Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 7

Murume Akashinga

Murume Akashinga

VANHU zvavakavamba kuwanda papasi, uzhinji hwavo hwakaita zvinhu zvakaipa saKaini. Asi mumwe murume aiva akasiyana. Ndiye murume uyu ainzi Enoki. Enoki aiva murume akashinga. Vanhu vakamupoterera vaiita zvinhu zvakashata kwazvo, asi Enoki akangopfuurira kubatira Mwari.

Unoziva here kuti nei vanhuvo panguvayo vaiita zvinhu zvizhinji kwazvo zvakaipa? Eya, funga, Ndianiko akasakisa Adhama naEvha kusaterera Mwari ndokudya muchero wakanzi naMwari havafaniri kudya? Yaiva ngirozi yakaipa. Bhaibheri rinoiidza kuti Satani. Uye ari kuedza kuti ari wose ave akaipa.

Rimwe zuva Jehovha Mwari akaita kuti Enoki azivise vanhu chimwe chinhu chavasina kuda kunzwa. Ndeichi: ‘Pane rimwe zuva Mwari achaparadza vanhu vose vakaipa.’ Zvimwe vanhu vakatsamwa zvikuru kunzwa izvi. Vangatove vakaedza kuuraya Enoki. Saka Enoki aitoda kuva akashinga kuzivisa vanhu nezvechaizoitwa naMwari.

Mwari haana kurega Enoki achigara nguva refu pakati pavanhuvo vakaipa. Enoki akararama makore 365 bedzi. Neiko tichiti “makore 365 bedzi”? Nokuti vanhu mumazuvawo vanga vakasimba zvikuru kupinda zvino uye vairarama nguva refu kwazvo. Idika, mwanakomana waEnoki Metusera akararama makore 969!

Eya, Enoki afa, vanhu vakangoramba vachiipisisa. Bhaibheri rinoti ‘chiri chose chavaifunga chakanga chakashata nguva yose,’ uye kuti ‘pasi rakazadzwa namasimba masimba.’

Unoziva here chimwe chezvikonzero nei papasi paiva nechinetso chikurusa mumazuvawo? Imhaka yokuti Satani akanga ane nzira itsva yokuita kuti vanhu vaite zvakaipa. Tichadzidzazve pamusoro payo.