Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 1

Mwari Anovamba Kuita Zvinhu

Mwari Anovamba Kuita Zvinhu

ZVINHU zvose zvakanaka zvatinazvo zvinobva kuna Mwari. Akaita zuva kuti ritipe chiedza masikati, uye mwedzi nenyeredzi kuti tigova nechiedza usiku. Uye Mwari akatiitira pasi kuti tirarame pariri.

Asi zuva, mwedzi, nyeredzi napasi hazvisaiva zvinhu zvokutanga zvakaitwa naMwari. Unoziva chaiva chokutanga here? Mwari akatanga kuita vanhu vakafanana naye amene. Hatingaoni ava vanhu, sezvatisingaoniwo Mwari. MuBhaibheri ava vanhu vanonzi ngirozi. Mwari akaita ngirozi kuti dzigare naye amene mudenga.

Ngirozi yokutanga yakaitwa naMwari yaikosha kwazvo. Yaiva mwanakomana wokutanga waMwari, akashanda naBaba vake. Akabetsera Mwari kuita zvimwe zvinhu zvose. Akabetsera Mwari kuita zuva, mwedzi, nyeredzi nepasi reduwo.

Ko pasi raiva rakadini panguvayo? Mukuvamba hapana aigona kugara pasi pano. Paiva pasina chinhu kunze kwegungwa rimwe remvura munyika yose. Asi Mwari aida kuti vanhu vagare papasi. Nokudaro akavamba kutigadzirira zvinhu. Akaiteiko?

Eya, kutanga pasi raida chiedza. Nokudaro Mwari akaita kuti chiedza chinobva kuzuva chipenyere papasi. Akachiita kuti pagova nezvose zviiri usiku namasikati. Pashure pacho Mwari akaita kuti nyika ibude pamusoro pemvura yegungwa.

Pakutanga paiva pasina chinhu panyika. Paioneka somufananidzo waunoona pano. Paiva pasina maruva, miti nemhuka. Mumakungwa maiva musina nehove ipi neipi. Mwari akanga ane basa rakawanda rokuita kuita kuti pasi rinakire zvikurusa mhuka navanhu vokugara pariri.