Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 18

“Ramba Uchinditevera”

“Ramba Uchinditevera”

1-3. (a) Zvakafamba sei Jesu paakaonekana nevadzidzi vake, uye nei tingati ipapo handipo pakaperera nyaya yacho? (b) Nei tichifanira kudzidza nezvebasa riri kuitwa naJesu kubva paakadzokera kudenga?

 VAAPOSTORA 11 vakamira pagomo, uye maziso avo vese akanyatsotarisa munhu wavanoda uye wavanoremekedza zvikuru. Munhu wavakatarisa ndiJesu akamutswa kubva kuvakafa. Ari kuita hake semunhu asi parizvino ava zvakare ngirozi ine simba kupfuura dzimwe dzese. Jesu aunganidza vaapostora vake kuti aonane navo kekupedzisira pano paGomo reMiorivhi.

2 Gomo reMiorivhi riri pedyo chaizvo neJerusarema, uye pakati pegomo iri neguta racho pane Bani reKidroni. Kuva pagomo iri kunogona kunge kuri kuita kuti Jesu ave nendangariro dzakawanda dzezvakaitika paaiita ushumiri hwake. Nechekumabvazuva kwegomo iri ndiko kune musha weBhetani, kunova ndiko kwakamutswa Razaro naJesu. Pedyo negomo iri panewo musha weBhetifage. Mavhiki mashomanana apfuura, Jesu paaiva pedyo nemusha uyu, akatasva mwana wedhongi ndokubva apinda muJerusarema achipembererwa nevanhu. Zvinoita sekuti pagomo iri ndipo paivawo nenzvimbo inonzi Getsemane, kunova ndiko kwakaendwa naJesu achishungurudzika chaizvo nguva pfupi asati asungwa. Asi nhasi, Jesu auya pagomo iri zvakare, kuti azoonekana neshamwari dzake dzepedyo. Anotaura navo kekupedzisira, achivaudza mashoko anosimbisa. Paanopedza kutaura navo, anotanga kukwira kudenga! Vaapostora vanoramba vakamira ipapo, vakanyatsotarisa Tenzi wavo wavanoda chaizvo achikwira kudenga. Gore rinobva rafukidza Jesu, uye havachamuoni.—Mabasa 1:6-12.

3 Maperero aita nyaya iyi, vadzidzi vachiita sevasara vega vasisina anovatungamirira, aita kuti unzwe kusuruvara uye urwadziwe here? Asi handipo pari kuperera nyaya yacho. Ngirozi mbiri dzinobva dzauya pavari, dzovakurudzira. (Mabasa 1:10, 11) Tingatoti kuenda kwaita Jesu kudenga kunofanira kuita kuti vafare. Bhaibheri rinotiudza basa riri kuitwa naJesu kubva paakadzokera kudenga uye zvakakosha kuti tidzidze nezvebasa iroro. Nei zvakakosha? Yeuka mashoko akataurwa naJesu kuna Petro ekuti: “Ramba uchinditevera.” (Johani 21:19, 22) Tese tinofanira kuramba tichitevera Jesu, kwete kwezuva rimwe chete, asi kweupenyu hwese. Kuti tikwanise kuita izvi, tinofanira kuziva zviri kuitwa naTenzi wedu iye zvino, nemamwe mabasa aakapiwa paakadzokera kudenga.

Upenyu hwaJesu Kubva Paakadzokera Kudenga

4. Chii chaiitwa paZuva Rekuyananisira, uye zvinoratidzei nezvezvaifanira kuitwa naJesu adzokera kudenga?

4 Bhaibheri haritauri haro zvakaitika Jesu paakasvika kudenga, kuti akatambirwa sei, kuti Baba vake vakafara sei, uye kuti ngirozi dzainzwa sei. Asi Bhaibheri rine zvarakanga rataura kuti zvaizofanira kuitwa naJesu pashure pekunge adzokera kudenga. Pakanga patova nemakore anopfuura 1 500 vaJudha vachiita mumwe mutambo mutsvene gore negore. Kamwe chete pagore, paZuva Rekuyananisira, mupristi mukuru aipinda muNzvimbo Tsvenetsvene yetemberi kuti anosasa ropa rezvibayiro pamberi peareka yesungano. Zvaiitwa nemupristi mukuru musi uyu zvaimiririra zvaizoitwa naMesiya. Chinangwa chemutambo uyu chaiva chekuti vanhu varegererwe zvivi, uye Jesu paakadzokera kudenga akabva azadzisa zvairehwa nemutambo uyu kamwe chete zvikabva zvakwana. Akanomira pamberi paJehovha pachake, munzvimbo tsvenetsvene kupfuura dzese pasi nekudenga, achiratidza kuti akanga apa muviri wake usina chivi sechibayiro. (VaHebheru 9:11, 12, 24) Jehovha akagamuchira chibayiro chaJesu here?

5, 6. (a) Tinoziva sei kuti Jehovha akagamuchira chibayiro cherudzikinuro chaKristu? (b) Ndivanaani vanobatsirwa nechibayiro cherudzikinuro uye chinovabatsira sei?

5 Mhinduro yacho tinoiwana pane zvakasara zvikaitika mazuva mashomanana Jesu akwira kudenga. VaKristu vanenge 120 vakanga vaungana mune imwe imba yepamusoro muJerusarema. Vakaungana kudaro, vakangoerekana vava kunzwa kutinhira kwakaita sekwemhepo inovhuvhuta nesimba, kukazadza imba yacho yese. Vakaona aiita semarimi emoto achigara pamusoro pemumwe nemumwe wavo, uye vakabva vazadzwa nemweya mutsvene, vakatanga kutaura nemitauro yakasiyana-siyana. (Mabasa 2:1-4) Chiitiko ichi chakaratidza kuti Jehovha akanga asarudza rimwe boka revanhu kuti rive “vapristi uye madzimambo” uyewo kuti vave “rudzi rwakasarudzwa,” vachiita kuda kwake panyika. (1 Petro 2:9) Hapana mubvunzo kuti Jehovha akanga agamuchira chibayiro cherudzikinuro chaKristu. Kudururwa kwakaitwa mweya mutsvene pavadzidzi ava kwaiva chimwe chezvikomborero zvekutanga zvakaunzwa nechibayiro cherudzikinuro.

6 Kubvira ipapo, chibayiro chaKristu chiri kubatsira vateveri vake pasi rese. Tingave tiri ‘veboka diki’ revakazodzwa vachatonga naKristu kudenga, kana kuti ‘vemamwe makwai’ vachatongwa naye pasi pano, tese zvedu tinobatsirwa nechibayiro chake. (Ruka 12:32; Johani 10:16) Chibayiro ichocho chinoita kuti tikanganwirwe zvivi uye tive netariro yekuzorarama nekusingaperi. Kana tikaramba tichitevera Jesu zuva nezuva tisingamusiyi, uye ‘tichitenda’ muchibayiro cherudzikinuro, tinova nehana yakachena uye tinovawo netariro yeramangwana rakanaka.—Johani 3:16.

7. Jesu akapiwa simba rekuita sei paakadzokera kudenga uye ungaratidza sei kuti unomutsigira?

7 Ibasa ripi riri kuitwa naJesu kubva paakadzokera kudenga? Akapiwa masimba ese kudenga nepanyika. (Mateu 28:18) Jehovha akamusarudza kuti atungamirire ungano yechiKristu, uye Jesu ari kuita basa iroro nerudo uye achibata vanhu zvakarurama. (VaKorose 1:13) Sezvakanga zvagara zvataurwa neBhaibheri, Jesu akaita kuti pave nevarume vakavimbika vanochengetedza makwai ake. (VaEfeso 4:8) Akasarudza Pauro kuti ave “muapostora kune mamwe marudzi,” akamupa basa rekuparadzira mashoko akanaka kunzvimbo dziri kure. (VaRoma 11:13; 1 Timoti 2:7) Munenge muna 96 C.E., Jesu akaita kuti muapostora Johani anyore tsamba kuungano 7 dzaiva munharaunda yeEzhiya. Mutsamba idzi Jesu akarumbidza ungano idzodzo uye akataura padzaifanira kugadzirisa. (Zvakazarurwa, zvitsauko 2-3) Unobvuma kuti Jesu ndiye ari kutungamirira ungano yechiKristu here? (VaEfeso 5:23) Kana uchida kuramba uchimutevera, unofanira kuramba uchiteerera uye uchitsigira vaya vari kutungamirira muungano yenyu.

8, 9. Jesu akapiwa simba rekuita sei muna 1914, uye izvozvo zvinofanira kuita kuti tiite sei?

8 Jesu akapiwawo mamwe masimba muna 1914. Gore iroro akagadzwa kuti ave Mambo weUmambo hwaJehovha. Achingogadzwa kuva Mambo, “hondo yakatanga kudenga.” Hondo yacho yakapera sei? Satani nemadhimoni ake vakakandwa pasi, uye kubva ipapo nhamo nematambudziko zvakabva zvawedzera panyika. Hondo, kuparwa kwemhosva, ugandanga, zvirwere, kudengenyeka kwenyika, uye nzara zvazara kwese kwese panyika uye zvinoratidza kuti Jesu ari kutotonga kudenga. Satani achiri “mutongi wenyika ino,” asi ‘kwenguva pfupi.’ (Zvakazarurwa 12:7-12; Johani 12:31; Mateu 24:3-7; Ruka 21:11) Jesu ari kupa munhu wese ari panyika mukana wekuti asarudze kutongwa naye.

9 Zvinokosha chaizvo kuti tisarudze kutsigira Umambo hwaMesiya. Pazvese zvatinoita zuva nezuva, tinofanira kuita zvinhu zvinomufadza, tisingateveri mafungiro enyika. Jesu, “Mambo wemadzimambo naShe wemadzishe” anoda zvakarurama. Saka paanotarisa vanhu vari panyika, zvaanoona zvinoita kuti aite hasha, asi panewo zvimwe zvaanoona zvinoita kuti mwoyo wake ututume nemufaro. (Zvakazarurwa 19:16) Nei tichidaro?

Zvinhu Zvinoita Kuti Mesiya Aite Hasha Uye Afare

10. Jesu munhu akaita sei, asi chii chinozoita kuti atsamwe?

10 Tenzi wedu agara ari munhu anofara, sezvinongoita Baba vake. (1 Timoti 1:11) Jesu paaiva pasi pano, akanga asiri munhu akaoma kufadza kana anongoshora zvese zvinoitwa nevamwe. Asi pane zvinhu zvakawanda zviri kuitika panyika zvinofanira kunge zvichimugumbura chaizvo. Hapana mubvunzo kuti akatsamwira masangano ese ezvitendero anozviti anomumiririra. Akagara ataura kuti: “Haasi munhu wese anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muUmambo hwekudenga, asi uya chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Pazuva iroro vazhinji vachati kwandiri: ‘Ishe, Ishe, hatina here . . . kuita mabasa mazhinji esimba muzita renyu?’ Ini ndichabva ndati kwavari: ‘Handina kumbobvira ndakuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo!’”—Mateu 7:21-23.

11-13. Nei mashoko akataurwa naJesu nezvevanhu vanoita “mabasa mazhinji esimba” achishamisa vakawanda, uye nei Jesu akavatsamwira? Ipa muenzaniso.

11 Mashoko iwayo akataurwa naJesu anogona kushamisa vanhu vakawanda vanozviti vaKristu. Nei Jesu achizotaura mashoko akadaro achiramba vanhu vanga vachiita “mabasa mazhinji esimba” muzita rake? Machechi anozviti ndeechiKristu anoita mabasa akasiyana-siyana ekuyamura akadai sekubatsira varombo uye kuvaka zvipatara nezvikoro. Kuti unzwisise chikonzero chinoita kuti Jesu asafarira machechi aya, chimbofunga muenzaniso unotevera.

12 Ngatitii murume nemudzimai vari kuda kumbofamba kwekanguva, asi havakwanisi kuenda nevana vavo. Saka vanotsvaga mushandi kuti asare nevana vavo. Vanomuudza zvakajeka zvaanofanira kusara achiita: “Sara uchichengeta vana ava. Iva nechokwadi chekuti vadya, vageza, uye usavarega vachiita zvinhu zvinogona kuvakuvadzisa.” Asi vabereki vacho pavanodzoka, vanopererwa pavanoona zvakaita vana vavo; vava kuziya nenzara, vakasviba, uye vari kutoratidza kuti vari kurwara. Vari kungochema, asi mushandi wacho haana kana basa nazvo. Ko nei ari kungovasiya vakadaro? Ari kutogeza hake mahwindo. Vabereki vacho vanoshatirwa zvisingaiti uye vanobva vamubvunza kuti nei ari kungosiya vana vakadaro. Mushandi wacho anobva ati: “Hamusi kuona here basa rese randaita? Ndageza mahwindo uye zvese zvanga zvakafa pamba pano ndazvigadzirisa!” Unofunga kuti vabereki vacho vanonzwa sei? Vanofara here? Havana kumbomukumbira kuti aite mabasa iwayo; chavaingoda ndechekuti achengete vana vavo zvakanaka. Vamutsamwira nekuti haana kuteerera zvavakamuudza akasara achiita zvemusoro wake.

13 Izvozvo ndizvo zviri kuitwa nemachechi anozviti ndeechiKristu. Jesu paakanga ari panyika, akaudza vateveri vake kuti vadzidzise vamwe chokwadi chiri muShoko raMwari uye kuti vavabatsire kunamata Jehovha nenzira yakarurama. (Johani 21:15-17) Asi machechi aya haasi kutomboteerera zvakataurwa naJesu. Havasi kudzidzisa vanhu chokwadi cheBhaibheri kana manamatiro avanofanira kuita, asi vari kungovasiya vachiziya nenzara yekuziva Mwari. (Isaya 65:13; Amosi 8:11) Kunyange zvazvo vachiedza kuita zvinhu zvakasiyana-siyana kuti vagadzirise zvinhu panyika, mhosva yavo yekusateerera zvakataurwa naJesu vachitoziva havo inoramba iripo. Apa nyika yacho yavari kuda kugadzirisa yakangofanana neimba isisagadziriki yamirira kungoputswa! Shoko raMwari rinonyatsoratidza zvakajeka kuti nyika ino yaSatani yava kuda kutoparadzwa.—1 Johani 2:15-17.

14. Ibasa ripi riri kuitwa panyika rinofadza mwoyo waJesu?

14 Asi Jesu anofanira kunge achifara chaizvo paanotarisa panyika ari kudenga, oona mamiriyoni evanhu achiteerera murayiro wake wekuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mateu 28:19, 20) Chikomborero chakakura chaizvo kuwana mukana wekuita chimwe chinhu chinofadza mwoyo waMambo wedu! Ngatirambei tichiita zvese zvatinogona kuti titsigire “muranda akatendeka, akangwara” chero zvodini. (Mateu 24:45) Muranda uyu akatosiyana nekure nevafundisi vemachechi enhema. Ari kunyatsoteerera murayiro waJesu wekupa makwai zvekudya uye kutungamirira basa rekuparidza. Muranda ari kuita basa rese iri nemazvo.

15, 16. (a) Jesu anonzwa sei paanoona kuti nyika yazara nevanhu vasina rudo, uye tinoziva sei izvozvo? (b) Zvii zvinoitwa nemachechi enhema zvinoita kuti Jesu atsamwe?

15 Jesu anofanira kunge achishatirwa chaizvo paanoona kuti nyika yazara nevanhu vasina rudo. Yeuka kuti vaFarisi vaigara vachishora Jesu nekuporesa kwaaiita vanhu musi weSabata. VaFarisi ava vaiva nemwoyo yakaoma chaizvo zvekuti vakanga vasisina rudo; pfungwa dzavo dzakanga dzangova pakumanikidza vanhu kuti vachengete tumitemo twavakanga vagadza ivo, vasingambodi kuchinja. Zvishamiso zvaiitwa naJesu zvaibatsira vanhu chaizvo zvichiita kuti vafare. Asi vaFarisi vakanga vasingatombozvioni kuti zvaiitwa naJesu zvaizorodza vanhu nekuvasimbisa pakutenda zvakadii. Jesu akanzwa sei nezvevatungamiriri ivavo? Rimwe zuva akambovatarisa “akashatirwa, achirwadziwa nekuoma kwemwoyo yavo.”—Mako 3:5.

16 Mazuva ano panyika patova nezvinhu zvakawanda zvinoita kuti Jesu ‘arwadziwe’ chaizvo. Pfungwa dzevatungamiriri vezvitendero zvenhema dzinongova padzidziso netsika dzavo izvo zvinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri. Pane kuti vafare, vanotoshatiriswa nekuparidzwa kwemashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Munyika dzakawanda, vafundisi ndivo vanotokonzera kuti vaya vanenge vachiparidza mashoko akaparidzwa naJesu vatambudzwe zvine utsinye. (Johani 16:2; Zvakazarurwa 18:4, 24) Pamusoro paizvozvo, vafundisi ava vanokurudzira vateveri vavo kuenda kuhondo kunodeura ropa, sezvinonzi kuita izvozvo kunofadza Kristu!

17. Zvinhu zvipi zvakanaka zvinoitwa nevateveri vaJesu vechokwadi zvinoita kuti afare?

17 Asi kana vari vateveri vaJesu vechokwadi, vanoedza kuratidza rudo kuvanhu vese. Vachitevedzera Jesu, vanoparidza mashoko akanaka ‘kuvanhu vakasiyana-siyana’ pasinei nekushorwa kwavanoitwa. (1 Timoti 2:4) Uye rudo rwavainarwo pakati pavo rwakadzama zvekuti runoonekwa nevanhu vese; tingatoti ndirwo chinhu chikuru chavanozivikanwa nacho. (Johani 13:34, 35) Vanoratidza kuti vateveri vaJesu vechokwadi nekuti vanoratidzana rudo uye vanoremekedzana zvechokwadi; izvi zvinoita kuti Mambo wavo afare!

18. Chii chinogona kuita kuti tenzi wedu arwadziwe, asi chii chinoita kuti afare?

18 Ngatiregei kukanganwa kuti Tenzi wedu anorwadziwa chaizvo kana tikatadza kuramba tichitsungirira. Haafari paanoona kuda kwatinoita Jehovha kuchiderera zvekuti tinobva tarega kushumira Jehovha. (Zvakazarurwa 2:4, 5) Asi Jesu anofara chaizvo kana tikaramba tichitsungirira kusvikira kumugumo. (Mateu 24:13) Saka ngatiitei zvese zvatinogona kuti tirambe tichiyeuka murayiro waJesu wekuti: “Ramba uchinditevera.” (Johani 21:19) Ngatimboonai mamwe makomborero atinovimbiswa naMambo wedu aachatipa kana tikaramba tichitsungirira kusvikira kumugumo.

Mambo Anokomborera Vateveri Vake Vakatendeka

19, 20. (a) Makomborero api atinowana iye zvino kana tikaramba tichitevera Jesu? (b) Tinofanira kuita sei kuti Jesu ave baba vedu?

19 Kutevera Jesu ndiko kuchatibatsira kuti tirarame upenyu hunofadza iye zvino tichinyatsogutsikana. Kana tikasarudza Kristu kuti ave Tenzi wedu, toteerera zvaanotirayira kuti tiite, uye tikararama upenyu hwedu tichitsika nemaakatsika namo, tichawana zvinhu zvinokosha muupenyu zviri kutsvagwa nevanhu vari munyika asi vachizvishaya. Tichava nechikomborero chekugutsikana nebasa ratinoita, tichawana mhuri inotida zvechokwadi pakati pevanhu vaMwari, tichava neushamwari hwepedyo-pedyo naJehovha, uyewo tichava nerugare mumwoyo medu. Muchidimbu tingatoti, uchararama upenyu hwako uchinyatsogutsikana kuti zvechokwadi ndiri kufara. Asi aya handiwo ega makomborero atichawana.

20 Jehovha akasarudza Jesu kuti ave “Baba Vasingagumi” kuvanhu vese vane tariro yekuzorarama nekusingaperi pasi pano. Jesu ndiye akatora nzvimbo yaAdhamu, uyo akatengesa vana vake vese akavasiyira nhaka yechivi nerufu. (Isaya 9:6, 7) Kana tikabvuma kuti Jesu ave “Baba [vedu] Vasingagumi,” totenda maari, tichava netariro yekuzorarama upenyu husingaperi. Uyewo izvi zvinoita kuti tirambe tichiswedera pedyo naJehovha Mwari. Sezvatadzidza muchitsauko chino, kana tikaita zvese zvatinogona kuti tirarame upenyu hwedu tichitevedzera Jesu zuva nezuva, tinenge tichitoteerera murayiro wekuti: “Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.”—VaEfeso 5:1.

21. Vateveri vaKristu vanovheneka sei sechiedza munyika ine rima?

21 Kutevedzera Jesu naBaba vake, Jehovha, kunotipa mukana wekuwana chimwe chikomborero chinoshamisa. Tinova sechiedza chinovheneka zvakajeka munyika ino yakaputirwa nerima. Mabhiriyoni evanhu vari munyika ari kutungamirirwa naSatani uye vanotevedzera zvakaipa zvaanoita. Asi isu sevateveri vaKristu hatisi murima; tine chiedza nekuti tinoziva chokwadi cheBhaibheri, tine chiedza nekuti tine unhu hwakanaka hwechiKristu, tine chiedza nekuti tine mufaro wechokwadi, rugare rwechokwadi uye rudo rwechokwadi. Uyewo kutevera Kristu kunotiswededza pedyo naJehovha; ichi ndicho chinangwa chinovavarirwa nezvisikwa zvese zvakatendeka pasi nekudenga.

22, 23. (a) Vese vanoramba vachitevera Jesu vakavimbika vachawana makomborero api? (b) Wazvipira kuramba uchiita sei?

22 Chimbofungawo nezvemakomborero awakachengeterwa naJehovha paachaunza Umambo hwake hunotungamirirwa naMesiya. Kwangosara nguva pfupi kuti Mambo wedu arwe hondo naSatani nenyika yake yakaipa. Hapana mubvunzo kuti Jesu ndiye achakunda muhondo iyi! (Zvakazarurwa 19:11-15) Kana hondo yacho yapera, Kristu achatonga nyika ari kudenga kwemakore 1 000. Hurumende yake ndiyo ichaita kuti vanhu vawane makomborero ese atinopiwa naMwari zvichibva pachibayiro cherudzikinuro, munhu wese akatendeka achabvisirwa chivi orarama upenyu hwaidiwa naMwari paakasika vanhu. Fungidzira kufara kwauchaita paunenge wava neutano hwakanaka, makore achingopindana asi usingachemberi, uine simba rekushanda pamwe chete nemhuri yakabatana yevanhu vaMwari pakuita kuti nyika yese ive paradhiso! Pachapera makore 1 000, Jesu achabva adzorera umambo kuna Baba vake. (1 VaKorinde 15:24) Kana ukaramba uchitevera Kristu wakavimbika, uchawana chimwe chikomborero chakakura chaizvo zvekuti hachitombotsananguriki, chekuva “nerusununguko runobwinya rwevana vaMwari”! (VaRoma 8:21) Tichawana makomborero ese akanga apiwa Adhamu naEvha, vakaarasa. Tichava vanakomana nevanasikana vaJehovha, uye tichasunungurwa pachivi chaAdhamu nekusingaperi. Mashoko ekuti, “hapazovi nerufu,” achange azadziswa zvizere.—Zvakazarurwa 21:4.

23 Uchiri kuyeuka here murume uya wechidiki akapfuma watakakurukura nezvake muChitsauko chekutanga chebhuku rino. Akaramba kukokwa kwaakaitwa naJesu paya paakamuti: “Uya uve muteveri wangu.” (Mako 10:17-22) Usambofa wakaita zvakaitwa nemurume iyeye! Bvuma nemwoyo wako wese kukokwa kwauri kuitwa naJesu. Tinoti dai ukaramba uchitsungirira, uchiramba uchitevera Mufudzi Akanaka zuva nezuva uye gore negore. Kana ukadaro, uchaona zvinhu zvese zvakavimbiswa naJehovha zvichizadzika!