Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 14

‘Vanhu Vakawanda Vakauya Kwaari’

‘Vanhu Vakawanda Vakauya Kwaari’

“Regai vana vadiki vauye kwandiri”

1-3. Chii chinoitika vabereki pavanouya nevana vavo kuna Jesu uye zvakaitika musi iwoyo zvinotidzidzisei nezvaJesu?

 JESU ari kuziva kuti haasisina nguva refu ari panyika. Angosarirwa nemavhiki mashomanana ekuita ushumiri hwake asi pachiine zvakawanda zvekuita. Iye zvino ari kufamba nemunharaunda yePeriya, kumabvazuva kweRwizi rwaJodhani aine vadzidzi vake. Vari kufamba vakananga kumaodzanyemba vachienda kuJerusarema kwavachanochengeta Paseka. Iyi ndiyo ichange iri Paseka yekupedzisira yaachachengeta. Pavari kufamba kudaro, vari kuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.

2 Vamwe vatungamiriri vechitendero vanouya votanga kumuitisa nharo. Paari kukweshana nevatungamiriri ava, vanhu vakawanda vanomuunganira. Vanhu vacho vauya nevana uye vari kuda kuti Jesu aise maoko ake pavari. Zvinoita sekuti vana vacho ndevemazera akasiyana-siyana, nekuti Mako anotaura nezvavo achishandisa shoko rakafanana neraakamboshandisa pamwana ane makore 12, asi Ruka anotaura nezvevana vacho achiti “vacheche.” (Ruka 18:15; Mako 5:41, 42; 10:13) Vana vacho vakawanda uye sezvatinoziva, vana vanoita ruzha uye vanoda zvekungomhanya-mhanya. Vadzidzi vaJesu vanobva vatanga kutsiura vabereki vacho; pamwe vari kufunga kuti Tenzi wavo haangambowani nguva yekupedza aine vana. Jesu anobva aita sei?

3 Paanoona zviri kuitika, Jesu anotsamwa. Anotsamwira ani? Vana here? Vabereki here? Aiwa, anotsamwira vadzidzi vake! Anovaudza kuti: “Regai vana vadiki vauye kwandiri; musaedza kuvarambidza, nekuti Umambo hwaMwari ndehwevanhu vakadai. Chokwadi ndinoti kwamuri, munhu wese asingagamuchiri Umambo hwaMwari semwana mudiki haazombopindi mahuri.” Jesu anobva “ambundira vana” vacho achivakomborera. (Mako 10:13-16) Fungidzira kuti Jesu akatosimudza vana, akavabata mumaoko ake, akavambundira. Hapana mubvunzo kuti Jesu anofarira vana zvechokwadi. Asi pane chimwe chidzidzo chinokosha chatinowana pane zvakaitika musi uyu; vanhu vaisatya kuva pedyo naye.

4, 5. (a) Tinoziva sei kuti Jesu aiva munhu akasununguka? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi muchitsauko chino?

4 Kudai Jesu aiva munhu akasungika, anodada, kana kuti anotyisa, vana ivavo vangadai vakabvuma kuenda kwaari here? Ko vabereki vevana vacho vangadai vakasiya vana vavo vachienda kwaari here? Unofunga kuti vabereki ava vakanzwa sei vachiona kufarira kwaiita Jesu vana vavo, achivakomborera, uye achiratidza kukosheswa kwavanoitwa naMwari? Kunyange panguva yaakanga akawandirwa, aine zvakawanda zvekuita, Jesu akaramba ari munhu akasununguka anotaurika naye.

5 Pane vamwe vanhu vakaonawo kuti Jesu munhu akasununguka here? Chii chaiita kuti ave munhu akasununguka zvakadaro? Uye tingatevedzera sei Jesu panyaya iyi? Ngationei.

Vanhu Vakawanda Vaisatya Kuenda Kuna Jesu

6-8. Jesu aishamwaridzana nevanhu vakaita sei, uye maonero aaivaita akanga akasiyana papi neevatungamiriri vechitendero?

6 Paunoverenga nhoroondo dzeEvhangeri, unogona kushamiswa nekuwanda kwevanhu vainzwa vakasununguka kuenda kuna Jesu. MuBhaibheri tinowana mavhesi akawanda ane mashoko anoratidza kuti kazhinji Jesu aigara achiteverwa nevanhu. Funga nezvemashoko anotevera: ‘Vanhu vakawanda vakamutevera vachibva kuGarireya.’ “Vanhu vakawanda vakamuunganira.” “Vanhu vakawanda vakasvika kwaari.” “Vanhu vakawanda vakanga vachifamba naye.” (Mateu 4:25; 13:2; 15:30; Ruka 14:25) Jesu aiva munhu wevanhu zvechokwadi.

7 Vazhinji vevanhu vaimutevera vaiva vanhu vakaderera, uye vatungamiriri vechitendero vaidaidza vanhu vakadaro nemazita airatidza kuti vaivatarisira pasi. VaFarisi nevapristi vakatombotaura nezvavo vachiti: “Vanhu ava vasingazivi Mutemo, vanhu vakatukwa.” (Johani 7:49) Zvinhu zvakanyorwa mumabhuku avanarabhi zvinoratidza kuti zvechokwadi ndiwo maonero avaiita vanhu ava. Vatungamiriri vechitendero vakawanda vaiona vanhu vakadaro sevanhu vanoshoreka uye vasina zvavanobatsira zvekuti vaitoramba kudya navo, kutenga zvinhu kwavari, kana kushamwaridzana navo. Vamwe vaitoti vanhu ava vakanga vasina tariro yekuzomuka kuvakafa nekuti vakanga vasingazivi mutemo netsika dzakanga dzagadzirwa navanarabhi. Vanhu vakaderera ava vanofanira kunge vaitotya vatungamiriri vechitendero uye vasingatombodi kutambira pedyo navo pane kuti vanzwe vakasununguka kukumbira kubatsirwa navo. Asi Jesu akanga akasiyana nevatungamiriri ava.

8 Jesu aishamwaridzana nevanhu vaionekwa sevakaderera. Aidya navo, aivaporesa, aivadzidzisa, uye aivaudza nezvetariro yeramangwana rakanaka. Asi Jesu aiziva kuti ruzhinji rwevanhu rwaisazogamuchira mashoko ake. (Mateu 7:13, 14) Kunyange zvakadaro, Jesu aida kuti munhu wese awane mukana wekunzwa mashoko akanaka eUmambo uye aiona kuti vakawanda vaikwanisa kuzosarudza kuita zvakanaka. Chokwadi Jesu akanga akasiyana nekure nevapristi uye vaFarisi avo vaiva nemwoyo yakaoma! Chinoshamisa ndechekuti kunyange vapristi nevaFarisi vacho vaitoendawo kuna Jesu, uye vamwe vavo vakachinja mararamiro avo vakamutevera. (Mabasa 6:7; 15:5) Kune vamwe vanhu vakapfuma uye vaiva nezvinzvimbo vakaonawo kuti Jesu aiva munhu anotaurika naye.—Mako 10:17, 22.

9. Nei vakadzi vaisatya kuenda kuna Jesu kana kutaura naye?

9 Vanhukadzi vakanga vasingatyiwo kuenda kuna Jesu kana kutaura naye. Asi kana vari vatungamiriri vechitendero, vaitarisira vakadzi pasi. Vakadzi vanofanira kunge vairwadziwa chaizvo nekushorwa kwavaiitwa. Vanarabhi vaiti vakadzi havafaniri kudzidziswa. Vaitoti vakadzi havabvumirwi kumira sezvapupu panenge pachitongwa nyaya; zvainzi havana kuvimbika. Vanarabhi vaitova nemunyengetero wavaiita vachitenda Mwari kuti vakanga vasiri vakadzi! Asi Jesu aibata vanhukadzi zvine ruremekedzo. Vakawanda vavo vaienda kwaari, uye aivadzidzisa. Ndizvo zvakaitika Jesu paakashanyira Razaro nehanzvadzi dzake. Mariya akagara patsoka dzaJesu achinyatsomuteerera kunyange zvazvo mukoma wake Marita akanga achimhanya-mhanya achinetseka nekugadzira zvekudya zvakawanda. Jesu akarumbidza Mariya nekusarudza kwaakaita kuisa zvinhu zvinokosha pekutanga.—Ruka 10:39-42.

10. Jesu akanga akasiyana sei nevatungamiriri vechitendero pamabatiro aaiita vanorwara?

10 Vanhu vairwara vaiendawo kuna Jesu, nekuti aivanzwira tsitsi. Izvi zvakanga zvakasiyana nezvaiitwa nevatungamiriri vechitendero avo vaisema vanhu vairwara. Mutemo waMozisi waiti vanhu vane maperembudzi vaifanira kugara kwavo vega kuti chirwere chacho chisapararire. Izvi zvaisareva kuti vanhu vakadaro havacharatidzwi rudo. (Revhitiko, chitsauko 13) Asi nekufamba kwenguva vanarabhi vakatanga kudzidzisa kuti vanhu vane maperembudzi vaisemesa setsvina. Vamwe vatungamiriri vechitendero vaitopotsera matombo kuvanhu vaiva nemaperembudzi kuti varambe vari kure! Zvino chifunga kuti nekusemwa kwavaiitwa ikoko, pane munhu ane maperembudzi aizova neushingi hwekuenda pedyo nechero munhu ainzi mudzidzisi here? Asi zvinoshamisa kuti vanhu vaiva nemaperembudzi vaisununguka kuenda kuna Jesu. Mumwe aiva nemaperembudzi akatotaura mashoko anotevera anoratidza kuti aitenda muna Jesu. Akati: “Ishe, kana muchida henyu, munogona kundichenesa.” (Ruka 5:12) Muchitsauko chinotevera, tichazokurukura zvakabva zvaitwa naJesu. Asi mashoko akataurwa nemurume aiva nemaperembudzi anotova uchapupu hwakakwana hwekuti zvechokwadi Jesu aiva munhu akasununguka uye anotaurika naye.

11. Inyaya ipi inoratidza kuti vatadzi vainzwa vakasununguka kuenda kuna Jesu, uye tinodzidzei panyaya iyi?

11 Vaya vaigara vachizvitongesa pamusana pezvivi zvavakaita vaisunungukawo kuenda kuna Jesu. Chimbofunga zvakaitika musi uya Jesu waaidya ari kumba kwemumwe muFarisi. Mumwe mukadzi aizivikanwa kuti aiva mutadzi akapinda mumba macho akapfugama patsoka dzaJesu, achichema nekuti aizvidemba nezvakaipa zvaakaita. Akatanga kunyorovesa tsoka dzaJesu nemisodzi yake, uye akadzipukuta achishandisa bvudzi rake. MuFarisi akanga akoka Jesu akatanga kutonga Jesu mumwoyo make achimushora chaizvo kuti nei akanga asiya mukadzi uyu achiuya pedyo naye. Asi Jesu akanzwira mukadzi uyu tsitsi akatomuudza kuti Jehovha amuregerera nekuti apfidza zvivi zvake. (Ruka 7:36-50) Mazuva ano patova nevanhu vakawandisa vari kuzvitongesa pamusana pezvivi zvavakaita vanoda kubatsirwa kugadzirisa ushamwari hwavo naJehovha. Saka zvinotoda kuti vanhu vanokwanisa kuvabatsira vave vanhu vakasununguka vanotaurika navo. Asi chii chaiita kuti Jesu ave munhu akasununguka anotaurika naye?

Chii Chaiita Kuti Jesu Ave Munhu Akasununguka?

12. Chii chaiita kuti vanhu vasununguke kuenda kuna Jesu?

12 Yeuka kuti Jesu aitevedzera Baba vake zvakakwana. (Johani 14:9) Bhaibheri rinotiudza kuti Jehovha haasi “kure nemumwe nemumwe wedu.” (Mabasa 17:27) Jehovha anonziwo “Munzwi wemunyengetero.” Izvi zvinoratidza kuti Jehovha anogara akagadzirira kuteerera vashumiri vake vakatendeka nevamwe vanonyengetera kwaari vachida kumuziva. (Pisarema 65:2) Pafunge, Wemasimbaose anova ndiye Mutongi wezvese pasi nekudenga ndiye akasununguka uye ari nyore kutaura naye kupfuura chero ani zvake! Jesu akangoitawo saBaba vake; anoda vanhu. Muzvitsauko zvinotevera, tichakurukura kuda kwaaiita vanhu zvakadzama. Vanhu pavaiona rudo irworwo rwatichakurukura nezvarwo, vaibva vasununguka kuenda kwaari. Ngationgororei zvimwe zvakaitwa naJesu zvairatidza kuti aida vanhu.

13. Vabereki mungatevedzera sei Jesu?

13 Vanhu vainyatsoona kuti Jesu aivafarira. Airamba achifarira vanhu kunyange paanenge akaneta kana kuti akawandirwa nezvekuita. Sezvatamboona, vabereki vaya pavakauya nevana vavo kwaari, Jesu akavafarira kunyange zvazvo panguva iyoyo aiva nezvinhu zvakawanda zvekuita. Apa Jesu akasiyira vabereki muenzaniso wakanaka wekutevedzera! Zvakaoma kurera vana munyika yatiri kurarama mazuva ano. Asi vabereki vanofanira kuita kuti vana vavo vanzwe vakasununguka kutaura navo. Kana uri mubereki, unoziva kuti dzimwe nguva unobatikana zvekuti hazvisi nyore kuti uwanire mwana wako nguva. Asi ita zvese zvaunogona kuti azive kuti unenge wakagadzirira kumuteerera paunongowana mukana. Kana ukavimbisa mwana wako kuti uchamuwanira nguva yekutaura naye, ita zvaunenge wavimbisa. Paunenge uchidaro, unenge uchitomudzidzisa kuva nemwoyo murefu. Achazvionerawo ega kuti uri munhu anotaurika naye zvekuti anokwanisa kuuya kuzotaura newe chero nguva kana aine dambudziko raari kusangana naro.

14-16. (a) Zvakafamba sei kuti Jesu azoita chishamiso chake chekutanga? (b) Chishamiso chakaitwa naJesu muKana chinoratidzei nezvake, uye vabereki vanodzidzei panyaya iyi?

14 Jesu akaratidza kuti aiva nehanya nevanhu uye matambudziko avo. Chimbofunga nezvechishamiso chekutanga chakaitwa naJesu. Akanga ari pamabiko emuchato kuKana, muGarireya. Pakaitika chimwe chinhu chaigona kunyadzisa vanhu vaichata. Waini yakapera! Mariya akaudza mwanakomana wake zvakanga zvaitika. Jesu akabva aita sei? Akaita kuti varume vaishanda ipapo vazadze makate 6 akakura nemvura, akabva achinja mvura yacho kuva waini. Mutungamiriri wemabiko paakaravira waini yacho, akaifarira uye akati yaiva yemhando yepamusoro! Zvakaitwa naJesu aingova masaramusi ekuvhiringidza pfungwa dzevanhu here? Aiwa, akatoita chishamiso ‘chekuchinja mvura kuva waini.’ (Johani 2:1-11) Vanhu vagara vaine shungu dzekuchinja chinhu kubva pane zvachagara chiri chova chimwe chinhu chakatosiyana. Kune nyanzvi dzesainzi dzakamboedza kuchinja imwe mhando yesimbi yakapfava inonzi mutobvu kuti ive goridhe. Zvaiita sezvine musoro nekuti pavakaongorora mutobvu negoridhe vakaona zvisina kunyanya kusiyana pamaumbirwo azvo. Asi vakazvitadza. Ko kuchinja mvura kuti ive waini? Nyanzvi dzesainzi dzinoti zvinhu zviviri izvi zvakatosiyana nekure! Jesu aizoitirei chishamiso chakakura kudaro achida kugadzirisa dambudziko raiita sediki-diki rekupera kwewaini pamuchato?

15 Kuvachati vacho, dambudziko iri rakanga risiri diki. Panguva yakararama Jesu, vanhu vanenge vakokwa vaifanira kunyatsobatwa zvakanaka vachipiwa zvese zvavanoda. Saka kupererwa newaini pamuchato chaiva chinhu chinonyadzisa chaizvo. Nyaya yacho yaizoramba ichingotaurwa nevanhu zvekuti vachati vaizoramba vachingonetseka pavaiyeuka zuva remuchato wavo. Kupera kwewaini raitova dambudziko rakakura kuvanhu vaichata, uye Jesu ndiwo maonero aakazviitawo. Saka akasarudza kuvabatsira. Kana ariwo maonero aaiita matambudziko evamwe, vanhu vaizotadza here kuenda kwaari kana paine zviri kuvanetsa?

Ratidza mwana wako kuti une hanya naye kana paine zviri kumunetsa

16 Vabereki vanowana chimwe chidzidzo kubva pane zvakaitwa naJesu. Ngatitii mwana wako auya kwauri achinetseka chaizvo nezveimwe nyaya. Paunonzwa nyaya yacho unogona kushaya kuti chii chiri kumunetsa ipapo, kana kuti unogona kutoseka. Kana ukaenzanisa dambudziko rake nematambudziko ako, unogona kuona sekuti ari kungonetseka nezvinhu zvisina basa. Asi yeuka kuti kwaari rinotova dambudziko rakakura! Kana ari iwo maonero ari kuita mwana wako dambudziko racho, haufaniri kurionawo saizvozvo here? Kana mwana wako akaona kuti hautarisiri pasi zvinhu zvinenge zvichimunetsa, achasununguka kuuya kwauri kana aine zvaari kusangana nazvo.

17. Jesu akaratidza sei kuti aiva munhu munyoro, nei tingati kuva munyoro hausi ugwara?

17 Sezvatakaona muChitsauko 3, Jesu aiva munyoro uye aizvininipisa. (Mateu 11:29) Kuva munhu munyoro kwakanaka, uye ndiko kunoratidza kuti une mwoyo unozvininipisa. Unyoro chibereko chemweya mutsvene waMwari, uyewo munhu ane unyoro anoratidza kuti ane uchenjeri hunobva kuna Mwari. (VaGaratiya 5:22, 23; Jakobho 3:13) Kunyange paaibatwa zvisina kunaka, Jesu airamba akadzikama. Asi zvakanga zvisingarevi kuti Jesu akanga asina ushingi. Mumwe muongorori weBhaibheri akanyora kuti: “Munhu anokwanisa kuratidza unyoro akatosimba sesimbi.” Zvinotoda kuzvidzora zvakasimba kuti tikwanise kuratidza unyoro pamabatiro atinoita vamwe. Asi Jehovha paanoona kuti tiri kuedza nepatinogona napo kuti tizvidzore, anogona kutipa simba rekuva vanhu vanyoro sezvakanga zvakaita Jesu.

18. Inyaya ipi inoratidza kuti Jesu aiva munhu anonzwisisa, uye nei tichiti kuva munhu anonzwisisa kunoita kuti vamwe vasununguke?

18 Jesu aiva munhu anonzwisisa. Jesu paaiva kuTire, mumwe mukadzi akauya kwaari nekuti mwanasikana wake akanga ‘aine dhimoni raimutambudza.’ Katatu kese, Jesu akaratidza kuti akanga asiri kuda kuporesa mwanasikana wemukadzi uyu. Pekutanga Jesu haana kumupindura. Mukadzi wacho paakamukumbira kechipiri, Jesu akamuudza kuti nei aisakwanisa kumubatsira; paakaramba achikumbira, Jesu akatozomupa muenzaniso wainyatsojekesa zvaaireva. Asi Jesu akataura naye nehasha here, achiramba zvachose kumubatsira? Akatsamwira mukadzi wacho here kana kumuudza kuti semudzidzisi mukuru haadi zvekupikiswa? Haana kumbodaro. Mukadzi wacho aitoona kuti Jesu munhu anonzwisisa anotaurika naye. Haana kutya kuramba achikumbira kuti Jesu amubatsire. Mukadzi wacho paakaramba achingomuteterera, Jesu akaona kuti aiva nekutenda kwakakura, akabva aporesa mwanasikana wake. (Mateu 15:22-28) Hapana mubvunzo kuti kuteerera kwaiita Jesu zvichemo zvaiva nevanhu achiratidza kuvanzwisisa nekuvabatsira pazvinenge zvakakodzera, kwaiita kuti vanhu vasununguke kuenda kwaari!

Uri Munhu Anotaurika Naye Here?

19. Tingaziva sei zvatiri chaizvo panyaya yekuva vanhu vanotaurika navo?

19 Hapana munhu anoda kunzi anotyisa uye haatauriki naye. Vamwe vanhu vane zvinzvimbo vanowanzoudza vanhu vari pasi pavo kuti, “Kana paine zviri kukunetsa, taura neni.” Asi Bhaibheri rine mashoko aya echenjedzo: “Vanhu vakawanda vanozviti vakavimbika, asi ndiani angawana munhu akatendeka?” (Zvirevo 20:6) Zviri nyore kutaura kuti tiri vanhu vanotaurika navo, asi zvatinoita zvinoratidza kuti tiri kunyatsotevedzera Jesu pamabatiro atinoita vamwe here? Mhinduro haisi pamaonero atinozviita, asi iri pakuti vanhu vanotiona sei. Pauro akati: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vese.” (VaFiripi 4:5) Mumwe nemumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Vanhu vanondiona sei? Vanhu vanondiziva semunhu anotaurika naye here?’

Vakuru vanofanira kuva vanhu vanotaurika navo

20. (a) Nei zvichikosha kuti vakuru vechiKristu vave vanhu vanotaurika navo? (b) Nei tichifanira kuva vanhu vanonzwisisa pane zvatinotarisira kuitirwa nevakuru?

20 Panyaya yekuva munhu anotaurika naye, vakuru vechiKristu ndivo vanofanira kuva pamberi. Vanoedza kurarama zvinoenderana nemashoko ari pana Isaya 32:1, 2 ekuti: “Mumwe nemumwe achaita senzvimbo yekuhwanda mhepo, nzvimbo yekuhwanda mvura ine dutu, sehova dzemvura munyika isina mvura, semumvuri wedombo guru munyika yakaoma.” Mukuru anotofanira kuva munhu akasununguka kuti akwanise kuchengetedza, kuzorodza, uye kubatsira makwai. Asi chokwadi ndechekuti hazvisi nyore kuita izvi nekuti vakuru vane mutoro wakakura wavanofanira kutakura mumazuva ano akaipa atiri kurarama. Kunyange zvakadaro, vakuru havafaniri kuita kuti makwai aJehovha afunge kuti vakanyanya kubatikana zvekushaya nguva yekuvabatsira. (1 Petro 5:2) Asi vamwe vari muungano vanoratidzawo kunzwisisa pane zvavanotarisira kuitirwa nevarume ava vakatendeka. Hama nehanzvadzi dziri muungano dzinoramba dzichitsigira zvinotaurwa nevakuru ava, dzichiratidza kuzvininipisa.—VaHebheru 13:17.

21. Vabereki vangaita sei kuti vana vavo vasatya kutaura navo, uye tichakurukurei muchitsauko chinotevera?

21 Vabereki vanoita zvese zvavanogona kuti vana vavo vazive kuti vanogona kutaura navo chero pavadira. Iyi haisi nyaya yekutamba nayo! Vana ngavazive kuti havafaniri kutya kutaura namhamha kana baba. Saka zvinokosha kuti vabereki vechiKristu vasakurumidza kugumbuka kana mwana akavaudza zvaanenge akanganisa kana kuti vakaona kuti ane mamwe mafungiro asina kunaka aanofanira kugadzirisa. Ichokwadi kuti vabereki vanofanira kutsiura vana vavo dzimwe nguva, asi vanofanira kuzviita nenzira inoita kuti mwana asabva atya kuzovaudza zvimwe zvaari kusangana nazvo. Tese zvedu tinoda kuramba tichitevedzera Jesu pakuva vanhu vanotaurika navo. Asi pane chimwe chinhu chaiita kuti Jesu ave munhu anotaurika naye. Jesu ainzwira vanhu tsitsi. Izvi ndizvo zvatichakurukura muchitsauko chinotevera.