Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 17

“Hapana Ane Rudo Rukuru Kupfuura Urwu”

“Hapana Ane Rudo Rukuru Kupfuura Urwu”

1-4. (a) Chii chinoitika Pirato paanomisa Jesu pamberi pemhomho yevanhu vauya pamuzinda wake? (b) Jesu anoita sei vanhu pavanoita zvinhu zvakasiyana-siyana vachimunyadzisa?

 “ONAI! Murume wacho uyu!” Mashoko aya akataurwa naPondiyo Pirato, gavhuna weRoma, mangwanani emusi wePaseka ya33 C.E. Akataura izvi kumhomho yevanhu vakatsamwa vakanga vaungana nechekunze kwemuzinda wake, paakamisa Jesu pamberi pavo. (Johani 19:5) Mazuva mashomanana izvi zvisati zvaitika, Jesu akanga apinda muJerusarema achipembererwa saMambo akagadzwa naMwari. Asi apa vanhu vaya vamupandukira.

2 Jesu apfekedzwa nguo yepepuru yakafanana neyaipfekwa nemadzimambo uye mumusoro make mune korona. Asi nguo yacho nekorona zvaapfekedzwa hazvisi zvekumukudza, ndezvekutomutsvinyira. Musana wake warohwa zvakaipisisa uye ropa riri kungoyerera. Korona yavamupfekedza yagadzirwa neminzwa, uye minzwa yacho iri kumubaya zvekuti kunyange mumusoro make muri kuyerera ropa. Uku kwaiva kumunyadzisa zvisingaiti. Vachifurirwa nevatungamiriri vevapristi, vanhu vanoramba Jesu pamberi pagavhuna. Vatungamiriri vacho vanotanga kushevedzera vachiti: “Ngaarovererwe! Ngaarovererwe!” Vachiratidza kuti vari kutoda kuti aurayiwe, vanhu vanoshevedzera kuti: “Anofanira kufa.”—Johani 19:1-7.

3 Jesu anotsungirira kunyadziswa kwese uku akadzikama uye achiratidza ushingi. a Zviri pachena kuti mumwoyo make atogadzirira kufa. Zuva risati ravira musi iwoyo wePaseka, akabvuma kufa rufu runorwadza padanda rekutambudzirwa.—Johani 19:17, 18, 30.

4 Paakazvipira kufa, Jesu akaratidza vateveri vake kuti aiva shamwari yechokwadi. Akati, “Hapana ane rudo rukuru kupfuura urwu, kuti mumwe munhu ape upenyu hwake achifira shamwari dzake.” (Johani 15:13) Izvi zvinoita kuti tive nemibvunzo inokosha yatichakurukura muchitsauko chino inoti: Nei Jesu aitofanira kutambura, ofa rufu runorwadza kudaro? Chii chakaita kuti abvume kupa upenyu hwake? Sezvo tiri “shamwari dzake” uye vateveri vake, tingamutevedzera sei?

Nei Jesu Aitofanira Kutambura Uye Kufa Rufu Runorwadza Kudaro?

5. Jesu akaziva sei matambudziko aaizosangana nawo?

5 Sezvo akanga ari iye Mesiya akanga agara ataurwa kuti aizouya, Jesu aiziva zvaizoitika kwaari. Aiziva uprofita hwese hwakanga hwakanyorwa muMagwaro echiHebheru hwaitaura nezvekutambura uye kufa kwaizoita Mesiya. (Isaya 53:3-7, 12; Dhanieri 9:26) Aigara achiudza vadzidzi vake nezvemiedzo yese yakanga yakamumirira uye kutambura kwaaizoita. (Mako 8:31; 9:31) Paakanga ari munzira kuenda kuJerusarema kuPaseka yekupedzisira yaaizochengeta nevaapostora vake, akavaudza kuti: “Mwanakomana wemunhu achaiswa kuvatungamiriri vevapristi nevanyori. Vachamutongera rufu vomuisa kuvanhu vemamwe marudzi, avo vachamuseka, vomusvipira mate nekumurova zvakasimba vomuuraya.” (Mako 10:33, 34) Apa Jesu akanga asiri kungotaurawo hake zvinhu zvaisazoitika. Sezvataona, zvaakataura ndizvo chaizvo zvakazoitika; akasekwa, akasvipirwa mate uye akaurayiwa.

6. Nei Jesu aifanira kutambura uye kufa?

6 Asi nei Jesu aitofanira kutambura uye kufa? Pane zvikonzero zvinokosha zvitatu. Chekutanga, Jesu aifanira kuramba akavimbika kuna Jehovha kusvika parufu kuti aratidze kuti akaperera kuna Jehovha uye kuti atsvenese zita raBaba vake. Yeuka kuti Satani akapomera vanhu kuti vanongoshumira Mwari nekuti pane zvavanenge vachida kuti avaitire. (Jobho 2:1-5) Paakaramba akatendeka “kusvikira parufu . . . padanda rekutambudzirwa,” Jesu akapa mhinduro yakanyatsoratidza zvakajeka kuti zvakataurwa naSatani dzaiva nhema. (VaFiripi 2:8; Zvirevo 27:11) Chechipiri, Jesu aifanira kutambura uye kufa kuti ave chibayiro chekuyananisa zvivi zvevanhu. (Isaya 53:5, 10; Dhanieri 9:24) Jesu akapa “upenyu hwake kuti adzikinure vanhu vazhinji,” uye izvi zvakaita kuti tive nemukana wekuva neushamwari naMwari. (Mateu 20:28) Chechitatu, Jesu “akaedzwa pamamiriro ese ezvinhu sezvatakaitwawo” paakatsungirira matambudziko ese aakasangana nawo. Izvi zvinoita kuti ave Mupristi Mukuru anokwanisa “kutinzwira tsitsi pakusava nesimba kwedu.”—VaHebheru 2:17, 18; 4:15.

Chii Chakaita Kuti Jesu Abvume Kupa Upenyu Hwake?

7. Nei tingati Jesu akazvipira chaizvo paakabvuma kuuya panyika pano?

7 Kuti unyatsonzwisisa kuti Jesu akazvipira zvakadii, chimbofunga zvinotevera: Pane murume angabvuma kusiya musha wake nemhuri yake here, otamira kune imwe nyika achitoziva hake kuti achavengwa nevanhu veko? Ko kuzoti akaziva kuti vachamushora vomutambudza, vozopedzisira vamuuraya, angabvuma kuendako here? Zvino chifunga zvakaitwa naJesu. Asati auya pasi pano, aikudzwa chaizvo ari pedyo naBaba vake kudenga. Asi Jesu akabvuma kusiya zvese izvi, akauya panyika kuzorarama semunhu wenyama. Akauya panyika achinyatsoziva kuti vanhu vakawanda vaizomuramba uye kuti vaizomunyadzisa nekumutambudza zvine utsinye, vozopedzisira vamuuraya nenzira inorwadza chaizvo. (VaFiripi 2:5-7) Chii chakaita kuti Jesu azvipire kusvika pakufa rufu rwakadaro?   

8, 9. Chii chakaita kuti Jesu ape upenyu hwake?

8 Chikonzero chikuru chakaita kuti Jesu azvipire kufa rufu runorwadza ndechekuti anoda Baba vake zvakadzama. Kutsungirira kwaakaita kwakanyatsoratidza kuti aida Jehovha zvakadii. Jesu aida Baba vake zvekuti zvaimurwadza chaizvo kuona zita ravo richisvibiswa. (Mateu 6:9; Johani 17:1-6, 26) Hapana chimwe chaaida kupfuura kuona zita raBaba vake richicheneswa panhema dzese dzakatutirwa pariri naSatani. Saka kwaari, kutambura nekuda kwezita raBaba vake kwaitova kukudzwa kusingaenzaniswi, nekuti aiziva kuti kuramba akavimbika kwaizoita kuti zita rakanaka raBaba vake rikudzwe.—1 Makoronike 29:13.

9 Chimwe chikonzero chakaita kuti Jesu ape upenyu hwake ndechekuti aida vanhu zvakadzama. Jesu haana kutanga kuda vanhu auya pano panyika; akatanga kuvada kubvira pakasikwa vanhu vaviri vekutanga. Kare kare Jesu asati auya panyika, Bhaibheri rakataura kuti ainzwa sei nezvevanhu. Rinotiudza kuti akataura mashoko ekuti: “Ndaifarira kwazvo vanakomana vevanhu.” (Zvirevo 8:30, 31) Paakazouya pasi pano ndipo paakazonyatsoratidza kuti anoda vanhu zvakadii. Sezvatakaona muzvitsauko zvitatu zvakapfuura, Jesu akaratidza nenzira dzakasiyana-siyana kuti aida vateveri vake zvakadzama uye akaratidzawo kuti aida vanhu vese. Asi musi waNisani 14, 33 C.E., akazvipira kupa upenyu hwake chaihwo, achiitira isu. (Johani 10:11) Zvechokwadi iyi ndiyo nzira huru kupfuura dzimwe dzese yaakaratidza nayo kuti anotida. Tinofanira kumutevedzerawo here pakuratidza rudo nenzira iyi? Ehe, tinofanira kumutevedzera. Akatotirayira kuti ndizvo zvatinofanira kuita.   

‘Dananai Sekukudai Kwandakaita’

10, 11. Jesu akapa vateveri vake murayiro upi mutsva; murayiro wacho unosanganisirei uye nei zvakakosha kuti tiuteerere?

10 Usiku hwekupedzisira asati afa, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sekukudai kwandakaita, imiwo dananai. Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:34, 35) Nei murayiro wekuti ‘dananai’ uri kunzi “murayiro mutsva”? MuMutemo waMozisi magara maitova nemutemo waiti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Revhitiko 19:18) Asi murayiro mutsva wakanga wava kutoda kuti munhu aite zvinopfuura ipapo; ade vamwe zvekutosvika pakuvafira. Jesu akajekesa izvi paakati: “Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudanane sekuda kwandakakuitai. Hapana ane rudo rukuru kupfuura urwu, kuti mumwe munhu ape upenyu hwake achifira shamwari dzake.” (Johani 15:12, 13) Saka muchidimbu tinogona kuti murayiro mutsva unoreva kuti: “Ida vamwe, kwete sezvaunozviita, asi kupfuura zvaunozviita.” Jesu akatiratidza kuti tingatevedzera sei rudo irworwo nemararamiro aakaita uye kuzvipira kwaakaita kutifira.

11 Nei zvakakosha kuti titeerere murayiro mutsva? Tinofanira kuyeuka mashoko akataurwa naJesu ekuti: “Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi [nekuratidza rudo rwekuzvipira].” Zvechokwadi rudo rwekuzvipira ndirwo runonyatsoratidza kuti tiri vaKristu vechokwadi. Tinogona kufananidza rudo urwu nebheji ratinopfeka kuti vanhu vatizive. Patinopinda magungano emunharaunda eZvapupu zvaJehovha anoitwa gore negore, tinopfeka mabheji. Bheji iroro ratinopfeka rinoita kuti vanhu vatizive nekuti rinenge rakanyorwa zita redu neungano yatinopinda nayo. Rudo rwekuzvipira ndiro bheji rinoratidza kuti vaKristu vechokwadi ndevapi. Izvi zvinoreva kuti rudo rwatiinarwo pakati pedu runofanira kunyatsooneka nevanhu vanotiona ruchiratidza kuti ndisu vateveri vaKristu vechokwadi. Saka tese tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Zviri kunyatsooneka here kuti ndakapfeka bheji rangu rerudo rwechokwadi?’

Tingaratidza Sei Kuti Tinoda Vamwe Sezvaiita Jesu?

12, 13. (a) Tinofanira kuda vamwe kusvika papi? (b) Kuzvipira kunorevei?

12 Sevateveri vaJesu, tinofanira kudanana sekutida kwaakaita. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kugara takagadzirira kuzvipira kubatsira hama nehanzvadzi dzedu. Tinofanira kuzvipira kusvika papi? Bhaibheri rinotiudza kuti: “Takasvika pakuziva rudo, nekuti iye akapa upenyu hwake nekuda kwedu, uye isu tinotofanirawo kupa upenyu hwedu nekuda kwehama dzedu.” (1 Johani 3:16) Tichitevedzera zvakaitwa naJesu, kana zvikasvika pekuti tinofanira kufira hama dzedu, takagadzirira kuita kudaro. Kana tikatanga kutambudzwa, tingatozvipira hedu kufa pane kuti titaure mazita ehama dzedu tichiisa upenyu hwavo pangozi. Kana tichigara munyika dzinotsviriridza nyaya yerusaruraganda kana urudzi, takagadzirira kuisa upenyu hwedu pangozi tichichengetedza hama dzedu tisingatombotarisi ruvara rwavo rweganda kana kuti vanobva kupi. Kana hondo ikatanga kwatinogara, tingatozvipira hedu kufa kana kuenda kujeri pane kupinda muchiuto tichiuraya hama dzedu kana vamwewo vanhu.—Johani 17:14, 16; 1 Johani 3:10-12.

13 Kufira hama dzedu haisiri iyo nzira chete yekuratidza nayo kuti tine rudo rwekuzvipira. Chokwadi ndechekuti vakawanda vedu hatizombopindi mumamiriro ezvinhu ekuti tinenge tichifanira kufira hama dzedu. Asi kana takagadzirira kufira hama dzedu mumwoyo medu, tingatadza here kuzvipira kuita zvimwe zvinhu zvingaita sezvidiki kuti tivabatsire? Munhu anozvipira anobvuma kurasikirwa nechimwe chinhu kana kuita zvinhu zvakamuomera kuti abatsire mumwe munhu. Anoisa zvinodiwa nevamwe uye zvavanofarira pekutanga asingangofungi zvakamunakira. (1 VaKorinde 10:24) Ndezvipi zvimwe zvatingaita zvinoratidza kuti tine rudo rwekuzvipira?

Kuratidza Rudo Muungano Uye Mumhuri

14. (a) Vakuru vanofanira kuzvipira kuita sei? (b) Unonzwa sei nekushanda nesimba kunoita vakuru vari muungano yenyu?

14 Vakuru veungano vanozvipira kuita zvinhu zvakawanda ‘vachifudza boka raMwari.’ (1 Petro 5:2, 3) Kunyange zvazvo vachishanda nesimba kuriritira mhuri dzavo, vanofanirawo kuwana nguva yekuita mamwe mabasa eungano. Dzimwe nguva vanenge vachifanira kushandisa nguva yavaifanira kunge vakazorora manheru kana kuti pakupera kwevhiki vachigadzirira hurukuro, kuita shanyo dzekufudza uye kutonga nyaya dzinenge dzapinda mudare. Pane vakuru vakawanda vanozvipira kuita mabasa akasiyana-siyana pamagungano uye vamwe vanoshanda neKomiti Yekukurukura Nezvipatara (HLC) kana neBoka Rekushanyira Varwere (PVG). Vamwewo vanozvipira kushanda vachibatsira Dhipatimendi Remapurani Nekuvaka (LDC). Vakuru, musambokanganwa kuti pamunoshumira hama dzenyu zvichibva pamwoyo, muchishandisa nguva yenyu nesimba, kunyange pfuma yenyu muchifudza makwai aJehovha, munenge muchitoratidza rudo rwekuzvipira. (2 VaKorinde 12:15) Zivai kuti basa ramunoita nemwoyo wese rinokosheswa chaizvo naJehovha uye nevese vari muungano.—VaFiripi 2:29; VaHebheru 6:10.

15. (a) Madzimai evakuru anoratidza sei kuti anozvipira achiitira ungano? (b) Unoona sei kuzvipira kunoita madzimai evakuru vari muungano yenyu?

15 Chimbofungawo nezvemadzimai evakuru. Handizvo here kuti zvinotoda kuti vazvipire kuti varume vavo vakwanise kufudza makwai? Dzimwe nguva vakuru vanenge vachifanira kushandisa nguva yavaifanira kunge vaine mhuri dzavo kuti vaite mabasa akasiyana-siyana ane chekuita neungano. Fungawo nezvemadzimai evatariri vematunhu. Vanozvipira kufamba pamwe chete nevarume vavo vachishanyira ungano dzakasiyana-siyana mumatunhu akasiyana-siyana. Havanawo musha wavanoti ndewavo uye dzimwe nguva vanenge vachitofanira kuti nhasi varara pano, vhiki rinotevera vatova kune imwewo nzvimbo. Tinotenda chaizvo madzimai anozvipira zvakadaro. Vanoratidza rudo nekuisa ungano pekutanga vasingangofungi zvakavanakira ivo chete.—VaFiripi 2:3, 4.

16. Vabereki vechiKristu vanoratidza sei rudo rwekuzvipira vachiitira vana vavo?

16 Tingaratidza sei rudo rwekuzvipira mumhuri? Vabereki munozvipira kuita zvinhu zvakawanda kuti murere vana venyu “muchivaranga uye muchivarayira sezvinodiwa naJehovha.” (VaEfeso 6:4) Munoshanda nesimba kumabasa enyu kuti mungowana mari inokwana kutenga zvekudya zvevana venyu, uye kuti vawane zvekupfeka nepekugara. Mungatozvipira kushaya zvimwe zvinhu muupenyu kuti vana venyu vawane zvavanoda pakurarama. Munoshandawo nesimba kudzidzisa vana venyu Shoko raMwari, munoenda navo kumisangano yechiKristu uye munoshanda navo muushumiri. (Dheuteronomi 6:6, 7) Jehovha anofadzwa chaizvo nerudo rwamunoratidza muchizvipira, uye rudo irworwo runogona kubatsira vana venyu kuti vazowana upenyu husingaperi.—Zvirevo 22:6; VaEfeso 3:14, 15.

17. Varume vechiKristu vangatevedzera sei Jesu pakuratidza rudo rwekuzvipira?

17 Varume, mungatevedzera sei Jesu pakuratidza rudo rwekuzvipira? Bhaibheri rinoti: “Varume, rambai muchida madzimai enyu, sekuda kwakaita Kristu ungano, akazvipira kuifira.” (VaEfeso 5:25) Sezvataona, Jesu aida vateveri vake chaizvo zvekuti akatosvika pakuvafira. Kristu “haana kuzvifadza,” uye ndizvo zvinoitwa nemurume anoda kutevedzera Kristu. (VaRoma 15:3) Anoisa zvinodiwa nemudzimai wake pekutanga kwete kungofunga zvakamunakira iye chete. Haaomese musoro achingoda kuti zvaanoda iye zviitwe chete, asi anobvuma kuita zviri kudiwa nemumwe wake kana zvichienderana nechokwadi chiri muBhaibheri. Murume anoratidza rudo rwakadai anofarirwa naJehovha, uye anodiwa nekuremekedzwa nemudzimai wake nevana.

Uchatevedzera Jesu Here?

18. Ndechipi chikonzero chinokosha chinoita kuti tide kuteerera murayiro mutsva wekuti tidanane?

18 Kuteerera murayiro mutsva wekuti tidanane hakusi nyore, asi pane chikonzero chinokosha chinoita kuti tide kuuteerera. Pauro akanyora kuti: “Nekuti rudo runa Kristu runotimanikidza, nekuti aya ndiwo maonero atakaita, kuti munhu mumwe chete akafira vanhu vese . . , uye akafira vanhu vese kuti vaya vanorarama varege kuramba vachizviraramira, asi vararamire iye akavafira, akamutswa.” (2 VaKorinde 5:14, 15) Sevanhu vakafirwa naJesu, hatifaniri here kumuraramira? Tinogona kuita izvi nekutevedzera rudo rwake rwekuzvipira.

19, 20. Jehovha akatipa chipo chipi chinokosha uye tingaratidza sei kuti tinochigamuchira?

19 Jesu akanga asiri kuwedzeredza paakati: “Hapana ane rudo rukuru kupfuura urwu, kuti mumwe munhu ape upenyu hwake achifira shamwari dzake.” (Johani 15:13) Hapana imwe nzira yaaigona kuratidza nayo kuti anotida zvakadii ingapfuura kubvuma kwaakaita kupa upenyu hwake achiitira isu. Asi pane akatotiratidza rudo rukuru kupfuura urwu. Jesu akati: “Nekuti Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Mwari anotida zvakadzama chaizvo zvekuti akapa Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro, zvichiita kuti tikwanise kununurwa pachivi nerufu. (VaEfeso 1:7) Rudzikinuro chipo chinokosha chatakapiwa naJehovha, asi haatimanikidzi kuchigamuchira.

20 Zviri kwatiri kugamuchira chipo ichi chatakapiwa naJehovha. Asi tinochigamuchira sei? Tinofanira “kutenda” muMwanakomana wake. Tinogona kutaura kuti tine kutenda, asi hazvingogumiri ipapo. Kutenda kunoratidzwa nemabasa, kureva mararamiro atinoita. (Jakobho 2:26) Kana tichitenda muna Jesu Kristu, tichazviratidza nekumutevera zuva nezuva. Izvozvo zvichaita kuti tiwane makomborero iye zvino uye mune ramangwana, sezvatichakurukura muchitsauko chekupedzisira chebhuku rino.

a Musi iwoyo, Jesu akasvipirwa mate kaviri. Vatungamiriri vechitendero ndivo vakatanga kumusvipira kumeso uye pava paya akazosvipirwawo nemasoja eRoma. (Mateu 26:59-68; 27:27-30) Kunyange pavakaita zvinhu zvinogumbura kudaro, Jesu akaramba akadzikama, achizadzisa mashoko ekuti: “Handina kuhwandisa chiso changu pakuitirwa zvinhu zvinonyadzisa uye pakupfirwa mate.”—Isaya 50:6.