Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 3

“Rudo Runa Kristu Runotimanikidza”

“Rudo Runa Kristu Runotimanikidza”

Chii chinoita kuti tide kuramba tichitevera Jesu? Muapostora Pauro anopindura mubvunzo iwoyo achiti: “Rudo runa Kristu runotimanikidza.” (2 VaKorinde 5:14) Muchikamu chino tichadzidza nezvekuda kunoita Jesu Baba vake Jehovha, kuda kwaanoita vanhu, uye kuda kwaanokuita iwe pachako. Rudo irworwo ruchatipa simba rekuita zvese zvatinogona pakutevera Tenzi wedu.