Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 3

Murume Nomukadzi Vokutanga

Murume Nomukadzi Vokutanga

CHII chakasiana mumufananidzo uyu? Hungu, ndivo vanhu vari mauri. Ndivo murume nomukadzi vokutanga. Vakaitwa nani? NaMwari. Unoziva zita rake here? NdiJehovha. Uye murume nomukadzi vakaidzwa kuti Adhama naEvha.

Aya ndiwo maitirwe akaitwa Adhama naJehovha Mwari. Akatora guruva muvhu ndokuumba muviri wakakwana naro, muviri womunhu. Tevere akafuridzira mumhino dzomunhu, Adhama ndokuva mupenyu.

Jehovha Mwari aiva nebasa raAdhama. Akaudza Adhama kutumidza mazita marudzi ose akasiyana emhuka. Adhama angave akaona mhuka kwenguva refu kuti agosarudza mazita akanakisisa adzo dzose. Adhama achingunotumidza mhuka mazita akavamba kuona chimwe chinhu. Unoziva here kuti chaivei?

Mhuka dzose dzaiva navakwanyina. Kwaiva nemikono yenzou nehadzi, nemikono yeshumba nehadzi. Asi Adhama aiva asina mumwe wokuva mukwanyina wake. Nokudaro Jehovha akaita kuti Adhama abatwe nehope zvikuru, uye akatora rumbabvu parutivi pake. Achishandisa urwu rumbabvu, Jehovha akaitira Adhama mukadzi, iye ndokuva mudzimai wake.

Haiwa Adhama akafara sei zvino! Uye funga kuti Evha anofanira kuve akafara sei kuiswa mubindu rakaisvonaka kudai mokugara! Zvino vaigona kuva navana ndokugara pamwe chete nomufaro.

Jehovha aida kuti Adhama naEvha vararame narini. Aida kuti vatsvindise pasi rose sebindu reEdheni. Haiwa Adhama naEvha vanofanira kuve vakafara sei pavakafunga nezvokuita ikoku! Waizodai wakada kugoverana mukuita pasi bindu rakanakisisa here? Asika mufarwa waAdhama naEvha hauna kugara narini. Ngationei kuti nei.