Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chitsauko 16

“Akaramba Achivada Kusvikira Pamugumo”

“Akaramba Achivada Kusvikira Pamugumo”

1, 2. Jesu anoita sei manheru ekupedzisira asati aurayiwa, uye chii chiri kuita kuti akoshese usiku ihwohwo?

 JESU aungana nevaapostora vake mune imwe imba huru yepamusoro muJerusarema. Ari kuziva kuti uhwu ndihwo usiku hwekupedzisira asati aurayiwa. Nguva yekuti adzokere kuna Baba vake yava pedyo. Pangosara maawa mashomanana kuti asungwe, uye kutenda kwake kuchaedzwa zvakusati kwamboitwa. Asi zvese izvi hazvimutadzisi kufunga nezvevadzidzi vake uye kuti vari kuda kubatsirwa sei.

2 Jesu akatoudza vadzidzi vake kuti aizodzokera kuna Baba vake, uye atova nenguva achivabatsira kugadzirira nguva iyoyo. Asi achiine zvakawanda zvekuvaudza kuti avasimbise nekuti ari kuziva kuti vachasangana nemiedzo yakaoma. Saka Jesu anoshandisa nguva yaasarirwa nayo kudzidzisa vadzidzi vake zvidzidzo zvinokosha zvichavabatsira kuti varambe vakatendeka. Usiku ihwohwo Jesu anotaura mashoko anonyatsobudisa zviri pasi pasi pemwoyo wake, achiratidza kuti anoda vadzidzi vake zvakadii. Asi nei Jesu ari kunyanya kufunga nezvevadzidzi vake pane kunetseka nezvematambudziko akamumirira? Chii chiri kuita kuti akoshese usiku uhwu hwekupedzisira ainavo? Mhinduro yacho muchidimbu ndeyekuti, anovada. Anoda vadzidzi vake zvakadzama.

3. Tinoziva sei kuti Jesu haana kumirira kusvika ava kutoda kuurayiwa kuti aratidze kuti aida vateveri vake?

3 Papera makore akawanda, muapostora Johani paakafemerwa kunyora zvakaitika usiku ihwohwo, akatanga nemashoko ekuti: “Jesu akaziva mutambo wePaseka usati wasvika kuti nguva yake yakanga yakwana yekuti abve munyika ino aende kuna Baba. Sezvo aida vake vaiva panyika, akaramba achivada kusvikira pamugumo.” (Johani 13:1) Jesu haana kumirira kusvikira ava kutofa kuti aratidze kuti “aida” vadzidzi vake. Panguva yese yaaiita ushumiri hwake, Jesu airatidza kuti anoda vadzidzi vake nenzira dzakasiyana-siyana, pangava pazvinhu zvidiki kana zvikuru. Sevateveri vaKristu tinoda kumutevedzera panyaya iyi. Saka zvakanaka kuti tiongorore dzimwe nzira dzaakaratidza nadzo kuti anoda vadzidzi vake. Kana tikakwanisa kuda vamwe sezvaiita Jesu, tinenge tichitoratidza kuti tiri vadzidzi vake vechokwadi.

Akavaratidza Mwoyo Murefu

4, 5. (a) Nei Jesu aifanira kuitira vadzidzi vake mwoyo murefu? (b) Jesu akaita sei vaapostora vake pavakatadza kuramba vakarinda pamwe naye?

4 Munhu ane rudo anoitira vamwe mwoyo murefu. 1 VaKorinde 13:4 inoti, “Rudo rune mwoyo murefu,” uye mwoyo murefu unosanganisira kunzwisisa vamwe. Jesu pane paaifanira kuitira vadzidzi vake mwoyo murefu here? Hongu! Sezvatakaona muChitsauko 3, vaapostora vaiomerwa nekuva vanhu vanozvininipisa. Vairamba vachiitirana nharo dzekuti ndiani aiva mukuru pakati pavo. Jesu akabva avatsamwira here, akavatuka here, kana kufunga kuti havachabatsiriki? Aiwa; akaramba achivaitira mwoyo murefu. Kunyange pavakaitisana “nharo dzakaomarara” usiku hwekupedzisira ainavo, Jesu haana kumbofunga kuti havachabatsiriki!—Ruka 22:24-30; Mateu 20:20-28; Mako 9:33-37.

5 Usiku ihwohwo Jesu akazoenda kubindu reGetsemane aine vaapostora vake 11 vakatendeka, uye vari ikoko pane zvakaitika zvaitoda kuti aratidze mwoyo murefu zvakare. Jesu akatora Petro, Jakobho, naJohani akaenda navo chinhambwe. Akabva avaudza kuti: “Mwoyo wangu uri kurwadziwa kwazvo, zvekufa. Sarai pano murambe makarinda neni.” Akabva afamba zvishoma achibva pavari, akatanga kunyengetera nemwoyo wese. Akaramba achinyengetera kwenguva refu, ndokubva azodzoka kwaiva nevaapostora vaya vatatu. Akavawana vachiitei? Akavawana vatorara zvavo, panguva yakaoma kudaro yavaifanira kunge vachitsigira Ishe wavo! Jesu akavatsiura nehasha here nekuti vakanga vatadza kuramba vakarinda? Aiwa, akaratidza mwoyo murefu akataura navo zvakanakanaka. Mashoko aakataura akatoratidza kuti ainzwisisa kuti vakanga vachitoshungurudzikawo uye kuti vakanga vaneta. a Akati, “Mweya unoda zvawo, asi nyama haina simba.” Jesu akaramba achivaitira mwoyo murefu manheru iwayo, pasinei nekuti akadzoka katatu kese, achingovawana vakarara!—Mateu 26:36-46.

6. Tingatevedzera sei Jesu pakuratidza mwoyo murefu?

6 Zvinofadza chaizvo kuziva kuti Jesu haana kubva afunga kuti vadzidzi vake havafe vakachinja. Mwoyo murefu wake une zvawakabatsira, nekuti varume ava vakazodzidza kuti nei zvichikosha kuti vazvininipise uye kuti vagare vachinyengetera. (1 Petro 3:8; 4:7) Tingatevedzera sei Jesu? Vakuru ndivo vanofanira kuva pamberi pakuratidza vamwe mwoyo murefu. Imwe hama kana hanzvadzi iri muungano inogona kunge ichida kutaura nemukuru nezverimwe dambudziko apa mukuru wacho akaneta uye aine zviri kutomunetsawo. Dzimwe nguva, vaya vanenge vaine zvavari kufanira kugadzirisa vanogona kunonoka kushandisa zvavanenge vachiudzwa nevakuru. Asi pasinei nezvese izvi, vakuru vanofanira kuramba ‘vachibata makwai neunyoro’ uye vachiarayiridza nemwoyo murefu. (Mabasa 20:28, 29; 2 Timoti 2:24, 25) Vabereki vanofanira kutevedzerawo Jesu pakuratidza mwoyo murefu. Dzimwe nguva vana vanogona kunonoka kubata zvavanenge vachidzidziswa, saka kuva nerudo uye mwoyo murefu kuchabatsira vabereki kuti varambe vachiedza kudzidzisa vana vavo. Kana vabereki vakaratidza mwoyo murefu seizvi, vanenge vachishandira zviripo.—Pisarema 127:3.

Akafunga Kuti Vaida Kubatsirwa Sei

7. Jesu akaratidza sei kuti aifunga zvaidiwa nevadzidzi vake pakurarama kwavo?

7 Munhu ane rudo rwechokwadi anotanga kufunga zvakanakira vamwe. (1 Johani 3:17, 18) Bhaibheri rinoti rudo “harutsvagi zvakarunakira.” (1 VaKorinde 13:5) Rudo rwakaita kuti Jesu ave nechokwadi chekuti vadzidzi vake vawana zvekudya nezvimwe zvavanoda pakurarama. Ndiye aitotanga kuona kuti vadzidzi vake vanoda kubatsirwa nechii vasati vatombomukumbira. Paakaona kuti vakanga vaneta, akati kwavari: “Uyai kwenyu mega kusina vanhu, mumboti zororei.” (Mako 6:31) Paakaona kuti vadzidzi vake nevaya vakanga vauya kuzomunzwa vakanga vava nenzara, akavapa zvekudya.—Mateu 14:19, 20; 15:35-37.

8, 9. (a) Chii chinoratidza kuti Jesu aiziva kuti vadzidzi vake vaida kutungamirirwa panyaya dzekunamata? (b) Jesu akaratidza sei kuti aida amai vake?

8 Jesu aizivawo kuti vadzidzi vake vaida kutungamirirwa panyaya dzekunamata, saka akava nechokwadi chekuti vawana zvavaida kuti vazive Jehovha. (Mateu 4:4; 5:3) Paaidzidzisa, Jesu aifunga kuti vadzidzi vake vaida kubatsirwa papi. Paakapa Mharidzo Yepagomo, akanga achinyanya kufunga nezvevadzidzi vake. (Mateu 5:1, 2, 13-16) Paaidzidzisa achishandisa mifananidzo, “aizotsanangurira vadzidzi vake zvinhu zvese vava vega.” (Mako 4:34) Jesu akagara ataura kuti aizogadza “muranda akatendeka, akangwara” kuti ave nechokwadi chekuti vateveri vake vawana zvekudya zvekunamata mumazuva ekupedzisira. Muranda uyu anoumbwa nevakuru vashomanana vakazodzwa nemweya mutsvene uye ndiye ari kuita basa rekupa ‘zvekudya panguva yakakodzera’ kubvira muna 1919 C.E.—Mateu 24:45.

9 Musi waakaurayiwa, Jesu akaita chimwe chinhu chairatidza kuti aida kubatsira vamwe zvakadii kuti varambe vari pedyo naJehovha. Chimbofunga kuti zvinhu zvakanga zvakamumirira sei musi uyu. Jesu akanga akarovererwa padanda achirwadziwa zvisingaiti. Pese paari kufema, aitofanira kuita seari kusimudza muviri wake wese. Izvi zvaitoita kuti marwadzo acho awedzere sezvo kurema kwemuviri wake kwaiita kuti maaboorwa muwedzere kubvaruka, uku musana wake wakanga warohwa uchikweshera padanda racho. Zvino kana kufema kwaimurwadza zvakadaro, chifunga kuti kutaura kunofanira kunge kwakanga kwakamuomera zvakadii. Asi achirwadziwa kudaro, Jesu akataura mashoko akanyatsoratidza kuda kwaaiita amai vake, Mariya. Paakaona Mariya nemuapostora Johani vakamira pedyo, Jesu akakwanisa kutaura zvakanzwikwa nevakawanda vaivepo. Akati kuna amai vake: “Amai onai mwanakomana wenyu!” Akabva atiwo kuna Johani: “Ona amai vako!” (Johani 19:26, 27) Jesu aiziva kuti muapostora uyu akatendeka aizova nechokwadi chekuti Mariya awana zvaaida pakurarama uyewo pane zvekunamata. b

Vabereki vane rudo vanoratidza vana vavo mwoyo murefu uye vanovapa zvavanoda pakurarama nepakunamata

10. Vabereki vangatevedzera sei Jesu?

10 Vabereki vanogona kudzidza zvakawanda kana vakafungisisa zvakaitwa naJesu. Baba vanoda mhuri yavo vanova nechokwadi chekuti mhuri yavo ine zvekudya nepekugara nezvimwe zvinodiwa pakurarama. (1 Timoti 5:8) Vanovawo nechokwadi chekuti mhuri yavo yawana nguva yekumbozorora ichitandara. Asi vabereki vechiKristu vanonyanya kukoshesa kudzidzisa vana vavo nezvaJehovha. Vanozviita sei? Vanogara vachidzidza Bhaibheri nevana vavo, uye vanoronga purogiramu yacho nenzira inoita kuti vana vanakidzwe nekudzidza nezvaJehovha. (Dheuteronomi 6:6, 7) Vabereki vanogonawo kudzidzisa vana vavo nezvavanotaura uye zvavanoita. Kana vabereki vachikoshesa basa rekuparidza, kugadzirira misangano yechiKristu uye kuipinda, zvichava nyore kuti vana vavo vakoshesewo zvinhu izvi.—VaHebheru 10:24, 25.

Aivaregerera Nemwoyo Wese

11. Jesu akadzidzisa sei vateveri vake kukosha kwekuregerera vamwe?

11 Munhu ane rudo anogara akagadzirira kuregerera vamwe. (VaKorose 3:13, 14) 1 VaKorinde 13:5 inoti rudo “haruchengeti chigumbu.” Jesu akadzidzisa vateveri vake kakawanda nezvekukosha kwekuregerera vamwe. Akavakurudzira kuti vakanganwire vamwe, “kwete kanosvika ka7, asi kanosvika ka77,” kureva kuti vaifanira kuramba vachiregerera vamwe kasingaverengeki. (Mateu 18:21, 22) Akavadzidzisa kuti mutadzi anofanira kuregererwa kana akabvuma kutsiurwa, opfidza. (Ruka 17:3, 4) Jesu aiita zvaaidzidzisa uye akanga akatosiyana nevaFarisi vakararama panguva yake; vanyengeri ava vaingoudza vanhu zvekuita asi ivo vasingaiti zvavaitaura. (Mateu 23:2-4) Ngationei kuti Jesu akaratidza sei kuti aiva munhu anoregerera kunyange paakarasiswa neshamwari yake.

12, 13. (a) Petro akaita sei usiku hwakasungwa Jesu? (b) Jesu akaratidza sei kuti aisangogumira pakudzidzisa vamwe kuti varegerere?

12 Jesu aiva shamwari yepedyo yaPetro. Petro aida vanhu uye aiva munhu ane ushamwari kunyange zvazvo dzimwe nguva aikurumidza kutaura asina kunyatsofunga. Jesu akaona zvakanaka zvaiitwa naPetro uye akamupa mabasa akawanda ekuita. Petro pamwe chete naJakobho naJohani vakaona zvimwe zvishamiso zvakaitwa naJesu zvisina kuonekwa nevamwe vaapostora vese. (Mateu 17:1, 2; Ruka 8:49-55) Sezvatamboona, Jesu paakanga ava pedyo nekusungwa, akaenda nevaapostora vake kubindu reGetsemane usiku, uye Petro aiva pakati pevaapostora vatatu vakaperekedza Jesu kunonyengetera. Jesu akabva atengeswa usiku ihwohwo, uye paakasungwa, Petro nevamwe vaapostora vakamusiya, vakatiza. Pave paya, Petro akaratidza ushingi paakatevera akanomira muchivanze chemupristi mukuru, Jesu paaitongwa zvisiri pamutemo. Asi Petro akatya vanhu zvikaita kuti aite chikanganiso chakakura; akaramba Jesu katatu kese, achitopika kuti akanga asingatombomuzivi! (Mateu 26:69-75) Jesu akaita sei? Dai uriwe warasiswa neshamwari yako zvakadaro, waizoita sei?

13 Jesu akanga akagadzirira kuregerera Petro. Aiziva kuti Petro akanga ari kurwadziwa uye akaremerwa nekukanganisa kwaanga aita. Petro paakaona kuti akanganisa “akakurirwa neshungu, akatanga kuchema,” achiratidza kuti akanga apfidza. (Mako 14:72) Musi waakamutswa, Jesu akazviratidza kuna Petro. Anogona kunge akaita izvi achida kumunyaradza uye kumuudza kuti amuregerera. (Ruka 24:34; 1 VaKorinde 15:5) Pasati patombopera mwedzi miviri, Jesu akaratidza kuti akanga achiri kuvimba naPetro paakamusarudza kuti atungamirire pakupa uchapupu kuvanhu vakanga vaungana muJerusarema pazuva rePendekosti. (Mabasa 2:14-40) Ngatiyeukeiwo kuti Jesu akaregerera vamwe vaapostora vake vese avo vakanga vamutiza vachimusiya ari ega. Paakanga amutswa, akaramba achivashevedza kuti “hama dzangu.” (Mateu 28:10) Zviri pachena kuti Jesu haana kungogumira pakudzidzisa vamwe kuti varegerere; ndiye aitova pamberi pakuregerera vamwe.

14. Nei tichifanira kudzidza kuregerera vamwe, uye tingaratidza sei kuti takagadzirira kuregerera vamwe?

14 Sevateveri vaKristu, tinofanira kudzidza kuregerera vamwe. Nei tichidaro? Jesu akanga asina chivi, asi isu takaberekwa tiine chivi; tinotadza sezvinongoita vaya vanotitadzira. Dzimwe nguva tinombotaura kana kuita zvimwe zvinhu zvatinozodemba. (VaRoma 3:23; Jakobho 3:2) Kana tikaregerera vamwe pavanotitadzira, zvichaita kuti Jehovha atiregerere pane zvatinokanganisa. (Mako 11:25) Saka tingaratidza sei kuti takagadzirira kuregerera vamwe pavanotitadzira? Kakawanda rudo runotibatsira kuti tingosiyana nazvo kana vamwe vanhu vakaita zvinhu zvinogona kutigumbura. (1 Petro 4:8) Kana munhu akaratidza kuti ari kurwadziwa nezvaakaita sezvakaitwa naPetro, tinofanira kumuregerera tichitevedzera Jesu. Hatirambi takatsamwa kana kuchengeta chigumbu. (VaEfeso 4:32) Kana tikadaro, tinova nerugare mumwoyo medu uye tinochengetedzawo rugare rweungano.—1 Petro 3:11.

Akaratidza Kuti Aivimba Navo

15. Nei Jesu aivimba nevaapostora vake pasinei nezvavaikanganisa?

15 Munhu ane rudo anovimba nevamwe. Rudo “runotenda zvinhu zvese.” c (1 VaKorinde 13:7) Rudo rwakaita kuti Jesu avimbe nevadzidzi vake pasinei nezvavaikanganisa. Aiziva kuti mumwoyo mavo vaida Jehovha zvakadzama uye vaida kuita zvaanoda. Kunyange pavaikanganisa, Jesu aisabva afunga kuti vaiva vanhu vakaipa. Mumwe musi Jakobho naJohani vakaita kuti amai vavo vavakumbirire kuna Jesu kuti vave nezvigaro zvepamusoro muUmambo hwake. Jesu haana kubva avaona sevanhu vasina kuvimbika vanongoda zvinzvimbo uye haana kubva avabvisa pakuva vaapostora.—Mateu 20:20-28.

16, 17. Jesu akapa vadzidzi vake mabasa api?

16 Jesu akaratidza kuti aivimba nevadzidzi vake nekuvapa mabasa akasiyana-siyana. Paaiva panyika Jesu akaita chishamiso chekupa vanhu vakawanda zvekudya kaviri kese, uye pazviitiko zvacho zvese zviri zviviri Jesu akapa vadzidzi vake basa rekupa vanhu zvekudya zvacho. (Mateu 14:19; 15:36) Paseka payakanga yava kusvika, Jesu akatuma Petro naJohani kuJerusarema kuti vanogadzirira Paseka yaaizodya navo kekupedzisira. Vaifanira kuita kuti pave negwayana, waini, chingwa chisina mbiriso, miriwo inovava, nezvimwewo zvaidiwa. Apa Jesu akavapa basa rinokosha, nekuti Paseka yaifanira kuitwa pachinyatsotevedzerwa zvakanyorwa muMutemo waMozisi uye Jesu aifanirawo kuita zvakanyorwa muMutemo iwoyo. Jesu akatozoshandisa chingwa ichocho newaini usiku ihwohwo paakatanga Chirangaridzo cherufu rwake.—Mateu 26:17-19; Ruka 22:8, 13.

17 Jesu akazopawo vadzidzi vake mamwe mabasa anokosha chaizvo, achiratidza kuti aivimba navo. Akaisa basa rinokosha rekuparidza uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi mumaoko evadzidzi vake. (Mateu 28:18-20) Sezvatamboona, akavaudza kuti aizogadza muranda akatendeka, akangwara kuti aite basa rinokosha rekupa vateveri vake zvekudya zvekunamata. (Ruka 12:42-44) Kunyange iye zvino Jesu paava kutonga saMambo kudenga, akaita kuti vateveri vake pasi pano vatungamirirwe ‘nevarume vaakapa sezvipo’ kuungano.—VaEfeso 4:8, 11, 12.

18-20. (a) Tingaratidza sei kuti tinovimba nehama nehanzvadzi dzedu? (b) Tingatevedzera sei Jesu pakupa vamwe mabasa? (c) Tichakurukurei muchitsauko chinotevera?

18 Tingatevedzera sei Jesu panyaya yekuvimba nevamwe? Tinoratidza kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu nekuvimba nadzo. Yeuka kuti rudo runoita kuti titarise zvakanaka zvinoitwa nevamwe kwete kungoti nangananga nezvavanokanganisa. Zviri pachena kuti tichatomboodzwa mwoyo nezvinoitwa nevamwe; kana izvozvo zvikaitika, rudo ruchaita kuti tisabva tavaona sevanhu vakaipa. (Mateu 7:1, 2) Kana tikaramba takaisa pfungwa dzedu pane zvakanaka zvinoitwa nehama nehanzvadzi dzedu, zvichatibatsira kuti tiwane nzira dzekuvakurudzira kwete kuvanetesa.—1 VaTesaronika 5:11.

19 Tingatevedzerawo sei Jesu pakupa vamwe mabasa ekuita? Zvakakosha kuti vaya vanotungamirira ungano vape vamwe mabasa anokosha, vachivimba navo kuti vachaita basa racho nemazvo. Saka vakuru vagara nebasa vanofanira kudzidzisa hama dzechidiki dzinenge ‘dzichivavarira kuva vatariri’ kuita mabasa akasiyana-siyana anobatsira ungano. (1 Timoti 3:1; 2 Timoti 2:2) Kudzidzisa vamwe mabasa kunokosha chaizvo. Jehovha ari kuita kuti vanhu vakawanda chaizvo varambe vachidirana kusangano rake, saka pari kudiwa varume vakawanda vakadzidziswa kuti vatungamirire panguva ino iri kuwedzera basa kudai.—Isaya 60:22.

20 Jesu akanyatsotiratidza chinonzi kuda vamwe zvinobva pamwoyo. Ichi ndicho chinhu chikuru chatinofanira kutevedzera pazvinhu zvese zvakaitwa naJesu. Muchitsauko chinotevera, tichakurukura nezvekuzvipira kwakaita Jesu kupa upenyu hwake, inova ndiyo nzira huru kupfuura dzese yaakaratidza nayo kuti anoda vanhu.

a Kuneta handiko kwega kwaiita kuti vaapostora vakurirwe nehope. Pana Ruka 22:45, Ruka anorondedzera zvakaitika musi iwoyo achiti vakanga “vapera simba nekutambudzika kwavaiita.”

b Zvinoita sekuti panguva iyi Mariya akanga ava chirikadzi, uye kuti vamwe vana vake vakanga vasati vava vadzidzi vaJesu.—Johani 7:5.

c Izvi hazvirevi kuti kana munhu aine rudo anenge akapusa kana kuti anongobvuma zvese zvese. Mashoko ekuti rudo “runotenda zvinhu zvese,” anoreva kuti kana tiine rudo hatizongofungiri vamwe vanhu zvisizvo kana kungovashora, kana kufunga kuti vane vavariro dzisina kunaka.