CHIKAMU 1
Kusika Kusvikira Kumafashamo
Ko matenga napasi zvakabva kupi? Ko zuva, mwedzi nenyeredzi, uyewo nezvinhu zvizhinji zviri pasi pano, zvakavapo sei? Bhaibheri rinopa mhinduro yechokwadi parinoti zvakasikwa naMwari. Nokudaro bhuku redu rinovamba nenhau dzeBhaibheri dzinoreva nezvokusika.
Tinodzidza kuti zvisikwo zvokutanga zvaMwari zvaiva vanhu vokumudzimu vakati fananei naye amene. Zvaiva ngirozi. Asi pasi rakasikirwa vanhu vakadai sesu. Nokudaro Mwari akaita murume nomukadzi vainzi Adhama naEvha ndokuvaisa mubindu rakaisvonaka. Asi havana kuteerera Mwari uye vakarashikirwa namaruramiro okupfuurira kurarama.
Ose, kubvira pakusikwa kwaAdhama kusvikira Kumafashamo makuru, paiva namakore 1 656. vanhu vazhinji vakashata vakararama munguva iyi. Mudenga, maiva navanhu vasingaoneki vokumudzimu, Satani nengirozi dzake dzakashata. Pasi pano, paiva naKaini navamwe vanhu vazhinji vakashata, kubatanidza navamwe vanhu vechienzi vane simba. Asika pasi pano paivawo navanhu vakanaka—Abheri, Enoki naNoa. Muchikamu CHOKUTANGA ticharava nezvavanhu vose ava nezvinoitika.
ZVIRI MUCHIKAMU CHINO
NHAU 1
Mwari Anovamba Kuita Zvinhu
Nyaya yekusikwa iri muna Genesisi iri nyore zvekuti inogona kunzwisiswa nevana.
NHAU 2
Bindu Rakaisvonaka
Maererano nezvinotaurwa munaGenesisi, Mwari akaita kuti bindu reEdheni rive nzvimbo yakanaka. Mwari anoda kuti nyika yese iite sezvakanga zvakaita bindu iroro rakanaka.
NHAU 3
Murume Nomukadzi Vokutanga
Mwari akasika Adhama naEvha akavaisa mubindu reEdheni. Vakabva vava murume nemudzimai vekutanga vakaroorana.
NHAU 4
Nei Vakarasikirwa Nomusha Wavo
Nyaya yeBhaibheri iri muna Genesisi inotiudza kuti paradhiso yakarasika sei.
NHAU 5
Upenyu hwakaoma hunovamba
Adhama naEvha vakasangana nematambudziko akawanda pavakabudiswa mubindu reEdheni. Kudai vakateerera Mwari,ivo nevana vano vangadai vakararama upenyu hunofadza.
NHAU 6
Mwanakomana Akanaka, Nowakaipa
Nyaya yaKaini naAbheri iri muna Genesisi, inotidzidzisa kuti tinofanira kuva vanhu vakaita sei uye unhu hwatinofanira kukurumidza kugadzirisa.
NHAU 7
Murume Akashinga
Nyaya yaEnoki inoratidza kuti tinogona kuita zvakanaka kunyange vanhu vanenge vakatipoteredza vachiita zvakaipa.
NHAU 8
Hofori Mupasi
Chitsauko 6 chaGenesisi chinotaura nezvehofori dzaiva neutsinye. Hofori idzodzo dzainzi vaNefirimu, dzaiva vana vengirozi dzakapanduka, dzakabva kudenga dzikauya panyika kuzorarama sevanhu.
NHAU 9
Noa Anovaka Areka
Noa nemhuri yake vakapona nekuti vakateerera Mwari kunyange zvazvo vamwe vanhu vairamba kuteerera.
NHAU 10
Mafashamo Makuru
Vanhu vaiseka pavaiyambirwa naNoa nezvemafashamo. Asi paazotanga, zvekuseka zvakabva zvapera! Dzidza kuti areka yakaponesa sei Noa, mhuri yake, nemhuka dzakawanda.