Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 1

Kusika Kusvikira Kumafashamo

Kusika Kusvikira Kumafashamo

Ko matenga napasi zvakabva kupi? Ko zuva, mwedzi nenyeredzi, uyewo nezvinhu zvizhinji zviri pasi pano, zvakavapo sei? Bhaibheri rinopa mhinduro yechokwadi parinoti zvakasikwa naMwari. Nokudaro bhuku redu rinovamba nenhau dzeBhaibheri dzinoreva nezvokusika.

Tinodzidza kuti zvisikwo zvokutanga zvaMwari zvaiva vanhu vokumudzimu vakati fananei naye amene. Zvaiva ngirozi. Asi pasi rakasikirwa vanhu vakadai sesu. Nokudaro Mwari akaita murume nomukadzi vainzi Adhama naEvha ndokuvaisa mubindu rakaisvonaka. Asi havana kuteerera Mwari uye vakarashikirwa namaruramiro okupfuurira kurarama.

Ose, kubvira pakusikwa kwaAdhama kusvikira Kumafashamo makuru, paiva namakore 1 656. vanhu vazhinji vakashata vakararama munguva iyi. Mudenga, maiva navanhu vasingaoneki vokumudzimu, Satani nengirozi dzake dzakashata. Pasi pano, paiva naKaini navamwe vanhu vazhinji vakashata, kubatanidza navamwe vanhu vechienzi vane simba. Asika pasi pano paivawo navanhu vakanaka—Abheri, Enoki naNoa. Muchikamu CHOKUTANGA ticharava nezvavanhu vose ava nezvinoitika.

 

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

NHAU 1

Mwari Anovamba Kuita Zvinhu

Nyaya yekusikwa iri muna Genesisi iri nyore zvekuti inogona kunzwisiswa nevana.

NHAU 2

Bindu Rakaisvonaka

Maererano nezvinotaurwa munaGenesisi, Mwari akaita kuti bindu reEdheni rive nzvimbo yakanaka. Mwari anoda kuti nyika yese iite sezvakanga zvakaita bindu iroro rakanaka.

NHAU 3

Murume Nomukadzi Vokutanga

Mwari akasika Adhama naEvha akavaisa mubindu reEdheni. Vakabva vava murume nemudzimai vekutanga vakaroorana.

NHAU 4

Nei Vakarasikirwa Nomusha Wavo

Nyaya yeBhaibheri iri muna Genesisi inotiudza kuti paradhiso yakarasika sei.

NHAU 5

Upenyu hwakaoma hunovamba

Adhama naEvha vakasangana nematambudziko akawanda pavakabudiswa mubindu reEdheni. Kudai vakateerera Mwari,ivo nevana vano vangadai vakararama upenyu hunofadza.

NHAU 6

Mwanakomana Akanaka, Nowakaipa

Nyaya yaKaini naAbheri iri muna Genesisi, inotidzidzisa kuti tinofanira kuva vanhu vakaita sei uye unhu hwatinofanira kukurumidza kugadzirisa.

NHAU 7

Murume Akashinga

Nyaya yaEnoki inoratidza kuti tinogona kuita zvakanaka kunyange vanhu vanenge vakatipoteredza vachiita zvakaipa.

NHAU 8

Hofori Mupasi

Chitsauko 6 chaGenesisi chinotaura nezvehofori dzaiva neutsinye. Hofori idzodzo dzainzi vaNefirimu, dzaiva vana vengirozi dzakapanduka, dzakabva kudenga dzikauya panyika kuzorarama sevanhu.

NHAU 9

Noa Anovaka Areka

Noa nemhuri yake vakapona nekuti vakateerera Mwari kunyange zvazvo vamwe vanhu vairamba kuteerera.

NHAU 10

Mafashamo Makuru

Vanhu vaiseka pavaiyambirwa naNoa nezvemafashamo. Asi paazotanga, zvekuseka zvakabva zvapera! Dzidza kuti areka yakaponesa sei Noa, mhuri yake, nemhuka dzakawanda.