Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sumo

Sumo

Kumuverengi Anodiwa:

“Uya uve muteveri wangu.” (Mako 10:21) Mashoko aya anoratidza kuti Jesu Kristu ari kutikumbira kuti timutevere. Uri kubvuma zvaari kukukumbira here? Kana ukabvuma, zvichakubatsira zvikuru muupenyu hwako. Sei tichidaro?

Jehovha akatuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga pasi pano kuti ape upenyu hwake kuti huve rudzikinuro. (Johani 3:16) Kuwedzera pakutifira, akatiratidza mararamiro atinofanira kuita. Akararama upenyu hwake hwese achiratidza kuti akaperera kuna Baba vake uye aigara achifadza mwoyo wavo. Jesu akatiratidzawo kuti tingatevedzera sei Baba vake. Mwanakomana akanyatsorarama achiratidza nzira dzaBaba vake uye kuda kwavo.—Johani 14:9.

Bhaibheri rinoti Jesu “muenzaniso” wekuti ‘tifambe tichitevera maakatsika namo.’ (1 Petro 2:21) Kana tichida kuswedera pedyo naJehovha, kana tichida kuva neupenyu hunonyatsogutsa iye zvino, uye kana tichida kuramba tiri munzira inoenda kuupenyu husingaperi, tinofanira kutsika nemakatsika Kristu.

Kuti titange rwendo urwu, tinofanira kuongorora mararamiro akaita Jesu pasi pano. Saka tinofanira kunyatsodzidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvaJesu. Kufungisisa zvakataurwa naJesu uye zvaakaita uye kuona kuti tingamutevedzera sei pamatauriro edu uye maitiro edu zvichatibatsira kunyatsomutevedzera.

Bhuku rino richakubatsira kuwedzera kuda kwaunoita Jesu uye Jehovha. Rudo irworwo ngaruite kuti unyatsotevera makatsika naJesu kuitira kuti ufadze mwoyo waJehovha iye zvino uye nekusingaperi.

Vabudisi