Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 13

“Ndinoda Baba”

“Ndinoda Baba”

1, 2. Maererano nezvakanyorwa naJohani, nei Jesu akabvuma kufa rufu runorwadza?

 JOHANI ndiye ega achiri mupenyu pavaapostora vese vaJesu. Iye zvino atochena musoro, uye anogara pasi otora chinyoreso chake achida kunyora zvinhu zvakazara mundangariro dzake. Pfungwa dzake dzinodzokera kumashure, makore anenge 70 akapfuura, pausiku hwekupedzisira hwaJesu aine vadzidzi vake asati aurayiwa. Kunyange zvazvo ava nemakore anenge 100, mweya mutsvene waMwari unoita kuti ayeuke uye anyore zvese zvakaitika nemo nemo.

2 Usiku ihwohwo, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti akanga ava pedyo kuurayiwa. Johani ndiye ega anotiudza chikonzero chakaita kuti Jesu abvume kufa rufu runorwadza kudaro. Akanyora kuti Jesu akati: “Kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, ndava kuita zvandakaudzwa chaizvo naBaba kuti ndiite. Simukai, ngatibvei pano.”—Johani 14:31.

3. Jesu akaratidza sei kuti aida Baba vake?

3 Mashoko aJesu ekuti, “Ndinoda Baba,” anoratidza kuti aida Baba vake kupfuura chero chii zvacho. MuBhaibheri hapana pakawanda patinoona Jesu achitaura zvakananga kuti anoda Baba vake. Pana Johani 14:31 ndipo chete paakataura mashoko iwayo. Asi mararamiro aaiita zuva nezuva airatidza kuti anoda Baba vake. Zvaaiita zvaitaura zvega kuti anovada. Pese paaiteerera Baba vake, paaitsungirira, uye paairatidza ushingi, Jesu aitopa uchapupu hwekuda kwaanoita Mwari. Zvese zvaakaita mumakore ese aakaita ushumiri hwake zvaibva pakuda kwaanoita Baba vake.

4, 5. Bhaibheri rinonyanya kutaura nezvemhando ipi yerudo, uye Jesu aida Jehovha zvakadini?

4 Mazuva ano vanhu pavanofunga nezverudo, pfungwa dzavo dzinomhanyira pakudanana kunoita murume nemukadzi. Nyika iri kupengeswa nerudo irworwo uye ndirwo runotaurwa munziyo nenhetembo dzakawanda. Bhaibheri rinotaurawo nezverudo ruri pakati pemurume nemukadzi, uye rinotaura nyaya yacho neruremekedzo kusiyana nezvinoitwa nevanhu munyika. (Zvirevo 5:15-21) Asi Shoko raMwari rinonyanya kutaura nezveimwe mhando yerudo. Rudo urwu harusi rwekungotorwa mwoyo kana kungorwarira mumwe munhu nhasi mangwana zvomuka zvapera; uyewo harusi rudo rwekungozviudza kuti ndizvo zvandiri kufanira kuita asi mwoyo wako usingadi. Mhando yerudo urwu inobatanidza zvese, manzwiro atinoita mumwoyo uye zvatinofunga. Rudo rwakadaro runobva pasi pasi pemwoyo, runotungamirirwa nemitemo yaMwari yakarurama uye runooneka nezvatinoita. Rudo irworwo nderwechokwadi uye runotsungirira zvinhu zvese. Shoko raMwari rinoti: “Rudo harumboperi.”—1 VaKorinde 13:8.

5 Pavanhu vese vakamborarama panyika, hapana anoda Jehovha kupfuura zvaiita Jesu. Hapana akapfuura Jesu pakurarama zvinoenderana nemurayiro waakati ndiwo mukuru pane yese, wekuti: “Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nepfungwa dzako dzese uye nesimba rako rese.” (Mako 12:30) Jesu akasvika sei pakuda Jehovha zvakadzama kudaro? Chii chakamubatsira kuti arambe achida Mwari panguva yaaiva pasi pano? Tingamutevedzera sei?

Rudo Ruri Pakati paJehovha naJesu

6, 7. Tinoziva sei kuti mashoko ari pana Zvirevo 8:22-31 ari kutaura nezveMwanakomana waMwari kwete uchenjeri?

6 Wakamboshanda nemumwe munhu pane rimwe basa mukapedzisira mava kuwirirana zvekuita tsika nditsikewo here? Kana zvakadaro, unogona kunzwisisa rudo rwakavapo pakati paJehovha neMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga. Kusvika patasvika mubhuku rino, tataura zvakawanda nezvaZvirevo 8:30, asi ngatimbonyatsoongorora mavhesi akawanda ari muchitsauko 8 chaZvirevo. Pavhesi 22 kusvika ku31, tinonzwa nezveuchenjeri huchitaurwa semunhu. Tinoziva sei kuti Mwanakomana waMwari ndiye anenge achirehwa nemavhesi aya?

7 Muvhesi 22, uchenjeri hunoti: “Jehovha akandisika kuti ndive kutanga kwenzira yake, wekutangatanga pamabasa ake ekare kare.” Vhesi iyi inofanira kunge iri kutaura nezvechimwe chinhu chisiri uchenjeri, nekuti uchenjeri haunganzi hwakasikwa kana kuti hune pahwakatangira. Jehovha agara ariko uye agara akachenjera. (Pisarema 90:2) Asi kana ari Mwanakomana waMwari, ane paakatangira. Ndiye “dangwe rezvisikwa zvese,” wekutanga pamabasa ese aMwari, kureva kuti akatoita zvekusikwa naJehovha. (VaKorose 1:15) Bhuku raZvirevo rinoratidza kuti Mwanakomana aivapo denga nenyika zvisati zvasikwa. Anonziwo Shoko, kureva kuti ndiye anotaura achimiririra Mwari weuchenjeri, saka ndiye akanyatsoratidza zvakakwana chinonzi uchenjeri hwaJehovha.—Johani 1:1.

8. Mwanakomana aiitei asati auya pasi pano, uye tinofanira kufunga nezvei patinoona zvinhu zvakasikwa?

8 Mwanakomana aiitei kwemakore ese aaiva kudenga asati auya pasi pano? Vhesi 30 inotiudza kuti akanga ari padivi paMwari ari “mhizha.” Izvozvo zvinorevei? VaKorose 1:16 inoti: “Pachishandiswa iye zvimwe zvinhu zvese zvakasikwa kudenga nepanyika . . . Zvimwe zvinhu zvese zvakasikwa pachishandiswa iye uye zvakasikirwa iye.” Jehovha ndiye Musiki, asi akashandisa Mwanakomana wake ‘semhizha’ kusika zvimwe zvinhu zvese, izvo zvinosanganisira zvisikwa zvemweya zvese, denga nemabhiriyoni emapoka enyeredzi, nyika nezvirimwa zvayo, mhuka dzakasiyana-siyana, uye kuchizopedzisira munhu, uyo akanga asikirwa zvinhu zvese zviri panyika. Tinogona kufananidza kushanda kwakaita Baba neMwanakomana wavo pakusika zvinhu nemashandiro anoita munhu anogadzira purani nemunhu anozovaka imba yacho. Anoivaka neunyanzvi zvekuti inobuda sezviri papurani chaizvo. Patinotarisa chimwe chinhu chakasikwa tichiyevedzwa nacho, tinenge tichitobvuma kuti Jehovha, uyo akagadzira purani yezvinhu zvese zvakasikwa anofanira kurumbidzwa. (Pisarema 19:1) Asi hatifaniri kukanganwa kuti paisikwa zvinhu zvese izvozvo Mwanakomana aifara chaizvo paaishanda naBaba vake ari “mhizha.”

9, 10. (a) Chii chakaita kuti Jehovha neMwanakomana wake vave shamwari dzepedyo? (b) Chii chinogona kuita kuti rudo ruri pakati pako naBaba vako vekudenga rwusimbe?

9 Dzimwe nguva zvinogona kuomera vanhu vaviri vane chivi kuti varambe vachishanda vese vachiwirirana. Asi izvi zvakatosiyana chaizvo nemashandiro akaita Jehovha neMwanakomana wake! Vakaita makore nemakore vachishanda pamwe chete. Achitaura nezvekushanda kwaakaita naBaba vake, Mwanakomana akati: “Ndaigara ndichifara pamberi pake.” (Zvirevo 8:30) Izvi zvinoratidza kuti Jesu aifara chaizvo paaishanda naBaba vake, uye Baba vaifarawo chaizvo pavaishanda neMwanakomana wavo. Nguva yese iyi, Mwanakomana akaramba achiwedzera kufanana naBaba vake, achidzidza kutevedzera zvavari. Ndokusaka rudo rwuri pakati pavo rwakasimba chaizvo! Tinogona kuti rudo rwavo ndirwo rwakasimba uye rwava nemakore akawanda rwuripo kupfuura rwezvimwe zvisikwa zvese pasi nekudenga.

10 Asi izvi zvinogona kuita kuti unzwe sei? Unogona kufunga kuti hauzombofi wakava neushamwari hwakadaro naJehovha. Ichokwadi kuti rudo ruri pakati paJehovha neMwanakomana rwakakwirira nekuti Jesu ndiye Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga. Asi pane chikomborero chatiinacho chinogona kuita kuti tive neushamwari hwepedyo naJehovha. Yeuka kuti kushanda kwakaita Jesu naBaba vake ndiko kwakaita kuti vasvike pakuwirirana zvakadaro. Jehovha anotida, saka anotikoka kuti ‘tishande pamwe chete’ naye. (1 VaKorinde 3:9) Patinenge tichiparidza tichitevedzera zvaiitwa naJesu muushumiri, tinofanira kugara tichiyeuka kuti tiri vashandi pamwe chete naMwari. Kushanda kwatinoita pamwe chete naJehovha kunoita kuti rudo ruri pakati pedu naye rwurambe ruchisimba. Pane chikomborero chinopfuura ichi here?

Chii Chakaita Kuti Jesu Arambe Achida Jehovha Zvakadzama?

11-13. (a) Nei tingati rudo runogona kufananidzwa neruva, uye Jesu akaita sei kuti kuda kwaaiita Jehovha kurambe kwakasimba paaiva mudiki? (b) Mwanakomana akaratidza sei kuti aifarira kudzidziswa naJehovha paakanga achiri kudenga uye paakanga ava pasi pano atova munhu mukuru?

11 Kuti tikwanise kunzwisisa kuti tingaita sei kuti kuda kwatinoita Jehovha kurambe kwakasimba, chimbofunga nezvemuenzaniso unotevera. Sezvinongoita ruva rinoda kugara richidiridzwa kuti rikure zvakanaka, tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti kuda kwatinoita Jehovha kurambe kuchiwedzera. Asi chii chinoitika kana ruva racho rikangosiyiwa, risingadiridzwi, uye risina mupfudze? Rinosvava, rooma. Jesu haana kumbobvira asiya ushamwari hwake naJehovha huchisvava. Ngationei kuti Jesu akaita sei kuti kuda kwaanoita Jehovha kurambe kwakasimba uye kuchiwedzera panguva yese yaaiva pasi pano.

12 Chimbofunga zvakaitika Jesu achiri mudiki paaiva patemberi muJerusarema. Vabereki vake pavakamuudza kuti vakanga vaona nhamo vachimutsvaga, akavapindura kuti: “Manga muchinditsvagireiko? Hamuna kuziva here kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?” (Ruka 2:49) Panguva iyi, zviri pachena kuti Jesu akanga asati ava kutomboziva kuti aimborarama kudenga. Kunyange zvakadaro, kuda kwaaiita Baba vake Jehovha kwakanga kwakasimba chaizvo. Aiziva kuti kuda Jehovha kunooneka nekumunamata. Saka hapana imwe nzvimbo yaiita kuti Jesu afare chaizvo kupfuura kuva patemberi, paimba yaBaba vake, apo paiitwa kunamata kwakachena. Aida chaizvo kuva patemberi uye aisatomboda kudzokera kumba. Asi aisangouya kutemberi kuzoona zvinenge zvichiitwa ipapo. Aifarira kudzidza nezvaJehovha uye kutaura zvaaiziva nezvake. Haana kungotanga kufarira kuita izvi paakanga ava nemakore 12, uyewo hazvina kungoperera ipapo.

13 Asati auya pasi pano, Mwanakomana aifarira kudzidziswa naBaba vake. Uprofita huri pana Isaya 50:4-6 hunoratidza kuti Jehovha akadzidzisa Mwanakomana wake kuti kuva Mesiya kwairevei. Kunyange zvazvo zvinhu zvaaidzidziswa zvaisanganisira matambudziko aaizosangana nawo saMesiya, Mwanakomana airamba achida kudzidza zvakawanda kubva kuna Baba vake. Paakazouya panyika uye ava munhu mukuru, akaramba achifarira kuenda kuimba yaBaba vake kunonamata uye kunodzidzisa nezvavo. Bhaibheri rinototaura kuti Jesu aigara achienda kutemberi uye kusinagogi. (Ruka 4:16; 19:47) Kana tichida kuti kuda kwatinoita Jehovha kurambe kwakasimba uye kuchiwedzera, tinofanira kupinda misangano yechiKristu nguva dzese tichinamata Jehovha. Misangano iyi inotipa mukana wekudzidza nezvaJehovha, uye wekuswedera pedyo naye.

Akakwira mugomo ari ega kuti anonyengetera”

14, 15. (a) Nei Jesu aitsvaga nguva yekumbova ega? (b) Minyengetero yaJesu yairatidza sei kuti aiva neushamwari hwepedyo naBaba vake uye kuti aivaremekedza?

14 Chimwe chakabatsira Jesu kuti kuda kwaaiita Jehovha kurambe kwakasimba ndechekuti aigara achinyengetera. Kunyange zvazvo aiva munhu aifarira kushamwaridzana nevamwe, Jesu aiita zvese zvaaigona kuti awane nguva yekumbova ega; kuita izvi kwaikosha chaizvo kwaari. Ruka 5:16 inotaura kuti Jesu “aiwanzoenda kwake ega achinonyengetera.” Uye Mateu 14:23 inotiwo: “Paakanga aendesa vanhu vese, akakwira mugomo ari ega kuti anonyengetera. Pakwakanga kwasviba, akanga arimo ari ega.” Jesu aitsvaga nguva yekumbova ega, kwete nekuti akanga asingafariri vanhu, asi nekuti aida kumbowana nguva naBaba vake Jehovha, achinyengetera kwavari akasununguka.

15 Paainyengetera, Jesu aimboshandisa mashoko ekuti “Abha, Baba.” (Mako 14:36) Panguva yakararama Jesu, shoko rekuti “Abha” raiva shoko raishandiswa nemwana kudaidza “baba” vake zvichiratidza kuti anovada chaizvo. Iri nderimwe remashoko aitanga kutaurwa nemwana paanenge achidzidzira kutaura, asi raivawo shoko rairatidza kuremekedza. Jesu paakashandisa shoko iri, zvairatidza kuti aiva neushamwari hwepedyo naBaba vake, asiwo zvairatidza kuti airemekedza Baba vake Jehovha zvakadzama. Minyengetero yese yakapiwa naJesu yatinowana muBhaibheri inoratidza kuti aiva shamwari yaBaba vake uye kuti aivaremekedza zvikuru. Ngatitorei semuenzaniso munyengetero murefu uye waibva pamwoyo wakapiwa naJesu usiku hwekupedzisira asati aurayiwa uri pana Johani chitsauko 17. Zvakakosha kuti tidzidze munyengetero uyu unobaya mwoyo uye kutevedzera manyengeterero aiita Jesu. Izvi hazvirevi kuti tinofanira kudzokorora mashoko aJesu patinenge tichinyengetera, asi kuti tinotsvaga nzira uye mikana yakawanda yekutaura naBaba vedu vekudenga zvinobva pamwoyo. Izvi zvichaita kuti kuda kwatinoita Jehovha kusimbe uye kurambe kuchiwedzera.

16, 17. (a) Jesu akaratidza sei kuti aida Baba vake nezvaaitaura? (b) Jesu akaratidza sei kuti Baba vake vanopa zvechokwadi?

16 Sezvatamboona, muBhaibheri hapana pakawanda patinoona Jesu achitaura zvakananga kuti, “Ndinoda Baba.” Asi pane mashoko akawanda aakataura anoratidza kuda kwaaiita Baba vake. Pane imwe nguva Jesu akataura kuti: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wedenga nenyika.” (Mateu 11:25) MuChikamu 2 chebhuku rino, takaona kuti imwe nzira yakashandiswa naJesu kurumbidza Baba vake ndeyekubatsira vanhu kuti vasvike pakunyatsoziva kuti Jehovha ndiMwari akaita sei. Pamwe paakaita izvi ndepaya paakafananidza Jehovha nababa vakanga vakagadzirira kukanganwira mwanakomana wavo. Vaida chaizvo kuti adzoke zvekuti musi waakadzoka, vakamumhanyira achiri kure ndokumumbundira. (Ruka 15:20) Patinoverenga mufananidzo uyu wakataurwa naJesu, tinonyatsoona rudo runa Jehovha uye kuregerera kwaanoita zvekuti tinobayiwa mwoyo.

17 Kakawanda, Jesu airumbidza Baba vake nekupa kwavanoita vanhu zvinhu zvakanaka. Akashandisa muenzaniso wezvinoitwa nevabereki kuti aratidze kuti Baba vedu havambotadzi kupa vashumiri vavo mweya mutsvene. (Ruka 11:13) Jesu akataurawo kuti Baba vake vanopa tariro kuvanhu vese vanovashumira vakavimbika. Aigara achitaura nezvetariro yake yekudzokera kudenga kuna Baba vake. (Johani 14:28; 17:5) Akaudza vateveri vake kuti Jehovha anopa ‘veboka diki’ tariro yekunotonga kudenga muUmambo hwake. (Ruka 12:32; Johani 14:2) Uye akanyaradza mutadzi akanga akarovererwa padanda pedyo naye nekumuudza nezvetariro yekurarama muParadhiso. (Ruka 23:43) Saka kugara achitaura nezvekupa kunoita Baba vake vashumiri vavo tariro nezvimwewo zvinhu zvakawanda, kwakabatsira Jesu kuti arambe achiwedzera kuda Jehovha zvakadzama. Vateveri vaKristu vakawanda vakaonawo kuti kugara vachitaura nezvaJehovha uye tariro yaanotipa kunovabatsira kuti varambe vachiwedzera kuda kwavanomuita.

Uchatevedzera Kuda Kwaiita Jesu Baba Vake Here?

18. Ndeipi nzira inokosha kupfuura dzese yatingatevedzera nayo Jesu uye nei tichidaro?

18 Pazvinhu zvese zvatinofanira kutevedzera Jesu, hapana chinokosha kupfuura kuda Jehovha nemwoyo wedu wese, nemweya wedu wese, nepfungwa dzedu dzese, uye nesimba redu rese. (Ruka 10:27) Kuda Mwari haisi nyaya yemanzwiro atinoita mumwoyo medu chete asi kunooneka nezvatinoita. Jesu haana kungogumira pakuda Mwari mumwoyo make chete kana kungotaura kuti, “ndinoda Baba.” Akati: “Kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, ndava kuita zvandakaudzwa chaizvo naBaba kuti ndiite. Simukai, ngatibvei pano.” (Johani 14:31) Satani akati vanhu vanongoda Mwari nekuti pane zvavanenge vachitarisira kuzopiwa naye. (Jobho 2:4, 5) Asi Jesu akaratidza kuti Satani murevi wenhema, paakaita chiito chaida kuti ave neushingi uye chairatidza kuti aida Baba vake zvakadini. Akaramba achiteerera kusvika pakupa upenyu hwake chaihwo. Uchatevedzera Jesu here? Ucharatidza nyika kuti unonyatsoda Jehovha nemwoyo wese here?

19, 20. (a) Nei zvichikosha kuti tigare tichipinda misangano yeungano? (b) Kudzidza Bhaibheri uri wega, kufungisisa uye kunyengetera kunokubatsira sei?

19 Takasikwa tiine chido chakasimba chekuratidza kuti tinoda Jehovha uye chekuva pedyo naye. Ndosaka Jehovha achitipa mikana yakawanda yekumunamata inosimbisa kumuda kwatinoita. Pese paunoenda kumisangano yechiKristu, ramba uchiyeuka kuti chinangwa chako chekuvapo ndechekunamata Jehovha. Patinonyengetera pamwe chete, patinoimba nziyo dzekurumbidza, patinoteerera zvinenge zvichidzidziswa uye patinopawo mhinduro dzedu, tinenge tichitonamata Jehovha. Misangano yechiKristu inotipawo mikana yekukurudzira hama nehanzvadzi dzedu. (VaHebheru 10:24, 25) Kugara uchipinda misangano uchinamata Jehovha pamwe chete nevamwe kuchakubatsira kuti uwedzere kuda Mwari zvakadzama.

20 Unogonawo kuwedzera kuda kwaunoita Jehovha nekugara uchidzidza Bhaibheri uri wega, uchifungisisa uye uchinyengetera. Kuita izvi kunokupa mikana yekumbova wega naJehovha. Paunodzidza Shoko raMwari uye paunofungisisa, unenge uchitonzwa Jehovha achikuudza mafungiro ake. Paunonyengetera, unenge uchitomuudza zviri kutsi kwemwoyo wako. Yeuka kuti haufaniri kunyengetera uchingokumbira chete. Unogonawo kunyengetera uchitenda Jehovha nemakomborero aakakupa uye uchimurumbidza nekuda kwemabasa ake anoshamisa. (Pisarema 146:1) Uyewo kushingaira kuparidza nezvaJehovha tichifara ndiyo nzira yakanakisisa yekutenda Jehovha uye yekuratidza kuti tinomuda.

21. Kuda Jehovha kunokosha zvakadini uye tichadzidzei muzvitsauko zvinotevera?

21 Kuda Mwari ndicho chinhu chikuru chichatibatsira kuti tirambe tichifara nekusingaperi. Kudai Adhamu naEvha vakaramba vachida Jehovha zvakadzama, vangadai vakaramba vachifara nekusingaperi. Kuda Mwari ndicho chinhu chinonyanya kukosha chichakubatsira kuti ukunde miedzo yaunosangana nayo uye utsungirire. Kuti munhu anzi muteveri waKristu anotofanira kuda Mwari zvakadzama. Asi kuda Mwari kwakabatana nekudawo vanhu. (1 Johani 4:20) Zvitsauko zvinotevera zvichatibatsira kuona kuti Jesu akaratidza sei kuti aida vanhu. Muchitsauko chinotevera, tichatanga nekukurukura kuti nei vanhu vakawanda vaiona Jesu ari munhu anotaurika naye.