Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 9

Noa Anovaka Areka

Noa Anovaka Areka

NOA aiva nomudzimai navakomana vatatu. Mazita avanakomana vake aiva Shemi, Hami, naJafeti. Uye ava vanakomana vaiva navadzimai. Saka mumhuri yaNoa maiva navanhu vasere.

Mwari zvino akaitisa Noa chinhu chechienzi. Akamuudza kuvaka ziareka. Areka iyi yakanga iri hombe sechikepe, asi yaioneka zvikuru sebhokisi guru, refu. ‘Iite huriri hutatu mukukwirira,’ Mwari akadaro, ‘uye ita makamuri mairi.’ Makamuri aiva aNoa nemhuri yake, mhuka, nezvokudya zvavaizoda vose.

Mwari akaudzawo Noa kunamira areka kuti mvura igorega kupinda. Mwari akati: ‘Ndichauyisa mafashamo makuru emvura ndokuparadza nyika yose. Ari wose asiri muareka achafa.’

Noa nevanakomana vake vakaterera Jehovha ndokutanga kuvaka. Asi vamwe vanhu vakangoseka havo. Vakapfuurira kuipa. Hakuna munhu aidavira Noa paaivaudza chaizoitwa naMwari.

Kuvaka areka kwakatora nguva refu nokuti yakanga yakakurisa. Pakupedzisira, pashure pamakore mazhinji, yakapera. Zvino Mwari akaudza Noa kupinza mhuka muareka. Mwari akataura kupinza mbiri mbiri dzamamwe marudzi emhuka, mukono nehadzi. Asi dzamamwe marudzi emhuka, Mwari akaudza Noa kupinza nomwe nomwe. Mwari akaudzawo Noa kupinza marudzi ose akasiyana-siyana eshiri. Noa akaita.

Pashure pacho, Noa nemhuri yake vakapindawo muareka. Ipapo Mwari akapfiga suo. Vari mukati, Noa nemhuri yake vakamirira. Chimbofunga kuti uri muareka pamwe chete navo, uchimirira. Kwaizova namafashamo zvomenemene here sokutaura kwaMwari?