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai.” (Mateu 5:43, 44) MuMutemo waMwari maimbova nemutemo waiti “venga muvengi wako” here? Aiwa. Vatungamiriri vechitendero ndivo vakatanga nemutemo iwoyo. Vaitungamidza tsika dzavo uye mafungiro avo pamberi, vachiita kuti Mutemo waMwari ushaye simba. Jesu akaratidza ushingi akarwira Shoko raMwari panhema dzese idzodzo.—Mako 7:9-13.

15. Jesu akaratidza sei kuti Mutemo waMwari waisadzvinyirira vanhu?

15 Vatungamiriri vechitendero vaiitawo kuti vanhu vafunge kuti Mutemo waMwari wainge wakaoma kutevedzera uye kuti waidzvinyirira vanhu. Vadzidzi vaJesu pavakatemha hura shomanana vachipfuura nemumunda waiva nezviyo, vamwe vaFarisi vakavapomera kuti vakanga vachityora mutemo weSabata. Jesu akashandisa imwe nyaya yemuMagwaro kuti aratidze kuti vakanga vakarasika. Akataura nezvechiitiko chimwe chete chinotaurwa muMagwaro pakashandiswa chingwa chekuratidza nenzira yakasiyana neyaitaurwa muMutemo, Dhavhidhi nevarume vake pavakapiwa chingwa ichi vaine nzara. Jesu akaratidza vaFarisi ivavo kuti vakanga vatadza kuona kuti Jehovha ndiMwari wengoni netsitsi.—Mako 2:23-27.

16. Vatungamiriri vakanga vavhiringidza sei Mutemo waMozisi une chekuita nekurambana, uye Jesu akavapindura sei?

16 Vatungamiriri vechitendero vaitora imwe mitemo yavaisada kuteerera, voiwedzeredza tumwe tumirayiro kuti vaishandise kuita zvavaida ivo. Pane mutemo waibvumira murume kuti arambe mudzimai wake kana akaona “chimwe chinhu chisina kunaka” paari, uye zviri pachena kuti chinhu chacho chaifanira kunge chiri chinhu chakaipa uye chaiita kuti mhuri yacho inyadziswe. (Dheuteronomi 24:1) Asi panguva yaJesu, vatungamiriri vechitendero vakanga vava kutoshandisa mutemo iwoyo kuti varambe madzimai avo nezvikonzero zvisina musoro, zvakadai sekupisa poto! a Jesu akaratidza kuti zvavaidzidzisa izvi zvaiva kure chaizvo nezvairehwa nemashoko aMozisi akafemerwa. Akabva anyatsojekesa urongwa hwaJehovha panyaya iyi; murume anofanira kuva nemudzimai mumwe chete, uye kuti upombwe ndihwo chikonzero chimwe chete chekuti varambane.—Mateu 19:3-12.

17. VaKristu vanotevedzera sei Jesu pakurwira chokwadi chiri muShoko raMwari?

17 Sevateveri vaKristu tinorwirawo Magwaro Matsvene kuti asashandiswa zvisiri izvo. Vatungamiriri vezvitendero pavanoti zvinotaurwa neShoko raMwari panyaya yekuzvibata hazvichashandi, vanenge vachitoshora Bhaibheri rese vachiriita kuti rionekwe sechinhu chisisina basa. Vanoshorawo Shoko raMwari pavanodzidzisa nhema vachiti ndizvo zvinodzidziswa neBhaibheri. Tinokoshesa chaizvo mukana wese watinowana wekuchenesa Shoko raMwari padzidziso dzenhema, dzakadai seyekuti Mwari Utatu. (Dheuteronomi 4:39) Asiwo patinodaro, tinoramba tichitaura neunyoro uye neruremekedzo rukuru.—1 Petro 3:15.

Akatsanangura Shoko raMwari

18, 19. Chii chinoratidza kuti Jesu aikwanisa kutsanangura Shoko raMwari nenzira inoshamisa?

18 Jesu aiva kudenga pakanyorwa Magwaro echiHebheru. Paakauya panyika, anofanira kunge akafara chaizvo nemukana waaiva nawo wekunyatsotsanangura Shoko raMwari! Chimbofunga nezvemusi uya waakasangana nevadzidzi vake vaviri mumugwagwa unoenda kuEmausi. Pekutanga havana kuziva kuti aiva ani, saka vakatomuudza nezvekusuruvara uye kuvhiringidzika kwavakanga vaita nekufa kwaTenzi wavo. Akavapindura sei? “Achitangira pane zvakanyorwa naMozisi neVaprofita vese, akavadudzira zvinhu zvainge zvakataurwa nezvake muMagwaro ese.” Matsananguriro aakaita akaita kuti vanzwe sei? Vakazotaurirana vachiti: “Hatina here kunzwa kutsva kwanga kuchiita mwoyo yedu paanga achitaura nesu mumugwagwa achinyatsotizarurira Magwaro!”—Ruka 24:15-32.

19 Manheru emusi iwoyo, Jesu akazviratidza kuvaapostora vake nevamwewo vanhu vaivapo. Cherechedza kuti chii chaakabva aita. “Akabva anyatsovhura pfungwa dzavo kuti vanzwisise zvairehwa neMagwaro.” (Ruka 24:45) Tine chokwadi chekuti pavaimunzwa kudaro, zvakavayeuchidza nezvenguva dzinofadza dzavaiteerera achitsanangura Shoko raMwari kwavari uye kuvanhu vese vaida havo. Aiwanzotora magwaro anozivikanwa oatsanangura nenzira yavasina kumbobvira vafunga nezvayo, zvekuti vaibva vatodzidza chimwe chokwadi chitsva, vowedzera kunzwisisa Shoko raMwari kupfuura zvavaiita kare.

20, 21. Jesu akatsanangura sei mashoko akataurwa naJehovha kuna Mozisi pagwenzi raibvira moto?

20 Pamwe paakadaro ndepaya paakambotaura nevamwe vanhu vaiva vaSadhusi. Vaiva boka rechitendero rechiJudha raisatenda kuti vakafa vachamuka, uye muboka iri maiva nevamwe vaimbova vapristi vakuru vechiJudha. Jesu akati kwavari: “Nezvekumuka kwevakafa, hamuna kuverenga here zvakataurwa naMwari kwamuri, achiti: ‘Ndini Mwari waAbrahamu naMwari waIsaka naMwari waJakobho’? Iye haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu.” (Mateu 22:31, 32) Urwu rwaiva rugwaro rwavainyatsoziva, rwakanyorwa naMozisi, murume wavairemekedza chaizvo. Mashoko aJesu aya aiva nesimba! Nei tichidaro?

21 Mozisi akanga ataura naJehovha pagwenzi raibvira moto munenge mugore ra1514 B.C.E. (Eksodho 3:2, 6) Panguva iyoyo, Abrahamu akanga atova nemakore 329 afa, uyewo Isaka akanga ava nemakore 224 afa, kwozotiwo Jakobho akanga ava nemakore 197 afa. Asi Jehovha akati: “Ndini” Mwari wavo. VaSadhusi vaiziva kuti Jehovha akanga akasiyana navanamwari venhema vainzi ndivo vanamwari vevakafa vanotonga munyikadzimu isinganzwisisiki. Vaizviziva kuti Jehovha ndiMwari “wevapenyu,” sezvakataurwa naJesu. Asi izvozvo zvinorevei? Jesu akapedzisa nemashoko ane simba ekuti: “Kwaari vese vapenyu.” (Ruka 20:38) Jehovha haambofi akakanganwa vashumiri vake vakatendeka vakafa; vari mundangariro dzake dzisingagumi. Chinangwa chaJehovha chekumutsa vakafa hachisi kuzokundikana, saka zvinoita sekuti kwaari vanotova vapenyu. (VaRoma 4:16, 17) Iyi haisi tsanangudzo inonwisa mvura yeShoko raMwari here? Regai vanhu ‘vazoshamiswa nekudzidzisa kwake’!—Mateu 22:33.

22, 23. (a) Tingatevedzera sei Jesu pakutsanangura Shoko raMwari? (b) Tichakurukurei muchitsauko chinotevera?

22 Sevateveri vaKristu tine chikomborero chekutevedzera Jesu pakutsanangura Shoko raMwari. Hatina hedu pfungwa dzakafanana nedzaJesu, asi tinokwanisa kuverengera vanhu rugwaro rwavagara vachitoziva uye torwutsanangura nenzira yavasina kumbobvira vafunga nezvayo. Funga nezvevanhu vakawanda vava nemakore nemakore vachidzokorora mashoko ekuti, “Zita renyu ngarikudzwe” uye ekuti “Umambo hwenyu ngahuuye.” Vakawanda vavo vanogona kunge vasingatombozivi kuti Mwari anonzi ani kana kuti chii chinonzi Umambo hwaMwari. (Mateu 6:9, 10, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Tinofara chaizvo patinowana munhu anoda kuteerera tichimutsanangurira chokwadi cheBhaibheri nenzira iri nyore uye yakajeka!

23 Patinotora mashoko kubva muBhaibheri, patinorwira Shoko raMwari kuti risashandiswe zvisina kururama, uye patinoritsanangura zvakajeka, tinenge tichitotevedzera madzidzisiro aiita Jesu. Muchitsauko chinotevera, tichakurukura dzimwe nzira dzakashandiswa naJesu kuti asvitse chokwadi cheBhaibheri pamwoyo yevanhu.

a Mumwe muFarisi aiva munyori wezvakaitika kare anonzi Josephus, uyo ainge akatorambanawo nemudzimai wake, akazonyora kuti kurambana kwaibvumirwa “nekuda kwechikonzero chero chipi zvacho (uye varume vaitoti pane zvikonzero zvakawandisa zvinorambisa mukadzi).”