Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 2

“Nzira Nechokwadi Neupenyu”

“Nzira Nechokwadi Neupenyu”

“Iva muteveri wangu”

1, 2. Nei zvaisaita kuti tisvike kuna Jehovha tisingabatsirwi, uye Jesu Kristu anotibatsira sei panyaya iyi?

 WAKAMBORASIKA here? Pamwe zvakamboitika uchiedza kushanyira hama kana kuti shamwari yako. Wakazotsvaga mumwe munhu wekubvunza here waona kuti hausi kuziva kwauri kuenda? Fungidzira pakadaro wobva waona mumwe munhu asingangokuratidzi kwekuenda nako chete asi anobva ati: “Nditevere, ndikusvitse kwauri kuenda.” Unobva watura befu!

2 Jesu akatiitira zvakada kufanana naizvozvo. Taisakwanisa kusvika kuna Mwari pasina iye. Nemhaka yechivi, vanhu vese vanoberekwa vakaparadzaniswa “neupenyu hunopiwa naMwari.” (VaEfeso 4:17, 18) Tinotoda kubatsirwa kuti tiwane nzira inotisvitsa kuna Mwari. Panzvimbo pekungotiratidza kuti tinofamba sei, Jesu anotoita zvinopfuura ipapo. Sezvatakaona muChitsauko 1, Jesu anotikoka, achiti: “Uya uve muteveri wangu.” (Mako 10:21) Anotiudzawo kuti nei zvichikosha kuti tibvume kumutevera. Jesu akamboti: “Ndini nzira nechokwadi neupenyu. Hapana anouya kuna Baba asina kusvika nekwandiri.” (Johani 14:6) Ngatikurukurei zvimwe zvikonzero nei Jesu ari iye ega anokwanisa kutisvitsa kuna Baba. Tichifunga zvikonzero izvozvo, tichazoona kuti sei Jesu ari iye “nzira nechokwadi neupenyu.”

Basa Rinokosha Muchinangwa chaJehovha

3. Nei tisingakwanisi kuva neushamwari naMwari pasina Jesu?

3 Chekutanga chinoita kuti Jesu akwanise kutisvitsa kuna Mwari ndechekuti ane basa rinokosha raakapiwa naJehovha. a Baba vakaisa zvinhu zvese mumaoko ake kuti zvinangwa zvavo zvizadziswe. (2 VaKorinde 1:20; VaKorose 1:18-20) Kuti tinyatsonzwisisa basa rake rinokosha, tinofanira kutanga tafunga zvakaitika muEdheni, pakafurirwa vanhu vaviri vekutanga naSatani kuti vapandukire Jehovha.—Genesisi 2:16, 17; 3:1-6.

4. Kupanduka kwakaitika muEdheni kwakamutsa mubvunzo upi, uye Jehovha akasarudza kuita sei nenyaya yacho?

4 Kupanduka kwakaitika muEdheni kwakamutsa nyaya inokosha pasi nekudenga yekuti: Mwari ane zita rekuti Jehovha, mutsvene here, akanaka here, akarurama here, uye ane rudo panzira dzake dzese here? Kuti agadzirise nyaya iyi inokosha, Jehovha aitofanira kusarudza mumwe wevanakomana vake vemweya kuti auye panyika. Basa raizoitwa nemwanakomana uyu panyika raikosha zvikuru. Aifanira kupa upenyu hwake kuti atsvenese zita raMwari uye adzikinure vanhu. Mwanakomana iyeye aizoita kuti matambudziko ese akakonzerwa nekupanduka kwaSatani apere kana aramba akatendeka kusvika parufu. (VaHebheru 2:14, 15; 1 Johani 3:8) Asi Jehovha ane mamiriyoni nemamiriyoni evanakomana vemweya vanomuteerera. (Dhanieri 7:9, 10) Akasarudza upi wacho kuti aite basa iri rinokosha? Jehovha akasarudza “Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga,” uyo akazosvika pakuzivikanwa saJesu Kristu.—Johani 3:16.

5, 6. Jehovha akaratidza sei kuti anovimba neMwanakomana wake, uye nei achivimba naye?

5 Tinofanira kushamiswa here kuti Jesu ndiye akasarudzwa naJehovha? Hazvimbotishamisi! Baba vanonyatsovimba neMwanakomana wavo akaberekwa ari mumwe oga. Mazana emakore Jesu asati auya pasi pano, Jehovha akagara ataura kuti Mwanakomana wake aizosangana nematambudziko akasiyana-siyana asi oramba akavimbika. (Isaya 53:3-7, 10-12; Mabasa 8:32-35) Funga kuti izvozvo zvinorevei. Jesu akangofananawo nezvimwe zvisikwa zvese zvakasikwa nemufananidzo waMwari, pakuti ane rusununguko rwekusarudza zvaanoda. Asi Jehovha aivimba naye zvekuti akagara ataura kuti Jesu aizoramba akatendeka. Chii chaiita kuti avimbe naye zvakadaro? Kuziva kwaaiita Mwanakomana wake. Jehovha ainyatsoziva Mwanakomana wake uye kuti anoda zvakadini kumufadza. (Johani 8:29; 14:31) Mwanakomana anoda Baba vake, uye Jehovha anodawo Mwanakomana wake. (Johani 3:35) Rudo rwuri pakati paBaba neMwanakomana runonyatsovabatanidza uye runoita kuti vavimbe nemumwe nemumwe.—VaKorose 3:14.

6 Tichitarisa kukosha kwebasa reMwanakomana, kuvimba kunoita Baba vake naye, uye kumuda kwavanomuita, zvingatishamisa here kuti ndiye chete anogona kuita kuti tikwanise kuswedera pedyo naMwari? Asi pane chimwe chikonzero nei Mwanakomana ari iye ega anokwanisa kuita kuti tiswedere pedyo naBaba.

Mwanakomana Chete Ndiye Anonyatsoziva Baba

7, 8. Nei Jesu akazotaura kuti “hapana anonyatsoziva Baba kunze kweMwanakomana”?

7 Pane zvinotarisirwa kwatiri kuti tikwanise kuswedera pedyo naJehovha. (Pisarema 15:1-5) Ndiani angapfuura Mwanakomana pakuziva zvinotarisirwa naMwari kuvanhu vaanofarira uye vaanoda kuti vaswedere pedyo naye? Jesu akati: “Zvinhu zvese zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu, uye hapana anonyatsoziva Mwanakomana kunze kwaBaba; uyewo hapana anonyatsoziva Baba kunze kweMwanakomana nemunhu wese uyo Mwanakomana anenge achida kuratidza zvavakaita.” (Mateu 11:27) Ngationei kuti nei Jesu akanga asiri kuwedzeredza paakati “hapana anonyatsoziva Baba kunze kweMwanakomana.”

8 Sezvo ari iye “dangwe rezvisikwa zvese,” Mwanakomana ari pedyo naJehovha kupfuura zvimwe zvisikwa zvese. (VaKorose 1:15) Fungidzira kuti Baba neMwanakomana wavo vaiva pedyo napedyo zvakadini kwemakore asingaverengeki, kubvira paakasikwa kusvikira pakazosikwa zvimwe zvisikwa zvemweya. (Johani 1:3; VaKorose 1:16, 17) Chimbofunga mukana waiva neMwanakomana paaiva naBaba vake, achikwanisa kudzidza mafungiro avo nemaonero avanoita zvinhu zvakasiyana-siyana, achidzidzawo nezvemitemo yavo, kuda kwavo, uye nzira dzavo. Saka zvechokwadi hakusi kuwedzeredza kana tichiti Jesu anoziva Baba vake kupfuura chero munhu upi zvake. Kuva pedyo naBaba vake uku kwakaita kuti Jesu akwanise kuratidza zvakaita Baba kupfuura ani zvake.

9, 10. (a) Jesu akaratidza sei zvakaita Baba vake? (b) Tinofanira kuita sei kuti tifarirwe naJehovha?

9 Dzidziso dzaJesu dzakaratidza kuti anonyatsoziva Jehovha; anoziva mafungiro anoita Baba vake uye maonero avanoita nyaya imwe neimwe uye zvavanotarisira kuvashumiri vavo. b Kuwedzera pakudzidzisa nezvaBaba vake, Jesu ainyatsovatevedzera pane zvavanoita, inova ndiyo imwe nzira inokosha zvikuru yekuratidza zvavakaita. Jesu akati: “Munhu wese anenge aona ini aonawo Baba.” (Johani 14:9) Jesu akatevedzera Baba vake zvakakwana pazvese zvaaitaura uye zvaaiita. Saka patinoverenga muBhaibheri nezvaJesu, mashoko ane simba uye anofadza aaishandisa mudzidziso dzake, tsitsi dzaiita kuti aporese vanhu, uye tsiye nyoro dzaiita kuti acheme paaiona vanhu vari mumatambudziko, tinogona kutoita setiri kuona Jehovha pachake achitaura uye achiita zvinhu izvozvo. (Mateu 7:28, 29; Mako 1:40-42; Johani 11:32-36) Mashoko eMwanakomana nezviito zvake zvainyatsoratidza nzira dzaBaba vake uye kuda kwavo. (Johani 5:19; 8:28; 12:49, 50) Saka kana tichida kuti Jehovha atifarire tinofanira kuteerera dzidziso dzaJesu nekutevedzera zvaaiita.—Johani 14:23.

10 Hazvitishamisi kuti Jehovha akasarudza Mwanakomana wake kuti ave nzira inotisvitsa kwaari nekuti ndiye anonyatsomuziva uye anomutevedzera zvakakwana. Sezvo tava kunyatsoziva kuti nei Jehovha akasarudza Jesu kuti ave nzira inotisvitsa kwaari, ngatichikurukurai zvinorehwa nemashoko aJesu anoti: “Ndini nzira nechokwadi neupenyu. Hapana anouya kuna Baba asina kusvika nekwandiri.”—Johani 14:6.

“Ndini Nzira”

11. Nei Jesu ari iye chete anoita kuti tikwanise kuva neushamwari naMwari?

11 Tatodzidza kare kuti hatikwanisi kusvika kuna Mwari tisingaendi nekuna Jesu. Ngatimbonyatsoongororai kuti izvi zvinenge zvichirevei kwatiri. Jesu ndiye “nzira” pakuti ndiye chete anogona kuita kuti tive neushamwari naMwari. Nei tichidaro? Kuramba kwaakaita akatendeka kusvika parufu kwakaita kuti ape upenyu hwake serudzikinuro. (Mateu 20:28) Dai pasina urongwa uhwu hwerudzikinuro, taisagona kuva neushamwari naMwari. Chivi chinoparadzanisa vanhu naMwari nekuti Jehovha mutsvene. (Isaya 6:3; 59:2) Asi chibayiro chaJesu chakabvisa chivi ichocho chaiparadzanisa vanhu naMwari; chakayananisira zvivi zvevanhu kana kuti chakazvifukidza. (VaHebheru 10:12; 1 Johani 1:7) Kana tikabvuma urongwa hwaJehovha hwaakaita achishandisa Kristu, toratidza kutenda mahuri, tinogona kuva neushamwari naye. Hapana imwe nzira yatinogona ‘kuyananiswa nayo naMwari’ kunze kwaiyoyi.—VaRoma 5:6-11.

12. Nei Jesu achinzi ndiye “nzira”?

12 Jesu ndiye “nzira” zvakare panyaya yemunyengetero. Kuti tinyatsova nechivimbo chekuti Jehovha achanzwa minyengetero yedu inobva pamwoyo, tinofanira kungonyengetera muzita raJesu chete. (1 Johani 5:13, 14) Jesu pachake akati: “Kana paine chamuchakumbira Baba, vachakupai muzita rangu. . . . Kumbirai uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadziswe.” (Johani 16:23, 24) Ndokusaka tichikwanisa kutaura naJehovha muzita raJesu tichimuti “Baba vedu.” (Mateu 6:9) Mararamiro akaita Jesu ndicho chimwe chikonzero nei achinzi ndiye “nzira.” Tatombotaura kuti Jesu ainyatsotevedzera Baba vake, saka muenzaniso wake unotiratidza kuti tingararama sei kuti tifadze Jehovha. Saka kuti tive shamwari dzaJehovha, tinofanira kufamba tichitevera makatsika naJesu.—1 Petro 2:21.

“Ndini . . . Chokwadi”

13, 14. (a) Jesu akaratidza sei kuti aiva “chokwadi” pane zvaaitaura? (b) Kuti Jesu azonzi ndiye “chokwadi,” aifanira kuita sei, uye nei aifanira kudaro?

13 Jesu aigara achitaura chokwadi pamusoro peshoko rakafemerwa naBaba vake. (Johani 8:40, 45, 46) Pamuromo pake hapana kumbobvira pabuda mashoko eunyengeri. (1 Petro 2:22) Kunyange vanhu vaimupikisa vakabvuma kuti aidzidzisa “nzira yaMwari maererano nechokwadi.” (Mako 12:13, 14) Asi Jesu paakati “Ndini . . . chokwadi,” akanga asingangorevi kuzivisa kwaakaita chokwadi achitaura, achiparidza, uye achidzidzisa. Aireva zvakatowanda kudarika ipapo.

14 Yeuka kuti Jehovha akagara azivisa uprofita hune chekuita naMesiya kana kuti Kristu pachiine mazana emakore husati hwazadziswa. Uprofita uhwu hwaitaura zvakawanda nezvemararamiro aaizoita, ushumiri hwake, uye rufu rwake. Kuwedzera ipapo, Mutemo waMozisi une zvimwe zvinhu zvaiitwa pasi pawo zvaifananidzira zvaizoitwa Mesiya. (VaHebheru 10:1) Jesu aizoramba akatendeka kusvikira parufu here, achizadzisa zvese zvakanga zvaprofitwa nezvake? Izvozvo chete ndizvo zvaizoita kuti Jehovha anzi ndiMwari anoprofita zvinhu zvechokwadi. Zvese izvi zvaizobuda pachena zvichienderana nekuti Jesu aizoita sei. Mararamiro aakaita, zvese zvaakataura uye zvese zvaakaita, zvakaita kuti kese kakanga kaprofitwa nezvake kave kechokwadi. (2 VaKorinde 1:20) Ndokusaka Jesu ainzi “chokwadi.” Zvaiita sekuti chokwadi chaiva mushoko raJehovha chakazadziswa nekuuya kwakaita Jesu.—Johani 1:17; VaKorose 2:16, 17.

“Ndini . . . Upenyu”

15. Kutenda muMwanakomana kunorevei, uye kunoita kuti tiwanei?

15 Jesu ndiye “upenyu,” nekuti ndiye anoita kuti tikwanise kuwana “upenyu chaihwo.” (1 Timoti 6:19) Bhaibheri rinoti: “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu, asi hasha dzaMwari dzinoramba dziri paari.” (Johani 3:36) Kutenda muMwanakomana waMwari kunorevei? Kunoreva kuziva kuti hatikwanisi kuwana upenyu husingaperi pasina iye. Kunorevawo kuti tinoratidza kutenda kwedu nemabasa, toramba tichidzidza nezvaJesu, uye tichiita zvese zvatinogona kuti titevere dzidziso dzake nemararamiro ake. (Jakobho 2:26) Saka kutenda muMwanakomana waMwari kunoita kuti tiwane upenyu husingaperi, kungava kudenga kune vaya ‘veboka diki,’ kana kuti muparadhiso pasi pano kune vaya ‘veboka guru’ ‘remamwe makwai.’—Ruka 12:32; 23:43; Zvakazarurwa 7:9-17; Johani 10:16.

16, 17. (a) Jesu acharatidza sei kuti ndiye “upenyu” kunyange kune vaya vakafa? (b) Chii chatiine chokwadi nacho?

16 Ko vaya vakatofa kare? Jesu “upenyu” kwavariwo. Jesu akaudza Marita paakanga ava kuda kumutsa Razaro hanzvadzi yake kuti: “Ndini rumuko neupenyu. Anotenda mandiri, kunyange akafa, achava mupenyu.” (Johani 11:25) Jehovha akaisa “kiyi dzerufu neGuva,” mumaoko eMwanakomana wake, achimupa simba rekumutsa vakafa. (Zvakazarurwa 1:17, 18) Jesu achashandisa kiyi idzodzo kuvhura guva rine vanhu vese, ovasunungura.—Johani 5:28, 29.

17 Paakati, “Ndini nzira nechokwadi neupenyu,” Jesu akatotaura muchidimbu chinangwa cheupenyu hwake neushumiri hwake hwepanyika pano. Mashoko iwayo anoreva zvakawanda kwatiri mazuva ano. Yeuka kuti Jesu akaenderera mberi achiti: “Hapana anouya kuna Baba asina kusvika nekwandiri.” (Johani 14:6) Mashoko aJesu achiri kushanda nhasi sezvaaiita paakaataura. Saka tine chokwadi chekuti kana tichitevera Jesu, hatitomborasiki. Iye chete ndiye anokwanisa kutiratidza nzira inoenda “kuna Baba.”

Uchaita Sei?

18. Kuva vateveri vaJesu vechokwadi kunosanganisirei?

18 Tichiona kukosha kunoita basa raJesu uye kuziva kwaanoita Baba vake zvakakwana, tinoona kuti tinotofanira kutevera Jesu. Sezvatakaona muchitsauko chakapfuura, kuva muteveri waJesu hakungogumiri pakutaura chete, asi kunosanganisirawo zvatinoita. Kutevera Kristu kunosanganisira kurarama tichitevedzera zvaakadzidzisa uye mararamiro aakaita. (Johani 13:15) Bhuku rekushandisa pakudzidza Bhaibheri rauri kuverenga iye zvino rinogona kukubatsira kuita izvozvo.

19, 20. Bhuku rino rinokubatsira sei pakuedza kwako kutevera Kristu?

19 Muzvitsauko zvinotevera, tichanyatsoongorora upenyu hwaJesu uye ushumiri hwake. Zvitsauko zvacho zviri muzvikamu zvitatu. Muchikamu chekutanga tichakurukura kuti aiva munhu akaita sei. Mune chechipiri, tichaongorora kushingaira kwaaiita pakuparidza nekudzidzisa. Mune chechitatu, tichakurukura maratidziro aaiita rudo. Kutanga muChitsauko 3, pachange pava nebhokisi rakanzi “Ungatevera Sei Jesu?” Magwaro nemibvunzo zviri mubhokisi iroro ndezvekutibatsira kufungisisa kuti tingatevedzera sei Jesu pamatauriro edu uye maitiro edu.

20 Jehovha akakubatsira kuti chivi chisakuparadzanisa naye. Rudo rwake rwakaita kuti atore danho rinorwadza rekuparadzana neMwanakomana wake kuti amutume kuzotiratidza nzira inoita kuti tikwanise kuva neushamwari naye. (1 Johani 4:9, 10) Rudo urwu rukuru rwawakaratidzwa ngaruite kuti ubvume kukokwa kwauri kuitwa naJesu kuti: “Iva muteveri wangu.”—Johani 1:43.

a Basa reMwanakomana rinokosha zvikuru zvekuti Bhaibheri rinomupa mazita akawanda ekuremekedza neanoratidza kuzadzisa kwaakaita uprofita.—Ona bhokisi rakanzi “ Mamwe Mazita Anoshandiswa Pana Jesu.”

b Ona mimwe mienzaniso yezvakataurwa naJesu pana Mateu 10:29-31; 18:12-14, 21-35; 22:36-40.