Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 15

“Akasiririswa”

“Akasiririswa”

“Ishe, itai kuti maziso edu asvinure”

1-3. (a) Jesu anoita sei mapofu maviri paanoshevedzera kwaari achida kubatsirwa? (b) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “asiririswa” munyaya iyi rinorevei? (Ona mashoko emuzasi.)

 MAPOFU maviri akagara parutivi pemugwagwa, nechekunze kweJeriko. Varume vaviri ava vasingaoni vanouya pamugwagwa uyu zuva nezuva kuzopemha, nekuti unoshandiswa nevanhu vakawanda. Asi nhasi pachaitika chimwe chinhu chichachinja upenyu hwavo zvachose.

2 Vanoerekana vava kunzwa ruzha rwevanhu vakawanda. Havakwanisi kuona zviri kuitika, saka mumwe wavo anobvunza kuti, ‘Ko kunei?’ Vanoudzwa kuti: “Jesu wekuNazareta ari kupfuura!” Jesu ari munzira kuenda kuJerusarema uye pane vanhu vakawanda vari kumutevera. Pavanonzwa kuti ndiJesu ari kupfuura, varume vacho vanoshevedzera kuti: “Ishe, tinzwireiwo ngoni, Mwanakomana waDhavhidhi!” Vanhu pavanonzwa vachishevedzera zvine ruzha kudaro, vanovaudza kuti vanyarare. Asi varume vacho vanotowedzera kushevedzera nekuti vari kuda kubatsirwa zvechokwadi.

3 Kunyange zvazvo paine ruzha rwevanhu vakawanda, varume vacho vanoshevedzera zvekuti Jesu anovanzwa. Jesu achaita sei? Ngatiyeukei kuti urwu ndirwo rwendo rwake rwekupedzisira rwekuenda kuJerusarema kwaachanourayiwa. Patosara vhiki rimwe chete kuti izvi zviitike, saka anofanira kunge akaremerwa chaizvo mupfungwa dzake nemwoyo. Anoziva kuti achatambudzwa ourayiwa zvine utsinye. Asi izvozvo hazvimutadzisi kunzwa kuti pane varume vari kushevedzera kwaari. Saka Jesu anomira oshevedza varume vacho, ovabvunza kuti vanoda kuti avaitirei. Varume vacho vanokumbira Jesu kuti asvinudze maziso avo. “Asiririswa,” Jesu anobata maziso avo uye vanotanga kuona. a Varume vacho vanobva vatanga kutevera Jesu.—Ruka 18:35-43; Mateu 20:29-34.

4. Jesu akazadzisa sei uprofita hwekuti aizonzwira “tsitsi munhu akaderera”?

4 Varume vaviri ava handivo vega vakaratidzwa tsitsi naJesu. Pane vamwe vanhu vakawanda vaakaratidza tsitsi vaiva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Bhaibheri rakanga ragara rataura kuti: “Achanzwira tsitsi munhu akaderera.” (Pisarema 72:13) Hapana mubvunzo kuti Jesu akazadzisa uprofita uhwu nekuti mabatiro aaiita vanhu ainyatsoratidza ega kuti aiva netsiye nyoro. Aisangomirira kuti vanhu vatange vamukumbira kubatsirwa kuti azovaratidza tsitsi. Kunzwira vanhu tsitsi ndiko kwaiita kuti aparidze mashoko akanaka. Ngationei kuti mashoko akataurwa naJesu uye zvaakaita zviri mumabhuku eEvhangeri zvinoratidza sei kuti Jesu aiva netsitsi uye kuti tingamutevedzera sei.

Kunzwisisa Uye Kunzwira Vamwe Tsitsi

5, 6. Mienzaniso ipi inoratidza kuti Jesu aiva munhu anonzwira tsitsi?

5 Jesu aiva netsitsi dzakadzama. Kana akaona vanhu vachirwadziwa, airwadziwawo mumwoyo make. Ainyatsonzwa kurwadziwa kwavaiita mumwoyo, pasinei nekuti iye pachake akanga asina kumbosangana nematambudziko iwayo. (VaHebheru 4:15) Jesu paakaporesa mukadzi akanga ava nemakore 12 aine chirwere chekubuda ropa, akataura nezvechirwere chacho achiti chaiva ‘chirwere chinotambudza.’ Mashoko iwayo airatidza kuti Jesu ainzwisisa kuti chirwere ichi chakanga chaita kuti mukadzi uyu arwadziwe uye atambure zvakadii. (Mako 5:25-34) Paakaona Mariya nevanhu vaaiva navo vachichema Razaro, akadzimbikana akashushikana mumwoyo. Jesu aiziva kuti akanga ava kuda kumutsa Razaro, asi kuchema kwavaiita kwakamurwadza zvekuti misodzi yake yakayerera.—Johani 11:33, 35.

6 Rimwe zuva, mumwe murume aiva nemaperembudzi akauya kuna Jesu, akatanga kumuteterera achiti: “Kana muchida henyu, munogona kundichenesa.” Jesu haana kumbobvira arwara, saka aizonzwisisa murume uyu here? Akamunzwira tsitsi. Bhaibheri rinototi, “akasiririswa.” (Mako 1:40-42) Hapana aigona kufungidzira zvaakabva azoita. Jesu aiziva kuti maererano neMutemo, vanhu vane maperembudzi vakanga vasina kuchena, saka vaisabvumirwa kuenda pane vamwe. (Revhitiko 13:45, 46) Jesu aisafanira kubata murume uyu kuti amuporese, aikwanisa kungozviita ari kure. (Mateu 8:5-13) Asi akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati: “Ndinoda! Cheneswa.” Maperembudzi acho akabva angonyangarika. Idzi ndidzo dzinonzi tsitsi dzechokwadi!

‘Nzwiranai tsitsi’

7. Tingaita sei kuti tive vanhu vanonzwira vamwe tsitsi uye tingadziratidza sei?

7 Sevateveri vaKristu, tinofanira kutevedzera Jesu pakunzwira vamwe tsitsi. Bhaibheri rinotikurudzira kuti ‘tinzwirane tsitsi.’ b (1 Petro 3:8) Hazvisi nyore kunzwisisa kuti munhu anenge akaora mwoyo kana kuti anenge aine chirwere chisingaperi ari kunyatsonzwa sei. Zvinotonyanya kuoma kana tisina kumbobvira tasangana nedambudziko rakadaro. Asi yeuka kuti haufaniri hako kutanga wasangana nedambudziko racho kuti uzokwanisa kunzwira munhu tsitsi. Jesu ainzwira tsitsi vanhu vairwara kunyange zvazvo iye pachake akanga asina kumbobvira arwara. Saka tingaita sei kuti tive vanhu vanonzwira vamwe tsitsi? Tinogona kuita izvi nekunyatsoteerera munhu paanenge achitiudza nezvedambudziko rake uye kuti riri kuita kuti anzwe sei. Zvibvunze kuti, ‘Kudai ndanga ndiri ini ndawirwa nedambudziko iri, ndaizonzwa sei?’ (1 VaKorinde 12:26) Kana tichida kunyaradza “vaya vakaora mwoyo,” tinofanira kuedza kunzwisisa kuti zvavari kusangana nazvo zviri kuita kuti vanzwe sei. (1 VaTesaronika 5:14) Dzimwe nguva misodzi chaiyo inoratidza kuti tiri kunzwira vamwe tsitsi pasina kana shoko ratataura. VaRoma 12:15 inoti, “Chemai nevanochema.”

8, 9. Jesu akaratidza sei kuti aitanga afunga nezvekuti vanhu vaaibatsira vari kunzwa sei?

8 Jesu aitanga afunga kuti vanhu vaari kuda kubatsira vari kunzwa sei, obva avabatsira nenzira inoita kuti vasanyara. Izvi tinozviona pane zvakaitwa naJesu kumurume uya aiva matsi asingagoniwo kunyatsotaura. Jesu anofanira kunge akaona kuti murume uyu ainyara, saka asati amuporesa ane zvaakatanga aita zvaaisawanzoita: “Akaenda naye kwake ega.” Pavakanga vava kwavo vega, pasina vanhu vakatarisa, Jesu akaporesa murume wacho.—Mako 7:31-35.

9 Tinozvionawo pane zvaakaita vanhu pavakauya nemumwe murume aiva bofu kwaari vachikumbira kuti amuporese. Jesu “akabata murume wacho ruoko, akabuda naye kunze kwemusha.” Akabva aporesa murume wacho achiita kuti atange kuona zvishoma nezvishoma. Izvi zvinofanira kunge zvakaita kuti murume wacho ajairane nekuona chiedza chezuva nezvimwewo zvinhu sezvo akanga asina kumbobvira azviona. (Mako 8:22-26) Zvese izvi zvinoratidza kuti Jesu aifunga zvakanakira vanhu vaaibatsira.

10. Tingaratidza sei kuti tinofunga kuti vamwe vanonzwa sei nezvatinoita?

10 Sevateveri vaJesu, tinofanirawo kufunga kuti vamwe vanonzwa sei nezvatinoita. Tinongwarira matauriro edu, tichiyeuka kuti kana tikataura tisina kufunga tinogona kurwadzisa vamwe. (Zvirevo 12:18; 18:21) VaKristu vane hanya nevamwe havatauri mashoko ekutsvinya kana kupopota kana kutaura magaramwoyo. (VaEfeso 4:31) Vakuru, mungatevedzerawo sei Jesu panyaya iyi? Pamunenge muchiudza vamwe zvinhu zvavanofanira kugadzirisa, taurai navo zvakanakanaka muchiratidza mutsa, kuti vasare vaine chiremerera. (VaGaratiya 6:1) Vabereki, mungatevedzerawo sei Jesu? Pamunenge muchitsiura vana venyu, musabva mavanyadzisa zvekuti vanosara vaora mwoyo.—VaKorose 3:21.

Usamirira Kukumbirwa

11, 12. Inyaya dzipi dzemuBhaibheri dzinoratidza kuti Jesu akanga asingamiriri kutanga akumbirwa kuti azobatsira vanhu?

11 Tsitsi dzaJesu dzaiita kuti abatsire vanhu vasati vatombomukumbira. Sezvatatoona, tsitsi hadzingogumiri pakurwadziwa mumwoyo asi dzinooneka nekuita chimwe chinhu uchibatsira munhu wacho. Ndokusaka Jesu aitanga iye kubatsira vamwe. Tinoona izvi pane zvaakaitira vanhu vakanga vauya kwaari vakagara naye kwemazuva matatu, vasina chavadya. Jesu haana kumirira kuti mumwe munhu atange amuudza kuti vanhu vava nenzara. Nhoroondo yacho inoti: “Jesu akashevedza vadzidzi vake, akati: ‘Ndiri kusiririswa nevanhu ava nekuti vatova nemazuva matatu vaineni uye havana chavadya. Handidi kuti vaende nenzara nekuti vangaziya munzira.’” Netsitsi dzake, akabva aita chishamiso chekupa vanhu zvekudya.—Mateu 15:32-38.

12 Fungawo zvakaitika muna 31 C.E., Jesu paakanga ava kusvika pedyo neguta reNaini. Akasangana nevanhu vakawanda vainge vakaita mudungwe vachichema vakatakura chitunha, vakananga kumakuva aiva pachikomo chaiva pedyo. Vakanga vari kuenda kunoviga “mwanakomana mumwe chete” weimwe chirikadzi. Chimbofunga kuti chirikadzi iyi yairwadziwa zvakadii. Mukadzi uyu akanga asara ari ega, asisina wekuturira nhamo dzake. Zvainzwisa tsitsi! Paiva nevanhu vakawanda, asi Jesu akacherechedza amai ava vakanga vafirwa nemwanakomana wavo. Paakangovaona “akasiririswa navo,” zvichiratidza kuti akarwadziwa nezvaiitika kwavari. Haana kumirira kuti mumwe munhu atange amuteterera kuti abatsire amai ava. Tsitsi ndidzo dzakaita kuti atore matanho ekuvabatsira. Saka “akabva aswedera pedyo navo, akabata hwanyanza,” akamutsa mwanakomana wacho. Chii chakazoitika? Jesu haana kukumbira jaya racho kuti ribatane nevanhu vaimutevera. Asi Jesu “akamupa kuna amai vake.” Vakanga vasisiri vega, vakanga vava nemunhu aizovariritira.—Ruka 7:11-15.

Usamirira kukumbirwa kuti uzobatsira vamwe

13. Tingatevedzera sei Jesu pakucherechedza kuti vamwe vangada kubatsirwa sei?

13 Tingatevedzera sei zvakaitwa naJesu? Ichokwadi kuti hatikwanisi kuita chishamiso chekupa vanhu zvekudya kana kumutsa vanhu vakafa. Asi tinokwanisa kutevedzera Jesu nekutanga isu kubatsira vamwe. Mumwe munhu watinonamata naye anogona kunge ari kutamburira kuwana chekurarama nacho kana kuti arasikirwa nebasa. (1 Johani 3:17) Hanzvadzi yava chirikadzi inogona kunge iine zvairi kuda kugadzirirwa pamba payo. (Jakobho 1:27) Pamwe mhuri ichangobva kufirwa inogona kunge ichida kunyaradzwa kana kubatsirwa nechimwe chinhu. (1 VaTesaronika 5:11) Kana tikaziva kuti hama dzedu dziri mumamiriro ezvinhu akafanana neachangobva kutaurwa, hatifaniri kumirira kuti titange takumbirwa kuti tizobatsira. (Zvirevo 3:27) Tsitsi dzichatipa chido chekuita zvatinogona kuti tivabatsire. Yeuka kuti kungotaura mashoko mashomanana anonyaradza kana kuita chimwe chinhu chatingaona sechidiki tichibatsira hama dzedu kunogona kuvanyaradza kupfuura zvatinofunga.—VaKorose 3:12.

Tsitsi Dzaiita Kuti Aparidze

14. Nei Jesu aiisa basa rekuparidza mashoko akanaka pekutanga muupenyu hwake?

14 Sezvatakaona muChikamu 2, basa guru raiitwa naJesu nderekuparidza mashoko akanaka. Akati: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari mune mamwe maguta, nekuti ndizvo zvandakatumwa kuzoita.” (Ruka 4:43) Chii chaiita kuti akoshese basa iri zvakadaro? Chikonzero chikuru ndechekuti aida Mwari. Asi pane chimwe chikonzero chaiita kuti aparidze. Jesu ainzwira vanhu tsitsi. Aiona kuti vanhu vaiva nenzara yekuziva Mwari uye kuvanzwira tsitsi panyaya iyi ndiko kwaitokosha kupfuura kuvaporesa nezvimwe zvese zvaakaita achiratidza tsitsi. Ngatimboonai nyaya mbiri dzinoratidza kuti Jesu aiona sei vanhu vaaiparidzira. Izvi zvichatibatsira kuzviongorora kuti tione kuti chii chinoita kuti tiite basa rekuparidza.

15, 16. Tsanangura nyaya mbiri dzinoratidza kuti Jesu aiona sei vanhu vaaiparidzira.

15 Mugore ra31 C.E., Jesu akanga atova nemakore maviri achishanda nesimba muushumiri. Asi akabva atowedzera basa rake, akatanga “kushanyira maguta ese nemisha” yeGarireya. Zvaakaona paaifamba mumaguta nemisha iyi zvakamurwadza. Muapostora Mateu anoti: “Achiona vanhu vazhinji, akasiririswa navo, nekuti vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira semakwai asina mufudzi.” (Mateu 9:35, 36) Jesu akanzwira tsitsi vanhu ivavo vaionekwa sevakaderera. Ainyatsoona kuti vaida kubatsirwa kuti vazive Mwari. Aizivawo kuti vaibatwa zvisina kunaka nevatungamiriri vechitendero, avo vaifanira kunge vari vafudzi vavo. Tsitsi dzakaita kuti Jesu aite zvese zvaanogona kuti audze vanhu mashoko etariro. Pazvese zvavaigona kuitirwa naJesu kuti avabatsire, hapana chaikosha kupfuura kuvaudza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.

16 Papera mwedzi yakati kuti, Jesu akaratidzazve kuti aiona sei vanhu vaaiparidzira. Panguva ino, rakanga rava gore ra32 C.E, uye Paseka yakanga yava pedyo kusvika. Jesu nevaapostora vake vakakwira chikepe, vakaenda mhiri kweGungwa reGarireya vachitsvaga nzvimbo yakanyarara kuti vambozorora. Asi vanhu pavakavaona vachienda, vakamhanya nemumhenderekedzo yegungwa vakavatangira kusvika. Jesu akaita sei? “Paakaburuka, akaona vanhu vakawanda, uye akasiririswa navo, nekuti vakanga vakaita semakwai asina mufudzi. Uye akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvakawanda.” (Mako 6:31-34) Apa zvakare, Jesu “akasiririswa” paakaona vanhu ava vakanga vaine nzara yekuziva Mwari. Vakanga vakaita “semakwai asina mufudzi,” akanga angosiyiwa kuti azvionere. Jesu akavabatsira nekuti akavanzwira tsitsi, kwete nekungoti ndizvo zvaaifanira kuita.

Ratidza kuti unonzwira tsitsi vanhu vatinoparidzira

17, 18. (a) Chii chinoita kuti tiite basa rekuparidza? (b) Tingaita sei kuti tiwedzere kuva vanhu vanonzwira vamwe tsitsi?

17 Isuwo sevateveri vaJesu, chii chinoita kuti tiite basa rekuparidza? Sezvatakaona muChitsauko 9, basa rekuparidza uye rekuita kuti vanhu vave vadzidzi unotova murayiro watakapiwa. (Mateu 28:19, 20; 1 VaKorinde 9:16) Asi hatifaniri kungoita basa iri nekuti ndizvo zvatakanzi tiite. Kuda Jehovha ndicho chikonzero chikuru chinoita kuti tiparidze mashoko akanaka eUmambo. Uyewo tinoparidza nekuti tinonzwira vamwe tsitsi. (Mako 12:28-31) Saka tingaita sei kuti tiwedzere kuva vanhu vanonzwira vamwe tsitsi?

18 Tinofanira kuva nemaonero akafanana neaiva naJesu; aiona kuti vanhu “vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira semakwai asina mufudzi.” Ngatitii uri kufamba hako, wobva waona gwayana rarasika, richingodzungaira. Harina mufudzi anoritungamirira kuenda kumafuro kana kunonwa mvura; rine nyota uye harichakwanisi kufamba nenzara. Waisazorinzwira tsitsi here? Waisazoita zvese zvaunogona kuti uribatsire here? Gwayana iroro rakafanana nevanhu vakawanda vasati vanzwa mashoko akanaka. Vatungamiriri vezvitendero havana kana basa nekuti vanhu vavanotungamirira vari kuziya nenzara yekuziva Mwari, saka vanovasiya vachingodzungaira vasina kana tariro. Asi isu tine chokwadi cheShoko raMwari chinogona kupedza nzara nenyota yavainayo. (Isaya 55:1, 2) Kufunga zvese izvi zvavari kusangana nazvo kunotirwadza, zvoita kuti tivanzwire tsitsi, uye tsitsi dzinoita kuti tiite zvese zvatinogona kuti tivaudze mashoko anopa tariro sezvaiitwa naJesu.

19. Tingakurudzira sei munhu ari kudzidza Bhaibheri kuti atange kuparidza neungano?

19 Tingabatsira sei vamwe kuti vatevedzere muenzaniso waJesu? Ngatitii unoda kukurudzira munhu ari kudzidza Bhaibheri kuti atange kuita basa rekuparidza neungano. Kana kuti unoda kubatsira munhu asingachaiti basa kuti atangezve kuparidza. Ungaita sei kuti ubatsire vanhu vakadaro? Vabatsire kuti vatevedzere Jesu pakunzwira vamwe tsitsi. Yeuka kuti Jesu paakafunga nezvezvinhu zvaisangana nevanhu, “akasiririswa,” akatanga kuvadzidzisa. (Mako 6:34) Saka kana tikangokwanisa kuvabatsira kuti vanzwire vamwe tsitsi, vachanzwa vachida kuudza vamwe mashoko akanaka. Tinogona kuvabvunza kuti: “Mashoko akanaka eUmambo akachinja sei upenyu hwako? Unofunga kuti kudzidza Bhaibheri kungabatsira sei vanhu vasati vava kuziva chokwadi cheBhaibheri? Ungaita sei kuti uvabatsire?” Asi ngatisakanganwa kuti chikonzero chikuru chinofanira kuita kuti munhu aparidze kuda Mwari, uye kuda kumushumira.

20. (a) Kuva muteveri waJesu kunosanganisirei? (b) Tichakurukurei muchitsauko chinotevera?

20 Kuva muteveri waJesu hakungogumiri pakuziva zvaakataura kana kuti pakutevedzera zvaakaita. Tinofanira kuvawo “nemafungiro” aaiva nawo. (VaFiripi 2:5) Bhaibheri rinogona kutibatsira kuti tidaro nekuti rinotiudza manzwiro aiita Jesu mumwoyo make uye zvaiva mupfungwa dzake. Kana tikasvika pakunyatsoziva “pfungwa dzaKristu,” zvichatibatsira kuti tiwedzere kunzwira vamwe tsitsi uye tivabate zvakanaka tichitevedzera Jesu. (1 VaKorinde 2:16) Muchitsauko chinotevera, tichakurukura kuti Jesu akaratidza sei kuti aida vateveri vake zvakadzama.

a Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “asiririswa” munyaya iyi ndiro shoko rine simba pamashoko ese echiGiriki anoreva kunzwira tsitsi. Rimwe bhuku rinoti shoko iri “rinoreva munhu uya anoti kana akaona munhu achitambura, anobatikana nazvo, asi haangogumiri ipapo, anobva aita chimwe chinhu kuti abvise dambudziko racho kana kuti arideredze.”

b Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “muchinzwirana tsitsi” pavhesi iyi richitorwa sezvariri rinoreva “kutambura pamwe chete nemunhu ari kutambura.”